SEKE 5 PRIMARY
GRADE 5 CHISHONA PAPER 2
MID YEAR EXAMINATION JULY 2024
CHIKAMU CHOKUTANGA [20 marks]
Sarudza musoro umwe chete pane inotevera
1(a) Muchato wakandifadza
(b) Kukosha kwemiti
(c) Nyora tsamba kune imwe hama yako uchiikumbira mari yechikoro.
(d) Nyora rondedzero inodudzira tsumo yokuti “Rugare tange nhamo”
(e) Basa randinoda kuita kana ndakura
1
CHIKAMU CHEPIRI [10 marks}
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo yakapiwa nezvirevo zvizere.
Kubvira pasichigare musha wega wega kana kuti mana rega rega raive nenzvimbo yainzi dare
kana kuti chivara. Ndiyo nzvimbo yaiungana varume vemusha kana kuti vemana. Mauro ega ega
varume vaienda kundogara nevamwe pachivara. Zvekare pamangwanani nenguva
dzemambakwedza varume vaimuka vachinanga kudare kana kusina kwavaimhanyira. Kare
zvainyadzisa kuona munhurume achifuma agere mumba make kana kuvirirwa nezuva arimo
asingaende padare paive nevamwe varume. Varume vaiita izvi vainzi vakapusa kana kuti
vakadyiswa mupfuhwira nevakadzi vavo.
Vakuru vaiwanzotsvaga nzvimbo yekuitira dare yakati faranukei. Pamwe vaitsvaga nzvimbo iri
pedyo nezimuti zihombe, pamwewo pajinga pechuru. Vamwe vaizoronga rusosa rwematombo
kurikuda kudzivirira mhepo. Nzvimbo yechivara yakange isingapfirirwe uye yaionekwa nechoto.
Tsika yechivara iyi yaiunza kubatana, nekunzwanana, kuwirirana uye mushandirapamwe. Kwete
zvemazvake-zvake zvaveko mazuva ano. Upenyu, magariro nehunhu hwevanhurume zvaiumbwa
pachivara. Vanhurume vemusha vaironga pamwe chete zvirongwa zvakaita semajana ekufudza
zvipfuyo uye nhimbe. Chivara yaivewo nzvimbo yekutandarira yevanhurume vabva zera. Ndipo
pavaitaurirana nyaya dzinosetsa dzinoti nyambo kana kudya nyaya. Kana gunere, sadza riya
rinobikirwa baba vemusha kuti vadye, raidyirwa padare. Tsika yechivara yaive yakanaka chose.
Mibvunzo
1. Chii chaiitwa pasichigare? [1]
2. Padare/ Chivara paigarwa nani? [1]
3. Varume vainge vasingaendi padare pane vamwe varume vainzi vakaitwa sei? [1]
4. Sadza rinobikirwa baba vemusha mangwanani rinonzi…………………… [1]
5. Nguva dzemangwanani-ngwanani zuva risati rabuda dzinonzi…………………… [1]
Pfupiso [5 marks]
Mumazwi asingapfuri makumi matatu nemashanu (35 words) nyora pfupiso uchitaura kuti tsika
yechivara yaiunza chii/ yaibatsira chii kuvanhurume.