GRADE 4 CHISHON
PAPER 1 BVUNZO
VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO
Vanhu vazhinji vakange vatambura nemwana wemuera Soko, Tamuka, uyo aiva neruoko
rurefu. Aiti kana asvika pamusha, achibvapo vaimhanyidzana kutarisa midziyo yavo kuti
yakakwana yese here. Aimborohwa zvakaoma abatwa achiba asi ainge asingaregi basa
rake iri.
Rimwe zuva Tamuka akapinda mumba memumwe murume kuti abe. Muridzi wemba
haana kumboita hanya nazvo. Tamuka akazonzwa chibhegi chaainge aba chotaura
kuti,”ndidzosere hama yangu kana uchida upenyu”. Iye akati manyepo nokuti mubhegi
maive nemari zhinji. Paakapinza ruoko akanzwa kubatwa akaedza kubvisa asi
zvakaramba. Wanei ruoko rwongorumwa nechinhu chaasingaoni.
1. Aiera soko ndi -----------------------
A mwana B Tamuka C muridzi wemba D soko
2. Kuva neruoko rurefu kudii
A kuera soko B Tamuka C kuba D kurohwa
3. Vanhu vaimhanyidzana
A kuchengetedza midziyo
B kurova Tamuka
C kuperekedza Tamuka
D kutarisa midziyo
4. Kusaita hanya kudii?
A kuba B kusava neshungu C kupinda mumba D kurohwa
5. Tamuka akaba chii
A midziyo B umba C bhegi D chikwama
6. Chibhegi chaive chaani?
A cheumwe murume B chaTamuka C chevanhu D chemuera soko
7. Nemhaka yei Tamuka asina kuda kudzosera bhegi iri?
A aitya kurohwa B aitya kusungwa C chaiva nemari D chairema
8. Basa ririkunzi Tamuka haana kuda kuregedza ndere----------------
A kuba B kurima C kurohwa D kutengesa
ZADZISA NEZWI RAKAKODZERA
9. Musoro wambuya vedu wachena kuti--------------
A zvii B mbu-u C ndo-o D bha-a
10.Tendai akati tana--------------------nyaya
A kubvuma B kutaura C kuramba D kuteera
11.Kurara nezamu mukanwa
A kungwara B kuguta C kufarisa D kupusa
DUDZIRA MDIMIKIRA ANOTEVERA
12.Kubereka tsoka
A kutiza B kufambisa C kuremerwa D kutamba
13.Kutungana kwembudzi
A kuseka B kutanga C kurwa D kutambura
14.Kuoma mate mukanwa
A inzara B inyota C kunetseka D kushamisika
15.Kuva nemeso meso
A kuba B kuita ruchiva C kuroya D kuonesesa
Sarudza izwi rinopikisana nerakatarwa
16.Mambo tagara kwenguva refu
A muranda B munyayi C mupurisa D muchinda
17.Mbuya vatinogara nawo vane utsinye
A pfini B unhu C shanje D tsiye nyoro
18.Murume uyu murefu
A zirume B varume C mukadzi D vakadzi
19.Enda mberi kwavo vose
A shure B mberi mberi C pamberi D mberi
VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO
“Chiona, Nyemudzai, nhasi wave kuenda kumurume wako. Ndinoziva uchataurirwa mashoko
akanaka neakaipa mberi ikoko. Asika, mwanangu usatinyadzise. Unofanira kuva mugashira
zvose homwe yerombe. Muti wemuroora pamusha unobva mumaoko ako. Tamba nebadza,
mwanangu nekuti chinounza mafuta chiri seri kweguyo. Matukano pamusha haaperi saka
usateerera.
20.Ndiani ari kuraira mwanasikana mundima iyi?
A Nyemudzai B Chiona C amai vake D vamwene
21.Mwanasikana ive akuenda kupi?
A kumurume B mberi C kubasa D kunokuya
22.Kana zvichinzi “Muti wemuroora pamusha unobva muruoko rwake” zvinoreva kuti-----
A muroora anofanira kushanda
B muroora anofanira kugara nemushonga
C muroora anofanira kugara nemushonga muruoko
D muroora anofanira kuenda kun’anga
23. Guyo rinoshandiswa A kugaya B kutswa C kukuya D kupepeta
24.Kutamba nebadza zvinoreva ------------------------
A kurima B unyope C kupusa D kungwara
25.Izwi rinoreva kupopotedzana riri mundima ndi ----------------------------
A kunyadzisa B rombe C matukano D mashoko
26.Kuti “chinounza mafuta chiri seri kweguyo” idimikira rinoreva kuti zvinonaka
zvinouya A neguyo B nemafuta C nekushanda D nekuseri
ZADZISA TSUMO DZINOTEVERA
27.Reva ishe ------------------------
A. wakakwira pachuru B charamba hope C muranda kumwe D madzoro
28 -----------------------bere rakadya richifamba
A charovedzera charovedzera B chinono chinengwe C.
fungira mumwoyo D mhembwe rudzi
29.Totenda dzanwa -------------------
A dzaswera nebenzi B usiku urefu C mhou dzine vana D tadya chakata
30.Mhembwe rudzi inozvara mwana----------------------------------------
A yakura B mukono C ane kazhumu D ichifamba
SARUDZA IZWI RINOREVA ZVAKAFANANA NERAKATARWA
31.Ndinofarira nguva yemaenza
A chirimo B chando C matsutso D zhizha
32.Rudo ane usimbe
A kuomera B unyope C hope D shasha
33.Dzidzo inhaka yeupenyu
A hwaro B kurarama C fundo D bvunzo
34.Azvitswanya nenyundo pahuma
A nedemo B nesando C nebadza D netsvimbo
ISA MAZWI ANOTEVERA MUUZHINJI
35.Ganda
A makanda B zviganda C ganda D maganda
36.Chituro -------------
A katuro B maturo C mituro D zvituro
ZADZISA SAMATAURIRO EDU
37.Mombe yedu--------------------------chaizvo zvokuti nhasi tinowana mukaka wakawanda
A yakuma B yaonda C yasisa D yamhanya
38.Mombe yeumai inobviswa
A parufu B pakutizira C pakuroora D pamuchato
39.Musikana ane chiso chakanaka anonzi----------
A chipukandipemwenje B tsvarakadenga C jerenyenje D tsikombi
Chishona Paper 1
Grade 4
Pindura mibvunzo yose
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo
Handimunhu akauya pamutambo wokupedzisa gore pachikoro chokwaMakwara.Mudzidzisi
mukuru vaMutamiswa vakange vakoka vanhu vakawanda.Varume nevakadzi vakadirana
pachikoro,vechidiki vaive masvosve kuwanda.Vana vechikoro navadzidzisi vavo vakauya
vakapfeka nekushambidzika.Mufundisi Zimwaya vakakokwa kuti vave mutauri mukuru.
1. Kuti vechidiki vaive masvosve zvinoreva kuti …………. A. vakange vari vadiki
B. vakange vakawanda C. vaifamba vachinanaira D. vakange vachiruma
2. VaZimwaya vaive …………… A.mudzidzisi B.mutumwa C.murairidzi D.mufundisi
3. Zita rechikoro rainzi ………….A.Gumbai B Makwara C. Zimwaya D. Mutambo
4. Mufundisi akadanirwei? A.kuzotaura B.kuzovhura chikoro C.kuzodzidzisa
D.kuzotanda masvosve
5. Kushambidzika ku ………. A. koka B.taura C.tarisika D.dzidzisa
Basa romutauro
6. Mwana wegondo anonzi …………A.nyana B.hangaiwa C.nhiyo D.ganga
7. Mwana wedafi anonzi ……..A.ngurusi B.buruuru C.dzetse D.gakanje
8. Imba inochengeterwa huku inonzi ………….A.chikwere B.gore C.dangaD.chizarira
9. Hari inobikirwa sadza inonzi ………….A.shambakodzi B.hadyana C.chirongo D.pfuko
10.Imba inorara vasikana inonzi ………..A.nhanga B.gota C.hozi D.tsapi
11.Mwana wekupedzisira mumhuri anonzi……….A. Dangwe B.Tsiru C.Gotwe D.Mukoma
Verenga tsamba ugopindura mibvunzo
House number 1942
Mbema Street
Chipato Township
Wedza
24 Chikumi 2008
Anodiwa Svinurai
Ndanyora tsamba iyi ndichikukoka kumutambo wokupemberera mukoma wangu,Ranganai
akabudirira pazvidzidzo zvake zvoUkoti pachipatara cheMpilo.Mutambo uyu uchaitirwa
pamba pedu nomusi wa 30 Chikumi 2008 uchatanga masikati .Kunenge kuine kudya
kwakasiyana siyana pamwe nezvitekenya nyama zvakasiyana-siyana.
Ndinovimba uchauya. Farisa baba namai vako.
Ndini shamwari yako
Tarubva
12. Mutambo waiva wokupemberera ani? A.bhavhande raRanganai
B.kubudirira kwaRanganai C.kubudirira rwaTarubva D.kuzvarwa kwaRanganai
13. Ndiani ari kukokwa kumutambo? A.Tarubva B.Ranganai C.Svinurai D.Mpilo
14. Munyori wetsamba anogara kupi? A.Harare B.Masvingo C.Wedza D. Mpilo
15. Akanyora tsamba ndi ………….A.Tarubva B.Ranganai
C.SvinuraiD.Mpilo
16. Zvinotekenyedza nyama zvinhu ………….A.zvinotyisa B.zvinofadza
C.zvinotsamwisa D.zvinosuwisa
Basa romutauro
17. Munda unorimwa nzungu unonzi…….A.doro B.tseu C.bani D.nhomu
18. Munda usingacharimwi unonzi …………. A.gan’a B.gura C.gombo D.zunde
19. Nyanzvi yokuvhima inonzi ………….A.gweta B.tsvimborume C.hombarume D.tsuri
20. Nyanzvi yokurapa inonzi …………. A.hurudza B.chiremba C.godobori D.mhizha
21. Munhu anokubereka ndiye ………vako. A.amai B.mukoma C.sekuru D.baba
22. Hanzvadzi yaamai vako ndiye ……vako. A.mbuya B.tezvara C.muzukuru
D.sekuru
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo inotevera
Changamire! kusatenda Huroyi chokwadi.Ini ndiri mukomana ane makore gumi nemana
okuberekwa.Ndirikuda kutenda basa guru rakaitwa nehurumende kubva apo takawana
kuzvitonga kuzere.Vanhu vose vava kukwanisa kupinda chikoro ,ndumurwa neawo vabva
zera.Kare zvikoro zvaiva zvishoma uye zvaizotadzwa kupindwa navazhinji nokuti vamwe
vaiva vasina mari.Mazuva ano zvinhu zvashanduka ,kuita bofu kuda.Zvikoro zvava mavhu
namarara .Tinotenda nemarongero akadai ehurumende.
23. Ari kutaura munyaya iyi………… A.igurukota rehurumende
B.mutungamiri wenyika C.ndichangamire D.mukomana
24. Vabva zera zvinoreva ………. A.vanhu vanodzidza
B. vanhu vakura vozvifungira C. vanhu vane makore gumi D. ndumure
25. Munyori ari kutenda ………….A.vanhu vabva zera B.ndumure C.changamire
D.hurumende
26. Mavhu nemarara zvinoreva kutii munyaya? A.nyika yava yedu B.nyika
yashata C.kwava neutsvina D.zvikoro zvawanda chose
27. Zvanzi ‘kuita bofu kuda mazuva ano’ nokuti ………A. zvikoro zvawanda
B.vanhu vakawandisa C.zvipatara zvawanda D.vamwe havadi kurapwa
28. Mwanakomana uyu aiva nemakore mangani ?
A. pakati pegumi nemakumi maviri B. pakati pemakumi maviri nemana
C. pakati pegumi nematatu D. pakati pemakumi maviri
Basa romutauro
29. Ruvhunza waeni inguva ipi? A .mangwanani B.masikati C.zuva rodoka
D.mashamba nzou
30. Mwedzi wechinomwe wegore ndi ………. …… A.Chikunguru
B.Chikumi C.Bandwe D.Gunyana
31. Mwaka wokunaya kwemvura unonzi …………………….
A. matsutso B.zhizha C.chando D.chirimo.
32. Kubvisa mbesa dzaibva mumunda kunonzi ……………….
A. kupura B.kukohwa C.kukamba D.kuruvira
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo inotevera
VaMatamba akanga ari munhu murombo chose.Vanhu vekwaMatamba kubvira pasichigare
urombo chaive chipo chavo.Sekuru vake vaiti kana vaenda kundovhima vamwe vaiuraya
mhuka dzine matehwe asi ivo vaiuraya tsuro kana hanga.Ivo sekuru vaingoti ‘Ahh !’
hazvinei ose mashamba ‘!.Imwe tsumo ikanzizve nevakuru murombo haarovi chine nguwo.
33. Vanhu vose vokwaMatamba vaive ……………..
A. varombo B. vapfumi C. hombarume D.madzishe
34. Sekuru Matamba vaibata …………..
A.nhoro B.mhembwe C.tsuro D.huku
35. Pasichigare zvinoreva ……… A.kare kare B.gore rapera C.zvino D.manheru
36. Murombo haarovi chine ………….A.muto B.nguwo C.nyanga D.mwana
Manzwi anopesana
37. Dangwe ……. A. sekuru B. Mbuya C. vana D. Gotwe
38. Pfunya……… A. gonya B. reba C. tambarara D. famba
Manzwi muuzhinji
39. Munda ……… A. Maminda B. Zimunda C. Munda D. Minda
40. Gumbo…….. A. Zigumbo B. Gumbo C. Magumbo D. Makumbo