GRADE 5
END OF TERM 1
SHONA
PAPER 1
VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO
INOTEVERA
Mushure medzimwe vhiki mbiri vachinamatirwa namuporofita Bhezero ,
VaMukanya vakaona gumbo rotobuda hurwa netukonye. Vakabva vaziva
kuti hurwere hwagodza zvino. Ndivo vakazokumbira munin`ina wavo
kuti avamhanyise kuchipatara chepaZvimba. Motokari yacho yaiita
zvekubhururuka chaizvo . VaTembo mudzidzisi wepaMwenje akanga
atenga motokari nemari yekurima chibage makei. Chiremba akasvikoti ,
’inga gumbo renyu musharukwa ratoipa zvakanyanya, manga muripi
navo nguva yese iyi?’ VaMadube mudzimai wavo aingosvimha misodzi
chete. Vakazodamburwa gumbo nepabvi ndokupiwa madondoro.
 1 . Munhu anorwara akanamatirwa nani?
      A VaMukanya B Muporofita Bhezero C VaMaDube D VaTembo
 2 . Ndiani airwara negumbo?
      A Muporofita Bhezero B VaMukanya C Vatembo D VaMaDube
 3. Vakazonorapwa kuchipatara chekupi?
      A Zvimba B Chepachikoro C Chiremba D Mwenje
 4. Mwenje chaiva chii?
      A Mudzidzisi B Chipatara C Chikoro D Motokari
 5. Chii chaibuda pagumbo raVaMukanya?
       A honye     B hurwa netukonye hurwa C hurwa D honye ne
hurwa
 6. Mota yaibhururuka zvinoreva kuti chii?
        A yaibhururuka mumhepo        B yaimhanyisa C yainanaira
D yaifamba
 7. Tipe izwi rinoreva urwere hwaiva hwakura
        A hwagodza B madondoro C kubhururuka D kusvimha
misodzi
 8. Madondoro aiva ei?
         A ekudambura gumbo B ekutyairisa mota      C ekufambisa
D ekurara nawo
  MADIMIKIRA
9. kunzwa parere moyo
      A kurara    B kugutsikana             C kunzwa      D kufara
 IPA DIMIKIRA RINOENDERANA NETSANANGUDZO
YAKAPIWA
  10. Fungai akaita zvisingazombokanganwika
      A kuita zvinogara zvakadaro    B kuita masiya ndaita               C
kunyangira yaona    D kurara nezamu mukanwa
  TSUMO
   11. Chinokanganwa idemo , chitsiga ..........................
        A chinopisa  B hachikanganwi          C chinotyora           D
hachitemeke
  IPA TSUMO INOREVA ZVIMWECHETE NEYAKAPIWA
  12. chida moyo hamba yakada makwati
        A rume rimwe harikombe churu  B Moyo muti unomera
paunoda
        C chinobhururuka chinomhara   D shiri yemusaririra ndiyo
yemhina
   UZHINJI
  13. rukukwe . Vasikana vagere parukukwe vachiruka
       A marukukwe B hukwe      C rukukwe D zvirirukukwe
   USHOMA
  14. Mvura yakanaya yakawandisa gore rakapera
       A tumvura B mimvura C mvura D zvimvura
  VERENGA NDIMA IYI UGOPINDURA MIBVUNZO
INOTEVERA
        Vakakomborerwa vanogara zino riri pachena , vanosevenza
vachifara . Vakuru vakati, “chara
        Chimwe hachitswanye inda, “ vamwe vakati, “ Rume rimwe
harikombe churu. “ Basa
        magamidzanwa , ringava remumba , mumunda kana ripi zvaro.
Mushonga webudiriro kubatana
        kunzwanana , kuwirirana , mushandirapamwe
nemuonerapamwe . Mukangodaro basa
      zvinoreruka. Nhabvu chaiyo mushandirapamwe mumwe anokava
, mumwe omwisa chikwata
      chatokunda. Kutonga nyaya chaiko kunoda vapupuri ,
muchuchisi nemutongi wacho
      Kukerekewo vanoshaura vamwe vobvumira , vanokusha shoko
nevanonamatirawo . Pose pose
      mushandirapamwe zvinhu zvofamba.
   15. Ndevapi vanhu vanzi vakakomborerwa mundima ?
         A vane maziso B vanobudirira C vanosekerera D
vanonzwanana
   16. Kana munhu achigara zino riri pachena anoita sei?      A
anofara B anotsamwa C anochema D anoimba
   17. Tsumo inokurudzira kubatsirana pakushanda ndeipi pane idzi?
         A mbeva zhinji hadzina mashe B mbudzi kudya mufenje
hufananyina
         C chara chimwe hachitswanyi inda D murombo haarovi
chine nguo
   18. Zvinoratidza kuti basa -  ngaribatsiranwe             A rose B
ose C tose D vose
   19. Mushandirapamwe unoita kuti vanhu          A vanyeyane         B
vabirane C vatukane       D vabudirire
   20. Chanzi chinorerutsa basa chii?    A mushandirapamwe B
mazvake –zvake C chara D rume
   21. Tipe mutambo wadomwa mundima unoitwa mushandirapamwe
.
        A nhabvu         B kutonga nyaya C kereke          D chikwata
  22. Mabasa mangani ataurwa munyaya......................     A
matatu B mana C mashanu D hapana
  NYAUDZOSINGWI
 23. Pamabiko vanhu vakatamba zvokuti huruva yakati .................
A vhu-u   B tsvete C bvu – u D ngwe-e
 24. Paavhura musiwo awana zvinhu zvakati................. mumba.
A vhu-u   B bvu-u C pu –u D nyota
  ZVIRAHWE
 25. Kakomana kanoriga ishe padare.                  A nzara B
kurwara C hope D nyota
  ZAMBIRINGAMUNYEMBA
 26. A motokari       B bhazi     C chikepe      D ngoro
  MAZWI ANOPIKISANA
 27. tsaru       A hombe               B itsva    C duku     D dzaru
  MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA
 28. vakazarura A vakavhura                B vakavhura      C vazarura
D vaenda
  ZADZISA NEZWI RAKAKODZERA
 29. Munda wamambo unonzi ...................    A zunde B gura C
gombo D tseu
 30. Kana tichichingamidza munhu tinoti ............... A mhoroi
B nedzoi C tisvikewo D titambire
   SARUDZA CHIREVO CHAKANYORWA ZVAKANAKA
  31. A ‘’Farai akati “, ‘’ Tora badza iro.’’                     B
farai akati ,’’ tora badza iro”
        C Farai akati ,”Tora badza iro’                               D
Farai akati! ‘’ tora badza iro”
  32. A munin’ina           B mun’in’ina    C mun’in’in’a    D
mun’inina
 VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO
 ” Ropafadzo iwe!” ”Mha!” Ndimai Ropafadzo vaidaidza mwanasikana
wavo. ’’uya uise
  usavi pamoto. ‘’ ‘’Amai, ndichambotamba nhodo navamwe ,
handidi ini.” “Unopenga ,
  unoda zvokugarira maoko nhai? Unoti nhodo dzinodyiwa here?”
   Ropa akati simu kubva padariro ravaitambira nhodo oenda kumba.
Akatora hadyana
   ogadza usavi pamoto, amai vachindotsvaga twutsotso.
  33. Ropafadzo aiva mwanai               A musikana         B mukomana
C benzi    D mutate
  34. Mai Ropafadzo vaida kuti aitei?           A abike sadza      B
aise usavi   C avese moto D atsvage huni
  35. Usavi hunobikirwa pai ................................  A tsaiya
B hadyana C pfuko D rongo
  36. Nyaudzosingwi iri mundima inoreva kusimuka ndi ...................
A Dzii   B tende     C nyamwi D simu
  37.  Amai Ropafadzo vaida kuendepi ?                  A kuhuni B
kumunda C kutsime D kumombe
  38. Mutambo waitambwa naRopafadzo waiva we .............. A
mahumbwe      B nhodo   C pada D kubika
  39. Kugarira maoko kuita sei ..........................................
        A kutamba nhodo        B kuramba kutumwa                      C kusada
kushanda    D kubika usavi
  40. Tutsotso chii        A mazitanda ehuni                  B ihuni hobvu
C tuhuni tudiki     D ihuni hombe