TSUMO
1. Aiva madziva – ava mazambuko
2. Nhamo inhamo zvayo amai, havaroodzwi
3. Kugocha kunoda kwaamai, kwemwana kunodzima moto.
4. Anebenzi ndeane rake, kudzana unopururudza
5. Kuipa kuipa zvaro, bveni haridye chakafa choga
6. Yadeuka yadeuka, mvura yeguchu haidyorerwi
7. Totenda maruva tadya chakata
8. Chaitemura, chavakuseva
9. Chisi chako, masimba mashoma
10. Chara chimwe, hachitswanyi inda
11. Charovasei chando, chakwidza hamba mumuti
12. Chembere mukadzi, hazvienzani nekurara mugota
13. Chisi hachieri, musi wacharimwa
14. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe, kana rava iro roti mavara angu azara ivhu.
15. Yatsika dope yanwa
16. Kudada kwevari mugomo, kukumbira varipasi mapfihwa
17. Rugare tange nhamo
18. Gengezha mukombe, hazvienzani nekunwira mudemhe
19. Mugoni wepwere, ndeasinayo
20. Chawawana idya nehama, mutorwa anehanganwa
21. Mukuru mukuru – hanga haigare pfunde
22. Aita twake – ndihombarume
23. Simba rehove ririmvura
24. Kakara kununa – kudya kamwe
25. Kandiro kanoenda - kunobva kamwe
26. Mwana washe – muranda kumwe
27. Rinamanyanga hariputirwe
28. Ateya mariva murutsva – haatyi kusviba magaro
29. Matakadya kare – haanyaradzi mwana
30. Kwadzinorohwa matumbu - ndiko kwadzinomhanyira
31. Mazvokuda – mavanga enyora
32. Mbeva zhinji – hadzina marishe
33. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara
34. Mbira yakashaya – muswe nokutumira
35. Kushora mbodza – neinozvimbira
36. Mbudzi kudya mufenje- hufananyina
37. Takabva neko – kumhunga hakuna ipwa
38. Mombe yetsiru - manhenda waikama
39. Totenda dzanwa – dzaswera nebenzi
40. Kamoto kamberevere – kanopisa matanda
41. Nhumbu mukadzi mukuru – hairevi chayadya
42. Mukuwasha mukuyu – hauperi kudyiwa
43. Akanga nyimo – avangarara
44. Kunzi dzipakate – handikunzi dziridze
45. Kuyera nyoka negavi iyo iripo
46. Gudo guru peta – muswe kuti vadiki vakutye
47. Chirere mangwana – chigokurerawo
48. Rinemanyanga – hariputirwi
49. Rinonyenga rinohwarara – rinosimudza musoro rawana
50. Seka urema wafa
TSUMO NETSANANGUDZO DZADZO
1. Rega zvipore akabva mukutsva – munhu anodzikama nekuona nhamo dzaakambosangana nadzo
2. Tsapata rukukwe hazvinzani nekurara pasi – Ane chinhu chidiki arinani pane asina
3. Tsuro haipone rutsva kaviri – munhu anogara achiita zvakaipa anozodzimara abatwa
4. Dzawira mutswanda hadzinetsi kunhongera – kuwana chinhu usingachitambudzikiri
5. Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru – kana vanhu vari vazhinji vanogona kukurira
mhandu
6. Zano ndega akasiya jira mumasese – munhu anofanira kuteerera zvinotaurwa nevamwe nokuti
mumwe musi zvinomuomera
7. Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi – munhu unofanira kugutsikana nezvauinazvo
8. Zino irema rinosekerera newarisingade – kuratidza munhu seunomuda asi usingamudi
9. Rega zvipore akabva mukutsva – munhu unodzidza kubva mukukanganisa
10. Zano pangwa uine rako – Kana uchitsvaga njere kune mumwe unofanira kuve uine njere
dzakowo
11. Mukuwasha mounde hauperi kudyiwa – Mu kuwasha haaregere kubatsira nokuti akapedza
kuroora
12. Murombo haarovi chinenguwo – kana wavakubudirira wobva wawirwa nematambudziko
zvawakaronga zvotadza kubudirira
13. Totenda dzanwa dzaswera nebenzi – usatenda chinhu usati wachiwana
14. Mbudzi kudya mufenje hufananyina – kutodza kwawakabva
15. Chakupa chironda chati nhunzi dzikudye – kuwirwa nematambudziko
16. Takabvaneko kumhunga hakuna ipwa – hapana chakanaka kana chakaipa chaungatsanangura
kune vakambochiita
17. Chisi hachieri musiwacharimwa – chakaipa hachibudi musi wachaitwa chinozobuda nekufamba
kwenguva
18. Chinokanganwa idemo asi muti watemwa haukanganwi – atadza anogona kukanganwa
waatadzira asi atadzirwa haakanganwi.
19. Mbeva Zhinji hadzina marishe – kana vanhu vakawanda pabasa hapana chinobuda
20. Mbira yakashaya muswe nokutumira – Kana pane zvaunenge uchida unofanira kuzviitira pane
kuraidzira
21. Mwana washe muranda kumwe – Kana uchinge usirikwakwo unoita zvinoda veko, zvisinei
nokuti kwako unenge uchitonga.
22. Rinemanyanga hariputirwe- hauna chaunokwanisa kuita chakavanzika chikasabuda
23. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro – kana une chaunenge uchida kuita kunyange
chichirwadza, unotoshingirira kuti chibudirire
24. Kakara kununa hudya kamwe – kutsikirira vamwe kuti ubudirire
25. Kandiro kanoenda kunobva kamwe – unoyamura anosikuyamurawo
26. Onde kutsvukira kunze mukati riine masvosve – usayemure chinhu waona kunaka kwekunze
usingazivi zvirimukati
27. Manhanga / Mapudzi anowira kusina hari – makomborero anowanzowira kune vanhu
vasingakwanise kuashandisa
28. Simba rehove riri mumvura –munhu unokwanisa kuita samba uripanzvimbo pako, kwevamwe
unenge usina
29. Chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro – mukurumbira nembiri pazvinopera
30. Chidembo hachivhiirwi paruzhinji – hurukuro dzakadzama hadzitaurwi paruzhinji
31. Chembere mukadzi, hazvienzani nekuvata mugota – anechinhu chero chinoshoreka ari nani
pane asina
32. Moyo muti unomera paunoda – Kuita zvinhu zvinofadza moyo wako kwete weumwe
ZVIRAHWE
1. Ndakwira mugomo ndikaona guvi reropa - nhengeni
2. Mai ndebvu baba ndebvu - mbudzi
3. Ndasiya akakombwa hameno akapona - sadza
4. Rakazvirova rikazhamba - jongwe
5. Kuenda humbangu kudzoka humbangu - gonhi
6. Tsindi mbiri dzinowira mhango - mitswi
7. Mombe yababa vangu inokweva nemuswe - tsono
8. Ndamudzingirira ndikamukonewa - njanji
9. Mhungu mbiri dzinoenderana - njanji
10. Gomo rekwedu rinopfungaira utsi - sadza
MADIMIKIRA
1. Vamutema vane bapu chairo – vanovhunduka kana kuti kutya
2. Rudo na Ruvimbo ibhande nebhurukwa – havasiyani
3. Amai ava vari kutsi kwehope - vapusa
4. Shadreck ane meso meso – ruchiva
5. Vakanonoka kumabiko vakwawana dzamira nemhuru – zvapera
6. Chipo na Tatenda vakarimirana kumuganhu – Vakavengana zvikuru
7. Kana uchida kubudirira wotoruma chirebvu – wotoshinga
8. Kubereka gotsi - Kutiza
9. Kubura munhu mumoto - Kubvisa munhu mumatambudziko
10. Chabikwa chaora – chatoitika chatopfuura wotokanganwa nezvacho
11. Manyama amire nerongo - kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka
12. Ngoma inorira ichiti kwangu kwangu - munhu wose anozvikudza iye pachake asati
akudza mumwe
13. Chindoendawo - Kuita chinhu usina chido chekuchiita
14. Chimombe enda chimombe dzoka - kuroorera munhu akaroora kumba kwako
zvokuti pfuma yakabviswa nowokutanga inodzokerazve kwayakabva.
15. Kuita Madanha - kuitira mumwe munhu zvakanaka nemoyo wako wose
16. Kuvakadanga pasina mombe - kufanogadzirira chinhu chausati wawana
17. Chitsva chiri mutsoka - kuwana chinhu chawanga usina kutarisira kuburikidza
nekubva panzvimbo uchienda pane imwe nzvimbo
18. Kupinda ne mwenje mudziva - kufarisa kunogona kukupinza mumatambudziko
19. Kudyo moto - kupopota
20. Kufamba usiku - kuroya
21. Kuruma muromo - kushingirira
22. Kufuga rako wega - kufa
23. Chamuka inyama - chero zvazvaita
24. Kutamba munhu - kunyengedza
25. Kuita meso meso - ruchiva
26. Kuva neruoko rurefu - kuba
27. Kuisa muromo mumhuno - kutsamwa
28. Kushaya ganda kumeso - kusanyara
29. Gumi rakadya vaviri - kudhumhana kwevanhu kwe vanhu vazhinji vadonha
panguva yekutya /kutiza
30. Hari yofanzirofa - kukwegura
31. Gonzo nechin’ai zvatosvorana - kuvengana kwevanhu vaive shamwari
MHUKA NEVANA
Mwana wekatsi…………………………………….chidharimbo
Mwana wemunhu…………………………………….rusvava
Mwana wemombe…………………………………….mhuru
Mwana wenguruve…………………………………….chigwi / ngurwana
Mwana wemhembwe…………………………………….tsvana
Mwana wembwa…………………………………….mbwanana
Mwana wenyoka………………………………….nzvenzvana
Mwana wetsuro…………………………………….nhova
Mwana wegudo…………………………………….rushiye
Mwana weinda…………………………………….rakadzi
Mwana wegarwe…………………………………….ganyamatope
Mwana wemvuu…………………………………….handachabvuva
Mwana wehuku…………………………………….nhiyo / hukwana
Mwana wehwai…………………………………….hwayana
ZVIMWE ZVAUNOFANIRA KUZIVA
Nzvimbo inorasirwa marara inonzi durunhuru
43. Chakafukidza dzimba matenga – hapana munhu anogona kuziva zvirikuitika kunze kokunge audzwa
neari mazviri.
44. Chitaurirwa mbare dzokumusana - kuudzwa zvinhu zvakaitika usipo zvinodakadza mwoyo
45. Kutungana kwembudzi – kuita zvinhu zvisina mature
46. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa – kuita chinhu chakavandika chozobuda pachena
47. Kuita meso meso – ruchiva
48. Mviro mviro dzemhanza mapfeka – zvinhu zvinotanga zviri zvidiki zvozopedzisira zvakura
49. Kuve mhengera mumba – kuratidza semunhu kwaye anetsika asikana avamumba make openga
50. Aridza mhere atya – munhu anobvuma kukundikana?
51. Miromo yevakuru haiwiri pasi – yambiro yevakuru inofanira kuteererwa
52. Kuzvisikira moto muziso – kuita chinhu chinozokukuvadzisa
53. Kurimirana kumuganhu – Kuvengana zvakanyanya
54. Bete rawira mumukaka – Kuenda kwaunenge watumwa worega kudzoka nenguva yakafanira
55. Kutiza mukumbo – kuenda kumurume usina kana kubvisirwa pfuma
56. Imbwa nyoro – munhu anonyeberak kunyarara asi iye ari nhubu
57. Kubaira zanhi – kupana mazano
58. Kumaziva ndadzoka – kuenda kunzvimbo inotyisa yokutiunogona kunofirako
59.Vakafa vakazorora – kudemba panguva yokuomerwa
60. Kusekwa nenyika – kuita zvinonyadzisa
61. Kurova imbwa wakaviga mupinyi – kuhwandirana
62. Murombo munhu – haufanire kutarisira mumwe munhu pasi nokuti vanhu vose vakangofanana
63. Kuve nemukanwa – munhu anoruta
64. Kuve nepamuromo – munhu anodenha vamwe
65. Nyadzi dzinokunda rufu – kunyara kushaya zvokuita
TSANANGURA ZVINOREVA MADIMIKIRA AYA
1. VaMuchaneta muromo wavo haumharwi nenhunzi.
2. Akapurwa nekuti ainge aba
3. Pasi pasati parohwa nenyundo vana vairoorwa kana kuroora vabve zera
4. Musarove zai rangu regondo! Vakadaro mai va Tatenda
5. Mukuru wechikoro akatiitira tsiye nyoro nekusatirova apo tainge tatiza chikoro
6. Pedzisai akaigochera pautsi paainge arova mwana wemukuru wechikoro
7. Sekuru vakatitaurira kuti tiroorane vematongo
8. VaGweshe iswera kuenda mukuwasha wezuva
9. Vakabairwa zanhi na Takunda
10. Shorai akamera zenze paainge ava kupururudzwa
11. Akaramba akasona muromo paaive aona kuti atadza
12. Miromo yedu yaive yachena nenzara patakapedza basa
13. Mai Tichaona vakataurira mwana wavo kuti ainge ashaya musoro paakaita barika
14. Tapiwa ane meso meso
15. Akazvitenhera mukanwa meshumba paakaba chinyoreso chemurairidzi
16. Mukoma waZvikomborero aneruwoko
17. Akati chitsoka ndibereke awona datya mukati meshangu yake
18. Akaoma mate mukanwa achiona imba yake ichibuda utsi ichibvira
NYAUDZOSINGWI
1. Shiri dzakati mwanda kutiza padzakaona munhu.
2. Paakabvunzwa mubvunzo akamboti tuzu asati apindura.
3. Akati______________kufunga
4. Aneta zvino akangoti ___________kurara
5. Akazadza tswanda kuti_______________nemapfunde
6. Akaramba akati _______________kutarisa
7. Ndakanzwa moyo wangu kuti _______________pandakaona adzoka
8. Akati gonhi ____________achipinda
9. Nyama dzangu dzakati ____________kuneta
10. Paakanzwa rufu rwamai vake akati mhere ___________kuchema
11. Vatete vainge vakati ________________kuvata
12. Ndakanzwa vhudzi rangu kuti __________
SARUDZA MHINDURO DZEZVIRI PAMUSORO
Bherengende kwetsu
Nde-e rabada
Dhu-u nyau-nyau
Dzu-u tibvu
MAZITA
1. Mwana mucheche anofa asina mazino okutanga anonzi - gambe
2. Mwana washe anozogadzwa ushe kana baba vake vafa anonzi - nevanji
3. Mwana anoponwa nguva isati yakwana anonzi - gavamwedzi
4. Zai risingatsotsonyike rinonzi - shupa
5. Inzvimbo inorasirwa marara inonzi - durunhuru
MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA
1. Kupamba ………….. Kubvuta
2. Kuyeva ………….. Kutarisa
3. Kushaika ………….. Kufa
4. Kuchiva ………….. Kuda
5. Kubatsirwa ………….. Kupona / kubereka
6. Kunyangadzwa ………….. Kusemeswa
7. Kutsvnzvadzira ………….. Kutsvaga
8. Kubvotomoka ………….. Kungotaura
UKAMA
1. Hanzvadzi yababa - nditete
2. Baba vakabereka mai kana kuti baba - ndisekuru
3. Amai vakazvara amai kana kuti baba - ndiambuya
4. Mwana wehazvadzi yako - muzukuru
5. Mwana wehanzvadzi yaamai ari musikana ndiamainini kana ari mukomana ndisekuru.