Activities
1: MHANDO DZERONDEDZERO
2: CHIMIRO CHERONDEDZERO
3: KUUMBA MAZWI MUZVIREVO ZVAKANAKA
4: MANYORERWO ERONDEDZERO
5: ZVIRUNGAMUTAURO
6: DAMBANAMAZWI
7: UKAMA
8: KUTAURIRANA-KUZIVISANA
9: MISAMBO YEMUTAURO
10: NZWISISO NEPFUPISO
11: TSIKA NEMAGARIRO
12: MUTAURO
CHIVERENGO
PANOPERA CHIKAMU CHINO UNOTARISIRWA KUNGE WO
1. kutsanangura kuti chiverengo chii.
2. kudoma mhando dzezviverengo.
3. kushandisa zviverengo muzvirevo.
4. kunyurura zviverengo muzvirevo.
Chiverengo chii?
Chiverengo izwi rinotsanangura, kududzira kana kuverenga
chimwe chinhu.
Chiverengo chinodudzira zita kana kuwedzera rumwe ruzivo
pamusoro pezita.
Muenzaniso:
Mumwe
Chimwe
Rui?
Chii?
Mumwe musikana – mumwe ari kupatsanura musikana kubva
pane vamwe vasikana.
Musikana mumwe - kureva kuti paverengwa vasikana
paonekwa musikana ari ega.
Chii? – kubvunza kunoda patsanuro yerudzi rwechinhu.
Iyi? – Mubvunzo wekuti padudzirwe kana kupatsanurwa
mhando yechinhu chiri kurehwa.
Mui? – Mari yaiswa mui?
Pai? - Mari yaiswa mui?
Maumbirwo echiverengo
Chivakashure chechiverengo + dzitsi rechiverengo
chi- + -i?
ri- + -mwe
Zviverengo zvizhinji zvine zvivakashure zvakafanana
nezvemazita uye zvinofambirana nezvivakashure zvemazita
emupanda wacho.
Siyano yezvivakashure zvacho iri pamipanda 5 ne21.
Apa kunyange mazita acho ane zvivakashure zvakatosiyana
(ri-) na/zi-/ zviverengo zvinongoshandisa chivakashure
chimwe (ri-).
Muenzaniso:
rimwe zirume (21)
rimwe gudo (5)
Mupanda Mienzansio chivakashure Dzitsi
1 Mumwe mu- -mwe, -mwe, -i?
2 Vamwe va- -mwe, -mwe, -i?
3 Mumwe mu- -mwe, -mwe, -i?
4 Mimwe mi- -mwe, -mwe, -i?
5 Rimwe (ri-) -mwe, -mwe, -i?
6 Mamwe ma- -mwe, -mwe, -i?
7 Chimwe chi- -mwe, -mwe, -i?
8 Zvimwe zvi- -mwe, -mwe, -i?
9 Imwe i- -mwe, -mwe, -i?
Imwe Ø- -mwe, -mwe, -i?
10 Dzimwe dzi- -mwe, -mwe, -i?
Ø-
11 Rumwe ru- -mwe, -mwe, -i?
12 Kamwe ka- -mwe, -mwe, -i?
13 Tumwe Tu -mwe, -mwe, -i?
14 Umwe u- -mwe, -mwe, -i?
Humwe hu- -mwe, -mwe, -i?
15 Kumwe ku- -mwe, -mwe, -i?
16 Pamwe pa- -mwe, -mwe, -i?
17 Kumwe ku- -mwe, -mwe, -i?
18 Mumwe mu- -mwe, -mwe, -i?
19 Svimwe svi- -mwe, -mwe, -i?
21 Rimwe ri- -mwe, -mwe, -i?
Madzitsi ezviverengo
-mwe
Chinhu chimwe chete sokuti:
Mhandara imwe chete.
Munwe mumwe chete.
-mwe uyu ndiye anodzikisa izwi.
-mwe
Chinhu chimwe chasarudzwa sokuti:
Dzimwe mombe.
Zvimwe zvikoro.
Mumwe muenzi.
-mwe uyu ane hwidzazwi.
-i?s
Chadonha chii?
nyama iri mui?)