12.
0 MISAMBO YEKUTAURA
Zvinangwa
      Kudoma zvinoumba musambo wekutaura.
      Kudoma mhando mbiri dzemisambo yekutaura.
      Kutsanangura mhandonyana dzemusambo wekutaura.
      Kushandisa misambo yekutaura yakakodzera pane zvoupenyu.
12.1 Misambo yekutaura chii?
Misambo yekutaura matauriro akakodzera pakati pemutauri nevateereri vake.
Chiitiko chimwe nechimwe chine matauriro akakodzera anofanirwa kuitwa
pachiri. Kana takatadza kushandisa musambo wakakodzera kutura mashoko edu,
pfungwa dzatinenge tichida kuti dzisvike dzinokanganisika. Saka budiriro
yemusambo inouya kana takagona;
     Kucherechedza vanhu vatiri kuda kushandisira musambo watasarudza
      panguva iyoyo. Tinofanirwa kuziva kuti vanhu vatiri kutaura navo
      ndivanaani. Dzimwe nguva patinotadza kutaura zvakanaka nevanhu
      vanotarisira kuti titaure navo nemisambo inoumba ukama hwatinahwo
      navo unonzwa votibvunza kuti, ‘Uri kuziva here munhu wauri kutaura
      naye?’ Mubvunzo uyu unotaura kuti tinenge tichishandisa musambo usiri
      iwo kuvanhu vasiri ivo vanofanirwa kushandisirwa musambo iwoyo.
     Kucherechedza nzvimbo yatiri kushandisira musambo watasarudza.
      Zvakakoshawo kuti tizive nzvimbo yatiri kuti tigone kuita sarudzo
      yemusambo wakakodzera. Kana tiri pamusha patezvara tinofanirwa kuziva
      kuti musambo wakakodzera wokushandisa nguva zhinji ndewechinyarikani
      kunze kwokunge mava panzvimbo yenyu sevavaramu.
     kushandisa mazwi anopindirana nemusambo watiri kushandisa.
      Wakashandisa mazwi emusambo wechisekedzani chechisahwira kuna
      tezvara kunyangwe wagadzirisa uso kana kutaura zvakanaka zvinengei,
      munoburana nekuti mazwi anoshanda mumisambo iyi akatosiyana
1|P a g e
      zvachose. Tezvara vanobva vaona sokuti vashorwa nemukuwasha.
      Panotogona kuzoita nyaya yekuripa tezvara ivavo kuti zvinake.
     Kushandisa izwi rinokodzera kuburitsa musambo wedu zvakanaka
      kumuteereri. Musikana kana achitaura nemukomana waanodanana naye
      kana waanoda zvinogona kubudiswa nezwi rake kumumwe wake. Izwi
      rinogadziriswa kuti ritapire kuteerera riine kuyemedzeka mukati
      kunowanikwa muchivhevhano. Kana munhu atsamwa, tinonzwa nezwi
      rake kuti matauriro acho anenge ave emunhu atsamwa.
     kushandisa muviri wedu zvakakodzera patinenge tichitaura kuti
      zvatinotaura zvipindirane nekutaridzika kwouso kana miviri yedu. Kana
      chiri chinyarikani hachingabudirire kana ndakataura ndichiratidza kuti ndiri
      kuda kuseka. Kana zvadai chinyarikani chinopera vanhu vabatana pahuro.
     kupfeka zvipfeko zvakakodzera. Zvipfeko zvakakodzera zvinoita kuti
      musambo unyatsozadziswa. Musambo wechinyarikani haunyatsobudirira
      kana takada kuuita tisina kupfeka zvakakodzera. Kana chiri chinyarikani
      chechiroora, muroora ane mapfekero okuti vanhu vakamuona vanobva
      vaziva kuti uyu muroora nemapfekero ake.
cherechedzo yezviga izvi inoita kuti tigone kubudirira mumusambo watinenge
tichishandisa.
12.2 Mhando dzemisambo yekutaura
     Misambo inogona kuonekwa iri muzvikwata zvikuru zvinoti
     musambo wekusekedzana
     musambo wekunyarana
     musambo wekugunun’una
     musambo wekupopota
     musambo wekuganza
     musambo wekudemba.
     musambo wekukumbira
     musambo wekushorana
     musambo wekubata maoko
     musambo wepadare
2|P a g e
       musambo wekukakavadzana
       musambo wekutuma
       musambo wepabasa
       Misambo miviri inoti, wekusekedzana nemusambo wekunyarana ine
       mhandonyana dzinotevera;
        Musambo wekusekedzana               Musambo wekunyarana
        Musambo wekusekedzana pachishamwari   Musambo wekunyarana pavana.
        Musambo wekusekedzana pachisahwira    Musambo wekunyarana pavana nevabereki.
        Musambo wekusekedzana pachiramu       Musambo wekunyarana pachinamato
        Musambo wekusekedzana pachizukuru     Musambo wekunyarana pachikuwasha
                                              nevakarabwa
        Musambo wekusekedzana pachipwere      Musambo wekunyarana pachitorwa
        Musambo wekusekedzana pachivhevhano   Musambo wekunyarana pachikurungai
                                              Musambo wekunyarana pachiroora
       Mhandonyana dzemisambo idzi dzinosiyanisa hudzamu hwekusekedzana
       kana hudzamu hwekunyarana zvichibva nekuti ndavanaani vari kushandisa
       musambo iwoyo sokuti; Musambo wekusekedzana pachiramu unosiyana
       pahudzamu nemusambo wekusekedzana pachisahwira kunyangwe
       misambo iyi iri yemhando imwe.
       Hudzamu hwekusekedzana hwakasiyana-siyana huri pakati pevanhu vane
       ukama hwekusekedzana uhu ndihwo hunoita kuti tive nemhandonyana
       idzi. Saka zvakakosha kuti tizive mhandonyana dzemisambo miviri iyi
       nemisambo mukuru iri kubva nemhandonyana imwe neimwe semapirwo
       adzichaitwa pazasi.
3|P a g e
12.2.1Musambo wekusekedzana
12.2.1.1 Musambo wekusekedzana paChiShamwari
Uyu musambo wakareruka kune vanoushandisa Unowanzoshanda pakati
peshamwari dzine ukama hwekusekedzana kwakasununguka pakati padzo.
Kusekedzana kwavo kuri munyaya dzavanogona kutaura dzorudzi nerudzi pasina
chinotyisa pakati pavo.
Kushandiswa kwemazwi mumusambo uyu kwakareruka. Shamwari mbiri idzi
hadzinetseke zvakanyanya pasarudzo yemazwi nekuti chishamwari
chinovabvumira kutaura zvavanoda. Vanogona zvavo kunemerana kana kutamba
zvavo vachiita sovotukana kana kushorana pasina anorwadzwa nazvo pakati pavo.
Zvinonyadzisa kumimwe misambo hazvinyadzise kumusambo uyu nekuti vane
ushamwari mukusekedzana hunovatendera kutaura zvakasununguka.
Hapana chinorema mumusambo uyu. Tinogona kana kutarisa shamwari dzedu
mumaziso kana kubatana maoko kana mapindikiti tichifamba tichitaura nyaya.
Tinogona kuuya pedyo pedyo neshamwari dzedu tichitaurirana munzeve
nekurovana maoko.
Mumusambo uyu vanhu vanopfeka zvavanoda paushamwari hwavo.
12.2.1.2 Musambo wekusekedzana paChisahwira
Musambo uyu unobva paukama hweusahwira hunosunganidzwa nenyaya
yekuvigana kwemhuri mbiri. Mhuri inoviga vokwenyu kana kwaita rufu imhuri
yemadzisahwira enyu. Kana kwavo kwaitawo rufu munokokwa mopiwa zvirango
zvousahwira nokuviga mufi.
Musambo wavo unovabvumira kutaura kana zvinyadzi kana kutuka madzisahwira
avo vachirova bembera pane zvinenge zviripo zvechokwadi. Vanogona kutotaura
vachituka munhu anenge achikonzera matambudziko mumhuri vachitaura
mabasa ake pazere vanhu vachitamba usahwira hwavo. Hapana anotsamwira
sahwira zvokuzotadza kutaura naye zvakare nekuti ndizvo zvinoumba musambo
uyu.
Sahwira anotenderwa kana kubata huku mumusha pasina anotsamwiswa nazvo
nekuti ishamwari yedzinza rose. Anopiwa nyama yemombe inenge yaurairwa
4|P a g e
zvirango mumusha. Panosiiwa hunda yasahwira iyo yaanotakura kumusha kwake.
Hapana anofanirwa kugunguzika nekuti kana zvava kwenyu zvirango zvousahwira
munoitawo zvamunoda.
Madzisahwira anopfeka zvaanoda. Hapana chinoremera sahwira pazvipfeko. Kana
pari parufu pehama yenyu yaive pfambi, sahwira anogona kuuya akpfeka
mapfekero aiita sahwira wake mufi. Anogona kuridza mumhanzi otanga kutamba
zvokuti kana pane vanyarikani vanotarisa pasi. Vanhu vanozoguma vave
kunakidzwa nazvo vombokanganwa nhamo inenge iripo. Hapana munhu anogona
kurambidza sahwira kuita zvaanoda.
12.2.1.3 Musambo wekusekedzana paChiramu
Musambo wekusekedzana paChiramu unoshandiswa navanamainini
navababamukuru kana vanababamunini navanamaiguru vavo.
Mumusambo uyu munotaurwa zvakasununguka varamu vachifara. Vanogona
kutaura vachinemerana zvavo kana kutamba vanababamukuru vachishevedzana
navanamainini sovadiwa vavo kana vanamaiguruwo vachidana vanababamunini
sevarume vavo. Nyaya dzokutadza kubika kana dzokutadza kusarudza vasikana
kwavanababamunini kana kunonoka kuroora kwavanababamunini kana
dzokutadza kuita zvakanaka dzinotaurwa pasina chinogumbura. Chokwadi ichi
chinotaurwa mukusekedzana uku varamu vachidzidzisana. Hadzisi nyaya
dzinotsamwisa nekuti pane kusekedzana kunovatendera kusvika padanho iroro.
Vanotenderwawo zvavo kubatana kana maoko asi paine cherechedzo yekuita
kusingazokanganisa muridzi wemukadzi kana muridzi wemurume.
Zvinopfekwa zvinofanirwawo kuve kucherechedza kuti vanenge vachitambwa
navo chisekedzani ichi varume kana kuti vakadzi vevanhu.
12.2.1.4 Musambo wekusekedzana paChizukuru
Musambo uyu unoshandiswa pakati pemadzimbuya vanasekuru nevazukuru vavo.
Vanatetewo vanosekedzana pachizukuru nevana vehanzvadzi dzavo.
5|P a g e
Kusekedzana kwemhando iyi kwakarerukira kuti kune donzvo rekuraira vazukuru
kuti vagone kuzoita hupenyu hwakanaka vaine hunhu husingazoshoresa vanatete
naivo vanasekuru navanaambuya. Mukmusambo uyu, vazukuru vakasununguka
kutaura zvavanoda kumadzimbuya avo ivowo vachitaurawo navo vazukuru
vachitamba zvavo navo. Panogona kushoranwa kana kusekanwa asi donzvo riri
rokudzidzisa vazukuru hupenyu. Vazukuru vanofanirwa kuyeuka kuti vanogona
kushandisa musambo uyu une kusekedzana zvawo asi vasingakanganwe kuti
vavanotamba navo musambo uyu vanhu vakuru kwavari vanodawo
kuremekedzwa.
Musambo uyu unotendera kupfeka zvakasununguka asi zvinotaridza kuti vazukuru
vane zvavari kudzidza zvounhu hwakanaka kumadzisekuru nemadzimbuya avo.
12.2.1.5 Musambo wekusekedzana paChipwere
Uyu musambo unoshandiswa nevana vadiki pakati pavo kana pakati pevadiki
nevakuru.
Kana vadiki vatinetsa tinovashandisira musambo uyu kuti vanyarare. Umu
munowanikwa kurezva kana kunyengedzwa kwepwere dzatinonyaradza
nezviwitsi zvisipo zvakatodyiwa kare. Idzo pwere pachezvadzo dzakasununguka
kutaura zvadzinoda asi kunetsana hakusi kwenhamo nekuti zvido zvadzo
zvinongoshanduka-shanduka zvichienderana nenguva.
12.2.1.6 Musambo wekusekedzana paChivhevhano
Musambo uyu unowanzoshanda panyaya dzorudo. Patinotaurirana zvokudanana
nevadiwa vedu panoshanda musambo uyu. Panoshandiswa musambo uyu pane
ushamwari hwakakomba chose kana kuti panenge paine hurongwa hwoukama
hwakadaro.
Kana pakaita rudo pakati pomukomana nemusikana unovaona nematauriro avo
nekufadzana dzimwe dzenguva nemanyepo. Unogona kunzwa vachikwidzana
ndege dzemashanga zvichinzi, ‘Ukandida ndichakutora ndoenda newe kunyika iri
kure tonogara ikoko tichifara zvedu.’ Kana riri izwi rinopfaviswa muchisekedzani
chechivhevhano mazwi achinyatsosarudzwa anotapira anoita kuti masaisai erudo
afambe pakati pevari mumusambo uyu.
6|P a g e
Maitiro avo azere nekuyemerana, kuita sekunge pane kakunyara-nyara. Vanogona
kufamba vakabatana zvavo maoko mapindikiti kana kufamba vakabatana
muzviuno. Ava vanogona kutarisana zvavo mumaziso kana kunyemwererana
zvechivhevhano.
Panoitwa sarudzo yezvipfeko inonyatsogara munhu zvokuti anobva anokwanisa
kutora mwoyo yevaangade chivhevhano navo. Haungopfeke zvose zvose nekuti
vaunenge wakatarisira kuti vatosvorwe mwoyo newe vanogona kusazokutarisa
nekuti unenge usingatore mwoyo.
12.2.2Musambo wekunyarana
12.2.2.1 Musambo wekunyarana pavana
Musambo uyu unowanikwa pakati pevana voga sehanzvadzi nehanzvadzi kana
pakati pemukoma nemunin’ina.
Kunyarana kwavo kwakareruka zvokuti kunonovatendera kufara vachitaura vose.
Kana vari vakomana voga kana vasikana voga vanogona kurerukirwa
zvakanyanya asi paine cherechedzo yekuti vana vemhuri imwe asi umwe ari
mukuru.
Kana vava hanzvadzi nehanzvadzi pane kunyarana kwakareruka zvishoma pane
kwemukoma nemunin’ina. Musambo umwechete unoshanda asi une udzamu
hunosiyana nekuti vana vapi vari kushandisa musambo uyu.
Maitiro avo nemiviri yavo anofanirwawo kucherechedza chinyarikani chiri pakati
pavo.
Mapfekero evanhu ava mumusambo uyu akareruka asi anofanirwa kuve akatsiga
zvinopindirana netsika nemagariro epamusha.
12.2.2.2 Musambo wekunyarana pavana nevabereki
 Kana takangotaura sematauriro atinoita neshamwari dzedu nevabereki vedu
panova nekusawirirana. Musambo unoshanda pakati pevana nevabereki une
ruremekedzo rwakadzama kukunda rwematauriro evabereki kuvana vavo.
7|P a g e
Mapfekero evaanhu ava anofanirwa kucherechedza kuremekedzana
nekunyarana uku. Vana vanofanirwa kupfeka zvakatsiga pane vabereki vavo
zvisingavakanganise meso. Zvipfeko zvinongwerevera nezvinosiya miviri pachena
hazvikodzere pane vabereki. Vaberekiwo havatarisirwe kupfeka zvisina
kukodzera pane vana vavo.
12.2.2.3 Musambo wekunyarana pachinamato
Uyu musambo wekunyarana watinoshandisa muzvinamato zvedu zvakasiyana-
siyana. Muzvinamato muzere vatorwa avo vanofanirwa kuve nekunyarana
kwakasangana nekukudzana pakati pevanamati kuti chinamato chigone
kubudirira. Munamati anofanirwa kunyara vamwe vanamati kuti pasave
nezvinokanganisa chinamato. Kana pakasava nekunyarana pakati pevanamati,
kutevedza zvitendo zvechinamati kunonetsa nekuti vanhu vanenge vasina
chinovamisa kuita zvavanoda izvo zvinozokanganisa chinamato.
Chinamato chine mapfekero anotarisirwa kuti kunyarana kurambe kuripo. Vanhu
vanofanirwa kupfeka zvinoita kuti pakati pavo parambe paine ruremekedzo
rwemitemo inosunga chinamato. Mune zvimwe zvinamato vanhu vanofanirwa
kugara vakapfeka zvirefu zvinovhara miviri yavo kuti vanhu vasaone
zvinozovakanganisa chinamato chavo. Kana kuri kugara pagungano rechinamato
vamwe vanamati vanogara vakapatsurana vakadzi kwavo varume kwavo
kusimbaradza musambo wekunyana pachinamato.
12.2.2.4 Musambo wekunyarana pavakuwasha nevakarabwa
Uyu musambo unoshandiswa pakati pevakuwasha nevabereki vomudzimai.
Chinyarikani mumusambo uyu chinosiyana zvichibva nekuti ndiambuya here kana
kuti nditezvara vaanotaura navo.
Chinyarikani chakanyanya pakati pemukuwasha naambuya vake kupfuura pakati
pemukuwasha natezvara. Ambuya havatariswe kumeso kana kubatwa maoko. Ka
8|P a g e
na kuri kukwazisana, vanokwazisana vari parefu neparefu vachiuchirana
kusimbaradza ruremekedzo rwuri pakati pavo. Havagari muimba imwechete kana
kusvika pedyo nepedyo.
Kana zviri zvipfeko, vanopfeka zvakatsiga. Ambuya vanotarisirwa kupfeka
zvakatsiga zvisingatosvore maziso emukuwasha. Iye mukuwasha anofanirwa
kupfekawo zvakatsiga pana ambuya vake zvinotaridza kuti anovaremekedza.
12.2.2.5 Musambo wekunyarana paChitorwa
Tinotaura nevanhu vakawanda chose zuva nezuva. Vanhu ava vanogona kunge
vari vatinoziva asi tisina ukama navo, tichivaziva nokuda kwebasa kana zvimwewo
zvingasanganisa vanhu. Vatorwa vanogona kuve vanhu vatisingazive zvachose
vatinenge tangosanganawo navo panguva iyoyo. Ava tinotaura navo nemusambo
wechitorwa une kunyarana mukati. Kunyarana kuri apa kuzere ruremekedzo
rwatinofanirwa kupanana tichicherechedza kusazivana kwedu zvisinei kuti munhu
akaita sei.
Musambo uyu haunyanye kutarisa mapfekero evanhu vari mumusambo uyu
asiwo mapfekero edu kazhinji anofanirwa kuve mapfekero asingakahadzise
vatorwa zvokuti vanoenda vachitaura nezvako.
12.2.2.6 Musambo wekunyarana paChikurungai
Musambo uyu unoshandiswa pakati pevabereki vevana vakaroorana. Ava vane
hukama hwavo hunobva mumatauriro avo hune kunyarana kwakawandira
mukukudzana kwevabereki vane vana vari muwanano. Ava vanoedza kuve
nemaitiro anoita kuti vamwe vavo vasasare vaine kushamisika nemaitiro avo.
Vanogona kutaura zvakasununguka asi paine kunyarana kwakasangana
nekukudzana ikoko.
Zvinotarisirwa kupfekwa zvinofanirwa kuva zvisingashorese muroorwi
kwaakaroorwa kana muroori kwatezvara vake.
12.2.2.7 Musambo wekunyarana paChiroora
Uyu musambo unoshanda pakati pevaroora nevabereki vemurume nehama
dzavo.
9|P a g e
Mumusambo uyu mune kuzvininipisa zvikuru kwevaroora kuti vagonzi vakarairwa
kana kuti vane unhu. Varoora vanozvityora nguva dzose kana vachitaura nehama
dzevarume vavo kunyanya vanatezvara navamwene vavo. Havafanirwe
kungotaura vasina kucherechedza zvavanenge vachitaura nekuti zvinoshoresa ivo
sevaroora uyewo kwavakabva. Kunyangwe vangade kudzinga imbwa chaiyo
yepamusha, muroora anofanirwa kushandisa mazwi asingakanganise varidzi
vemusha.
Mapfekero avo anofanirwa kutaridza kuti vakaroorwa uyewo kuti vari pamusha
pevanyarikani. Zvipfeko zvavanopfeka zvinofanirwa kuve zvirefu zvinofukidza
muviri wose. Vanotogona kumonera mucheka unotsvaira pasi unozivikanwa
nokuti zambiya, mumusoro vakasunga dhuku.
Muroora haatarise vatezvara kumeso kana kusvika pedyo navo. Anofanirwa
kutaridza kuvanyara nekufambira kure navo kana kugara kure navo. Kana
muroora achikwazisana navatezvara kana vamwene anofanirwa kutyora muzura
kana kupfunda tsiva kutaridza kuti anozvininipisa mumusha wevaridzi uyu. Kana
kuri kugara muroora anogara akapfunya chisero. Kana ave kupa vatezvara
zvokudya anopfugama pasi. Kana ave kutaura navatezvara, muroora anofanirwa
kutaura akatarisa pasi kwete kutarisa vatezvara.
 12.2.3 Musambo wekugunun’una
Musambo uyu musambo unoshandiswa patinoratidza nemazwi kuti zvataitirwa
hazvina kutifadza kana kuti kana takanganisirwa. Ukama hwatinahwo nevanhu
vatinenge tichigunun’unira ndihwo hunoita kuti tisiyanise mhando yemazwi
ekugunu’una atinoshandisa. Kana iri shamwari yangu, ndinogona kugunun’una
nemazwi akareruka muushamwari hwedu asi anotaridza pachena kuti zvakaitika
hazvina kundifadza. Kana pari pabasa, ndinogona kugunun’unira vakuru vebasa
nemazwi ane remekedzo asi achitaridza pachena kuti handina kufara pane
zvakaitika.
Mapfekero edu kana tichigunun’una ngaaenderane neukama hwatinahwo
nemunhu watiri kugunun’unira.
10 | P a g e
Kana tichigunun’una uso hwedu hunofanirwa kutaridza kudzama
kwekugunun’una kwedu kuti muteereri anzwe nekuona kudzama kwezviri
kugunun’unwa.
    Kana paine zvawakaitirwa zvisina kukufadza unogona kutaura uchiti;
    ‘Ndine urombo nezvakaitika asi ini handina kufara nezvakaitika…’
    Basa
         Ronganai mumapoka madiki muite mutambo umo muchashandisa
          mutauro wakakodzera kutaridza kuti chiitiko chakaitika mumwe haana
          kufara nacho. Fungai chiitiko chamungade kutaura nezvacho
          mumutambo wenyu.
12.2.4 Musambo wekupopota
Musambo uyu tinoushandisa kana tichida kuita ruzha pamusoro pekutadzirwa
kwedu tiine chinangwa chokutyisa muteereri angave nechekuita nenyaya iripo.
Mumusambo uyu munotaurwa nezwi riri pamusoro zvikuru zvokuti vanhu
vasineyi nenyaya iyi vanobva vaziva nyaya yose iripo kunyangwe iri nyaya
isingaite. Vanoshandisa musambo uyu munotorwa mazwi anopindirana
nekusimba kwebopoto rinenge riripo. Kana rakanyanyisa kudzama mazwi
anoshandapo ndeekurwadzisana chete.
Musambo uyu unoonekwa nekuvhiza maoko kunongedzera kana kunongedzerana
kana kufinyamisa uso.
12.2.5 Musambo wekuganza
Uyu musambo wekutaridza kuti iwe ndiwe munhu akaoma pane vamwe vose.
Musambo uyu tinoushandisa kana tichida kuzviisa padanho repamusoro-soro. Izvi
tinozviita tichishandisa mazwi nekuita kunotaridza izvi.
Vanoshandisa musambo uyu vanogona kutotsvaga zvipfeko zvinotaridza kuti vari
pamusoro pevamwe vose zvechokwadi. Musambo uyu unoonekwawo
nekufambisa muviri kune kuzvida nekuzvikudza mukati.
11 | P a g e
12.2.6 Musambo wekudemba
Musambo weKudemba unoshanda kana pava nedambudziko kana kuchema.
Mutauri anenge achitaura achichema ngwavaira kana tsaona inenge yasanganwa
nayo. Anodemba anotaura nezwi rine kunzwisa tsitsi mukati, munhu achiita kunge
ari kuda kuchema kana kutotaura achichema nhamo inenge yamuwira.
12.2.7 Musambo wekushorana.
Musambo wekushorana musambo wekutarisirana pasi. Mumusambo uyu vanhu
vanotsvaka mazwi nekuita kunotaridza kuti kuita nekufunga kwemumwe
kwakashoreka. Muviri unofambiswa zvokusvora ari kutaurwa naye. Munhu agona
kunongedza munhu neruoko achiruzunza zvokushora ari kutaurwa naye.
12.2.8 Musambo wekukakavadzana
Uyu musambo unoshandiswa kana paita kusawirirana pakati pevanhu. Kana
vanhu vachikakavadzana vanogona kuonekwa nekukwidzirana mazwi, kuzunza
maoko, kunongedzerana kusvipirana kumeso kana kufinyamisa kumeso. Panoitwa
sarudzo yemazwi ekukakavara zvinoenderana neudzamu hwemakakatanwa
anenge aripo. Vamwe vanorova zvinhu zvinenge zviri pedyo navo kutaridza kuti
pane makakatanwa ari pakati pavo.
12.2.9 Musambo wekubata maoko
Kana kwafiwa tinoenda kunobata maoko. Kubata maoko kunyaradzana nevafirwa.
Parufu panoshandiswa musambo wekubata maoko. Mumusambo uyu vanhu vane
mazwi avanotaura anotaridza kuti vari kubata maoko. Vanewo zvinhu
zvavanogona kuita zvinozadzisa musambo wekubata maoko.
    Tinobata maoko sei
    Kana takasvika pafiwa tinokwazisa vashaikirwa nevose vanenge vauya
    kuzokuta hama dzomufi. Tinotaura navo kana tavakwazisa tichiratidza
    kubatikana kusuwiswa kwedu nechiitiko cherufu ichi tichiti;
    ‘Tine urombo nekushaikirwa nehama’, Kana
    ‘Nenhamo dzatiwira.’ Kana
    ‘Nedzoi nedzekuparadzika’
12 | P a g e
Mashoko aya kana mamwewo zvichienderana nekwatinobva anogona kuteverwa
nehurukuro yekunyaradza vafirwa.
Pakubata maoko tinofanirwawo kuita zvinotaridza kuti tiri kurwadziwa nechiitiko
ichi zvinoita kuti kubata maoko kuzadziswe. Tinogona kuratidza kuti zvaitika izvi
zvatirwadzawo nekutaura mazwi ekurwadziwa kana kumbochema zvisinei kuti
unoda kuchema here kana kuti kwete nekuzunza musoro kana kubatanidza
maoko kana kurova maoko uye tichitaridza kusiririswa pauso hwedu pakutaura
nehama dzemufi kana mamwewo maitiro anoratidza kurwadziwa zvikuru
nezvaitika izvi. Tinogonawo kuita mabasa eparufu anosanganisira kunochera guva
remushakabvu nezvimwewo.
Zvipfeko zvinofanirwa kupindirana nechiitiko ichi. Vamwe vanobva vapfeka
zvipfeko zveruvara rutema runoratidza kusuwiswa nechiitiko ichi. Madzimai
anopfeka zvipfeko zvirefu vakamonera micheka yemazambiya nemadhuku.
    Basa
         Ronganai mumapoka mugadzire mitambo midiki umo muchashandisa
          musambo wakakodzera kubata maoko.
12.2.10 Musambo weKukumbira
    Uyu musambo watinoshandisa kana tiine zvatinoda kuti tiwane kubva kune
    mumwe munhu. Tinogona kukumbira kubatsirwa kana kukumbira mari kana
    kukumbira kuti tipiwe chose chose chatingade. Munhu anokumbira
    anofanirwa kuzvirereka oenda pasi petsoka dzemunhu waari kukumbira kuti
    zvaari kuda zvimufambire. Kuzvininipisa kwacho kunogona kusiyana zvako
    hudzamu hwako nekuti munhu ari kutaurwa naye ndiyani panguva iyoyo.
    Kana kuri kukumbira ruregerero taona kuti takanganganisa tinofanirwa kugona
    kuona kutadza kwedu tokumbira ruregerero tichindisa musambo wekukumbira
    uyu. Uyu musambo une kuzvirereka mukati zvokuti zvinova pachena kune
    atadzirwa kuti munhu anzwisisa kutadza kwake.
13 | P a g e
    Mienzaniso yekukumbira ruregerero;
    ‘Ndine urombo nezvandakaita…ndinokumbirawo kuregererwa kutadza
    kwangu..’
    ‘Shamwari ndakagara pasi ndakaongorora zvandakataura ndakaona kuti
    zvakaipa chose. Ndizere nyadzi nhasi uno ndichikumbirawo kuti
    undiregererewo. Handichazozviiti zvakare..’
    Basa
    Ngatironganei mumapoka tiumbe mitambo yakasiyana-siyana umo
    tichataridza mashandiro emusambo wekukumbira uyu. Mitambo yedu ngaibve
    muzviitiko zvakasiyana-siyana muupenyu.
12.2.11 Musambo wePadare
    Padare panoshandiswa musambo wepadare uyu. Mumusambo wepadare
    tinofanirwa kuzvininipisa pavanhu vari padare tichivaratidza kuti tiri pasi
    petsoka dzedare rinenge richititonga. Kana tichida kupa pfungwa dzedu padare
    tinotaura kuburikidza nemukuru anenge aripo zvichienderana nekuti idare
    rakaita sei. Panogona kuva namambo kana riri dare redunhu rose, kana kuti
    rinogona kuva dare diki remusha rina sachigaro kana sabhuku. Kana ari matare
    enyika kune mamajisitiriti, majaji nevamwewo vatongi vakuru. Ava vakuru
    vanofanirwa kuremekedzwa chose mumusambo uyu kunyangwe ivo vakuru
    vedare hasingatikudze nekuti tinenge tiri pasi peutongi hwavo. Kana tiri
    padare hatingotaura tisina kupiwa mukana kana kutaura ivo kana vachitaura.
    Unofanirwa kutaridza kuti unoremekedza dare nekuita kusingashore dare.
    Ukashandisa musambo usiriwo padare kana kuita zvisingadiwe padare
    sokudaira nharembozha yako, kutaurawo zvako neumwe munhu mudare,
    kudya zvako mudare kana kuuya wakapfeka nguwo dzisina hunhu unonzi
    watarisira dare pasi. Izvi zvine mutongo wazvo zvoga zvichienderana nedare
    racho.
    Kana tichitaura padare tinotanga nekukudza vadare sokuti;
14 | P a g e
    ‘Pamusoroi changamire, munyori, makurukota, nemi mose makateerera….’
    Kana,
    ‘Pamusoroi sachigaro, munyori nemi mose matikuta….ini ndasimuka kuti….’
    Izvi zvinotaurwa tichiuchira maoko kana ari matare echivanhu. Hatuchire
    zvedu kana tirikumatare enyika asi mazwi ari pamusoro ekukudza vadare
    anofanirwa kutaurwa kuti musambo wedare ubudirire.
12.2.12 Musambo wekutuma
Uyu musambo tinoushandisa kana tichida kuti munhu aite zvatinenge tichida.
Unoshandiswa paya patinenge tisingatarisire mhinduro asi kuti patinotarisira kuti
munhu aite zvatinenge tataura. Musambo uyu unoshanda nemazwi ekutuma. Izwi
racho rinofanirwa kuratidza kuti zviri kutaurwa zvinofanirwa kuitwa sokuti;
Kana tichituma munhu mudiki kana watisingaremekedzi kana mumwe chete
tinogona kuti; Famba nekukurumidza. kana tava kutumawo vanoremekedzwa
kana vakawanda tinoti; fambai nekukurumidza.
12.2.13 Musambo wepabasa
Uyu musambo watinoshandisa kana pane zvebasa zviripo. Musambo uyu
unofanirwa kunge uzere rukudzo pakati pevakuru vebasa nevanotsvaka basa kana
vashandi. Zvipfeko mumusambo uyu zvinofanirwa kunge zvakatsiga zviri zvipfeko
zvinokodzera kutsvaka basa nazvo kana zvinokodzera pabasa riri kushandwa.
    Basa
    Itai mitambo yakasiyana-siyana pane zviri pazasi muchashandisa misambo
    yakakodzera.
    i) Munyayi ari kuramba mukadzi.
    ii) Mukomana ari kuda musikana.
    iii) Mwana ari kuda kutenga muchitoro chako.
    iv) Kubata maoko pafiwa.
15 | P a g e
12.5 Kupindura Mibvunzo
1. Tsanangura kuti musambo wekutaura chii.
2. Ndeipi misambo inoshandiswa kana tichitaura mune zvinotevera.
    i)    Kana uchida kugara pachigaro chakagarwa nemumwe.
    ii)   Kukumbira kushandisa chinhu chisi chako.
    i)    Kana uchida musikana
    ii)   Parufu
    iii)  Kana uchida kusiya chidzidzo uchienda kuchimbuzi.
    iv)   Kana uchipa nhoroondo yezvakaitika padare.
    v)    Kana uchitaura uchitarisira zvaurwa neumwe pasi.
    vi)   Kana ukataura uchizviisa padanho repamusoro-soro.
  3. Nyora hurukuro diki inoburitsa vanhu vari kushandisa musambo
wekusekedzana pachizukuru.
    1. Doma zvinhu zviga zvitanhatu zvinofanirwa kucherechedzwa kuti musambo
       uri kushandiswa unzi wabudirira.    [6]
    2. Kugona kushandisa musambo wakakodzera kwakakosherei.
16 | P a g e