MHENENGURO NOTES (revised)
(ONGORORO NEYEMURO)
Mhenenguro izwi rinobva pamudzi wokuti (-penengur-) kubva pachiito chokuti
kupenengura, zvichireva kupepeta, kunzvera, kuongorora, kusefa kana kudonongodza
nyaya ,mutambo kana nhetembo
Kupenengura uchinyurura pfungwa huru uye zvidavado avakashandiswa nemunyori, nyanduri
kana vatambi
Chakakosha pakupindura mhenenguro kugona kutsanangura zviri kuitika munyaya uye
kunyurura zvidavado kana nzira dzakashandiswa.
KUNYORA MHENENGURO
(a) Nhanganyaya- Tanga nekunyora pfungwa huru dzese dziri mudetembo, nyaya kana
mutambo ,uchiratidza panobuda pfungwa yega yega yawadoma
(b) Tsvaga zvidavado kana nzira dzakashandiswa nemunyori , nyanduri kana vatambi uye
unofanira kuita zvinhu zvitatu pachidavado chega chega zvinoti:
1) kudoma zita rechidavado sekuti, Munyori akashandisa nyaudzosingwi
2) Kupa muenzaniso wechidavado ichochi kubva mundima sokuti ‘’---simu’’
3) Kutaura basa rechidavado maringe nezviri kuitika munyaya kana zvambotaurwa
panhanganyaya sokuti kujekesa -----.
Ipa muenzaniso uzere uye nezvimiso sekupiwa kwazvakaitwa munyaya
Isa mienzaniso mukati menyora idzi ‘’........’’, kana kunyora uchipinda mukati kubva
kumajini
Chidavado chimwe ngachinyorwe kamwe chete, usadzokorore mhando yechidavado.
ZVINODA KUNGWARIRWA
Ziva zita rechidavado chauri kureva chairo usaita zvekufungidzira
Fananidzo inoda kunyorwa zvizere kwete kutangira pakati sokuti’’anofamba sebhiza’’ kwete
‘’...sebhiza’’
Kana wanyora chikuwo kana mubvunzonhando usakanganwa kuisa zvimiso zvacho nekuti
unorasikirwa nezvibodzwa.
ONGORORA ZVINOTEVERA
Pfungwa dzemunyori/ nyanduri dzakamira papi?
Chii chiri kuda kuoneswa nemunyori/nyanduri?
Chinangwa chemunyori/nyanduri ndechei?
Munyori/nyanduri anonzwa sei nezvaari kurondedzera?
Musambo wacho ndoupi sokuti kuraya, mhiramidzimu ndyaringo,chipfimbano here?
Zvidavado zvakashandiswamo ndezvipi?
Nzira/zvidavado/mutauro
Fananidzo (sa-, se-, so-, kunge/sokunge)
Enzaniso (inoshandisa i.. ,sokuti mwana uyu ishumba
Tsumo
Madimikira
Nyaudzosingwi
Nhamatidzwa sokuti (-wo,-ka,-zve,-su,eg ndiregererewozve)
Mhesano yemazwi/ mhidigori sokuti ‘’ wangu mwana’’
Nhauriramumoyo/fungiramumoyo/pangiramumoyo
Nhemeramuvhu(kutuka nenzira yakavanda)
Mutauro wechimanjemanje /chizvinozvin(slang)
Kushandisa zvipande zvemutauro sokuti zvivakashure zvekushora
Nhapamazwi-kushandisa mazwi chaiwo akataurwa nemunhu
Zitadunhurirwa- izita rinopiwa munhu nekuda kwezvaanoita uye rinotanga nevara guru
sekuti, Jemedza
Zitaumbiridzwa-izita rakaunbwa nezvivakiso zvakawanda, rinotanga nevara diki sekuti,
chirambakusakara
Chikuwo- kutaura uchishevedzera kana kukatyamara sokuti ‘’maiwee!’’
Pfekedzaunhu – kutora chinhu chisiri munhu uchichiita semunhu sekuti ,“ Rufu rukati uya
titambe “
Pfekedzaumhuka-kutora chinhu chisiri mhuka semhuka sekuti, “ Mudzidzisi aikuma
muchidzidzo”
Mhesano yepfungwa sk “ Zvarwei nhasi mangwana fei “
Mubvunzosiri/mubvunzonhando (mubvunzo usingadi mhinduro)
Mutauro wekuvhundutsira /wekukudza / wekuteterera/
wekushora/wekupika/wemhiramudzimu/wekutuka/wekurumbidza
Dzokororo yemazwi ,yemusoro kana yechirevo
Nhendeshure
Nhongoreramberi (kutaura zvichaitika kumberi)
Gudziramukanwa (kuwedzerera)
Mutauro weChirungu
Mazwi eChirungu
Mazwi ekutuka sk ” pfutseki, zibenzi”
Mutauro wekudimikira
Mazwi ekurumbidza
Hochekoche –yekumuvambo emutsara
-yekumagumo e mutsara
-yemhesano
-yepakati pemutsara
Hokamuteereri(kuita zvinoita kuti unzwikwe newauri kutaura naye sk kudaidza zita rake)
Hwevazwi sk , maiwe-e
Hwevavara sk i-i-i-
Nhimburirwa
Nzvenzvero yeBhaibheri (kushandisa muenzaniso wemubhaibheri)
Monyororo yemazwi sk “ Pwipwidzo for Chitsidzo “
Nhauraneasipo(kutaura neasipo senhetembo dzemhiramudzimu)
ZVIDAVADO ZVEKUITA
Kuseka, kuombera, kupfugama, kuzunza musoro, kuridza tsamwa, kukotsira, kunyarara
nezvimwe zvakasiyana siyana
BASA REZVIDAVADO
Zvidavado zvinosimbisa
Dzokororo dzose
nhevedzano dzose
hochekohe dzose
mhesano dzose
nhamatidzwa
chikuwo
Gudziramukanwa
Zvidavado zvinojekesa
Zvimwe zvidavado zvese kunze kwezvadomwa zvinojekesa kana kuratidza
ZVIMWE ZVAKAKOSHA PAMHENENGURO
Usapedza nguva uchitsanangura zvinoreva chidavado
Ziva kuti mubvunzo unoda nzira dzevatambi here kana munyori
Mubvunzo unoda mutauro nemaitiro unoda kuti munyori atarise maitiro pamwe nemutauro
wakashandiswa.
Kunyange mubvunzo ukabvunza kuti kuti nzira kana zvidavado zvakashandiswa zvinopindirana
here? Iwe usapindura uchiti hazvipindirane kana kuti zvinopindirana chingonangana nezviri
pamubvunzo chete.
MIENZANISO YEMIBVUNZO
1) Nyanduri akashandisa zvidavado zvipi kubudisa matambudziko ake pachena? Mhinduro
apa ngaiburitse matambudziko acho angave erufu, nzara, kushaya basa,urwere.
Unotofanira kuburitsa matambudziko acho munhanganyaya yako.
2) Nyanduri akashandisa zvidavado zvipi kuburitsa zviri kumunetsa?
Mhinduro yako ngaiburitse zvinetso zvacho pachena sekuti kudyiwa
moyo,kushungurudwa,kurwadzikana,kugumbuka, kubatikana. Nyatsoziva Mutsauko uripo
pakati pemazwi aya nekuti izwi ranyanduri rinonyatsojekesa kuti chii chiri kumunetsa
Mazwi okuti nzira, mutauro, zvidavado anoreva zvakafanana
Dzimwewo nhetembo dzinogona kuda zvidavado zvemaitiro sekuombera, kuseka, kukakamira,
kuchema asi kashoma, maitiro anowanikwa munyaya ka mumutambo
3) Nyora ongororo yechitambo ichi uchitsanangura mabudisirwo eunhu hwevatambi
varimo(2021)
4) Vanhu vari mundima vari kunetsana nenyaya yei? Ratidza kuenderana kuri kuita zvidavado
zvakashandiswa nemunyori nemafungiro avo (2021)
5) Nyanduri akashandisa nzira dzipi kuburitsazviri kutsi kwemwoyo wake uye dzakabatsira
zvakadini kujekesa manzwiro ake pamusoro pemagamba akafira muhondo