0% found this document useful (0 votes)
121 views87 pages

Attachment

Uploaded by

musoninigel2
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
121 views87 pages

Attachment

Uploaded by

musoninigel2
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 87

FOR SALE

PLEASE DO NOT POST ON SOCIAL MEDIA.


TOKUTENDAI NEKUNZWISISA KWENYU.

SANYATI BAPTIST HIGH SCHOOL


LANGUAGES DEPARTMENT
MR CHIKANDE R 0775050366

MABHUKU AKAONGORORWA :

MITAMBO/ DRAMA
a)KURIDZA NGOMA NEDEMO A.C MOYO
b)AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO . BC MASHAYAMOMBE
c)IMWE CHANZI ICHABVEPI? W. CHIGIDI

NGANONYORWA/PROSE
a)ZVAIRWADZA VASARA G.H MUSENGEZI.
b)AKAIPFIRIRA NEMUKATI G.M MATSIKITI
c)JOTI NEKETANI F. WANDAI

NHETEMBO / POETRY
a)NDURI DZENHANGO DZEMUZIMBABWE.
1
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


INDIGENOUS KNOWLEDGE SYSTEM
a)NGANO VOL 1 G. FORTUNE.

Kuongorora Bhuku reUvaranomwe.

Ndezvipi zvinofanira kutariswa nemudzidzi pabhuku rega rega raanotarisirwa kuverenga?

 Musoro webhuku…Musoro webhuku ndounofanira kutanga kuongororwa pabhuku


rega rega. Ukanzwisisa zvinoreva musoro webhuku hazvichanetsi kunzwisisa
zvinoitwa nevatambi kana mutambi zvinotsigira musoro webhuku uyu.
 Vatambi…Pavatambi ndipo pane zvakawanda zvekuongorora. Munyori anoshandisa
vatambi kuburitsa dingindira guru rebhuku nemamwe matingindira madiki. Uyezve
zvinhu zvakaita semusoro webhuku, zvidzidzo, matingindira, makakatanwa
nekutendeseka kwenyaya zvese zvinobudira pavatambi. Nekudaro mudzidzi
anofanira kutarisa zvinotevera pavatambi :
a) Vatambikadzi….bhuku rega rega harishayi vatambikadzi. Kana tichitarisa
vatambikadzi tinofanira kuvatarisa zvichibva panhoroondo yetsika dzedu
dzechivanhu 1890---- zvichidzoka sure tisati tapambwa nevachena. Vakadzi
vaionekwa sevanhu vakangomirira kubara vana chete nekufadza varume. Saka
patinoongorora vatambikadzi muuvaranomwe hwechizvinozvino tiri kutarisa kuti
munyori ari kuona vatambikadzi nemaziso ekare here ekuvatarisira pasi sevanhu
vanongogona kuzvara chete kana kuti vakadzi vari kubuda vane zvinzvimbo
zvinoyemurika here saRopafadzo mubhuku Akaipfirira Nemukati ainzi aiva mukuru
weWorld Vision, muna Akanhonga Vhunze Nemuromo Cindy aiva nebasa reugweta
rinoyemurika.
b) Unhu hwemutambi….unhu hwemutambi hunoonekwa nezvakawanda zvinoti :
i)zvinotaurwa nemutambi iye pachake.
ii)zvinotaurwa nevamwe vatambi pamusoro pemutambi wacho
iii)Mapfekero emutambi
iv)Zvinotaurwa nemunyori pamusoro pemutambi.
v)Zviito zvemutambi iye pachake.
c) Mutambi mukuru….Mubvunzo wemutambi mukuru unowanzouya mumabhuku
echinyakare . Mutambi mukuru akangofanana (nefirimu/ movie) kana uchiona
movie watinoti (main actor) ndiye mutambi mukuru uye zvaunomuona nazvo
pamovie ndizvo zvimwe chete zvaunoona nazvo mutambi mukuru mubhuku.
Mutambi mukuru tinomuona nezvinotevera :
 Nyaya yakaumbwa kubva paari.
 Dingindira guru rebhuku rinobudira paari.
2

 Zvidzidzo zvikuru zvebhuku zvinobudira paari zvakare.


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Zvishuviro zvemutambi mukuru zvinowanzozadzikiswa.
 Mutambi mukuru anowanzopedza matambudziko anenge aripo/ asi mune mamwe
mabhuku mutambi mukuru anogona kukonzera matambudziko acho sezvinoitwa
naCindy muna Akanhonga Vhunze Nemuromo.
 Mutambi mukuru ndiye anonyanya kutaurwa nezvake zvakanyanya nevamwe
vatambi uye nemunyori.
 Mutambi mukuru haafi kana nyaya isati yapera asi vasiri vatambi vakuru vanogona
kufa bhuku rikaramba richingoenderera mberi.
 Mune mamwe mabhuku mutambi mukuru anogona kupiwa zita remusoro webhuku
sebhuku rakanzi Tambaoga Mwanangu mutambi mukuru ndiTambaoga unova
musoro webhuku. Kana akasapiwa zita remusoro webhuku zviito zvemutambi
mukuru zvinogona kuzadzisa musoro webhuku.
 Mumabhuku echinyakare mutambi mukuru anowanzoita zvisingatendeseki kana kuti
zvisingagonekwi nemunhuwo nje.
d) Zvinoitwa nemutambi zvinoita kuti bhuku riendere mberi….chinoita kuti bhuku
rienderere mberi hunhu nemaitiro evatambi. Kuvenga hama dzemurume kunoitwa
naCindy ndiko kunomusunda kuti aronge mazano naamai vake Laiza ekuuraya
vaHaruna…. Kuronga kwavari kuita kuisa muchetura ndiko kutoenderera mberi kuri
kuita bhuku racho.
e) Kutendeseka kwemutambi…..Mubvunzo ukauya uchiti : Munyori akabudirira
zvakadii kutipa vatambi vanotendeseka? (30) .Kutendeseka kuri kurehwa apa
ndekwekuti muupenyu chaihwo varipo here vatambi vakaita saCindy? Varipo here
vakadzi vakaroorwa muupenyu chaihwo vangaita maitiro aCindy. Kana kuti varipo
here varume vane hunhu sehwaRuvengo muupenyu chaihwo?
 Matingindira…Dingindira ndiyo pfungwa huru dziri mubhuku atingati pachirungu
(mamain theme) nokudaro pabhuku roga roga mudzidzi ngaatsvake dingindira guru
rebhuku. Kazhinji bhuku rine dingindira guru rimwe chete kozoita amwewo
matingindira anotsigira.
 Zvidzidzo….Zvidzidzo zvine mhando mbiri. Pane zvidzidzo zvakanangana
nedingindira guru rebhuku.Ukatarisa bhuku rakaita saZvairwadza vasara dingindira
guru rebhuku nderehondo saka mubvunzo unogona kuuya uchiti : Nyurura
zvidzidzo zvakanangana nehondo mubhuku iri. (30) Mubvunzo uyu unenge
uchingoda zvidzidzo zvinoenderana nedingindira guru rinova rehondo. Asi mubvunzo
ukazouya wakati : Nyurura zvidzidzo zveupenyu zvawakawana mubhuku
Zvairwadza Vasara (30) …unokwanisa kupa chero zvidzidzo zvisiri zvehondo zvakaita
sekuti: Chidzidzo chandakawana ndechekuti rufu runorwadza…. Ichi chidzidzo nje
chiri (general) chisina kunangana nedingindira guru rebhuku. Pakupindura
mubvunzo wezvidzidzo mudzidzi angwarire pane katsika kekungoburitsa zvidzidzo
zvese zviri tsumo kana madimikira… hazvina kushata asi hausi mutemo wekutoti
zvidzidzo ngazvibude zviri tsumo. Unokurudzirwa kushandisa mutauro wakareruka
pakupindura bhuku.
 Makakatanwa….Makakatanwa kunetsana kudhonzerana kunenge kuchiita kazhinji
3

vatambi umwe achiti haavhiyiwi umwe achiti haigochwi. Bhuku rikashaya


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


makakatanwa haringaenderere mberi nekudaro hakuna bhuku risina makakatanwa.
Pamibvunzo yemakakatanwa mudzidzi anofanira kungwarira zvinotevera :
a) Kugona kudoma kuti makakatanwa ari pakati paani naani?
b) Kujekesa kuti makakatanwa acho ndeeyi?
c) Kupeta nekuratidza kuti makakatanwa acho anopera sei?
 Pane makakatanwa anogona kunge asiri pavatambi vaviri asi ari pane zvinotevera :
 Makakatanwa pakati pemutambi netsika yechivanhu
 Makakatanwa mupfungwa dzemutambi ari oga imwe pfungwa ichiti ita zvakati
imwe ichiti kwete.
 Nzira dzakashandiswa nemunyori kuruka nyaya yake….
 Nzvimbo inoitikira nyaya
 Kutendeseka kana kusatendeseka kwenyaya

Mapindurirwo emubvunzo padanho reA Level.

Pa A Level mudzidzi anofanira kuverenga bhuku zvakanyanya kuti arinzwisise. Bhuku rimwe
chete rinofanira kuverengwa kakawanda chero kudarika kashanu kana kagumi chaiko
kuti uzoti wagadzirira kunyora bvunzo dzekupedzisira dzeA Level. Kana uchipindura
mubvunzo weA Level hezvinoi zvinotarisirwa pachikamu chega chega:

 Pfungwa yekuparura chikamu yatinoti pachirungu (topic sentence)


 Pfungwa yekuparura chikamu iyi haifaniri kunge yakabatana netsigiro uye
ngaisarebesa.
 Pfungwa yekuparura chikamu inotorwa pamubvunzo unenge wakapiwa. Kana
mubvunzo wakanzi: Nyurura zvidzidzo zviri mumutambo Akanhonga Vhunze
Nemuromo (30) Pfungwa yekuparura chikamu unonyora seizvi :
 Chidzidzo chandakawana mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo ndechekuti
kutsvinyira hama dzemurume kwakaipa kana uri muwanano.
 Mubvunzowo ukauya wakanzi : Nyurura matambudziko anowira ruzhinji muhondo
yerusununguko sekuburitswa kwazvinoitwa mubhuku Zvairwadza Vasara (30)
Pfungwa yekuparura mutsara (topic sentence inotanga ichiti : Dambudziko rinowira
veruzhinji muhondo yerusunguko ndererufu.
 Mushure mekupa pfungwa inoparura chikamu unofanira kuchipa tsigiro
inofambirana nepfungwa yawapa pamusoro. Tsigiro ngainyatsotsanangurwa
zvinogutsa zvinoratidza kuti wakaverenga bhuku kwete kupfuura neparaiverengwa.
Vana vakawanda havaverengi bhuku uye havazivi vatambi.
 Tsigiro ndihwo umbowo hwekuti wakaverenga bhuku saka wotokwinya kuti
mukwenyi webasa rako akupe zvibodzwa.
 Mutauro waunoshandisa pakupindura uvaranomwe ngauve wakareruka usina
zvirungamutauro.
 Chikamu chinotarisirwa kunge chine pfungwa imwe chete yakatsigirwa zvizere.
 Mubvunzo weuvaranomwe unenge uine 30 marks nekudaro mudzidzi anotarisirwa
kupa pfungwa dzinosvika gumi kana kudarika ndokunge mubvunzo usina kudoma
4

kuti ipa pfungwa ngani.


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Mubvunzo : Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo
Akanhonga Vhunze Nemuromo. (30)

Chinosirisa chiri mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo kuvenga hama dzemurume.


Cindy ndiye aivenga hama dzemurume wake Ruvengo zvisingabviri. Cindy anoidza nepose
paanogona napo kushungurudza VaHaruna kuti vabve pamba pake paanoudza Ruvengo kuti
vaHaruna vanoroya kuri kungoda chete kuti vadzingwe pamba. Ruvengo akazodudza
ruvengo rwaCindy paakamuudza kuti amai vangu unovavengera makore mazhinji avakapiwa
naMwari. Ruvengo rwaCindy rwunobuda zvakare paanotsvaka muchetura achibatsirwa
namai vake Laiza kuti vaisire vaHaruna vafe vakazoponeswa naTsitsi musikana webasa
akachinjanisa makeke aya. Chinosiririsa paruvengo rwaCindy ndechekuti akazoguma
aparadza imba yake iye mukuedza kuuraya vaHaruna uye achibva asungwa nemapurisa.

KURIDZA NGOMA NEDEMO

Mibvunzo yakanangana nebhuku.


1. Munyori akabudirira zvakadii kupa vatambi vanotendeseka pana Vhoti, Tinazvo,
Rupiza, Hondo. (30)
2. Donongodza zvidzidzo zvawakawana mumutambo Kuridza Ngoma nedemo . (30)
3. Nyurura matingindira makuru ari mumutambo Kuridza Ngoma nedemo. (30)
4. Ndedzipi nzira dzakashandiswa nemunyori kunyora mutambo Kuridza Ngoma
nedemo. (30)
5. Nyurura matambudziko aisangana nevanhu vatema hondo yerusununguko
ichangopera muZimbabwe. (30)
6. Ndeapi maitiro evatambi anozadzisa musoro webhuku. (30)
7. Nyatsodonongodza mhosva dzinoparwa naTinazvo nechikwata chake vari papurazi
ravainge vapamba. (30)
8. Dzumbunura kugona kushandisa mazitadunhurirwa kwakaitwa nemunyori
pavatambi vanotevera : Tinazvo, Vote, Hondo, naShinga. (30)
9. Buritsa zviitiko zviri mumutambo uyu zvinojekesa kuti rusununguko
rweZimbabwe rwakatambirwa nenzira dzakasiyana siyana nevana veZimbabwe.
(30)
10. Munyori akagona zvakadii kutipa vatambi vanotendeseka pavatambi vanotevera
: a) Tinazvo, Vote, , Rupiza naHondo. (30)
11. Kuridza ngoma nedemo mutambo unosuwisa chose. Tsigira pfungwa iyi
nezviitiko zviri mubhuku. (30)
12. Jekesa matambudziko aisangana nevanhu vatema munguva yehondo
yerusununguko rweZimbabwe. (30)
13. Tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera kusundidzira rungano rwebhuku
mberi.
a)Tinzvo
5

b)Vote
Page

c)Rupiza

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


d)Hondo (30)
14. Munyori akagona sei kushandisa ndyaringo kuburitsa nyaya yake mumutambo Kuridza
ngoma nedemo. (30)
15. Nyurura zvidzidzo maererano nerusununguko rweZimbabwe zvaunowana
mumutambo Kuridza ngoma nedemo. (30)

Matingindira ari mumutambo Kuridza Ngoma Nedemo.


 Rusununguko
 Hondo
 Rudo
 Utsinye
 Ivhu
 Kuregererana
 Rufu
 Uroyi
 Kutendera munánga.
 Chipfambi
 Udzvinyiriri.
Pfupiso yebhuku
 Kuridza Ngoma nedemo mutambo wakanyorwa hondo yerusununguko
rweZimbabwe ichangopera. Nokudaro mamwe matingindira ari mubhuku iri
ndeenguva yehondo sezvo nyaya dzacho dzemuZimbabwe itsva dziri kubva
muhondo yerusununguko saka nemamwe manzwi mutambo unoburitsa mamiriro
ezvinhu panguva nyika yaisanduka kubva muhondo kuenda kurunyararo yatingati
pachirungu (transition from war to peace.) nyika ichitorwa kubva mumaoko
evachena kuenda kuvatema vava kuzvitonga. Hutongi hwevachena hwairwadza
sezvo vaitonga nedemo, vanhu vakawanda vakaurawa muhondo uye vatema
vaizvidzwa. Nokudaro nyika yeZimbabwe payakawana rusununguko muna 1980
vatema vakawanda vakafunga kuti vava kuita madiro aJojina izvo kwete
rusununguko rwaisareva izvozvo.
 Vanhu vatema vaiva netarisiro yekuti vachingowana rusununguko chete vachena
vachatandaniswa minda yotorwa umwe neumwe otora purazi raanoda vatengesi
vaitengesa vanhu muhondo vourawa kana kurangwa ipapo ipapo. Tarisiro iyi ndiyo
yaiva mupfungwa dzeruzhinji rwakaita sana Vhoti, Tinazvo, Rupiza asi handizvo
zvakazoitika zvinova zvakagumbura vazhinji.
 Munyori Aaron Chiundura Moyo akashandisawo mutambo uyu achishandisa
chidavado chesetswa /nyambo kutumbura mamwe matambudziko akatotanga
6

kuwanikwa muZimbabwe rusununguko rweZimbabwe rwuchangouya vatema


Page

vachangotora nyika. Matambudziko aya ndeehuori, chizivano apo Tinazvo naVhoti

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


vachiti tinongopa minda chete kune vaera Dafi…..Dambudziko rechizivano iri
rekugovana upfumi hwenyika paukama ndiro riri kuedzwa kuyanikwa pachena
navaMoyo.
 Munyori akayanikawo pachena matambudziko akatanga kuwanikwa munyika
yeZimbabwe nekuuya kwerusununguko . Rimwe dambudziko guru raiva revanhu
vasingatevedzeri kana kuremekedza mutemo yatingati pachirungu nyika isina (rule
of law.) Tinazvo naVhoti vakatora purazi raiva remurungu nechisimba vakatanga
kutogova minda. Iri dambudziko rakaramba ririmo muZimbabwe kusvika nhasi uno.
Tinazvo naVhoti vaiva nesimba rekutongera vanhu rufu, kurova chero nemapurisa
chaiwo kana kuregerera iyo nyika yasununguka pava nevatongi vakadzidzira basa
rekutonga.
 Mazita evamwe vatambi vari mumutambo uyu ari kubva munguva yehondo akaita
saHondo naVhoti

NZIRA DZAKASHANDISWA NEMUNYORI KUNYORA MUTAMBO KURIDZA NGOMA


NEDEMO.
 Mazitadunhurirwa
 Dimikira semusoro webhuku
 Nyambo/ setswa
 Nziyo pg 11, 25
 Tsamba pg 20
 Hurukuro
 Kuisa mutambo muDariro 1, 2, 3
NDEZVIPI ZVIITIKO ZVINOZADZISA MUSORO WEBHUKU
 Kutora purazi zvisiri pamutemo
 Kugova minda
 Kurova mupurisa
 Kusatererera mupurisa
 Kutonga mhosva : Kutongera rufu
Kurova vapari vemhosva
7
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO.
Bhuku iri rinoongorora mhuri yechitema kunyanya mudhorobha magariro ayo pahukama.
Chinangwa chikuru chiri mumutambo uyu kuburitsa mapisha-pisha anowanikwa
muwanano uye maitiro evamwe vakadzi vakadzidza. Munyori ari kuda kuyanika pachena
unhubu hwevakadzi kunyanya vanenge vakadzidza kana kuti vane mari kuzvikudza
kwavanoita muwanano.

ZIMSEC QUESTIONS 2018


1a)’’Basa rausonevenza haripindirani nemaitiro ako.’’ Peji 42. Tsanangura zvinoitwa naCindy
zvinozadzisa mazwi aya. (30)
b)Ipa ongororo yemutambo uyu uchiburitsa zvinoshoreka magariro evanhu vamazuva ano.
(30)
2019
1a)”Cindy uyu ndiye angacheme. Ndiye akachera gomo rine matombo ava kumutsimbirira.”
Tsanangura zvizere zvinoitwa naCindy zvinozadzikisa mazwi aya. (30)
b)Tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosundira mutambo mberi.
i)Ruvengo
ii)Tsitsi
iii)Kumbie (30)
MIBVUNZO YAKANANGANA NEBHUKU
Mutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo ukanyatsoongoora bhuku iri nyaya yese iri
kutenderera pana Cindy zviito kana kuti hunhu hwaCindy. Tikabvisa Cindy mubhuku iri
hapachina nyaya. Nekudaro mudzidzi anofanira kunyatsobata zvinhu / zviito gumi kana
kudarika zvinoitwa naCindy wonyatsozvibata zvinoshanda kupindura mibvunzo yakawanda
kana kutoti mibvunzo yese. Tikatora hunhu hwakaipa hunoitwa naCindy ndehunotevera :
 Kutuka murume achimuti uri mbeva, uri mbiti, uri bvene
 Kuvenga hama dzemurume wake Ruvengo achirambidza VaHaruna kugara masofa
akanaka nekuoona TV kwayo achiti vaone black and white TV.
 Kuedza kuuraya vamwene vake VaHaruna achivaisira muchetura mucake achibatsirwa
namai vake Laiza.
 Kupumha vamwene vake huroyi achigadzira chinhu chaanoisa mumba achiti
chikwambo chavaHaruna
 Kusateerera baba vake vaZariro vakamuudza kuti ade vamwene vake sevabereki vake
asi iye aisema vaHaruna achivati vane mhino dzakafenguka sedzedhongi.
 Kuzvikudza zvakanyanya achiudza Regina shamwari yake kuti ndine twunhu twangu
8

saka Maggie haana zvaangandibatsira nazvo, zvakare Cindy aiudza Ruvengo murume
Page

wake kuti remekedza gweta Ruvengo.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kuita usimbe hunonyadzisa hwekuti Tsitsi musikana webasa ndiye anofanira
kumutsvairira muimba yake yekurara zvinova zvisingatarisirwi pachivanhu chedu
zvakapa kuti Ruvengo zvipira hake kutsvaira mubhedhurumu kana iye Cindy
akundikana.
 Kusazvidzora kuda kurova mai vake Laiza ovapotsa ozorova shamwari yake Regina
omukuvadza.
 Kuedza kuda kupa matikitivha ainge auya kuzomusunga fufuro kana kuti mari
yechiokomuhomwe inova imwe mhosva zvakare.
 Kugaroshungurudza Maggie aiva akafirwa namai vake achimudzimbira ronda
rekufirwa achiti mai vako vakafa vakaora kare uye mwana wausina kugomera
anonetsa zvikuru.
Pfungwa dzapiwa pamusoro apo ukanyatsotsvagurudza tsigiro dzinogutsa dziri mubhuku
unokwanisa kupindura mibvunzo yakawanda uchishandisa pfungwa dzimwe chete idzodzi.
Mibvunzo inogona kupindurwa nepfungwa dziri pamusoro apo ndeinotevera :

1.Cindy anozviputsira imba yake ega . Unotii nepfungwa iyi. (30)


2.Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo. (30)
3.’’Cindy aiva nehunhu hwakadyiwa nembwa.’’ Unotii nepfungwa iyi. (30)
4.Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezviito zvevatambi. (30)
5.’’Cindy uyu ndiye angacheme.Ndiye akachera gomo rine matombo ava kumutsimbirira.”
Tsanangura zvizere zvinoitwa naCindy zvinozadzisa mashoko aya. (30)

1. Cindy anozviputsira imba yake oga. Tsigira pfungwa iyi. (30)


2. Mhandu yemukadzi mukadzi. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi wakanangana nezviri
mumutambo uyu. (30)
3. Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo Akanhonga Vhunze (30)
4. Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezviri mumutambo uyu. (30)
5. Nyurura matambudziko anosanganikwawo nawo nevanhu vakaroorana
sekuburitswa kwaari kuitwa mumutambo uyu. (30)
6. Munyori akaburitsa sei chimiro chevatambikadzi. (30)
7. Cindy ndiye honzeri yematambudziko ose anowira vatambi vari mubhuku. Tsigira
pfungwa iyi. (30)
8. ‘’Cindy aiva nehunhu hwakadyiwa nembwa.’’ Unotii nepfungwa iyi. (30)
9
Page

9. Zazanura makakatanwa ari mumutambo uyu. (30)

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


10. Donongodza zvidzidzo zvakanangana newanano mumutambo uyu. (30)
11. Nyurura zvikonzero zvekuparara kwemhuri yaRuvengo naCindy. Ipawo mazano
ezvingaitwe kudzivirira kuparara kwemhuri muwanano dzanhasi. (30)
12. ‘’Ndomene haichemedzi’’ Unotii nemashoko aya wakanangana nezvinoitika
mumutambo Akanhonga Vhunze nemuromo’’ (30)

ONGORORA UNHU HWEVATAMBI VANOTEVERA :

Unhu hwemutambi hunookwa nezvinotevera :


 Mashoko anotaurwa nemutambi pachezvake anoyanika pachena hunhu
hwemutambi. Mumutambo Akanhonga Vhunze nemuromo Cindy aakataura kuti
remekedza gweta Ruvengo zvichiburitsa kuzvikudza kwake. Cindy zvakare achitaura
naRegina akati ndine twunhu twangu ini.
 Unhu hwemutambi hunoonekwa zvakare nemashoko anotaurwa nemunyori
pamusoro pemutambi.
 Unhu hwemutambi hunoonekwa nemashoko anotaurwa nevamwe vatambi
pamusoro pemutambi wacho.
 Unhu hwemutambi hunoonekwa zvakare nezvinoitwa nemutambi wacho.

CINDY
 Anozvikudza
 Haadzoreki
 Haana nyadzi
 Anonyepa
 Anofuririka
 Ane utsinye
 Ane pamuromo
 Anonyepa
 Haana matyira
 Ane hasha
 Haana kuvimbika
RUVENGO
 Ane rudo
 Anozvidzora
 Akapusa
 Moyo murefu
10

VAHARUNA
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Vakanyarara
 Vanozvidzora
 Rudo
TSITSI
 Ane tsitsi
 Akatsiga
 Akachenjera
 Anoshanda nesimba
 Ane rudo
z

MATINGINDIRA ARI MUTAMBO AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO.


 Rudo
 Ruvengo
 Kurambana
 Ushamwari
 Rufu
 Uterera
 Urovha
 Dzidzo
 Huori…chiokomuhomwe
 Ukama
 Bopoto
 Utsinye
 Usimbe
 Bopoto
 Mhirizhonga
Rudo
 Dingindira rerudo rinobuda panotanga mutambo DARIRO 1 Ruvengo achiyemura
Mudiwa wake Cindy. Nyangwe zvazvo rudo urwu rwaive rwakarerekera divi rimwe
chete segakanje Ruvengo ariye airatidza rudo Cindy asinei naye. Munyori aiedza
kuratidza vaverengi kuti chinobatanidza wanano rudo. Rudo rwunofanira kugara
rwuripo pavanhu vakawanana mativi maviri ese murume nemukadzi.
Ruvengo
 Rimwe dingindira hombe riri mumutambo uyu Akanhonga Vhunze Nemuromo
ndereruvengo. Cindy akamonerwa neruvengo rwakanyanya aivenga vamwene
11

vake vaHaruna . Ruvengo urwu rwunokura kusvika pakuda kuvauraya nemuchetura


uri mukeke zvinova zvakazoputsa imba yaRuvengo naCindy. Cindy aivenga zvakare
Page

Maggie mwana waRuvengo. Nepapfupi munyori aida kupa dzidziso kuti kana

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


munhu akaroorwa kana kuroora gamuchira hama dzemurume kana mukadzi
udzitore sedzako.
KURAMBANA
 Kurambana nderimwe dingindira rinoburitswa nemunyori mumutambo uyu.
Panopera bhuku Ruvengo akaramba mudzimai wake Cindy. Kurambana
idambudziko ratekeshera munyika yedu yeZimbabwe zvakapa munyori kuti ariite
rimwe dingindira guru. Pane zvakawanda zvakakuchidzira kurambana kwaCindy
naRuvengo zvinova kuzvikudza, kusateerera kwaCindy , kufuririka ruvengo nehama
dzemurume.
USHAMWARI.
 Dingindira reushamwari riri kubudira pana Regina naCindy. Munyori anobudisa
vaviri ava vane hushamwari hwakakomba nyangwe zvazvo hunhu hwavo hwainge
hwakasiyana sepasi nekudenga. Regina aiedza kudzora nekutsiura shamwari yake
Cindy pakawanda nyangwe zvazvo Cindy aisaterera.
RUFU.
 Dingindira rerufu rinobuda pana mai vaMaggie vanonzi vakaita tsaona nemotokari
vakanowira muMazowe Dam.
UTERERA
 Uterera nderimwe dingindira guru rinopiwa nemunyori. Dingindira iri riri kubudira
panaMaggie uyo ainge afirwa namai vake. Maggie akaoneswa nhamo tsvuku
naCindy achigaroudzwa mashoko anorwadza ekuti mai vako vakatoora
vakafushirwa. Kugaroshungurudzwa kwese uku yaiva nyaya yekuti aiva ashaikirwa
namai vake.
UROVHA
 Urovha idingindira guru mumutambo Akanhonga vhunze. Dingindira iri riri
kuburitswa panaRuvengo aimbove Member of Parliament asi zvinopera kusvika
asisashandi ava kugara pamba. Urovha hwaRuvengo hunomukanganisira sezvo
hurihwo hwakadzima rudo neruremekedzo rwaaipiwa nemukadzi wake. Cindy
anobuda pachena kuti ainge akada Ruvengo nekuti aiva member of parliament
chete. Munyori aiedza kuonesa vaverengi kuti nyaya yehurovha ndiyo imwe
yaparadza dzimba dzevakaroorana.
DZIDZO
 Dzidzo idingindira guru mumutambo uyu. Munyori akatipa vatambi vakawanda
kunyanya vatambikadzi vakadzidza chose. Maggie aiva Gweta zvichireva kuti aiva
akafunda zvikuru. Regina aishanda kuWomen Affairs zvichitipawo pfungwa yekuti
12

ainge akadzidza. Kumbie muninína waCindy ainzi ari pachikoro zvakare. Ruvengo
ainzi akatambira tsamba yekuzoshandira kumahofisi emutungamiriri wenyika
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


zvichitipa pfungwa yekuti ainge akadzidza. Munyori akashandisa dingindira iri
kukohomedza kuti vanhu vadzidze sezvo pasi parohwa nenyundo.
CHIOKOMUHOMWE
 Chiokomuhomwe nderimwe dingindira riri mumutambo. Panosungwa Cindy
nematikitivha Detective Chimedza naSurgent Chimweta. Cindy akabudisa mazana
maviri emadhora ekuti vavhare nyaya yake yekuda kuuraya vaHaruna . Nyaya
yechiokomuhomwe yatekeshera munyika yeZimbabwe nokudaro munyori ari
kungoyanika pachena kuipa kwechikomuhomwe.

NZIRA DZAKASHANSISWA NEMUNYORI KUNYORA BHUKU


 Mufananidzo uri pabutiro rebhuku
 Mazita
 Hope
 Musanganiswa wechishona nechirungu
 Tsamba pg 46
 Zvitambo zvakasiyana
 Nziyo pg 52
 Dimikira semusoro webhuku
MUBVUNZO : NDEDZIPI NZIRA DZAKASHANDISWA NEMUNYORI KUNYORA BHUKU (30)
MUFANANIDZO URI PABUTIRO
 Pabutiro rebhuku pane mukadzi ari kuratidza kusafara pachiso achinge ari
kupopotera murume achinongedzera muchembere ari kuonekwa ari sure.
Mufananidzo uyu unobatsira kupa muverengi chidokwadokwa chekuda kuziva
kuti mukadzi nemurume ava vari kupopotedzana nekuda kwei? Nepapfupi
mufananidzo uyu unotipa nyevero yezviri mukati muverengi asati averenga
anenge ava kuziva kuti mune bopoto pakati pemukadzi nemurume uyu.
Nokudaro munyori akagona kushandisa mufananidzo senzira yekunyora bhuku
rake.
MAZITA ANE ZVAANOREVA.
 Munyori akashandisa mazita ane zvaanoreva mumutambo wake Akanhonga
Vhunze nemuromo. TSITSI…. Mutambi anonzi Tsitsi anga ari musikana webasa
waCindy uye aiva nemoyo wakanaka netsitsi sezita rake. Tsitsi aisada kuona
umwe munhu achirwadziswa sezvatinoona paakarasa keke ranga rine
muchetura raifanira kuuraya vaHaruna zvichijekesa kuti munhu aiva netsitsi
zvikuru. RUVENGO….Mutambi uyu anga ari murume waCindy. Iye pachake
Ruvengo anga asina ruvengo asi mutambi akashandisa zita rake kutsanangura
ruvengo rwaiva nemukadzi wake Cindy kumhuri yake.
13

HOPE
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 HOPE….Ruvengo murume waCindy akarota hope. Muupenyu chaihwo hope
dzinoshanda kutinyevera zviri mberi angava matambudziko kana mufaro.Hope
dzaRuvengo dzakabatsira kunyevera vaverengi pamwe nemutambi kunyanya
(Cindy) kuti muchato wake naRuvengo wanga usina magumo akanaka.
NZIYO
 NZIYO…..Munyori akashandisa nziyo senzira yekunyora bhuku rake. Rwiyo
rwunotaurwa naKumbirai muninína waCindy paitamba Ruvengo naCindy
mumba mavo Kumbirai achivayeuchidza kuti akapedzisira kuvaona vachitamba
rwiyo rwaAlick Macheso rwekuti Shedia. Nziyo inoshanda kuratidza manzwiro
evatambi panguva iyoyo yatingati pachirungu (mood) yevatambi. Pairidzwa
nziyo yekuti Shedia vaverengi vanobva vaona kuti mumba maRuvengo maiva
nemufaro nerudo panguva iyoyi sezvo Shedia iri nziyo yerudo.
KUISA MUTAMBO MUZVITAMBO ZVAKASIYANA-SIYANA.
 Mutambo uyu wakaiswa muzvitambo zvakasiyana sekuti Dariro1, 2 ne 3. Iyi
nzira yakashandiswa nemunyori inoita kuti vaverengi vanyatsonzwisisa nyaya
vajekerwe nayo vasavhiringika. Dariro 1 munyori anotsanangura zvaiitika
mumba maRuvengo kuBraeside muchitambo tinonzwa zvaitika kumba
kwaZariro kuBorrowdale saka zvinobatsira vaverengi pamwe nemunyori kuti
vafambirane nezviri kuitika kunzvimbo mbiri idzi.
MUSANGANISWA WECHISHONA NECHIRUNGU.
 Munyori akashandisa musanganiswa wechishona nechirungu . Nzira iyi
yekusanganisa mitauro inobatsira kuratidza nguva yakanyorwa bhuku kuti
nderechizvino zvino harisi uvaranomwe hwechinyakare. Maitiro aya anobatsira
zvakare kuratidza vaverengi chimiro chevamwe vatambi kuti vaiva vakadzidza
saCindy aiva gweta nekudaro nguva zhinji aisanganisa chishona nechirungu.
DIMIKIRA SEMUSORO WEBHUKU.
 Zita rebhuku rinonzi Akanhonga vhunze nemuromo rinova dimikira.Dimikira iri
rinova munhu anozvipinza mudambudziko kana matambudziko makuru
ega.Dimikira iri rinopa chidokwa-dokwa kumuverengi kuda kuziva kuti ndiyani
akanhonga vhunze zvikazodii zvikazopera sei? Nokudaro munyori akagona
chose kushandisa dimikira somusoro webhuku zvinoita kuti bhuku rake
rinakidze.
TSAMBA
 Tsamba yakashandiswa nemunyori senzira yekunyatsotambanudza nyaya
yake. Ruvengo abuda kuenda kunze kwenyika Cindy anogamuchira tsamba
yaRuvengo yaibva kumutungamiriri wenyika yekuti Ruvengo adzoke kubasa.
14

Tsamba yakashandiswa kunyatsobudisa hunhu hwaCindy hwekuda mari


kupfuura zvinhu zvese sezvo tinoona Cindy akatanga kuratidza Ruvengo rudo
Page

rukuru nekumurekedza nekuti ainga ava kuizva kuti Ruvengo haasisiri

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


rovha.Rudo rwaCindy rwezinyekenyeke rwunoyanikwa pachena netsamba iyi
uye tsamba yakashandura magariro aRuvengo naCindy semurume nemukadzi
nekumisa bopoto raigara riri mumba umu.
Mubvunzo : Cindy anozviputsira imba yake oga. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi. (30)

 Kuvenga hama dzemurume


 Kusatsiurika.
 Kupfeka mbatya dzinosiya dundundu zvidya zviri pachena.
 Kusaremekedza murume
 Kuda kuuraya vamwene
 Kuzvikudza kwake
 Kukoshesa mari kupfuura rudo
Mubvunzo : Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo Akanhonga Vhunze
Nemuromo.(30)

 Kutukwa kwaRuvengo
 Kuda kuurawa kwavaHaruna
 Kurambwa
 Kusaremekedza murume
 Kusatsiurika
 Kusungwa nemapurisa
 Kusavimbika muwanano
 Urovha
 Uterera

Mubvunzo : ‘’Cindy aiva nehunhu hwakadyiwa nembwa.’’ Unotii


nepfungwa iyi. (30)

Mubvunzo ukauya wakadai uine tsumo kana dimikira zvakakosha kuti mudzidzi atange
atsanangura zvinoreva chirevo chacho. Hunhu hwakadyiwa nembwa zvinoreva hunhu
hunonyadzisa chose hunosvoresa husingatarisirwi mumagariro evashona.

 Kutuka murume
 Kupumha vamwene huroyi
 Kuda kuuraya vamwene
 Kupfeka mbatya dzaisiya makumbo nedundundu panze
 Kuda kuuraya vamwene
 Kuramba kuchengeta hama dzemurume
 Kukoshesa mari kupfuura zvimwe zvinhu zvese.
 Kuzvikudza
 Kusateera murume
15
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Mubvunzo : Munyori akaburitsa chimiro chevanhukadzi sei mumutambo
Akanhonga Vhunze Nemuromo. (30)

Munyori akaburitsa chimiro chevanhukadzi sevanhu vane pamuromo. Mumutambo Akanhonga


Vhunze Nemuromo Cindy ndiye mutambi ari kuburitswa ane pamuromo pasingabviri. Cindy
anonyanyoitira Ruvengo pamuromo huye Maggie mwana waRuvengo. Pamuromo paCindy
panoonekwa paanorumbidzwa runako rwake naRuvengo achimuti uri goridhe asi iye Cindy opindura
achituka Ruvengo achimuti uri mbeva. Cindy anoenderera mberi achituka Ruvengo achimuti pakukura
kwake aiva imbwa inohukura. Ruvengo anotukwa zvakare achinzi asone chiromo chake mushure
mekunge aedza kutsiura Cindy kuti abate vaHaruna naMaggie zvakanaka pg 4. Cindy aiti zvakare
vamwene vake vane mazimhino akati fenenga seedhongi achitaura ega. Pakupedzisira Cindy
anoratidza pamuromo pake paanotuka Ruvengo achimufananidza nebveni paaipopotera Tsitsi
musikana webasa kuti aregerei kutsvaira mubhedhurumu make achimuti anyarare nekuti nyaya
yainge isati yasvika kumapfeni achireva Ruvengo kuti akafanana nebveni. Ruvengo paanopererwa
nefuel ari paRoadport Cindy anomutuka achimuti mukadzi anoda kupfekedzwa dhirezi shamwari
yake Regina iripo uye anoudza Regina apedza kutaura naRuvengo pafoni kuti Ruvengo zibenzi uye
zimbiti zvichiratidza pamuromo pakapfuurikidza. Nepapfupi munyori akatipa chimiro
chevatambikadzi sevanhu vanopopota vane pamuromo.

Munyori akaburitsa chimiro chevanhukadzi sevanhu vane utsinye. Mumutambo uyu mutambikadzi
ari kuburitswa ane hutsinye zvikuru ndiCindy na Laiza amai vake. Cindy anonyanya kuratidza hutsinye
hwake kuna vamwene vake VaHaruna, uye Maggie mwana waRuvengo nekunaRuvengo chaiye
murume wake. Utsinye hwaCindy mutambikadzi hunonyanya kubuda paanoedza kuda kuuraya
VaHaruna nenzira yekuvaisira muchetura mukeke sekuronga kwake namai vake Laiza. VaHaruna
vakazoponeswa naTsitsi musikana webasa akachinjanisa makeke aya. Cindy asati aedza zvekuuraya
vaHaruna ainge aedza zvese zvekudzinga VaHaruna pamba nekuvapumha uroyi seapo paakagadzira
chinhu chaaiti chikwambo chavaHaruna kadende kakamonerwa rundaza rwechuma chitsvuku
nechichena chakazorwa ropa. Zvese izvi hwaiva hutsinye hwaCindy hwekuda kuti VaHaruna
vadzingwe pamba achipangidza Ruvengo kuti akambozvireva vari muna Joina City kuti vaHaruna vane
gona reuroyi.Cindy akaratidza hutsinye hwake pana Maggie waaigara achishungurudza
nekumuyeuchidza kufa kwamai vake vaaiti vakafa vakatoora kare.

Munyori akaburitsa vanhukadzi vari vanhu vasina hunhu. Kushaya hunhu kwevatambikadzi
kunonyanya kubudira panaCindy nemapfekero ake. Panotanga mutambo uyu munyori anotsangaura
mapfekero aCindy achiti ainge akapfeka nhumbi dzinobata dzakasiya guvhu, musana nemakumbo
panze. Kushaya hunhu kwaCindy pakupfeka kunoburitswa zvakare naRuvengo murume wake
paanoudza Cindy kuti mapfekero ako anenge emunhu ari kuinda kunotuhwina nekuti dhirezi rake raiva
pfupi zvakanyanya richisiyazve musana dundundu nemakumbo panze. Cindy anobva ashatirwa obva
atuka murume wake achiti haadi kumunzwa achihukura pamusoro pemapfekero ake. Kupfeka
kwaCindy ndiko kuri kuyanikwa nemunyori achiburitsa vanhukadzi sevanhu vasina hunhu.

NB…Zvibodzwa zvepauvaranomwe zviri kubva pakutsigira pfungwa dzako zvizere. Mudzidzi anofanira
kuratidza umbowo hwekuti akaverenga bhuku kana Cindy akatuka Ruvengo jekesa kuti akamutuka
vari papi parunhare here kana kuti vakatarisana kana kuti aituka Ruvengo achiudza Regina. Mwana
anongoti Cindy akatuka Ruvengo osiya zvakadaro haawane zvibodzwa nekuti haana kupa umbowo
hwekuti akaverenga bhuku. Verenga bata tunhu tudiki tunojekesa rega kungoti Cindy aivenga
vamwene vake ( ani ipa zita ravamwene vake…)
16

 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vanozvikudza.


Page

 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vene mweya weumhondi.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vasingatsiriki.
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vanovenga hama dzevarume.
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vane unzenza.
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vane huori.
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vasinganzwisisi
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vasina kuvimbika.
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vane usimbe.
 Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vanotsvinya kana vachinge vadzidza.

Mubvunzo : Nyurura makakatanwa anowanikwa mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo.

 Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pemapfekero aCindy.


 Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pekupumhwa kwavaHaruna uroyi.
 Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pekusabatwa zvakanaka kwaVaHaruna
naMaggie.
 Makakatanwa pakati paCindy naRegina pamusoro pekushungurudza hama dzemurume.
 Makakatanwa pakati paTsitsi naRuvengo pamusoro pekuti Tsitsi atsvaire mubhedhurumu
maCindy.
 Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pekurambana.

AKAIPFIRIRA NEMUKATI

PFUPISO YEBHUKU
Bhuku AKAIPFIRIRA NEMUKATI rakanyanya kunangana nemisikanzwa inoitwa nevana
vari pachikoro uye nenjodzi dzinozovatevera upenyu hwese vakasazvibata vari
pachikoro. Ropafadzo Chemhere akapiwa pamuviri nemukomana wake Rugare
Chemhere vese vari vana vechikoro. Kupiwa pamuviri uku kwakaita kuti vese
vadzingwe chikoro vakatenderwa kudzoka kuzonyora mazamanishoni chete. Munyori
akanangana nekuedza kuchenjedza vanasikana sezvo varivo vanozoona nhamo huru
yekuchengeta mwana nepamuviri ari ega sezvinoita Ropafadzo Chemhere.
Mungwavaira yaRopafadzo yekuriritira pamuviri kuenda mberi nechikoro munyori
anozazanura nyaya iyi ichiburitsawo matambudziko akawanda anowanikwa
mumagariro evashona nemamwe matsva anga asipo pamagariro evatema akaita
sekutengeswa kwevana.

Dzimwe nyaya dzinobatwa nemunyori dzinosanganisira ruvengo rwamadzimwene


kuvaroora, mabatirwo anoitwa nyaya yekushaya mbereko pavanhu vatema, kubvisa
nhumbu, nyaya dzeroora , dambudziko rinosangana nevanasikana vadiki kuriritira
mwana ari ega, uye ushingi hune vanhukadzi kutanga upenyu patsva mushure
17

mekurambwa nemurume. Kupfuurikidza naRopafadzo munyori ari kuda kuburitsa


pfungwa yekuti kurambwa nemurume handiko kupera kwehupenyu, zvinhu
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


zvinowanikwa uye munhukadzi anofanira kumira ega asimbe asamirira kuchengetwa
nevarume.

MAZITA EVATAMBI

1.Ropafadzo Chemhere pg 1
2.VaTariro Chemhere pg 2 amai vaRopafadzo
3.Rugare Risinamhodzi pg 4
4.Sabhuku Mucheri pg 6
5.Ambuya Gede pg 8
6.Rowesai pg 23
7.Seke Mutema Mabasa pg 28, pg 86
8. Ndaizivei Toriro pg 41
9.Robert pg 44
10.Rugare Robert Junior Toriro pg 61
11.Professor Stanley Samkange pg 65
12.Sharon Gondo pg 68
13.Mai Nhindiri pg 71
14.

MIBVUNZO INOBATSIRA PAKUNZWISA BHUKU


1.Nyurura makakatanwa anowanikwa mubhuku Akaipfirira Nemukati. (30)
2.Ndeapi matambudziko anosangana nevatambikadzi/ vanasikana mubhuku iri. (30)
3.Nyurura zvidzidzo zvawakana mubhuku Akaipfirira Nemukati. (30)
4.Munyori akabudirira zvakadii kushandisa mazitadunhurirwa pavatambi vanotevera:
a)Garikai b)Ropafadzo c)Ndaizivei d) Rowesai. (30)
5.Nyurura matingindira makuru ari mubhuku Akaipfirira Nemukati. (30)
6.Donongodza unhu hunosvoreka hunoitwa nevanhurume huri kutsoropodzwa
nemunyori mubhuku iri. (30)
7.Zazanura zvikonzero zvekutengeswa kwevana muZimbabwe semabudisirwo
azvinoitwa mubhuku iri uye matanho angaitwa kupedza dambudziko iri. (30)
8. Munyori akaburitsa vatambikadzi sei mubhuku rake? (30)
9.Ndedzipi mhangwa dziri kupiwa vanasikana nemunyori mubhuku iri. (30)
10.Zazanura matambudziko anosangana nevanhu vari muwanano. (30)
11. Munyori akabudirira zvakadii kutipa vatambi vanotendeseka panaRugare,
Ropafadzo, Rowesai naNdaizivei.? (30)
12. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera kusundudzira rongetedzo yebhuku
mberi :
a)Ropafadzo
b)Rugare
c)Mbuya Gede
18

d) Sharon Gondo (30)


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


MUBVUNZO: NYURURA MATINGINDIRA ARI MUBHUKU AKAIPFIRIRA NEMUKATI.
(30)
 Kushaya mwana
 Kubiwa kwevana
 Rudo
 Chisahwira
 Umhandara
 Kushaya mbereko
 Kurambana
 Dzidzo
 Kuregererana
 Urovha
 Kubatwa chibharo
Mubvunzo : Zazanura matambudziko anosangana nevanhu vari muwanano (30)

 Kurambwa nevabereki vemurume


 Kurambwa nemurume/ mukadzi wako
 Urombo
 Kusabvisirwa pfuma
 Kusavimbika
 Kushaya mbereko
 Kugara kure nakure
 Kupiwa mwana asiri wako

Mubvunzo :Donongodza hunhu hunosvoreka hunoitwa nevanhurume


huri kutsoropodzwa nemunyori. (30)

 Kuramba mukadzi wawapa pamuviri


 Kutadza kuchengeta mwana wako
 Kubata vakadzi chibharo
 Kushava kunze kwenyika uchisiya mukadzi muZimbabwe.
 Kukasira kuroora usati wazvimirira.
 Kurambira mukadzi kushaya mbereko.
 Kushaya nyadzi.

Mubvunzo : Nyurura zvidzidzo zvawakana mubhuku Akaipfirira


nemukati. (30)

 Mhosva hairovi
 Upenyu hunoshanduka
19

 Hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.


 Vanasikana vanofanira kuzvibata.
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kutandara nevanhurume usiku kune njodzi.
 Kurambwa kunorwadza.
 Kuregererana kwakanaka.
 Nyadzi dzinokunda rufu.
 Dzidzo inoshandura upenyu hwemunhu.
 Kushingirira kune pundutso/ kushanda nesimba kwakanaka.
 Mwana haatengeswi nyangwe dai zvaita sei?

Mubvunzo : Munyori akabudirira zvakadii kutipa vatambi


vanotendedseka pana Rugare, Ropafadzo naNdaizivei? (30)

Kana zvichinzi mutambi anotendeseka kureva kuti muupenyu chaihwo tinavo here vatambi
vakaita saRugare , kana kuti Ndaizivei.
RUGARE

 Kana tichiongorora Rugare kuti anotendeseka here tinotanga nekunzvera kuti Rugare
aiva mutambi akaita sei? Yatinoti pachirungu character identification. Rugare aiva
mukomana mudiki panotanga bhuku ari pachikoro. Saka kutendeseka kwake tiri
kutarisa hunhu hwake semwana wechikoro kuti tinavo here vana vechikoro vane
hunhu sehwaRugare.
 Rugare mutambi anotendeseka nekuda kwehunhu hwake hunoatevera :
a) Kupfimba kwaanoita Ropafadzo vodanana vari pachikoro kunotendeseka.
b) Kupa Ropafadzo pamuviri vari pachikoro kunotendeseka nezera rake nekuti anga
akura zvekukwanisa kuita mwana uye semwana wechikoro ainge asina kuwana
mukana wekushandisa zvinodzivirira nhumbu.
c) Panobata Ropafadzo pamuviri Rugare anoramba pamuviri apa achiti akawana
Ropafadzo akaziva varume vakawanda .Kuramba kwaanoita nhumbu iyi
kunotendeseka chose sezvo anga asingashandi aitya mutoro wekuchengeta mhuri
zvinoitwa nevakomana vazhinji muupenyu chaihwo.
d) Rugare akanyepera vabereki vake zvakare kuti Ropafadzo aimunyepera zvinova
zvinotendeseka sezvo ainge asingadi kukanganisa dzidzo yake iye pachake.
e) Rugare ava kukoreji akabata shamwari yake chibharo Sharon zvinova
zvakazomudzingisa chikoro. Kubata chibharo kunoita Rugare kunotendeseka
chose sezvo muZimbabwe nyaya dzekubatwa chibharo dzakurumbira.
f) Urovha hunoita Rugare mushure mekudzingwa chikoro hunotendeseka chose
sezvo muZimbabwe mabasa ari kunetsa . Nepapfupi munyori akagona kutipa
mutambi anotendeseka wekuti tikatarisa muupenyu chaihwo varume vakaita
saRugare vakawanda.
g) Rugare akazodzokerana nemudzimai wake Ropafadzo waakamboramba zvose
nemwana wake apo ainge ava mukuru we World Vision vakazogarisana semurume
nemukadzi. Kugarisana kwavo kunotendeseka chose sezvo muupenyu
hwatinorarama varume nevakadzi vakawanda vanogona kumborambana asi
20

vozodzokedzana.
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


h) Pakupedzisira Rugare anozobatsirana naRopafadzo kutsvaka mwana wake Rugare
Robert Junior waainge amboramba achiri mukomana. Maitiro aya anotendeseka
chose uye ari kuitika muZimbabwe sezvo vakomana vanozoona akura kuti
akaramba mwana wake nekuda kwezvikonzero zvenhando ozomutora.
ROPAFADZO
Ropafadzo tinomutarisa semutambikadzi ari mwana wechikoro. Maitiro aRopafadzo
semwana wechikoro anowanikwa here kune vamwe vasikana vechidiki. Maitiro aRopafadzo
anotevera anotendeseka chose.
a) Kufuririka kusvika pakupiwa pamuviri naRugare sezvo anga asina ruzivo rwakawanda
nenyaya dzerudo.
b) Kuedza kubvisa nhumbu kwaakaita kunotendeseka sezvo aitya amai vake.
c) Kuvanza kwaanoita pamuviri pake kunotendeseka zvakare.
d) Kuramwa kuroorwa kwaanoita mushure mekurambwa kunotendeseka.
e) Kushingirira nechikoro mushure mekunge aita mwana kunotendeseka vasikana
vakawanda vari kudzokera kuchikoro mushure mekushainirwa nekurambwa
nevarume vapiwa pamuviri.
f) Kudzokerana nemurume akambomuramba kunotendeseka nekuti Rugare airatidza
kuti ndiye murume akatanga kumuziva.
g) Kuramba achishungurudzika nekuda kwemwana wake waakatengesa kusvika
azomutsvaka.

Mubvunzo : Nyurura makakatanwa anowanikwa mubhuku Akaipfirira


nemukati. (30)

 Pane makakatanwa pakati paRugare naRopafadzo


 Makakatanwa pakati paRugarenaSharon Rugare achiedza kumanikidza Sharon kuita
naye bonde Sharon achiramba.
 Makakatanwa pakati paRopafadzo naSeke pamusoro pemwana.
 Makakatanwa pamusoro paRugare naSeke pamusoro pemwana.
 Makatanwa pana Rugare namai Nhindiri.
 Makakatanwa pamusoro paRugare nevakuru vechikoro paanodzingwa.
 Makakatanwa pavaRusinamhodzi neMudzimai wavo vachikakavadzana pamusoro
pemudzimai waRugare Ropafadzo
 Makakatanwa pakati paRopafadzo namai Risinamhodzi vamwene vake vachida kuti
abve pamba pavo iye achida kuroorwa.
 Makakatanwa mupfungwa dzaRugare pachake imwe pfungwa ichiti bvunza Ropafadzo
kuti mwana wake akainda kupi imwe pfungwa ichiti mirira nguva uchaudzwa.
 Makakatanwa pakati paRugare Junior achikakavadzana nevaaifunga kuti ndibaba vake
Robert achiramba kuinda naRopafadzo naRugare ivo vachimuti aende.
21
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


ZVAIRWADZA VASARA
MUSORO WEBHUKU
Zvii zviri kunzi zvairwadza vasara? Vasara ava vanga vasara kupi , vamwe vachiindepi? Ivo
vakasara vaisarirei, vakainda vaiinderei kwavakainda? Musoro webhuku unobudira
pakawanda. Zvairwadza vasara …zvinoratidza kushushikana kwaiita vabereki vane vana
vaisarudza kuyambuka mhiri kuinda Mozambique kunodzidzira kurwa vachidzoka vava
makomuredhi vachirwira rusununguko rweZimbabwe. Kushushikana uku kunojekeswa
naVaGwejegweje nemudzimai wavo pavanoziva kuti mwana wavo Cephas (akazodzoka ava
kunzi Komuredhi Speed.) akainda mhiri kunobatana nevarwi verusunguko. Chairwadza
vabereki vasara ndechekuziva kuti mwana wavo aigona kufira kuhondo chero nguva sekufa
kwakazoita Komuredhi Speed, Komuredhi Gabarinocheka nevamwe vakawanda ndipo pari
kuburitsa musoro wekuti chokwadi zvairwadza vasara. Panofa Komuredhi
Muchapera muna 1976 vachibva kuMozambique vachiedza kuyambuka rukova abatwa
negarwe rufu rwake rwunorwadza makomuredhi akanga asara ari mapenyu…zvichiburitsa
zvakare musoro webhuku wekuti Zvairwadza Vasara. VanaKomuredhi Speed vakapedza
mazuva maviri vakarinda parwizi vachifunga kuti vachawana chitunha chakomuredhi
Muchapera asi Havana kuchiwana. Kusara kuri kurehwa nemusoro webhuku kunogona
kureva kuti kusara vamwe vachifa panofa makomuredhi vairwira Zimbabwe vainyanya
kurwadziwa ndevapenyu vainge vasara….ndipo pari kunzi nemunyori Zvairwadza
vasara…Panourawa Komuredhi Gabarinocheka nemasoja pg 109 vana vechikoro
vanorwadziwa zvikuru panonzi vamwe vaifenda vamwe vainzwa dzungu vamwe vachiyerera
misodzi pavairatidzwa chitunha chaKomuredhi Gabarinocheka vachirwadziwa nendangariro
dzekuti mukomuredhi afa uyu afa ane chinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe.

PFUPISO YEBHUKU.

Zvairwadza Vasara ibhuku rinonyatsodedemura hondo yerusununguko rweZimbabwe


kurwiwa kwakaitwa hondo kunyanya mumaruzevha nenhamo yakaonekwa nevagari
vemuZimbabwe pamwe chete nevarwi vacho. Hondo iyi yakakonzera rufu, misodzi , dikita
neropa ,kuparadzirwa pfuma kuvengana nezvakawanda. Hondo iyi yairwiwa nevatema
vachirwisa varungu kana kuti vachena vanga vabvuta nyika yeZimbabwe. Zvairwadza
muhondo iyi kuurawa kwaiitwa vanhu vatema zvese nevachena. Chimwe chairwadza zvakare
kupandukirana kwaiita vanhu vatema vamwe vatema vachirwisa vari kudivi revachena
vachirwisa vamwe vatema. Munguva yehondo maiva zvakare nevatengesi vaiudza masoja
echichena kuti makomuredzi ari kugara apa kana kuti aonekwa pakati zvaiurayisa varwi
vehondo.Mubhuku iri mune vatambi vakasiyana siyana vanomirira zvakasiyana.
a)Makomuredzi/ Magandanga….Vatambi vanotevera ndivo vaimiririra zvizvarwa
zveZimbabwe zvakazvipira kuinda musango kunorwira nyika kuti isununguke. Vazhinji vavo
vakafira muhondo vamwe vakaremadzwa vamwe vakanyangaditswa nemasoja vamwe
22

havana makuva anozivikanwa paari vamwe vakapiswa nemoto nemasoja. Makomuredzi ava
Page

ndevanotevera :

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Komuredhi Gabarinocheka
 Komuredhi Speed
 Komuredhi Chipikiri
 Komuredhi Muchapera
 Komuredhi Mao

b)Vabereki vane vana vairwa hondo….Pane vatambi vanomiririra vabereki vane


vana vakarwira hondo vakatsakatikira muhondo . Munyori akatipa vatambi ava kuti
anyatsoyanika pachena ronda raisara rine vabereki vane vakainda kuhondo zvaivarwadza
kuurayirwa vana kana kusatomboziva kuti mwana wavo mupenyu here kana kuti akafa.
Mubayiwa baba vaCephas vari kuburitswa vari mubereki ane mwana akainda kuhondo
(Cephas)

c)Masoja…

vakawanda vacho masoja vaiva vachena vairwira hurumende yaSmith vachirwisa


vanhu vatema kuti vasatora rusununguko.

 Masoja….varwi vairwira vari kudivi kwevachena kana kuti vairwira hurumende


yaSmith kunyanya vari vachena.
 Magandanga………ava vanga vari vanhu vatema vairwira rusununguko
rwenyika yeZimbabwe kubva muruoko rwevachena. Vaiwrira vari mapato
akaisyana zanla neZIPRA asi mubhuku muri kunyanya kukurukurwa zveZANLA
 Macomrades…..Nderimwe zita remagandanga munguva yehondo varwiri
verusunguko vaidaidzana vachiti comrade murwi wese ainzi comrade.
 Vatengesi….zita iri raipiwa vanhu vatema vaiudza masoja echichena kuti
makomuredzi ari kugara kupi kana kuti aonekwa kupi zvaizokonzera kuti
vanhu vakawanda vabhombiwe kana kuurawa.
 Mupuruvheya…izita rainyanya kupiwa vanhu vatema vairwa vari kudivi
revachena vapambevhu vasvetasimba.

 Chimbambaira….imhando yebhambu raiiteyiwa muvhu kuti rigoputika


richiuraya muvengi kana kuputitsa motikari yevevengi.

ZIMSEC QUESTIONS 2018

5a) Ongorora nzira dzakasiyana dzaishandiswa kukurudzirana muhondo yechimurenga


semaburitsirwo azvinoitwa murungano urwu. (30)
b) Uchitsigira nenzvimbo dzakasiyana-siyana dziri muna Zvairwadza Vasara, jekesa
kutekeshera kwakanga kwaita hondo muZimbabwe pamazuva aya. (30)
2019
23

5a.)Dzumbunura zviri kuburitswa nomunyori pamusoro pehondo yerusununguko. (30)


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


b)Kupisa kwehondo yeChimurenga kunokonzera shanduko mumararamiro evanhu. Tsigira
nezviitiko zviri mubhuku. (30)

MIBVUNZO YAKANANGANA NEBHUKU ZVAIRWADZA VASARA.


1.Ndeapi matanho akatorwa nehurumende yevachena kuti vatema vasakunde
muhondo. (30)
2.Jekesa zvimhingamupinyu zvakasangana nevarwi verusununguko muhondo
yeChimurenga sekuburitswa kwazvinoitwa mubhuku Zvairwadza Vasara. (30)
3. Donongodza pfumvu yakaonekwa nepovho muhondo yerusunguko rweZimbabwe.
(30)
4. ‘Hurumende yevachena yaiva nehutsinye hwakakomba.” Tsigira pfungwa iyi kana
kupikisa. (30)
5. Nyatsodonongodza zvairwadza vasara mubhuku iri. (30)
6.Tsanangura nzira dzakashandiswa nemunyori kunyora bhuku Zvairwadza vasara.
(30)
7.Jekesa kukosha kwenziyo dzaiimbwa munguva yehondo yerusununguko. (30)
8.Tsanangura zvidzidzo zvawakana maererano nehondo yerusununguko. (30)
9.Donongodza zviitiko zvinosiririsa zvaiitika munguva yehondo. (30)
10.Nyatsojekesa zvaiitwa neruzhinji povo mukutsigira hondo yerusununguko kuti
iyende mberi. (30)

VATAMBI
1.Chopper pg 3
2.Kid Marongorongo pg 5
3.Solomon Ngoni pg 5
4.Masiyiwa pg 6
5.Cephas Gwejegweje pg 11, pg 86
6.Dhemeti Marikopo pg 18
7.Samusa pg 24
8.Peter pg 26
9.Kaputani Knight pg 27
10.Mutumwa pg 31
11. Mabasa pg 46
12. Musafare pg 68
13.Kariba pg 71
14. Komuredhi Speed (Cephas) pg 78
15.Komuredhi Chipikiri pg 84
16.Komuredhi Gabarinocheka pg 84
17. Komuredhi Muchapera pg 91
24

18. Mubaiwa pg 28
Page

19. Black Mamba pg 100

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


20. Tongoona pg 115
21. Sabhuku Muchena pg 123
22. Tichatonga pg 127
23.Tito pg 131
24.Chief Mupawose pg 140
25.Dambudzo pg 146
26. VaMunemo pg 155
27.Tamai mukadzi waDambudzo pg 159
28.Sitembile pg 165
29. Komuredhi Fairtalk

NZIRA DZAKASHANDISWA KUNYORA BHUKU


 Nziyo
 Hope
 Mazitadunhurirwa
 Slogan
 Zvitsauko
 Tsamba pg 171
 Mutauro wechirungu
 Mufananidzo uri pabutiro rebhuku.

Mubvunzo : Jekesa kukosha kwenziiyo dzaiimbwa munguva yehondo


(30)

 Dzaidzidzisa chinangwa chehondo


 Dzaidzisa zvikonzero zvehondo
 Dzaibatsira kushingisa varwi
 Dzaipa morari kuvarwi nevatsigiri vehondo
 Dzainyaradza vanhu kana pachinge pafiwa
 Dzaipa nhoroondo yenyika yeZimbabwe
 Dzaiva nemashoko egarwa rehondo
 Dzaipa vanhu chivimbo chekukunda muhondo.

Mubvunzo : Donongodza zviitiko zvinosiririsa zvaiitika munguva


yehondo. (30)

 Kuurawa kwemakomuredhi
 Kuurawa kwavanhuwo nje
 Kudhuukirwa nezvimbambaira
 Kutengeswa kwamakomuredzi
25

 Kurohwa zvakaipisisa kwevanhu


 Kugariswa mukakipi
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kuremadzwa
 Kutsakatika kwevanhu muhondo
 Kubhombwa kwepovho
 Kuurawa kwemakomuredhi nezvikara zvemusango.

Mubvunzo : Jekesa zvimhingamupinyu zvaisangana nevarwi


verusunguko muhondo yechimurenga sekuburitswa kwazvinoitwa
mubhuku Zvairwadza Vasara (30)

 Kushaya zvekufambisa zvakanaka


 Kushaya zvombo zvakasimba
 Kushaya zvipfeko zvakanaka
 Kutengeswa kumasoja
 Kusabatana vamwe vatema vairwira vari divi revachena
 Kufirwa nevamwe makomuredhi
 Kuurawa nezvikara zvemusango
 Kutadza kuonanan nehama dzavo
 Kusiyira chikoro panzira.

Mubvunzo : Tsanangura zvidzidzo zvawakana maererano nehondo


yerusunguko. (30)

 Hondo inourayisa vanhu vakawanda


 Hondo inoparadzanisa vanhu
 Hondo inoparadza upfumi hwenyika
 Hondo inotora nguva yakareba kuti ipere.
 Hondo inotyisa
 Hondo inotyisa
 Hondo inounza rusununguko.
 Hondo inobatanidza vanhu
 Hondo inodyara ruvengo rwusingaperi.

Mubvunzo : Ndeapi matanho akatorwa nevachena kuti vatema


vasakunde muhondo.(30)

 Kuburitsa nhau dzekunyepa


 Kuvhundutsira vabereki vaitsigira hondo
 Kudyara vatengesi mukati meruzhinji
 Kushungurudza vanhu (torture)
 Kurova vabereki vaitsigira hondo.
 Kushandisa vamwe vanhu vatema kudivi ravo semasoja
26

 Kuendesa vanhu kumakipi


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Mubvunzo : Donongodza pfumvu yakaonekwa nepovho neruzhinji
rweZimbabwe muhondo yerusunguko. (30)

 Kurohwa
 Kuurawa zvisina tsarukana
 Kushungurudzwa nemasoja vachitsvaka makomuredhi
 Kubhomberwa misha
 Kuurayirwa madzimambo
 Kupiswa kwevashakabvu
 Kuiswa mumakipi
 Kubhinywa kwevanasikana

JOTI NEKETANI …FANWELL WANDAYI

PFUPISO YEBHUKU

MUSORO WEBHUKU : JOTI NEKETANI


Inzwi rekuti ketani rinomirira uranda mucherechedzo weuranda. Joti neketani zvinoreva
kusungwa kwaiitwa nhapwa dzainge dzabatwa dzaisungwa neJoko semombe pamwe
neketani uri mucherechedzo weuranda uye kuti nhapwa idzi dzisakwanisa kupukunyuka
dzichitiza sezviri kuratidzwa pabutiro rebhuku iri. Joti neketani zvaiita kuti zvive nyore
kufamba nevaranda vainge vatapwa vasingatizi. Kunhapwa ketani dzaireva mavambo
ehuranda nehupenyu hwekushaya rusununguka vachibatwa sezvipfuyo.
Bhuku Joti Neketani ibhuku rinotsanangura zvinhu zvakawanda zvechokwadi zvakaitika
munyika yedu yeZimbabwe. Bhuku iri rinodonongodza madzimamambo aitonga kuMutupa
State irimo munhoroondo yenyika yeZimbabwe. Imwe nyaya yakakosha inobatwa mubhuku
iri inyaya yekuuya kwemaputukezi (Portuguese) kuMutapa Satee vachizotenga
nekutengeserana nevanhu vatema, kuuya kwemaArab vachizotenga nekutengeserana
nevanhu vatema zvakare. Pakutenga nekutengeserana kwaiitwa pakati pevanhu vatema
nevauyi ava munyori akaidza kujekesa kudzvanyirirwa kwaiitwa vanhu vatema vachichinjanisa
nyanga dzenzou, goridhe vachipa maputukezi ivo vachipiwa zvinhu zvakaita sezvuma chete.
Nekudaro vauyi ava maputukezi nemaArab ndivo vainyanya kuwana zvinhu zvakakosha
segoridhe kupfuura zvavaipa vanhu vatema.
Munyori akabata zvakare nhau hombe yekutapwa kwevanhu vatema vachiotengeswa
senhapwa yatinoti pachirungu (Slave Trade)kunyika dzemaputukezi nedzimwe dzakasiyana-
siyana kwavaiendeswa nengarava vamwe vachifira mungarava. Pfungwa yekutenegswa
kwevanhu sembatya chinhu change chisati chamboonekwa panyika yevatema saka munyori
akagona kupenengura nyaya yehunhapwa kurwadza kwayaiita nemabatirwoa akashata aiitwa
27

nhapwa idzi. Nhapwa zhinji dzaifa nekuda kwenzara, kumbinyikidzana vari mungarava,
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


zvirwere, kukandwa mudziva vari vapenyu, vamwewo vachizviuraya kana kuzvikanda
mudziva vega pane kuti vanorarama upenyu hweutapwa.
Imwe nyaya iri kubatwa zvakare mubhuku iri inyaya yemavambo ekupambwa kwenyika
yeZimbabwe yatingati iyo Colonisation. Maputukezi aiuya achizovhima vaiuya kuzosora nyika
yeZimbabwe vachiongorora tsika nemagariro evatema marwiro avo kukosha
kwemadzimambo kuitira kuuya kwevapambepfumi vauye vachiziva zvaifanirwa kuitwa kuti
vapambe Zimbabwe. Mubhuku panotaurwa zvekuuya kwemaputukezi aiyedza kunyorerana
chibvumirano chekuvapa mvumo yekutapa Zimbabwe atingati pachirungu maConsession
seekers.
Bhuku Joti Neketani rinobata zvakare nyaya yekuuya kwechitendero chechikirisitu munyika
yeZimbabwe. Kutendeutswa kwamambo Munhumutapa achiva mukirisitu mucherechedzo
muuhombe hwekuparara kwechivanhu nechitendero chevatema chekutenda kumidzimu
nemasvikiro. Pasichigare mambo ndiye aive muchengetedzi wetsika nemagariro evatema
midzimu uye iye mambo pachake aitogadzwa nevadzimu nekudaro kutendeuka
kwaMunhumutapa kwaireva kuparara kwetsika dzeavatema. Kutendeuka kwaMunhumutapa
uku ndiko kwakaita kuti Mambo Mhangami aome mutezo arware nekuti aiziva zvazvaireva
kunyika yevanhu vatema sezvinoburitswa papage 118 nemashoko aBhatiromo achiudza
Mhangami panonzi, “…Tsika neunhu hune vanhu vacho zvinodadisa zvekuti pfungwa
dzekuitora nyika iyi dzandaimbova nadzo handichina nekuti nekuti ndakatoona kuti
hazvigoneki….Isu vaZungu kuti tikwanise kuzotonga vatema tinofanirwa kutanga tavhuna
musana wakabata nyika yavo unova tsika neunhu hwavo.’’

VATAMBI VARI MUBHUKU

1.Mambo Mbirimi pg 1
2.Magombedzi pg 1
3.Chaparadza pg 1
4.Mhangami pg 1
5.Zidovo pg 1
6.Mambo Dangarembizi pg 2, pg 13
7.Maombera pg 4 sekuru vamambo Mbirimi
8. Munhumutapa Gatsi Rusere
9.Hamadziripi pg 5 baba vamambo Mbirimi.
10.Mambo Chimhemheterwa pg 7
11. Chemai pg 10 hanzvadzi yaMhangami
12.Mangava pg 10 musikana waMbirimi
28

13.Bhareto pg 12 muputukezi
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


14.Tarugarira pg 14 nevanji wamambo Dangarembizi.
15.Gumiremhete pg 14 muArab aitengesa mhete.
16. Bwerinofa pg 15 muzukuru waDangarembizi.
17. Taruvinga pg 16 jinda ramambo Dangarembizi.
18.Chipururu pg 16 jinda ramambo Dangarembizi.
19.Perera pg 17 muputukezi.
20.Dhiyedo Gomezi .. pg 19 harahwa yechiPutukezi ainemerwa kunzi Garaneunga pg
21.Migero Ruwizi pg 20 muputukezi
22.Vashiko Sandosi… pg 20
23.Dhisuza pg 20 mukuru wemaputukezi.
24.VaMugore pg 30
25.Bangure pg 33
26.Mafirakureva.. pg 35
27. Shumbanhete pg35 jinda ramambo Mbirimi
28.Nevana pg 37 nánga yemaCharadza
29.Vhuramai pg 39 mwanakomana wamambo Mbirimi
30.Tigere pg 39 mwanakomana wamambo Mbirimi.
40.Madhombiro pg 40 murume wemuguta mamambo Mbirimi aiva akareba kwazvo.
41.Dangarembongoro pg 48 sahwira wamambo Mbirimi.
42.Mhakayakora pg 51
43.Munhumutapa Debwe Mupungagutu pg 52
44.Chisorochengwe pg 54 jinda ramambo Chimhemheterwa.
45.Ruvarangu pg 55 munin’’ina waMangava.
46. Kuchinei pg 58
47.Bhatiromo pg 62
48.Amanda .. pg 63 mudzimai waBhatiromo.
49.Chakauya pg 78 murume akasangana naMhangami ari muuranda.
50.Mambo Mhurushomana pg 89.. kwakasvikira Mhangami achitiza muhutapwa.
29

51.Chamakanda mutungamiriri wevarwi anga akasimba zvikuru.


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


52.Chipaumire… 97 chirikadzi yaiita bonde naChamakanda vari mumusasa
53.Matatapure pg 97 murume akasangana naMbirimi ari muuranda anga ava
kutaura kuti Mbirimi musori wemaputukezi.
54.Madzimbamuto pg 100 anga agadzwa umambo mushure mekuurawa
kwaChimwemheterwa nemaPutukezi.
55.Chirigamakono pg 112
56.Rudzikunuro pg 117 mwana waMhangami naRuvarangu
57.Mangava .. pg 117 mwana waMbirimi aiva apiwa zita ramaiguru vake
58. Chemai . .pg 117 mwana waMhangami aiva apiwa zita ratite vake.
59. Hamadziripi..mwana waMhangami akapiwa zita ratateguru.
Mubvunzo : Tsanangura matingindira anobuda mubhuku Joti Neketani. (30)

MIBVUNZO YAKANANGANA NEBHUKU JOTI NEKETANI


1.Tsanangura matingindira makuru ari mubhuku Joti Neketani. (30)
2.Nyatsodonongodza matambudziko makuru aisanganikwa nawo nenhapwa dzainge
dzechitema dzainge dzatengeserwa maputukezi. (30)
3.Nyurura zviri mubhuku zvinojekesa kuti Joti neketani ibhuku rechinyakare. (30)
4.Kuuya kwemaputukezi kwakakanganisa magariro evanhu vatema nenzira dzipi? Tsigira
mhinduro yako nezviri mubhuku Joti Neketani. (30)
5.Mambo Mhangami mukupera kwebhuku vanoyambira nezvenjodzi iripo kuvanhu vatema
pakugamuchira chitendero chechikirisitu. Nyatsopenengura njodzi dzaizowanikwa
mukugamuchira chitendero ichi. (30)
6.Rondorodza zviitiko zvinosiririsa muupenyu hwehutapwa. (30)
7.Nyatsoongora zviitiko zviri mubhuku zvinoratidza kuti maputukezi vaisaoona vanhu vatema
sevanhuwo. (30)
8.Nyatsodonongodza kushandiswa kwechitendero (chikirisitu) nemaputukezi mukuedza
kupamba nekutora nyika yevatema. (30)
9.Kutenga nekutengeserana pakati pevanhu vatema nemaputukezi kwakanga kwakarerekera
divi rimwe chete. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi nezviitiko zviri mubhuku Joti Neketani.
(30)
10. Rondorodza tsika nemagariro evashona anobuda mubhuku Joti Neketani. (30)
30

11.Munyori akagona zvakadii kushandisa mazitadunhurirwa pavatambi vanotevera :


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


a) Mafirakureva
b)Hamadziripi
c)Mhangami
d)Ruvarangu
e)Chemai

12.Mhangami aiva mukomana ane ushingi neumhare. Tsigira pfungwa


iyi wakatarisana nezviitiko zviri mubhuku iri. (30)

 Kupukunyuka kumaputukezi.
 Kufamba musango rinityisa rine mbada shumba nezvikara.
 Kurwa hondo ari muchikwata chaChamakanda.
 Kuuraya muputukezi airwisa tenzi wake iye ari nhapwa
 Kuuraya muputukezi aityiwa.
 Kupinda mudziva rakadzika kunonyurura Ruvarangu
 Kutungamirira dunhu rake

Mubvunzo : Nyurura matingindira ari mubhuku Joti Neketani. (30)

 Uranda/ utapwa
 Hondo
 Kupamba
 Utsinye
 Umambo
 Chikirisitu
 Rusununguko
 Rufu
 Urwere
 Rudo
 Chinyakare

Mubvunzo : Nyatsodonongodza matambudziko aisanganikwa nawo


nenhapwa dzainge dzatengeswa kumaputukezi. (30)

 Kuurawa zvisina tsarukano


 Zvirwere
 Kumanikidzwa bonde
 Kushandiswa zvakapfurikidza mwero.
 Kuparadzaniswa nemhuri dzavo zvachose.
 Kufamba vakamanikidzika munyanza.
 Nzara
31

 Kumanikidzwa kurasa tsika dzechitema.


Page

 Kushaya pekugara pakanaka.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Mubvunzo : Nyurura zviri mubhuku zvinoratidza kuti bhuku Joti
neketani nderechinyakare.(30)

 Zvombo zvavaishandisa kurwa zvakaita semiseve tsvimbo nemapfumo.


 Kufamba nzendo refu netsoka.
 Nzira dzavaishandisa kufambisa mashoko
 Chikafu chavaidya
 Mbatya dzavaipfeka.
 Utongi hwemadzimambo
 Kutendera kumidzimu zvakanyanyisa.
 Kutendera munánga zvakanyanya.
 Mavigirwo emadzimambo
 Kushandisa mishonga yechivanhu kurapa zvirwere

Mubvunzo : Kuuya kwemaputukezi kwakakanganisa magariro evanhu


vatema nenzira dzipi? Tsigira mhinduro yako nezviri mubhuku. (30)

 Kwakaunza kusabatana
 Kwakaunza unhapwa
 Kuzviremadza kwevanhu vatema kuti vasaitwe nhapa
 Kwakashandura unhu hwevamwe vatema vakatengesa vanhu vatema
 Vanhu vatema vakarasikirwa nepfuma yakawanda.
 Kwakaunza kutenga nekutengeserana kwevatema nemaputukezi zvaidzvanyirira
vanhu vatema.

Mubvunzo : Rondorodza tsika dzechishona dzinobuda mubhuku Joti


Neketani. (30)

 Tsika yekupira midzimu


 Tsika yekuviga madzishe mumapako
 Tsika yehumambo
 Tsika yekusasika madzimambo pavanovigwa
 Tsika yekutumidza vana mazita evashakabvu
 Kupfimbana
 Kubatsirwa kupfimba nemadzimbuya
 Kupanana nduma
 Kushopera kunánga
 Kutendera kumidzimu
 Barika pg 54

Mubvunzo : Nyatsodonongodza zviitiko zviri mubhuku zvinoratidza


kuti maputukezi aisaona vanhu vatema sevanhuwo. (30)
32

 Kuvayanika pachena varume nevakadzi vakashama


Page

 Kukandwa munyanza vari vapenyu kuti chikepe chirerukirwe

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kuvashandisa zvakapfurikidza mwero.
 Kuvasunga nematanda neketani
 Kusarapisa nhapwa dzairwara
 Kusavaremekedza
 Kugarisa nhapwa muzvitumba ivo vachigara dzimba dzakanaka
 Kuvarova pavadira
 Kuuraya nhapwa pamadiro
 Kupiwa mubairo wekukanda nhapwa munyanza kuti chikepe chisanyura.
 Kutengeswa sembatya
 Kubvisa nhapwa dzechirume zvombo zvesikarudzi yatingati (castration) pachirungu.

Mubvunzo : Rondorodza zviitiko zvinosiririsa muupenyu hwenhapwa


dzaitapwa nemaputukezi. (30)

 Kuurawa zvisina tsarukano


 Kuparadzaniswa nemhuri dzavo zvachose
 Kukururwa kusiyiwa vakashama vachiongororwa
 Kutengeswa sechipfuyo
 Kuitwa muranda kweepenyu hwese
 Kuitwa muranda kwedzinza rese
 Kuzvarira vana muunhapwa
 Kusungwa neketani kwenguva refu vari munyanza
 Kugarisa mumatumba asingakodzeri kugarwa nevanhu
 Kushungurudzwa pabonde

Mubvunzo : Nyatsodonhongodza kushandiswa kwechitendero


chechikirisitu mukuedza kupamba nekutora nyika yevatema. (30)

 Varanda vechitema vaiudzwa kuti kutiza uranda kwakafanana nekuuraya munhu.


 Kushandisa bhaibheri kuisa pfungwa yekuti uranda hwakanaka kuvaranda vechitema.
 Kutendeutsa madzimambo iri nzira yekupwanya chivanhu chaisunganidza vanhu
vatema.
 Kusimbirira kuverenga mavhesi aitaura nezveuranda chete mubhaibheri
 Kutungamidza vaparidzi mberi vapambepfumi vachitevera mumasure

IMWE CHANZI ICHABVEPI ? RAKANYORWA NAWILLIE W CHIGIDI

PFUPISO YEBHUKU

Mutambo Imwe Chanzi Ichabvepi wakanyanya kunangana nemhuri dzechidiki mumagariro


emudhorobha pamwe neechivanhu. Barnabas naChitsidzo vaive mhuri yechidiki yaigara
mudhorobha Barnabas achishanda ari mudzidzisi mudzimai wake achishanda zvakare ari
33

secretary. Munyori akashandisa Barnabas kujekesa kuti nyaya yemeso meso inoparadza
Page

wanano nekukasira. Barnabas anopa mwana wechikoro waaidzidzisa Fatima Goronga

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


pamuviri zvinova zvakakonzera kudzingwa kwake basa reurairidzi uye kubhadhariswa mari
yakawanda yekuchengeta mwana nevillage Court. Kumushawo Barnabas aifanira kugara
nhaka mukadzi wemukoma wake Zvichemo. Munyori akaunza nyaya yenhaka iyi kuri kuedza
kuratidza kuti dzimwe tsika dzechivanhu dzava kuda kuongororwa zvakare sezvo
dzisingachafaniri kutevedzwa. Nyaya yenhaka iyi yaigona kuparadza mhuri yese nezvirwere
zvepabonde sezvo Chitsidzo aitopopotera Barnabas achimuti wakandizadza chirwere
chepabonde saka kugara Zvichemo nhaka kwaizopedzisira naZvichemo atapukira chirwere
chepabonde zvakare.
Imwe nyaya huru iri kuda kuyanikwa pachena navaChigidi inyaya yevakadzi vakadzidza uye
vanoinda kubasa (working class women.) Chitsidzo ndiye mucherechedzo wevakadzi
vakadzidza vanoshanda anotofamba nemotikari yake. Chigidi ari kuyanika pachena miyedzo
inosanganikwa nayo nevamwe vakadzi vanoshanda muyedzo wekupfimbwa nemashefu kuti
arambe ari pabasa. Chitsidzo anopfimbwa nashefu wake Grey kwenguva yakareba achiramba
kusvika azobvuma pakupedzisira. Munyori ari kuyanika pachena huipi hwemamwe mashefu
hwekumanikidza vashandi vechikadzi bonde kunyanya masecretary kuti arambe ari pabasa.
Nemanzwi ake Grey anoti : ‘’Asi haupoti uchibvunzawo mamwe masecretary palunch
vakakuudzawo machengetero avanoita mabasa avo ? Vazhinji vakatopinda muchuni
nemashefu avo, zvino vagara zvakanaka.’’ Pg 55
Imwe nyaya huru iri kuiswa mudariro naVaChigidi inyaya yekudhakwa zvakanyanyanyisa.
VaChigidi vari kuratidza kuti kudhakwa zvakanyanya kwaparadza dzimba dzevechidiki sezvo
varume vanodhakwa vava kushaya nenguva yekufadza vakadzi vavo pabonde. Ndicho chimwe
chikonzero chinopiwa naChitsidzo panopera mutambo uyu sechikonzero chake chekuramba
Barnabas. Pg 66 Zvanzi naChitsidzo, “Doro unongomwa zuva roga roga uchiraradza
serombe.Kuda kudoedza kukuzunza hauzombofurukuti kana….Wainzwa ndichingogarotaura
pano apa kuti doro rinopedza mari ukafunga kuti yaiva mari chete yandaichemera.
Ndaipopota nekuda kwemurume aingouya akafa nekudhakwa zuva roga roga.’’ Munyori ari
kupa yambiro kuvarume vechidiki kuti vanwe doro zvine mwero vachiziva kuti vane vakadzi
vanodawo kufadzwa pabonde.
Nyaya yebonde ndiyo imwe nyaya hombe iri kuburitswa nemunyori mubhuku iri. Munyori
ari kuyedza kurayira nekudzidzisa kuti muwanano mukashaikwa bonde wanano iyoyo haiendi
mberi. Chikuru chakaparadza imba yaBarnabas naChitsidzo ndechekeuti Barnabas anga
asisina nguva yekuita bonde chairo naChitsidzo. Papage 67 Chitsidzo anoti , ‘’kwenguva
refu wakambondipawo chance yekuti ndimere mapapiro erudo ndichiti ndine murume
wangu, ndichinyatsokugutawo? Papage 66 hanzi naChitsidzo, ‘’Ndaishanyarika ndirimo
mumagumbeze havi yokukuda ichibvira somoto wamakwande uchangobatidzwa. ‘’Mashoko
aChitsidzo aya anojekesa pachena kuchema kwake nenhau yebonde muwanano make haana
kuwana nguva yekuita bonde nemurume wake Barnabas zvinova zvakaparadza wanano yake.

Musoro webhuku
34

Inonzi Chanzi mukana wekuita zvinhu zvinenge zvichifanirwa kuitwa. Musoro webhuku
Page

wakauya semubvunzo kuti imwe chanzi ichabvepi? Umwe mukana uchabvepi zvatarega
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
mukana uchipfuura uyu? Mubvunzo uyu wakanyanya kunangana naBarnabas paaibvunzwa
naChitsidzo mukadzi wake mushure mekunge akumbira ruregerero achida kuti vatange
patsva zvakare ndipo paaiudzwa kuti hakuchina imwe chanzi zvakare.

VATAMBI

Barnabas

 Barnabas mutambi akapiwa nemunyori kumirira imwe mhando yevanhu muupenyu.


Barnabas ari kumirira nhubu dzevarairidzi vari kushandisa chinzvimbo chavo nebasa
ravo zvisirizvo vachimanikidza vana vechikoro kuita navo bonde asi vachizovaramba
kana vava nepamuviri. Munyori ari kupa yambiro huru kuvabereki kuti vaongorore
muzvikoro zvinodzidza vana vavo kuti hapana here nhubu dzevadzidzisi dzakaita
saBarnabas akapa mwana wechikoro Fatima pamuviri achibva amuramba.
 Barnabas ari kumirira zvakare varume vechidiki vanoraradza zvakanyanya
vachizoshaya nguva yekufadza madzimai avo pabonde. Munyori ari kupa yambiro
zvakare kune vese vari muwanano kuti vakoshese nguva kupanana nguva yakakwana
vari vaviri kwete kupedzera nguva yese nesimba rese kuhwahwa.
 Munyori akashandisa zvakare Barnabas kuyanika pachena ngwavaira inounzwa
nehurovha kana murume akava rovha mukadzi achishanda. Chitsidzo akamboedza
kuramba shefu vake Grey paaiedza kumupfimba apo Barnabas achiri pabasa asi
panozodzingwa Barnabas pabasa nekuda kwekupa mwanasikana wechikoro Fatima
pamuviri zvinowedzera kudonhedza imba yaChitsidzo naBarnabas nyangwe zvavo
yanga yagara yarereka yoda kudonha.
 Barnabas akamirirawo nhubu dzevarume dzine meso meso dzinosiya vakadzi vavo
vachinofara kunze vachivigira vakadzi vavo zvirwere zvepabonde. Chitsidzo anoti
Barnabas akamupa chirwere chepabonde. Nekudaro munyori ari kutsiura varume
kupfuurikidza naBarnabas kuti chipfambi chinourayisa vakadzi vagere havo
nekuvatapurira zvirwere zvepabonde.

CHITSIDZO

 Chitsidzo naSuzzana vakamirira vakadzi vari kuzvishandira


vanokwanisa kuzvichengeta. Suzzana aiva mudzidzisi
paChitungo Secondary school ari shamwari yaChitsidzo.
Chitsidzo aishandira Ango American Company ari secretary
saka Chitsidzo naSuzzana vakamirira vakadzi vakadzidza
vanoshanda vatingati pachirungu vari (financially independent)

 Chitsidzo anomirira vakadzi vanoshanda (working class women). Munyori akashandisa


Chitsidzo kuyanika pachena kuti pane hondo inoda kurwiwa kusunungura vakadzi
mumabasa mavanoshanda. Chitsidzo anomanikidzwa naGrey kuti adanane naye
35

amupe bonde senzira yekuchengetedza basa rake rehusecretary. Sekutaura kwaGrey


anoti ndizvo zviri kuitwa nevakadzi vakawanda (zvekurara nemaboss avo)
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


kuchengetedza basa ravo. Munyori akashandisa Chitsidzo kuratidza njodzi
nekushungurudzwa kukuru kuri kuitwa vamwe vakadzi vanoshanda kuti
vachengetedze basa ravo. Munyori ari kuyambira , kupa chenjedzo kumapurisa
nevanorwira kodzero dzevakadzi kuti vasunge nhubu dzakaita saGrey dziri
kumbunyikidza vakadzi pabonde.
 Munyori akashandisa Chitsidzo zvakare kupa yambiro kuvakadzi vari muwanano kuti
vanofanira kumirira dzimba dzavo kurwisa dzimwe hama dzevarume dzinoda
kupindira muwanano yevaviri zvakapfurikidza.

GREY

 Grey mutambi akamirira vashandirwi kana kuti vakuru pabasa vari kushandisa
zvinzvimbo zvavo kumanikidza vashandi vechikadzi kuita bonde navo. Grey akamirira
nhubu dzevarume dzisina ruremekedzo kuvakadzi vakaroorwa vanoda kurara
nemukadzi wese ane chinzvimbo chiri pasi pechake.Yambiro iri kupiwa nemunyori
kuhurumende nekune veruzhinji kuti varwise nhubu dzakadai vaferefete mumabasa
nhubu dzakaita saGrey dzisungwe nekudzingwa basa vakadzi vashande
vakasununguka sezvinongoitawo varume.

1.MADIRO

2.BHOKISENI

3. TAKAODZA

 Vatambi vatatu ava vanoti Madiro, Bhokiseni naTakaodza vakamirira vashona vachiri
kutendera kutsika dzimwe dzepasichigare dzava kunetsa kuti dzichiramba
dzichitevedzerwa nhasi uno nekuda kwekushanduka kwaita zvinhu, zvirwere
zvepabonde uye kodzero dzevanhukadzi. Vatambi ava ndivo vakasimbirira nyaya
yekuti Barnabas agare Zvichemo nhaka nekuti ndotsika yechivanhu. Madiro ,Bhokiseni
naTakaodza vanoti Barnabas agare nhaka nekuti pfuma yavo haingaenderi mahara
Zvichemo asati apedza ura.
 Takaodza anoomesawo musoro achiti basa remukadzi nderekuzvara kusvika apedza
ura. Iye Takaodza anoudza Chitsidzo kuti akabereka vana gumi nevaviri vapenyu vaviri
vakafa saka Chitsidzo aifanirawo kubara vana vakawanda kwete vaviri chete . Muono
wakadai ndiwo unotsigira pfungwa yekuti Chitsidzo akamirira vanhu vachiri kuda
kutevedza tsika dzechivanhu sezvadziri. Munyori ari kuedza kuvhura vaverengi
pfungwa kuti maonero edu ehupenyu anofanira kushanduka tichifambirana nenguva.

GORONGA

 Goronga anga ari baba vaFatima musikana akapiwa pamuviri naBarnabas ari mwana
wechikoro. Goronga akamirira madzibaba achiri kuwona vanasikana senzira
yekuvapfumisa. Panopiwa mwana wake pamuviri naBarnabas chikuru chiri
36

kupengerwa naGoronga hakusi kuti mwana wake avhiringidzwa chikoro chete asi
anorwadziwa nekuti iye sababa hapana chaanowana. Zvanzi naGoronga pg 29 “Ko ini
Page

baba vacho hapana chandinowana here?’’ Mafungiro aya ekuti mwanasikana

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


anofanira kupfumisa vabereki paanoroorwa kana kupiwa pamuviri ndiwo ari
kutsoropodzwa nemunyori. Goronga anopedzisira aramwa asimuka padare nehasha
nemudzimai wake. Goronga anodaidza mudzimai wake chete kuti vaende kumba
haana hanya kunzwa kuti saka mwana wake Fatima achaendepi zvaari kurambwa
naBarnabas wacho. Pa page 35 Goronga anoti , ‘’Iwe Maidei !Mai Fati! Pano hapachina
chedu. Chirega kuramba wakati zokoto ipapo, simuka hende! Hanzi mwana haasisiri
wedu ava nemaraitsi.’’ Goronga munhu akanyura muchivanhu asingatonzwisisi nyaya
dzekodzero dzevanasikana. Kwaari kodzero dzemwanasikana dzamubvisa hubaba
hwake. Nemamwe manzwi munyori ari kuburitsa mapisha pisha aripo patsika
dzechivanhu netsika dzechirungu dzakaunza nyaya yekodzero dzevanasikana. Pane
vanhu vakawanda vasati vakwanisa kutambira kodzero dzevanasikana vachiri kuona
kuti mwanasikana inzira yekuwana upfumi kunova kufunga kusiri iko.

FATIMA

 Fatima ndiye musikana akapiwa pamuviri naBarnabas achiri pachikoro akazorambwa.


Munyori akashandisa Fatima kuburitsa yambiro yake kuvanasikana vari pachikoro kuti
vafambire chimwe chete chekudzidza kwete zverudo. Kudanana nemudzidzisi itori
mhosva chaiyo sezvinoratidzwa nekudzingwa basa kwaBarnabas. Vanasikana vari
kuyambirwa zvakare kuti nhamo inosara yava yake ega sezvo kashoma kuti azoroorwa
nemudzidzisi sekurambwa kwakaitwa Fatima worambwa nemuridzi wenhumbu
Barnabas worambwa zvakare nemubereki.

Mibvunzo yakanangana nemutambo.

1. Munyori ari kuyedza kuyanika pachena nhunha dzinosanganikwa nadzo nevakadzi


vakaroorwa. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi. (30)
2. Barnabas akazviputsira imba yake oga. Unotii nepfungwa iyi? (30)
3. Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezvinoitwa mumutambo Imwe Chanzi
Ichabvepi? (30)
4. Yanika pachena makakatanwa anowanikwa mumutambo uyu. (30)
5. “Handiti munhukadzi anofara kana achizvara vana? Funga mazana aya ose
emadhora nemakumi aya emombe akapiwa baba vako? Pfumayo yongoenda zvayo
mahara iwe uchiita usimbe hwekubereka!’’pg 51. Wakanangana nemashoko aya
nyatsoongorora kuti munyori Chigidi anoona sei vatambikadzi? (30)
6. ‘’Another chance! Ministry of education haina kukupa another chance; Fatima haana
kukupa another chance; Village Court haina kukupa another chance…..Vabereki vako
havasiri kukupa another chance vari kuda kuti uroore mukadzi wemukoma wako.
Kuzoti iniwo zvangu ndini ndozokupa another chance, ndinoiwanepi?’’ pg 69
Mashoko aya anozadzikiswa sei mumutambo Imwe Chanzi Ichabvepi? (30)
37

7. ‘’Ini chance yandakakupa yakakwana. Chete hauna kugona zvako kuisevenzesa.’’ Pg


69 .Barnabas akakundikana nenzira ipi kusevenzesa “’chance” yaakapiwa.? (30)
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


8. Ndezvipi zvikonzero zvekuparara kwemhuri dzechidiki zvinoburitswa mumutambo
Imwe Chanzi Ichabvepi? (30)
9. ‘’Hausiri umbwa hwekurudzi kwangu . Chete umbwa hwevanhurume vose kwese
kwese.’’ Pg 68. Nyatsozazanura umbwa hwevanhurume huri kutsoropodzwa
mumutambo Imwe Chanzi Ichabvepi? (30)
10. Nyatsodonongodza makakatanwa anowanikwa mumutambo Imwe Chanzi
Ichabvepi? (30)

Mubvunzo : Nyurura matingindira makuru anowanikwa mumutambo


Imwe Chanzi ichabvepi? (30)

 Kumbunyikidzwa pabonde
 Kurambana
 Urovha
 Kusavimbika
 Huori
 Nhaka
 Dzidzo
 Kodzero
 Urema
 Rufu
 Kubvisa nhumbu
 Roora
 Chinyakare

Mubvunzo : Nyatsodonongodza makakatanwa anowanikwa


mumutambo Imwe Chanzi Ichabvepi? (30)

 Mubvunzo wemakakatanwa unoda kuti mudzidzi aburitse


zvinotevera:
 Makakatanwa aya ari pakati pevatambi vapi ani nani?
 Makakatanwa aya ndeeyi?
 Anopera sei?
 Paunoburitsa kuti makakatanwa eyi nyatsojekesa kuti kana vari
vatambi vaviri umwe ari kuti zvakati umwewo achiti zvakati
ngazvibude mumutsara umwe chete makakatanwa acho.

 Pane makakatanwa pakati paBarnabas naChitsidzo, Chitsidzo achiramba Barnabas


nekuda kwekuti akaitisa Fatima pamuviri Barnabas achiedza kukukumbira ruregerero.
38

Makakatanwa anopera nekurambwa kwaBarnabas naChitsidzo.


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Pane makakatanwa pakati PaGrey naChitsidzo , Grey aiedza kumanaikidza Chitsidzo
kuti adanane naye nechisimba kuti basa rake risapere Chitsidzo achiramba achiti
hazviiti ndiri mudzimai wemunhu. Makatanwa aya anopera Chitsidzo abvuma
kudanana naGrey.
 Pane makakatanwa pakati paBarnabas nababa vake VaMadiro, VaMadiro vaiti
Barnabas anofanira kugara nhaka Zvichemo mukadzi wemukoma wake Garikai
akashaya Barnabas achitsika madziro achiti kwete mudzimai wangu Chitsidzo
akandikwanira. Makakatanwa aya anopera Barnabas achingoramba kugara nhaka
yaZvichemo.
 Pane makakatanwa pakati paBarnabas naFatima, Fatima aiti nhumbu yaainayo
ndeyaBarnabas ukuwo Barnabas achiti kwete haisi nhumbu yangu Fatima ipfambi.
Makatanwa aya anozopera Barnabas aripiswa nedare reVillage Court ramubata
nemhosva yekuti ndiye muridzi wemwana.
 Pane makakatanwa pakati paBarnabas naTakaodza tete vake Takaodza achisimbira
rekuti Barnabas ngaagare nhaka Zvichemo azvare kusvika apera ura uyuwo Barnabas
achiramba achiti vana vashanu vana Zvichemo vakatokwana. Makakatanwa anopera
Barnabas achingoramba kugara nhaka.
 Pane makakatanwa pakati pemutambi netsika (Barnabas netsika yechivanhu
yekugara mukadzi wemufi nhaka) Barnabas anoramba kugara nhaka Zvichemo
mukadzi wemukoma wake asi achiti mukadzi wake Chitsidzo akamukwanira asi tsika
yechishona ichiti mukadzi wemufi anofanira kugarwa nhaka sepanonzi naVaMadiro :
‘’Wakambozviwonepi kuti mukadzi asiiwa nemukoma anorambwa? Unoda kutanga
tsika yako wega here isingazikanwi kurudzi kwedu.?”
 Pane makakatanwa pakati paGoronga baba vaFatima nedare reVillage Court Goronga
achida kuripwa naBarnabas akapa mwana wake pamuviri asi dare richiramba kuti
Barnabas hapana chaanofanira kupa Goronga nekuti Fatima mwana waGoronga aiva
ava nemakore anopfuura gumi nemasere saka ava nekodzero dzake dzekusarudza
kurara nemurume waanoda. Makakatanwa aya anopera nekukurirwa kwaGoronga
sezvo dare rairamba kuti Barnabas aripe Goronga.
 Pane makakatanwa pakati paBarnabas nedare reVillage Court Barnabas achitsika
madziro kuti haasiriye akapa Fatima pamuviri dare richitiwo Barnabas ndiye muridzi
wepamuviri sezvo ariye murume ega abvuma kuti akamborara naFatima.
Makakatanwa aya anopera nekuripiswa kwaBarnabas kuratidza kuti aiva nemhosva.

Mubvunzo : Ndezvipi zvikonzero zvekuparara kwemhuri dzechidiki


mazuva ano? Tsigira nezvinoitika mumutambo Imwe chanzi
ichabvepi.(30)

 Chipfambi
 Kupindira kwehama murudo rwevaviri
 Tsika dzechinyakare dzakaita senhaka
 Kunyeperana
39

 Urovha
Page

 Kutapurirana kwezvirwere zvepabonde.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kudhakwa zvakapfurikidza mwero.
 Kusagutsana pabonde
 Kumanakidzwa bonde nemashefu

Mubvunzo :Barnabas akazviputsira imba yake ega. Unotii


nepfungwa iyi. (30)

 Mubvunzo uyu uri kungoda kuti upe zvakaitwa naBarnabas


zvakakonzera kuti arambwe naChitsidzo.

 Kusagutsa mukadzi wake pabonde


 Kuraradza zvakanyanya
 Kupa Fatima pamuviri
 Kupa mudzimai zvirwere zvepabonde
 Kunyepera mudzimai wake
 Kuzvidzingisa basa nekupa Fatima mwana wechikoro pamuviri.
 Kurega hama dzake dzichipindira muwano yake
 Kupedzera mari yose kudoro
 Kushaya nguva yekutandara nemukadzi wake ari kubhawa
 Kutadza kutaura chokwadi chaimunetsa kuti ndakadzingwa basa
 Kushandisa mari yaChitsidzo mudzimai wake kubhadhara maintanance

Mubvunzo : Munyori ari kuyedza kuyanika pachena nhunha


dzinowanikwa nevanhukadzi vakaroorwa. Tsigira kana kupikisa
pfungwa iyi wakanangana nezvinoitika mumutambo Imwe Chanzi
Ichabvepi. (30)

 Kutongwa nehama dzemurume


 Kuitirwa chipfambi
 Kusagutswa pabonde
 Kufirwa
 Kusavimbika
 Kubirwa mari nevarume
 Kuvengwa nehama dzemurume
 Kumanikidzwa kugarwa nhaka
 Kumanikidzwa kutevedza tsika dzechishona dzinodzvanyirira…sekuzvariswa vana
kusvika wapera ura.
 Kupiwa zvirwere zvepabonde.
40
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Mubvunzo : “Hausiri umbwa hwekurudzi kwangu. Chete umbwa
hwevanhurume vese kwese kwese. Pg 68. Nyatsozazanura umbwa
hwevanhurume huri kutsoropodzwa nemunyori mumutambo Imwe
Chnzi Ichabvepi (30)

 Mubvunzo wakadai unoda kuti utange hwanzwisisa kuti kana zvichinzi umbwa
hwevanhurume zvinorevei? Unokurudzirwa kutopa tsananguro kana kuti
(interpretation) yemubvunzo nepadiki kunyanya kana mubvunzo wauya uri tsumo
,dimikira kana chimwewo chirevo chine mutauro wakapfuma.
 Umbwa…zvinoreva unhu hwakashata husingatarisirwi kumunhu akakwana, hunhu
hwakafumuka hunosvodesa zvisingabviri.

 Kupfimba vana vechikoro


 Kuramba pamuviri paanoziva kuti ndepake
 Kupfimba vakadzi vevanhu pamabasa
 Kushandisa chinzvimbo chepabasa kupfimba mukadzi wemunhu
 Kusazvidzora
 Kunyepera mukadzi
 Kuita zvose zvinoputsa imba yake
 Kusanyara kurara nemwana wechikoro muoffice
 Kutora mari yashandwa neumwe mukadzi kunobhadhara maintanence yeumwe
mukadzi.
 Kutapurira vakadzi zvirwere zvepabonde

Mubvunzo : Ndezvipi zvakatokonya munyori kunyora mutambo


wakadai? (30)

 Mubvunzo wekuti ndezvipi zvakatokonya munyori unongoda


kuti uburitse matingindira makuru ari mubhuku nekuti
matingindira ndiwo anotokonya munyori.

 Munyori akatokonywa nenyaya yekupfimbwa kwevakadzi vevanhu kumabasa


 Munyori akatokonywa nenyaya yetsika yenhaka ichiri kuitwa
 Munyori akatokonywa nenyaya yevadzidzisi vanodanana nevana vechikoro muzvikoro
umu.
 Munyori akatokonywa nemaitiro evamwe vabereki zvikurusei vanababa vanoda
kupfumiswa nekuroodza / kana kuripisa mwanasikana.
 Munyori akatokonywa nekuraradza kunoita varume vechidiki vachitadza kufadza
madzimai avo.
41

 Munyori akatokonywa nenyaya yebonde muwanano kusagutswa kuri kuitwa


Page

madzimai akawanda pabonde muwanano.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Munyori akatokonywa nekusavimbika kunowanikwa muwanano
 Munyori akatokonywa nekuparara kwedzimba dzechidiki zvisina tsarukano.
 Munyori akatokonywa nekuparara kwezvirwere zvepabonde muvanhu

Mubvunzo :‘’Ini chance yandakakupa yakakwana. Chete hauna
kugona zvako kuisevenzesa.’’ Pg 69 .Barnabas akakundikana
nenzira ipi kusevenzesa “’chance” yaakapiwa.? (30)

 Mapindurirwo anoitwa mubvunzo unenge wauya wakatapwa uri (quotation)


sezvakaitwa uri pamusoro uyo. Mubvunzo uyu unoda kupindurwa nenzira kwayo
kunyanya pekutanga pacho sezvicharatidzwa pazasi . Mudzidzi anofanira kutaridza
zvinotevera :
1) Ndiyani akataura mashoko aya?
2) Mutauri aitaura nani?
3) Chii chainge chaitika kuti pataurwe mashoko akadaro.?
4) Mashoko akataurwa anorevei?

 Mashoko aya akataurwa naChitsidzo. Chitsidzo aitaura nemurume wake Barnabas.


Mashoko aya akataurwa mushure mekunge Chitsidzo aziva chokwadi chaivanzwa
naBarnabas kuti Barnabas akadzingwa basa mushure mekupa mwana wechikoro
Fatima pamuviri huye aibhadhara maintanence kunaFatima. Mashoko akataurwa
naChitsidzo ekuti chance yandakakupa yakakwana aireva kuti haachadi kuramba
achigara naBarnabas semurume nemukadzi nekuti ainge amutadzira zvikuru nekuita
chipfambi.
 Barnabas akakundikana kusevenzesa chance yaakapiwa yekupa mukadzi wake rudo.
Barnabas akashaya hanya nemukadzi wake achimusiya ega achiraradza zvakanyanya
zvekuti aitadza kuita bonde nemukadzi wake sekutaura kwaChitsidzo. Kudhakwa
zvakapfuura mwero kwaBarnabas ndiko kutadza kushandisa chance kwaakaita chance
yekufadza mukadzi wake pabonde zvakakonzera kuparara kwemba yake panopera
mutambo uyu.
 Barnabas akatadza kushandisa chance yake yekuti mukadzi wake avimbe naye
munhamo nemukufara. Barnabas akaputsa chivimbo chaiva naChitsidzo maari
semurume akavimbika nekupa mwana wechikoro Fatima pamuviri zvakazozikanwa
naChitsidzo. Barnabas akatadza kushandisa chance kana mukana zvakare wekuti
Chitsidzo avimbe naye nekumuvanzira mhosva yake yekudzingwa basa nekupa Fatima
pamuviri zvakazoburitswa naSuzzana shamwari yaChitsidzo. Nekudaro Barnabas
akakundikana zvikuru kushandisa chance yaakapiwa nemudzimai wake Chitsidzo.

Zvimwe zvinoitwa naBarnabas kuratidza kuti akatadza kushandisa chance yaakapiwa


naChitsidzo.
42

 Kutadza kudzora hama dzake tete vake Takaonza vachipopotedzana naChitsidzo


Page

 Kushandisa mari yaChitsidzo kubhadhara Fatima

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kunyepa kuti ari paleave
 Kutadza kupa Chitsidzo bonde
 Kutiza kumusha achitadza kusiya apedza nyaya yenhaka yaZvichemo

NHETEMBO : NDURI DZENHANGO DZOMUZIMBABWE

CHIKAMU 1 : NHANGO DZEMHIRAMIDZIMU

Zvakakosha pakupindura mibvunzo yedetembo :


 Bata zita redetembo sezvariri kuti uwane zvibodzwa zvakakwana.
 Pachikwata chega chega chenhetembo bata nhetembo shanu kana kudarika kazhinji
pabvunzo kunonzi tsigira nenhetembo shanu kana nhanhatu.
 Pachikwata chega chega bata pfungwa huru sekuti panhetembo dzekuraya bata zvikuru zviri
kurairwa zvacho pane dzekupfimbana bata pfungwa huru dzinobuda pakupfimbana.
 Pachikwata chega chega bata zvidavado zvakashandiswa nanyanduri. Mubvunzo
wezvidavado wakangoda kufanana nemaumbirwo tsigiro hainyanyi kusiyana sekuti ukatarisa
nhetembo dzemhiramidzimu zvidavado zvacho zvaunoburitsa ndizvo zvimwe chete
zvauchaburitsa panonzi ipa maumbirwo enhetembo dzemhiramidzimu.
 Kana uchipindura mubvunzo wedetembo unopindura chabvunzwa kutanga zvichireva
kuti kana mubvunzo wakati Nyurura maumbirwo enhetembo dzemhiramidzimu
unotanga kupa maumbirwo sezvakaratidzwa pazasi kwete kutanga kupa zita redetembo. Asi
kana mubvunzo wakati buritsa nhetembo shanu dzekurayira ujekese zviri kurayirwa zvacho
apa chabvunzwa kutanga inhetembo saka unotanga kudoma zita redetembo wozopa zviri
kurayirwa zvacho.
 Nhetembo dzinoda kutsigirwa zvizere nezviri mudetembo .
 Patsanura pfungwa netsigiro zvisaita mutsara umwe chete.

ZIMSEC QUESTIONS

2002

1a)Tsanangura zvizere musambo (tsika) wemhiramidzimu uchiburitsa pachena zvidavado


zvinowanikwamo. (40)
43

b) Sarudza nhetembo shanu dzinoratidza rairo dzakasiyana siyana dzinopiwa kumusikana naambuya
Page

kana kumukomana nasekuru ugoreva zvinodzidziswa munhetembo idzi. (40)

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


2015

1a) Uchitsigira nenhetembo shanu nyatsotsanangura tsika nemagariro zvepasichigare zvinoburistwa


mune dzimwe nduri dziri mubhuku iri. (40)

b) Jekesa zvinangwa zvevashona zvekupira midzimu zviri munhetembo dzinotevera : Sarudza shanu
chete.

i) Zviyo zvenyu zvaibva,

ii)Nyati dzenyu sekuru,

iii)Hoyo muzukuru wenyu,

iv)Mutitarisire vakuru,

v)Mutisundidzire mberi,

vi)Chitipaiwo udekare (40)

2016

1a)Dzumbunura maitiro nemutauro zvaishandiswa panguva dzaisumwa doro uchitsigira


nekuburitswa kwazvakaitwa munhango dzekusuma doro. (40)

b)Nyatsorondorodza rairo dzaipiwa majaya munguva yepasichigare. Ita izvi uchishandisa nhetembo
shanu kubva munhango dzokurayira nokunyevera. (40)

MIBVUNZO YENHETEMBO

1. VaShona vanhu vaitenda kuti midzimu yavo yaivatungamirira pamagariro avo ese muupenyu.
Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzemhiramidzimu dzawakanzi uverenge. (40)
2. Tsanangura maumbirwo enhango dzemhiramidzimu. (40)
3. Jekesa chinangwa chenhetembo dzemhiramidzimu wakanangana nechikamu chenhango
dzemhiramidzimu. (40)
4. Nyatsotsanangura kukosha kwenhetembo dzemhiramidzimu uchitsigira nenhetembo shanu
kubva mubhuku rawakanzi uverenge. (40)
5. Donongodza basa renhetembo dzemhiramidzimu uchitsigira nenhetembo nhanhatu
dzawakanzi uverenge. (40)
6. Nhetembo dzemhiramidzimu dzaidetembwa kana zvaita sei? Tsigira pfungwa dzako
nenhetembo shanu dzemuchikamu chenhango dzemhiramidzimu. (40)
7. (i) VaShona vaipira midzimu kana zvaita sei? Tsigira nenhetembo nhanhatu kubva muchikamu
chenhango dzemhiramidzimu. (40)
(ii) Ipa zvikonzero zviri kuita kuti tsika yekupira midzimu iderere muupenyu hwevashona. (10)
[40]
8. Uchitsigira nenhetembo shanu dzakakodzera, jekesa mhosva dzaiparwa nevanhu dzaisumwa
padare kubva muchikamu chenhengo dzokusuma nyaya padare. (40)
9. Nhetembo dzekusuma nyaya padare dzaiumbwa sei. Tsigira nenhetembo shanu kana
kupfuura. (40)
10. Nhango dzekupembera nekunyinduka dzaidetembwa kana zvaita sei? (40)
11. Yanika pachena rayiro dzakasiyana siyana dziri kuraiwa uchitsigira nenhetembo shanu kubva
44

muchikamu chenhengo dzekurayira nokunyevera. (40)


12. Donongodza matambudziko anowira vanhu ari kuburitswa munhango dzehurukuro
Page

nemamuko. (40)

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


13. Ndezvipi zviri kunyunyuta vana nyanduri munhetembo dzehurukuro nemamuko? (40)
14. Nyatsodonongodza rairo dzairayirwa vanakomana nananyanduri. (40)
15.

Chikamu Chenhango dzemhiramidzimu chine nhetembo nhanhatu chete


dzinotevera :

 Mutisundidzire mberi
 Zviyo zvenyu zvaibva
 Chitipaiwo udekare
 Nyati dzenyu sekuru
 Mutitarisire vakuru
 Hoyo muzukuru wenyu

Pg 33-40

MAUMBIRWO ENHANGO DZEMHIRAMIDZIMU

 Dzakaumbwa nechikamu chimwe chete


 Dzinopedzisira nekuombera
 Dzinotanga nehokamuteereri
 Mune dzokororo yepfungwa
 Dzakaumbwa nezvidawo
 Zvikuwo
 Mutauro wetsumo
 Dzinodomwa mazita emadzitateguru
 Dzinodoma nzvimbo dzinogara madzitateguru
 Dzakaumbwa nemazitadunhurirwa.

Mubvunzo : Jekesa maumbirwo enhango dzemhiramidzimu. (30)

Nhango dzemhiramidzimu dzinoumbwa nechikamu chimwe chete. Izvi zvinobuda mudetembo


rakanzi Mutisundidzire Mberi. Chikamu chimwe chete chinoonekwa zvakare mudetembo rakanzi
Nyati dzenyu sekuru nerakanzi Hoyo Muzukuru wenyu. Basa rechikamu chimwe chete nderekutsinhira
pfungwa yekuti nyaya iri mudetembo inongova imwe chete. Mudetembo Hoyo Muzukuru munongova
nenyaya imwe chete yekusuma muzukuru kuvadzimu parwendo rwaaifamba saka chikamu chimwe
chiri kubatsira muverengi kuti akasire kunzwisisa.

Nhango dzemhiramidzimu dzinopera nekuombera. Detembo rakanzi Mutitarisire vakuru rinopera


pachiomberwa panonzi Bu bu bu! Detembo rakanzi Hoyo muzukuru wenyu rinopera zvakare
nekuombera pakanzi Bu bu bu! Chidavado chekuombera chinongobatsira kutiratidza ruremekedzo
rwaipiwa vadzimu sezvo vaShona vaitotenda kuti midzimu yaivagadzirira zvese zvaivanetsa.

Nhango dzemhiramidzimu dzinoumbwa nehokamutereri. Hokamutereri inoonekwa mudetembo


rakanzi Zviyo zvenyu zvaibva panonzi Hero Shoko vari Mabweadziva!. Hokamutereri inoonekwa
zvakare mudetembo rakanzi Nyati dzenyu sekuru sepanonzi nanyanduri ,’’Pamusoroika nhai vari
kumhepo.” Chinangwa chehokamutereri kuti vari kuudzwa vanova midzimu vanzwe vanyatsoterera
vanzwe nhunha dzine vana vavo.
45

Nhango dzekupira midzimu dzinoumbwa nezvidawo. Zvidawo zvakashandiswa mudetembo rakanzi


Page

Nyati dzenyu sekuru panonzi Mhukahuru. Chidawo chinoshanda kuratidza kuremekedza

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


madzitateguru nebasa ravari kuita rekuchengeta vashona. Kushandiswa kwechidawo zvakare kunopa
manyukunyuku kumidzimu kuti igadzirise nhunha dziri kupirwa nevanhu.

Nhango dzekupira midzimu dzinoumbwa nekudoma mazita emadzitateguru. Mudetembo rakanzi


Chitipaiwo Udekare nyanduri anoti iwe Zibwi rinova zita remadzitateguru. Mudetembo rakanzi
Mutitarisire vakuru nyanduri anodoma mazita emadzitateguru Chiwome naVaMakonese. Pfungwa
yekudoma mazita emadzitateguru inobatsira kuratidza kuti nyanduri ari kunyatsoziva nhoroondo
yedzinza rake uye kwaari kuisa zvichemo zvake.

Nhango dzekupira mudzimu dzinoumbwa nekudoma nzvimbo dzinogara madzitateguru. Mudetembo


rakanzi Zviyo zvenyu zvaibva nyanduri anoti vari Mabweadziva. Mudetembo rakanzi Chitipaiwo
Udekare nyanduri anoti Zibwi wakafira paMapoko. Mudetembo rakanzi Mutisundidzire mberi
nyanduri anoti vari Kudomwa kwenzvimbo idzi kunoshanda kujekesa ruzivo rwanyanduri pamusoro
pemadzitateguru ake uye chishuwo chake chekuda kununurwa nemidzimu yake.

Nhango dzekupira midzimu dzinoumbwa nemazitadunhurirwa. Zitadunhurirwa rakashandiswa


mudetembo rakanzi Chitipaiwo Udekare panonzi Chireranherera. Chidavado chekushandisa
mazitadunhurirwa chinobetsera kupa manyuku nyuku kumidzimu kuti irambe ichiita basa rakanaka
rekuchengeta mhuri.

Mubvunzo :a)Nhetembo dzemhiramidzimu dzaidetembwa zvaita sei?


b)Jekesa chinangwa chenhetembo dzemhiramidzimu
(40)

Mibvunzo miviri iri pamusoro iyo yakangofanana. Zviri kudiwa zvimwe


chete.

 Vapedza kukohwa vachisuma gohwo kuvadzimu


 Pakufamba rwendo vachikumbira kuchengetedzwa
 Kana kwaita nzara …kukumbira maguta
 Kukumbira utano hwemombe
 Pakuda kutanga kurima/ mwaka wekurima wakutanga
 Kukumbira kuchengetedzwa
 Vachida kuzvara vanakomana vanokudza rudzi
 Kana mvura yaramba kunaya
 Kuti vawane mhuka dzekuvhima

NHANGO DZEKUSUMA NYAYA PADARE

Vashona vaikoshesa dare senzvimbo yekutongerwa mhosva. Dare


raiwanzotungamirirwa nevarume vachitonga mhosva dzakasiyana siyana
dzaiparwa nevanhu. Padare paigadziriswa vakanganisirana nhubu
dzairangwa ipapo, akanganisa airipiswa zvakare. Chinangwa chikuru
46

chaiva chekuti vanhu vagarisane zvakanaka .


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


MUMBIRWO ENHANGO DZEKUSUMA NYAYA PADARE.

 Dzinotanga nekuombera
 Dzinopera nekuombera
 Dzinotanga nehokamutereri
 Dzinotanga nemanzwi ekuti Pamusoroi Changamire
 Dzinoshandisa chidawo
 Dzinoumbwa nezvikuwo
 Dzinoumbwa nenyaudzosingwi

MUBVUNZO :Uchitsigira nenhetembo shanu dzakakodzera, jekesa


mhosva dzaiparwa nevanhu dzaisumwa padare kubva muchikamu
chenhengo dzokusuma nyaya padare. (40)

MHOSVA DZAIPARWA DETEMBO RACHO

 Kutora vakadzi vevanhu… Upombwe pg 56


 Kuora mukadzi weumwe… Chimutsa ndiye ane Mhosva pg 59
 Kudyisirana mumunda…. Mombe dzamusharukwa dzakadya. Pg 63k
 Kusaterera…. Mumba maita ngunzi pg 65
 Chifambi chemwanasikana… MIMBA pg 55
 Kupa mwanasikana pamuviri.. Moto unopisa ukaubata pg 51
 Kupa mwanasikana pamuviri.. Kutyora Musana pg 53
 Kurima munda weumwe nechisimba.. Kunzi munhu aria pa kudya pg 52
 Kurimirana kumiganhu…. MUGANHO pg 49

Kudyisa mumunda pg 63

NHANGO DZOKUPEMBERA NOKUNYINDUKA.

Mubvunzo : Nhango dzokupembera nokunyinduka dzaidetembwa kana zvaita sei ? (40)

Vashona vaipemberera kana pane zvakanaka zvinenge zvaitika muupenyu hwavo. Mukupemberera
zviitiko zveupenyu vaidetemba vachiratidza kufara kwavo. Zviitiko zveupenyu zvaifadza
zvaipembererwa zvinosanganisira kuuya kwemwenga, kuzvarwa kwemwana kuvhima nezvimwe
zvakasiyana siyana.

ZVIKONZERO ZVEKUPEMBERERA DETEMBO RACHO

 Kana pauya mwenga Vatete vanopemberera mwenga pg 314


 Kana mukomana aroora mhandara izere Changu chitodo hachina wakazarura 316
 Kana mukomana abuda mugota / aroora Wazobudawo Mudare pg 317
 Kana murume abva kunovhima auraya mhuka Vadzimba vedu pg 318
 Kana pazvarwa mwana Muchineripi pg 321
47

 Kana mwanakomana achata


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Mubvunzo : Tsanangura maumbirwo enhetembo dzokupembera
nekunyinduka. (40)

 Dzinotanga nemupururu kana kuridzwa mupururu pakati.


 Dzinopera nekuomberwa maoko
 Dzinoumbwa nezvidawo
 Dzine nazitadunhurirwa
 Dzine manzwi ekutenda

NHANGO DZOKURAYA NEKUNYEVERA

Sezviri kutaura zita radzo nhango dzekuraya nekunyevera dzakanangana nekurayiwa vanhu
vakasiyana siyana. Nhangon idzi dzinogona kuiswa muzvipoka zvitatu zvinotevera :

a) Nhango dzekuraya vanasikana


b) Nhango dzekuraya vanakomana
c) Nhango dzekuraya nje.

NB…Pakupindura bvunzo hapanyorwi mapage numbers apa zvaitirwa kuti


zvive nyore pakuverenga nhatembo dzacho.

NHANGO DZEKURAYIRA NJE

a)Mandichimbidzike akazvara mandinonoke

b)Gumbo rawapinda rakashata

c)Urombo nenzara ndivo varoyi

d)Rayiro kumhuri

e) Vabereki

MANDICHIMBIDZIKE AKAZVARA MANDINONOKE pg 196

 Mwana ari kurayirwa kuti aremekedze vabereki sepanonzi, ‘’Hauna kungoerekana wavepo.’’
 Mwana ari kurayirwa kuti asaite umbwende’.
 Mwanasikana ari kurairwa kuti achengetedze umhandara sepanonzi ,’’Usikana upfekakamwe,
chikuru umvana.’’
 Mwanasikana ari kurayirwa kuti asakasire kuroorwa ari mudiki.
 Mwanasikana ari kurayirwa kuti aroorwe zvakanaka sepanonzi, ‘’Rumwa ugokumbirwawo
zvakanaka.”
 Mwanasikana ari kurayirwa kuti umvana hunosvoresa.
 Mwanasikana ari kurayirwa kuti atambe neshamwari dzakanaka.

GUMBO RAWAPINDA RAKASHATA pg 203

 Muzukuru anorairwa kuti asanwe doro zvakapfurikidza.


 Muzukuru ari kurairwa kuti asaite unzenza
48

 Muzukuru ari kurairwa kuti asarwe nevanhu


 Muzukuru ari kurairwa kuti aterere vakuru vake vachitaura
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Muzukuru ari kurairwa kuti asaite misikanzwa sepanonzi , “Unhunzvatunzva noumhesvupesvu
kanda kure.’’
 Muzukuru ari kurairwa kuti asanyadzise rudzi rwake.

UROMBO NENZARA NDIVO VAROYI pg 207

 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti asaite usimbe paanoti asagara maoko
 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti achengetedze zvaanazvo
 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti hapana anoda murombo chero hama
dzinokuramba
 Nyanduri ari kurayira muzukuru kuti ashande nesimbe badza hariurayi
 Nyanduri ari kurayira muzukuru kuti atevedzere zvakanaka zvaanoona zvinoitwa nevamwe
paanoti kugara nhaka huona dzevamwe.
 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake asapedzerwa pfuma nevamwe paanoti rega kuita
Madyiwa

RAYIRO KUMHURI pg 227

 Nyanduri ari kurayira vana vake kuti ave pedyo nekufa paanoti mazuva angu overengeka
 Nyanduri ari kurayira mhuri yake kuti isare yakabatana kana achinge ashayika.
 Nyanduri ari kurayira mhuri yake kuti ibatsirane pamatambudziko vasaregererane
 Nyanduri ari kurayira vana vake kuti varwise muvengi pamwe chete paanoti torai makano
 Nyanduri ari kurayira mhuri yake kuti vasarwe kana vakonana nekuti sanhu haripedzi gakava
 Nyanduri ari kurayira vanakomana vake kuti vasaparadzaniswa nevakadzi
 Nyanduri ari kurayira vanakomana vasapindira pashanje yevakadzi vavo

VABEREKI pg 169

 Nyanduri ari kurayira vanhu kuti vachengete vebereki sepaanoti, uchafema chengeta
vabereki.
 Nyanduri ari kurayira kuti kana vabereki vazofa hapana kwatichavawana
 Nyanduri ari kurayira kuti kutadza kuchengeta vabereki kunopinza mamhepo mumusha
 Nyanduri ari kurayira vanhu kuti varangarire kuti vakaberekwa mwedzi mipfumbamwe namai
vachivanetsekera.
 Nyanduri ari kurayira vanhu kuti varangarire kwavakabva paanoti hauna kunaya kubva
kudenga.
 Nyanduri ari kurayira vanhu kutikana vagarike vasakanganwe hama dzavo sepaanoti idya
nehama.

NHANGO DZOKURAYA DZAKANANGANA NEVANASIKANA

a) Umhandara hwako Ruvimbo pg 266


b) Chizvibatawo Mwanangu pg 267
c) Kuranga Nhunzvatunzva pg 268
d) Rayiro Kumwanasikana- bunha pg 278
e) Rayiro kumwanasikana-mhandara pg 279
f) Zvino wava mhandara pg 281

Pane pfungwa kana kuti rayiro dzakafanana dziri kupiwa mwanasikana dziri kubuda
49

munhetembo dziri pazasi. Rayiro idzi ndedzinoti mwanasikana asaite zvinotevera :


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Mwanasikana asaite usimbe
 Mwanasikana asaite unzenza
 Mwanasikana azive kuti atokura
 Mwanasikana ari kurairwa kuti umhandara hunopera
 Mwanasikana ari kurayirwa kuti azvibate.

a)UMHANDARA HWAKO RUVIMBO

 Nyanduri ari kurayira mwana wake Ruvimbo kuti munhu wemhandara anofanira kugara
akangwara sepanonzi ungwarire semhandara.
 Nyanduri ari kurayira Ruvimbo kuti zera raava ava kupfimbwa nevakomana sepanonzi wava
tsiru roteverwa.
 Nyanduri ari kurayira mwana wake kuti asaite unzenza sepaanonzi ukaita zvounzenza
watorasika
 Ruvimbo ari kurayirwa kuti achengetedze umhandara asape umhandara kumapere
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azvichengetedze iye pachake
 Nyanduri ari kurayira Ruvimbo kuti asanyadzise vabereki vake mangwana sepanonzi
mangwana tinozonyara.
 Nyanduri ari kurayira mwana wake kuti aterere rayiro yaanoudzwa sepanonzi tsuro inoradzika
nzeve inobatwa nembwa.

b) CHIZVIBATAWO MWANANGU

 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azive kuti atokura paanonzi watopfumvura.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asabatwa mazamu panonzi zvegwiti cherera
muchikomba.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti achenjerere havi yepabonde paanonzi havi yako
haizvipingudzi.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti angwarire zvirwere paanoti zvirwere hazvichapere.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azvibate sepanonzi chizvibatawo mwana
wehanzvadzi.

c)KURANGA NHUNZVATUNZVA

 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azive kuti akura kana otevera mwedzi.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti aterere sepanzi mazano marairanwa.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asanyadzisa sepanonzi unondinyadzireiko Mogonyei.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti atsige asaseke zvisina basa sejesa.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asaita makuhwa sepanonzi guhwa harivaki.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azvibate.

d)RAYIRO KUMWANASIKANA BUNHA

 Nyanduri ari kurayira mwanasikana wake Chipiwa kuti muupenyu achasangana


nezvinomugumbutsa panonzi kune zvitsiga zvinogumbutsa.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana wake kuti umhandara huchapera.
 Nyanduri ari kurayira Chipiwa kuti asazvienzanisa nevakomana sezvo hujaya husingaperi.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana wake kuti nguva yeumvana ndiyo yakakura paanoti
50

chikuru umvana.
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti varume nevakadzi vakasiyana zvikuru paanoti
wekwamurume ndowokwamurume
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asaite vana asati aroorwa ari pamba pemubereki.

e)RAYIRO KUMWANIKANA –MHANDARA

 Nyanduri ari kurayira mwana wehanzvadzi yake Tendai kuti akura.


 Nyanduri ari kurayira mwana wehanzvadzi yake kuti asafurirwa panonzi wozevezerwa
nemharadzamusasa.
 Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asaite makuhwa sepanonzi wondoita mai
yemakuhwa.
 Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asaite usimbe sepanonzi zvauriwe unoita usimbe.
 Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asarambane nemurume sepanonzi isu vanatete hatina
gupuro.
 Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asaite unzenza, sepanonzi tigonzwa wava nzenza.
 Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asapiwa uroyi urapi housiku.
 Nyanduri ari kurayira Tendai kuti abikire vamwene sepanzonzi azive vamwene pahadyana.
 Nyanduri ari kurayira Tendai kuti paanopa murume sadza pfugame.

NHANGO DZOKURAYA DZAKANANGANA NEVANAKOMANA

a) Kupfeka kwaMandivenga pg 198


b) Muzukuru woenda kubasa pg 236
c) Muzukuru Chamagera pg 238
d) Tichaedza woenda kubasa pg 239
e) Kukonza pg 244
f) Muzukuru wabve zano pg 246
g) Dzikamisa hana yako pg 247
h) Kazanhi kanguwo pg 168

a)KUPFEKA KWAMANDIVENGA pg 198

 Nyanduri arikurayira mwanakomana kuti apfeke zvakanaka sepanonzi chawakapfeka ….chinyi.


 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asaratidzika sebhinya sepanonzi dusvura.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti achengetedze chivanhu sepanonzi munhu ane tsika
haapfeki bhurukwa rakadai.
 Mwanakomana ari kurayirwa kuti achengetedze chimiro chake.
 Mwanakomana ari kurayirwa kuti asiye tsika dzechirungu sepanonzi ndiko kupira mudzimu
wevarungu kwowoita.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti azvibate.

b)MUKOMA ANOYAMBIRA MUNINÍNA WAKE.

 Nyanduri anorayira mwanakomana kuti azive kuti vasikana vakawandisa sepanonzi vasikana
ava havaperi.
 Nyanduri anorayira mwanakomana kuti amirire nguva yake sepanonzi pfava nguva yako
ichasvika.
51

 Nyanduri anorayira mwanakomana kuti agutsikane nezvaanazvo sepaanoti chidokodoko


Page

chirera muviri.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti aroore ava nezvinhu zvake sepanonzi ungamupei
ukamutora?

c)KUKONZA

 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti zvakaoma kuwana musikana akanaka sepanonzi
kuwana mukadzi musvinu hushingi.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asiye mvana sepanonzi anyenyeredze mvana.
 Nyanduri ari kurayira vanakomana kuti vapfimbe vasikana vadiki sepanonzi tizira vezera rako.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti apfimbe masikati.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asanonoke kupfimba vakomana vakawanda
vanodawo musikana iyeye.

d)MUZUKURU WABVE ZANO pg 246

 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti asawanza vasikana sepanonzi ngwarira kuwanzisa
mariva ako.
 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti asachiva runako bedzi kana achitsvaka musikana.
 Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti akawanza vakadzi anozonetseka pabonde
sepanonzi mwoto wadzima mumba.
 Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti vasikana vakawanida saka adzikame.
 Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti zvinotaurwa nevakuru zvinoitika panonzi
muromo wavakuru hauwiri pasi.
 Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti achiroora musikana iyeye waainaye.

e)DZIKAMISA HANA YAKO pg 247.

 Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti asataurise panonzi muromo rudzii


usingamharwe nenhunzi.
 Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti asiye tsika yekugarorova vamwe panonzi une
chioko chegudo.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti adzikame sepanonzi ndichakurova nebapu regwai
udzikame.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti aremekedze vakuru.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti azive kuti atokura.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti achademba akasaterera
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti agare mushe nevamwe sepanonzi ziva kugara
zvakanaka nevamwe.
 Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asangotuka munhu wese wese sepanonzi ziva
waunokanda makobvu nematete.

NHANGO DZEHURUKURO NEMAMUKO.

Nhango dzehurukuro nemamuko dzaiva nabasa guru rekuburitsa nhunha kana kuti nyunyuto yanga iri
muvanhu pane kukanganiswa kunenge kuchiitwa nevanhu vakasiyana siyana vangava varume
vachiresvera vakadzi kana vakadzi vachiresvera varume, vana vachitadzira vabereki zvichingosiyana
siyana.

a) BOPOTO PAMUKOVA PATEZVARA pg96


52

b) MURUME WANGU MANDIODZA MWOYO pg 97


Page

c) KUCHINAKEPI pg 109

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


d) CHIRUNGU AISVISVINA KUNGE JECHA pg 116
e) VAKAFA VAKAZORORA pg 120
f) TOITA SEI NAVO VANA VEMAZUVA ANO pg 142

a)BOPOTO PAMUKOVA PATEZVARA pg 96

 Nyanduri ari kunyunyuta nemudzimai wake anoda kumutonga sepanonzi ngunzi hadziiti
mbiri.
 Nyanduri ari kunyunyutira tezvara vake pamusoro pemwana wavo ari kumushusha sepaanoti
mwana wenyu andinetsa.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemudzimai wake asina tsika sepaanoti mumbomurayira
dzechinyakare tsika.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemudzimai wake waanoti anonyadzisa sepanonzi ava
chinyadzo chomusha.
 Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti ane ufende.
 Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti ane upenzi.
 Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti idununu sepanonzi ututa…unazvo.
 Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti haagoni kubika sepanonzi sadza
mbwezhu.

b)MURUME WANGU MANDIODZA MWOYO pg 97.

 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake achinja maitiro ake asingacharari
pamba.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake asingachaite bonde naye sepaanoti,
pauriri hwangu haachapazivi.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusana pekushaikwa kwemufaro pakati pake nemurume wake
sepaanoti haachafari neni.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake ava kupfimba vamwe vakadzi sepanonzi
zvotaimira vanamainini.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake ava kuita usimbe sepanonzi kumunda
haachadi kuuya.
 Nyanduri ava kuda kuramba murume wake nekuda kwemaitiro ake sepanonzi ko
ndichagarirei pano.
 Nyanduri ari kunyunyuta nekuda kwemurume wake asingachamiri sababa vemusha sepanonzi
hapachina muchengeti wemba.
 Nyanduri ari kunyuta nekuda kweurombo hwaava nahwo sepanonzi ndava muchena.

c)KUCHINAKEPI?

 Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemukadzi akazvisungirira nekuda kwemurume wake.


 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume anga asichachengeti mukadzi panonzi
murume haandichengeti.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume asingachengete vana vake sepanonzi
vanofamba mushwi sebarwe.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pevarume vanozvichenesa vana vachifamba vakashama.
 Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume ari kutengera vatorwa doro mhuri yake
53

ichitambura sepanonzi rumwe ndorunogadzikirwa makate.


 Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume ari kurega mhuri yake ichifa nenzara sepanonzi
Page

ura hwake hwati rakata.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pebopoto risingaperi mumusha memukadzi uyu.
 Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume anogarovhunditsira mukadzi sepanonzi
ndinokuuraya.
 Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume anogara achida kuramba mukadzi wake sepanonzi
..zvombonzi handichakudi.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume anogarotuka mukadzi wake.

d)CHIRUNGU AISVISVINA KUNGE JESA

 Nyanduri ari kunyunyuta nemari yaakapedza achibhadharira mwana wake kuti adzidze
apedza ava kushaya basa sepanonzi sare ndava tsuro.
 Nyanduri ari kunyunyuta nedzidzo yava kudzidziswa muzvikoro sepaanoti kudzidza utsotsi
neunzenza.
 Nyanduri ari kunyunyuta neshanduko yeupenyu sepaanoti kare kwakanga kusina matope
akadai.
 Nyanduri ari kunyunyuta nekuuya kwechirungu chakaparadza chivanhu chavo sepanonzi
varungu vakauya neumharadzi.
 Nyanduri ari kunyunyuta nekushungurudzwa kwavari kuitwa nevachena sepanonzi ndiyani
aivabvunza zvitupa.
 Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro peivhu ravo rakatorwa nevarungu sepanonzi apa usarima.

e)VAKAFA VAKAZORORA pg 120

 Nyanduri ari kunyunyuta nenhamo yavakaona nguva yehondo yekurwiswa nendege


sepanonzi denga rakazara neshiri dzemoto.
 Nyanduri ari kunyunyuta nekubhombwa kwakaitwa vanhu vatema nguva yehondo sepanonzi
tichipiswa nezvinoputika.
 Nyanduri ari kunyuta nepfumvu yakaona vana munguva yehondo vabereki vavo vatiza
sepanonzi madzimai haana kuzofunga vana.
 Nyanduri ari kunyuta nekufa kwevanhu sepanonzi navana vachitsva.
 Nyanduri ari kunyunyuta nekukuvara kwaiita vanhu munguva yehondo sepaanoti vakakuvara
havaverengeki.
 Nyanduri ari kunyuta nekuparadza kwaiita hondo misha yevanhu sepanonzi ndiko kuparara
kwakaita musha wedu.
 Nyanduri ari kurwadziwa nekubhinywa kwaiitwa vakadzi nevarwi vehondo panonzi vakadzi
vopera kubhinyiwa.
 Nyanduri ari kunyuta nekurohwa kwaiitwa vanhu munguva yehondo sepanonzi shaya
dzinopetana.

CHIKAMU CHENHANGO DZOKUSUMA DORO pg 69-92

Nhango dzekusuma Doro dzaidetembwa kana pabikwa doro. Chinangwa chikuru chainge chiri
chekutenda vabiki vedoro uyezve kuzivisa vabikirwa vacho kunova kuvasuma doro nemutowo
wekudetemba. Nokudaro nhetembo idzi dzaidetembwa pese paitanga kunwiwa hwahwa kana kuti
paipedzwa kunwiwa hwahwa iri nzira yekutenda vabiki vedoro.Doro raigona kusumwa zvakare
kumidzimu sezvo vashona vachitenda kuti afa haarovi.

CHENJEDZO : Nhetembo dzekusuma doro dzakada kufanana mazita adzo. Pane nhetembo
54

dzakawanda dzakanzi : KUSUMA DORO 1


Page

KUSUMA DORO 11

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


KUSUMA DORO III

KUSUMA DORO IV

KUSUMA DOOR V

KUSUMA DORO VI.

Mudzidzi anofanira kuziva musiyano wenhetembo idzi asanyora zviri mudetembo rakanzi Kusuma
Doro II zvichiita sekuti zviri mudetembo rakanzi Kusuma Doro I.

MAUMBIRWO ENHANGO DZOKUSUMA DORO .

 Dzinoumbwa nezvidawo
 Dzinoumbwa nehokamutereri.
 Dzinoumbwa netsumo.
 Dzinotanga nekuombera.
 Dzinopera nekuombera.
 Dzinotanga nemhururu.
 Dzinopera nemhururu.
 Dzinoumbwa nemanzwi ekutenda.
 Dzinoumbwa nezvikuwo.
 Dzinoumbwa netsumo.
 Dzinoumbwa nenyaudzosingwi
 Dzinopera nemanzwi ekuonekana.

Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nezvidawo. Zvidawo zvakashandiswa munhetembo inonzi


Mhirimo sepanonzi Hezvo Museyamwa. Mudetembo rakanzi CHABIKWA CHAORA nyanduri anoti
tishore Mhukahuru pamwe ponzi Madyirapanze. Mudetembo rakanzi Kusuma doro III pane chidawo
chakanzi Mukanya pamwe ponzi Vhudzijena. Basa rechidawo nderekupa manyukunyuku kune anenge
abika doro kuti arambe achibika. Chidawo chinoshandawo zvakare kuratidza ruremekedzo kune vacho
vari kusumiwa doro . Mudetembo rakanzi KUSUMA DORO III sepanonzi tishume Madyira .

Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nehokamutereri. Hokamutereri yakashandiswa mudetembo


rinonzi KUSUMA DORO 1V panonzi E-e! Museyamwa! Mudetembo rakanzi KUSUMA DORO V1
nyanduri anoti E-eka Changamire. Basa rehokamutereri idzi kuita kuti vari kusumiwa doro racho
vanzwe vateerere zviri kutaurwa naNyanduri.

Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa netsumo. Tsumo dzakashandiswa mudetembo rinonzi


KUSUMA DORO III panonzi Chawawana idya nehama, mutorwa anokanganwa. Tsumo imwe chete iyi
yakashandiswa zvakare munhetembo dzinotevera KUSUMA DORO IV pg 80, KUSUMA DORO V pg 81,
KUSUMA HWAHWA II pg 87, KUSUMA MHARADZO pg 88, KUSUMA DORO 11 nedetembo rakanzi
CHABIKWA CHAORA pg 74. Basa retsumo iyi kuratidza kukosha kweukama kuti doro rinofanira
kumwiwa paukama.

Nhango dzekusuma doro dzinotanga nekuombera. Chidavado chekutanga nekuombera


chinoshandiswa munhetembo dzinotevera : CHABIKWA CHAORA pg 74

KUSUMA DORO VI pg 83

CHISAINO PANHIMBE pg 84
55

KUSUMA HWAHWA I PG 85
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


KUSUMA HWAHWA II pg 87.

Nyanduri anotanga achiti Bu bu bu! Kuombera uku kuratidza kuremekedza vari kusumwa hwahwa
vacho.

Nhango dzekusuma doro dzinopera nekuombera. Chidavado chekupedzisa nhetembo nekuombera


chakashandiswa munhetembo dzinotevera : KUSUMA DORO 1

KUSUMA DORO II

KUSUMA DORO IV

KUSUMA DORO VI

Nyanduri anopedzisira kudetemba nekuombera sepanonzi Bu bu bu! Kuombera mucherechedzo


wekutenda zvakanaka zvavaitirwa.

Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nenyaudzosingwi. Nyaudzosingwi dzakashandiswa


munhutembo dzinotevera : KUSUMA DORO 1

KUSUMA DORO II

KUSUMA DORO IV

KUSUMA DORO VI

Nyanduri anopedzisira kudetemba pane nyaudzosingwi panonzi Bu bu bu! Nyaudzosingwi iri kujekesa
matendero ari kuita nyanduri.

Nhango dzesuma Doro dzinotanga nemhururu. Mhururu yakashandiswa mudetembo rakanzi


MHIRIMO panonzi Urururu…urururu. Mhururu iri kushanda kujekesa mufaro mukuru unenge uripo
pakunwa hwahwa.

Nhango dzekesuma doro dzinopera nemhururu. Chidavado chemhururu chakashandiswa padetembo


rakanzi KUSUMA DORO KUMIDZIMU pg 70 panonzi Hiririri..ririri…Kupedza detembo nemupururu kuri
kungojekesa mufaro unenge uripo pese panonwiwa hwahwa.

Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nemanzwi ekutenda. Manzwi ekutenda akashandiswa


padetembo rinonzi Chinodyiwa chino Murandu panonzi Tichitendawo Mutadza. Mudetembo rakanzi
chabikwa chaora pane manzwi ekutenda panonzi zvaitwa vakuru vakuru. Mudetembo rakanzi Kusuma
Doro II manzwi ekutenda akashandiswa pakanzi Hatirovei maoko… Manzwi ekutenda
anonyanyoitirwa vabiki vedoro kuti varambe vachibika doro vanhu vanwe vafare.

Nhetembo dzekusuma doro dzinoumbwa nezvikuwo. Zvikuwo zvakashandiswa mudetembo


dzinotevera : KUSUMA DORO 1

KUSUMA DORO 11

KUSUMA DORO 1V

KUSUMA DORO VI

Zvikuwo zvakashandiswa panonzi Bu bu bu! Basa rechikuwo kuratidza kukahadzika nekurangarirwa


56

pahwahwa hwabikwa.
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


MUBVUNO : Tsanangura basa renhetembo dzekusuma doro. (40)

 Basa renhetembo dzekusuma doro kukurudzira humwe chete pavanhu vatema.


 Basa renhango dzekusuma doro kusunganidza ukama.
 Basa renhango dzekusuma doro kutenda vabiki vedoro.
 Basa renhango dzekusuma doro kusuma hwahwa.
 Basa renhango dzekusuma doro kuumba ushamwari.
 Basa renhango dzekusuma doro kusuma doro kumidzimu.
 Basa renhango dzekusuma doro kuratidza kudyidzana kuripo pakati pevapenyu nevafi.
 Kuchengetedza tsika dzevashona dzekubika doro

NGANO

MIBVUNZO YAKANANGANA NENGANO

1. Tsanangura basa renziyo mungano. [30]


2. Nziyo dzaiva nebasa reyi mungano uye dzipfekedzwa sei mungano? [30]
3. Ipa basa rasarungano mungano dzepasichigare. [30]
4. Nyatsojekesa zvidzidzo zvawakawana mungano. Tsigira nengano shanu kana kupfuura.
[30]
5. Nyatsodonongodza musiyano uripo pangano yekutaurwa nasarungano nengano
yakjanyorwa [30]
6. Chimiro chaicho chengano hachinyatsoonekwa kana ngano ikaite zvekunyorwa . Unotii
nepfungwa iyi? [30]
7. Donongodza tsika dzechishona dzinobuda mungano shanu dzawakanzi uverenge [30]
8. Chinangwa chikuru chengano chaiva chekufadza vana. Tsigira pfungwa iyi wakanangana
nengano shanu kana kupfuura.
9. Tsanangura chimimro chengano chaicho pasichigare. [30]
10. Tsanangura zvaimiririrwa nemhuka dzinotevera mungano :
a) Tsuro b) Kamba c) Nzou d) Bere . [30]
11. Jekesa matingindira makuru anobuda mungano shanu kana kupfuura dzawakanzi
uverenge. [30]
12. Tsanangura kuti sarungano navateereri vanobatsirana sei mukusundidzira rungano mberi.
[30]
13. Nyatsojekesa kuti kuti vateereri vaiva nebasa rei mukutaurwa kwengano. [30]
14. Vatambi vemhuka kana vanhu vanoonekwa sevanoshoreka ndivo vanowanzobudirira
muzviito zvavo mungano dzepasichigare. Tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzine
vatambio vakasiyana. [30]
15. Mungano tinodzidza kugarisana zvakanaka kuti tisapinda mumatambudziko. Sokuona
kwako ndedzipi ngano dzinosimbisa pfungwa iyi? Tsigira nemienzaniso kubva mungano
shanu. [30]
16. Ngano dzaiva nechinangwa chikuru chekudzidzisa vanhu mhangwa dzoupenyu. Tsigira kana
kupikisa pfungwa iyi nengano shanu. [30]
17. “Mukutaurwa kwengano zvose zvinhu zvinokwanisika kuitika muupenyu.’’ Tsigira kana
kupikisa pfungwa iyi nezviitiko zvakakodzera zviri mungano dzawakanzi uverenge.
[30]
57

18. Uchitsigira mhinduro yako nengano shanu chete nyatsojekesa pfungwa yekuti mungano
Page

vanhu vaiwana zvirango nokuda kwemaitiro avo akaipa. [30]

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


19. Vanasarungano vaikoshesa vanhu vaMwari avo avo vaikodzera kudzivirirwa nekubatsirwa
mumatambudziko. Tsigira mhinduro yako nezviri mubhuku. [30]
20. Vana sarungano vaigara vachidzidzisa unhu hwaitarisirwa kubva mwana achiri mudiki
kubudikidza nomungano dzakasiyana-siyana. Tsigira pfungwa iyi nengano shanu
dzawakazvisarudzira. [30]
21. Uchishandisa ngano nhanhatu chete ratidza kuti ngano dzaiidzidzisa vanhu kushandisa
njere dzavo kuti vabudirire muhupenyu. [30]

Mubvunzo : Tsanangura basa renziyo mungano (30)

 Kudzidzisa vana kuimba.


 Kufambisa mashoko pakati pevateereri nasarungano.
 Kunyevera vateereri zvichaitika mberi.
 Kuburitsa dingindira guru rengano.
 Kupa sarungano nguva yekumbozorora .
 Dzaiwedzera kunakidza kwengano.
 Kutsanangura zvakavanzika mungano kunyanya chivi chiri mungano.
 Kurerutsa mashura kana mashiripiti emungano.
 Kuti vana vasarare.
 Kupa sarungano nguva yekurangarira zvaanenge akanganwa.
 Dzinobvisa kutya muvana kana ngano yacho ichinyanya kutyisa.
 Dzairebesa ngano kana yanga yakanyanya kuva pfupi.
 Dzinoburitsa zvidzidzo zviri mungano.
 Nziyo dzaigona kuiswa pekupedzisira pengano seznira yekuratidza kuti ngano yava kupera.

MAPINDURIRWO EMIBVUNZO YENGANO.

Mubvunzo : Mukutaurwa kwengano vana sarungano vaiedza nepavanogona kumhura uipi


hwakasiyana siyana. Tsigira pfungwa iyi uchishandisa ngano shanu dzinobva mungano 4. [30]

 Mubvunzo uri pamusoro uyo unofanira kungwarira topic sentence kana kuti chirevo
chekuparura chikamu. Unotanga kupindura chikamu chega chega seizvi :

Vana sarungano vaimhura uipi hwekuba…..ndiyo mutsara wekuparura chikamu kana kuti topic
sentence.

 Mungano imwe chete munogona muine huipi hwakawanda asi iwe buritsa hwakanyanya
kuipa hwacho sekuti ngano inogona ine huipi hwekusekana nehwekuba saka apa iwe
uchaburitsa huipi hwekuba ndihwo hwakakura kudarika hwekusekana.
 Shandisa ngano imwe chete patsigiro.
 Buritsa panobudira huipi hwacho uchiisa mazita evatambi zvavakaita zvacho uye charango
chavakapiwa.
 Pfupiso yengano nyora zvikuru zvakaitika mungano chete.

MARK ALLOCATION :

PLEASE CHERECHEDZAI KUTI MARK ALLOCATION IRI PAZASI INOCHINJA CHINJA ZVICHIENDERANA
NEMUBVUNZO WABVUNZWA UYE ZVAWIRIRANWA NEVAKWENYI VEBVUNZO GORE IRORO. ASI
58

INOKUBATSIRA KUTI UVE NEMUONO WEZVINODIWA.


Page

a) Topic sentence …………………………………………………...…..1 mark

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


b) Musoro wengano sezvauri……………………………………..1 mark
c) Pfupiso yengano………………………………………………….….2 marks
d) Kubatanidza topic sentence nepfupiso yengano …..1 mark

MHINDURO :

Vana sarungano vaimhura uipi hwekuba. Tinozviona mungano yakanzi Tsuro naNzou. Huipi
hwekuba hunobuda Nzou paanoba manhanga avakarima vese natsuro Nzou ozofa nekudonha
mushure mekumhanya zvakanyanya achitiza Tsuro uyo aitaura ari mudumbu raNzou. Kufa kunoita
nzou kunonyatsojekesa kuti vana sarungano vaimhura zvakanyanya kuba.

Vanasarungano vaimhura uipi hwekuuraya. Tinozviona mungano yakanzi Gore renzara. Huipi
hwekuuraya hunobuda panourawa mukadzi nemurume wake nekuda kwekuti akanga apa vana
guyu raanga akwirira mumuti kuti aagozodya iye. Kufa kwemukadzi uyu kunojekesa kuti
vanasarungano vainyatsomhura kuurayana nekuti murume afa imbwa yake yakatanga kuimba
ichidura kuurawa kwemukadzi achibva aitema kuti zvipere asi hazvina kupera . Demo rakatangawo
kuimba akarirasa nehembe dzake dzikaimbawo dzamara mai vemukadzi vazviziva kutsinhira
kumhura kwanasarungano kuurayana.

Vanasarungano vaimhura uipi hweshanje. Tinozviona mungano yakanzi Mukadzi aisadya mbizi.Huipi
hweshanje hunobuda pane mukadzi wechipiri pabarika akaitira mukadzi mukuru shanje kuti
aurairwa mombe nemurume nekuti aisadya mbizi. Mukadzi mudiki akabva apungurira muto
wembizi muusavi hwemukadzi mukuru akabva amera mvere akasanduka kuita mbizi. Kusanduka
kwemukadzi mukuru achiva mhuka mbizi kunojekesa kuti vanasarungano vaimhura shanje nekuti
zvainge zvakonzereswa neshanje yemukadzi mudiki.

Vanasarungano vaimhura uipi hwekukara. Tinozviona mungano yakanzi Ambuya nebere. Huipi
hwekukara hunobuda mukadzi aifamba nevana vake paakamutsira bere achiona sambuya kuti
aripe bota. Bere riya rakabva ratevera rikadyira mukadzi uya vana vake vese. Mhedzisiro bere iri
rakazourawa nehama dzemukadzi. Kufa kwebere iri nokuda kwekukara kunojekesa kuti
vanasarungano vaimhura uipi hwekukara.

Vanasarungano vaimhura uipi hwehutsinye. Tinozviona mungano yakanzi Nherera. Huipi hunobuda
pakuti mwana aiva nherera akasiirwa mainini kuti vamuchengete asi ivo vaida kuti adyiwe
neshumba nekunyepedzera kukanganwa badza kugomba kwavaichera ivhu votuma nherera iya
kuti idzokerere yega. Nherera iyi yakazodyiwa neshumba ikafa. Kufa kwenherera iyi kunojekesa
kuti vana sarungano vaimhura uipi hwehutsinye sezvo hwakasvika pakuurayisa nherera iyi.

Mubvunzo : Nyatsoburitsa pachena kuti nziyo dzaiva nebasa rei pakuitwa kwengano.[30]

MUBVUNZO MUSIYANO URIPO PAKATI PENGANO YAKANYORWA NEISINA

NGANO YAKANYORWA NGANO ISINA KUNYORWA


1. Ine muridzi Haina muridzi munhu wese anoita ngano chero
yaada.
2. Haina inzwi rasarungano Ine inzwi rasarungano raanokwanisa kuderedza
59

kana otsanangura zvainzwisa tsitsi kana


kuchemedza, kukwidza paifarwa zvinova
Page

zvaifadza vateereri.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


3. Haikwanisi kunzwika nevasingagoni Inonzwikwa nemunhu wese chero asingagoni
kuverenga. kuverenga chero nzeve dzake dzichinzwa
chete.
4. Haichinjiki kana pane pakaresveka. Sarungano anokwanisa kuchinja ngano
zvichienderano nechidzidzo chaari kuda kupa
kana muzera wevana vaari kuitira ngano.
5. Haina uvhizhu -vhizhu hwasarungano Ine uvhizhu- vhizhu sarungano anokwanisa
kusvetuka kuratidza kumhanya kwaiita tsuro
kana kudzvova kuti vana vanzwisise
madzvovero eshumba.
6. Hapana kudyidzana kwasarungano Pane kudyidzana kwasarungano nevateereri
nevateereri. vanenge vachidavira kuti dzepfunde
nekubvumira nziyo pamwe nekubvunza
mibvunzo.
7. Hainakidzi. Inonalkidza nekuda kweunyanzvi hwasarungano
neuvhizhu vhizhu hwaanenge achiita kana
kugona kuimba kwasarungano nekutamba
kwaiita kuti ngano inakidze.
8. Haina nguva yekuitwa inoitwa chero Yaiitwa Manheru uye isiri nguva yekurima kuti
nguva. vanhu vawane nguva yekuenda kumunda.
9. Muverengi haakwanisi kubvunza Vateereri vaiva nemukana wekubvunza
mibvunzo kana pane paasinganzwisisi. pavasina kunzwisisa sezvo sarungano wacho
aitova aripo.
10. Kana ine nziyo muverengi haakwanisi Vateereri vanotodzidziswa maimbirwo enziyo
kunzwisisa kuti inoimbwa sei. inenge irimo.
11. Haina vateerereri vanokurudzira Ine vateereri vanenge vari pamwe chete
sarungano vachiwombera, vachiseka nasarungano vachimupa manyawi nesimba
nekuita zvakasiyana siyana. rekuramba achiita ngano.
12. Ngano yakanyorwa inotodhura nekuti Haitengeswi inoitwa pachena pasina muripo
yakanyorwa mumabhuku anotengwa . unopiwa sarungano kana ani zvake.

MUBVUNZO:

Tsanangura basa rasarungano. (30)

 Kutandadza vana
 Kuumba hunhu muvana.
 Kubatanidza vanhu sezvo ngano dzaiiitirwa vana vemunharaunda yose vachiunganidzwa
pamba pasaranguno.
 Kuumba unyanzvi hwekurondedzera nyaya muvana.
 Kurodza njere dzevana.
 Kufadza vateereri.
 Kupindura mibvunzo yevateereri.
 Kuvaka tsika dzakanaka muvana.
 Kuraira vana.
 Kuva muchengetedzi nemupfuudzi weruzivo rwetsika namagariro evashona.
60

 Kuchengetedza miko nezvierwa.


Page

 Kupa ruzivo rwenharaunda nezvisikwa.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kupa ruzivo rwenharaunda nezvisikwa.
 Kudzidzisa….. sarungano aidzidzisa vana zvakawanda zvinotevera
a) Kudzidzisa vana kuimba.
b) Kudzidzisa vana kugara nevamwe zvakanaka.
c) Kudzidzisa vana njodzi dzinowanikwa muupenyu.
d) Kuchengetedza vanhu vaMwari.

Mubvunzo : Tsanangura basa rasarungano mungano. (30)

Basa rasarungano mungano raiva rekunakidza vana. Tinozviona mungano yakanzi Murume aidya
Kamba. Mungano iyi mune nziyo inonzi Ndinderere ndinde-kamba….. Chainakidza vana panziyo iyi
hunyanzvi hwasarungana pakuimba uye nekudzidzisa vana kuimba sezvo vana vachifarira kuimba.
Chaizonnyanya kufadza vana mungano iyi kuwira mumvura kwavanyachide sezvo vaiva ivo vakadya
Kamba yemurume.

Rimwe basa rasarungano raiva rekuumba hunhu muvana. Tinozviona mngano yakanzi

Mubvunzo : Nyurura zvidzidzo zvikuru zviri mungano shanu dzawakanzi uverenge.

NGANO CHIDZIDZO CHIKURU


1. Tsuro naNzou Kuba kwakaipa
2. Tsuro naBveni Kuba kwakaipa
3. Huku dzotsvuura Ruchiva rwunoparira
4. Murume aidya kamba Kunyeba kunourayisa
5. Gore renzara Kukara kwakaipa
6. Mukadzi aisadya mbizi Shanje dzakaipa
7. Vasikana vaituhwina Mhosva hairovi
8. Tsuro naShumba Uchenjeri hunoponesa
9. Mhembwe nashumba- Mapfumo Tsitsi dzinotsitsirira
10.

Mubvunzo : Tsanangura basa remashiripiti mungano (30)

 Kufadza vana
 Kutsinhira dingindira guru rengano
 Kuburitsa chidzidzo chikuru
 Kuti vana vanyatsobata ngano iri kutaurwa.
 Kudyara chidokwa dokwa muvateereri kuti vade kuziva maperero emashiripiti.
 Kuburitsa huipi hwaakavanzika
 Kufumura nhubu
 Kusetsa vana
 Kutsanangura zvinonetsa kutsanangura
61

 Kuchengetedza miko nezviera zvevashona.


 Kuchengetedza tsika dzakanaka nemagariro evashona.
Page

 Kuumba hunhu hwakanaka muvana.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


 Kudzidzisa vana kuterera.

MUBVUNZO : Chinangwa chikuru chengano chaiva chekufadza vana.


Tsigira pfungwa iyi nengano dzinosvika shanu.

 Mubvunzo uyu unongoda kuti uburitse zvaifadza vana mungano. Zvaifadza vana mungano
ndezvinotevera :

 Vatambi vemhuka vachitaura.


 Kudyidzana kwemhuka nevanhu.
 Kuimba nziyo
 Mashiripiti emungano.
 Kurangwa kwenhubu.
 Uvhizhu vhizhu hwasarungano.
 Unyanzvi hwasarungano hwekurondedzera nyaya.
 Kupiwa mukana wekurondedzera ngano dzavowo.
 Kungwara kwedzimwe mhuka dzakaita setsuro.
 Kupusa kwedzimwe mhuka dzakaita segudo.
 Kutyorwa kwemiko.
 Kuungana pamwe chete vachiitirwa ngano.
 Kubudirira kwevatambi vaitarisirwa pasi.

MUBVUNZO : Mukutaurwa kwengano zvinhu zvese zvinokwanisa kuitika.


Tsigira pfungwa iyi nengano dzawakanzi uverenge. (30)

Mubvunzo uyu unongoda kuti mudzidzi aburitse zvinhu zvisingatendeseki zvinowanikwa mungano.
Zvisingatendeseki zvinowanikwa mungano ndezvinotevera :

 Mhuka dzinotaura
 Kudyidzana kwevanhu nemhuka.
 Kuroorerana kwemhuka nevanhu.
 Kuwadzana kwemhuka dzagara dzisingadyidzani setsuro neshumba.
 Kusanduka kwevatambi vachiita mhuka
 Mhuka dzichiita Mabasa evanhu kuchera tsime.
 Kufunga kwakadzama/ Njere dzakawedzeredzwa dzemhuka kwemhuka zvisingaitiki
muupenyu chaihwo.
 Kunzwirwa tsitsi kwevanhu nemhuka.
62
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


SPECIMEN 1
LITERATURE IN SHONA 6007/2
PAPER 2 : Drama, Prose and PoetrY

CHIKAMU A : MITAMBO
A.C Moyo : Kuridza Ngoma Nedemo

1a) Ndeapi maitiro evatambi anozadzisa musoro webhuku Kuridza Ngoma Nedemo? (30)

kana

b) Jekesa matambudziko anosangana nevanhu vatema munguva yehondo yerusununguko


sekuburitswa kwaari kuitwa mumutambo Kuridza Ngoma Nedemo. (30)

Mashayamombe B, C : Akanhonga Vhunze Nemuromo


2a) Donongodza zvidzidzo zvawakawana zvakanangana nevatambikadzi mumutambo uyu. (30)

kana

b)Munyori akaburitsa sei vatambikadzi? Tsigira nezvinoitwa nevatambikadzi mumjutambo uyu. (30)

W. L Chigidi Imwe Chanzi Ichabvepi?

3a)

b)

CHIKAMU B : NGANONYORWA

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

F. Wandai Joti Neketani

4a)

b)

G.H Musengezi : Zvairwadza Vasara

5a) Nyatsotsanangura zviitiko zvaiisiririsa zvaiitika munguva yehondo zvinoburitswa mubhuku


Zvairwadza Vasara. (30)

kana
63

b) Tsanangura zvidzidzo zvawakawana maererano nehondo zvinoburitswa mubhuku Zvairwadza


Page

Vasara. (30)

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


C. M Matsikiti : Akaipfirira Nemukati

6a) Ndeapi matambudziko anosangana nevatambikadzi mubhuku Akaipfirira Nemukati. (30)

kana

b)Donongodza hunhu hunosvoreka hunoitwa nevanhurume huri kutsoropodzwa nemunyori mubhuku


Akaipfirira Nemukati. (30)

CHIKAMU C : NHETEMBO

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

J. Hasbrook (Ed) Nduri Dzenhango DzemuZimbabwe.

7a) Nyatsotsanangura basa renhango dzemhiramidzimu sekuburitswa kwadzinoitwa mubhuku. Tsigira


nenhetembo nhanhatu. (40)

kana

b) Zazanura maumbirwo enhetembo dzekusuma doro. Tsigira nenhetembo shanu kana kupfuura. (40)

SPECIMEN 2

LITERATURE IN SHONA 6007/2

PAPER 2 : Drama, Prose and Poetry

CHIKAMU A : MITAMBO

A.C Moyo : Kuridza Ngoma Nedemo

1a) Dzumbunura kugona kushandisa mazitadunhurirwa kwakaitwa nemunyori pavatambi vanoti :


a)Vote

b)Tinazvo

c)Shinga

d) Hondo (30)

kana

b) Ndedzipi nzira dzakashandiswa nemunyori kunyora mutambo Kuridza Ngoma Nedemo. (30)
64
Page

Mashayamombe B, C : Akanhonga Vhunze Nemuromo

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


2a) ‘’Cindy akazviputsira ega imba yake.” Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi nezvinoitika mumutambo
uyu. (30)

kana

b) Tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosundira rungano mberi :

i)Ruvengo

ii)Tsitsi

iii) Kumbie. (30)

W. L Chigidi Imwe Chanzi Ichabvepi?

3a)

b)

CHIKAMU B : NGANONYORWA

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

F. Wandai Joti Neketani

4a)

b)

G.H Musengezi : Zvairwadza Vasara

5a) Nyatsodonongodza zvairwadza vasara mubhuku Zvairwadza vasara. (30)

kana

b) Uchitsigira nenzvimbo dzakasiyana siayana tsanangura kutekeshera kwanga kwaita hondo


yerusununguko muZimbabwe. (30)

C. M Matsikiti : Akaipfirira Nemukati

6a) Nyatsotambanudza matingindira makuru awakana mubhuku Akaipfirira Nemukati. (30)

kana

b) Munyori akaburitsa vatambikadzi sei mubhuku rake? (30)

CHIKAMU C : NHETEMBO

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

J. Hasbrook (Ed) Nduri Dzenhango DzemuZimbabwe.

7a) Penengura rairo dziri kupiwa kuvanakomana muchikamu chenhango dzekuraya mubhuku
rawakanzi uverenge. (40)
65

kana
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


b) Ndedzipi nyunyuto dziri kuburitswa navananyanduri muchikamu chenhango dzeHurukuro
nemamuko. (40)

SPECIMEN 3

LITERATURE IN SHONA 6007/2

PAPER 2 : Drama, Prose and Poetry

CHIKAMU A : MITAMBO

A.C Moyo : Kuridza Ngoma Nedemo

1a) Nyurura matambudziko aisanganikwa nawo nevanhu vatema hondo yerusununguko ichangopera.
(30)

kana

b)Kuridza ngoma nedemo mutambo unosuwisa chose. Tsigira pfungwa iyi nezviitiko zviri mumutambo
uyu. (30)

Mashayamombe B, C : Akanhonga Vhunze Nemuromo

2a)Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezviito zvevatambi mumutambo uyu? (30)

kana

b)Nyurura matambudziko anosanganikwa nawo nevanhu vakaroorana mumutambo Akanhonga


Vhunze Nemuromo. (30)

W. L Chigidi Imwe Chanzi Ichabvepi?

3a)

b)

CHIKAMU B : NGANONYORWA

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

4a)

b)

G.H Musengezi : Zvairwadza Vasara

5a)Ongorora nzira dzakasiyana siyana dzaishandiswa kukurudzirana muhondo dziri murungano urwu.
(30)
66

kana
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


b)’’Hurumende yevachena yaiva nehutsinye hwakakomba. Tsigira pfungwa iyi nezvinoitika
murungano urwu. (30)

C. M Matsikiti : Akaipfirira Nemukati

6a) Zazanura zvikonzero zvekutengeswa kwevana muZimbabwe uye matanho angatorwa kuedza
kupedza dambudziko racho. (30)

kana

b) Nyurura tsika nemagariro echishona ari kuburitswa mubhuku Akaipfirira Nemukati. (30)

CHIKAMU C : NHETEMBO

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

J. Hasbrook (Ed) Nduri Dzenhango DzemuZimbabwe.

7a) Uchitsigira nenhetembo shanu nyatsotsanangura tsika nemagariro zvepasichigare


zvinoburitswa mune dzimwe nduri dzirimubhuku iri.
(40)

kana

b) Jekesa zvinangwa zvevashona zvekupira midzimu zviri munhetembo dzinotevera : Sarudza shanu
chete.

i) Zviyo zvenyu zvaibva,

ii)Nyati dzenyu sekuru,

iii)Hoyo muzukuru wenyu,

iv)Mutitarisire vakuru,

v)Mutisundidzire mberi,

vi)Chitipaiwo udekare (40)

PAPER I SPECIMEN PAPERS

SPECIMEN 1

LITERATURE IN SHONA 6007/1

PAPER 1 : Ongororo neYemuro, neRuzivo rweVaShona rweNhaka


yeMusiyidzanwa.

Maawa matatu
67
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


CHIKAMU A : ONGORORO NEYEMURO

Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

1.Ita ongororo neyemuro yedetembo iri uchiburitsa nhunha dzanyanduri.


(35)

Vananhingi tinokuzivai,
Munofunga takanga tisingakuonei,
Asi takakuonai tikakuzivai.
Ndimi vanaMafikizolo.
Ndimi vanaTaiveyo.
Tochikuudzai nokuti tinokuzivai.

Nhasi ndimi mava kudya muchirasa.


Ndimi mava kuti matumbu sarara,
Imi vanaChakweshapasi tinokuzivai.
Matova nemhanza dzokufunga madyirwo emari.
Nhasi motambira mari nenguwani,
Nokuti pasi pava deveteve, patonhorera.

Kwaziwai imi vanaGwara,


Mava kutaura ngano dzokuuraya shumba dzamusina kuona.
Ngano dzokutumbura minzwa isina kukubayai,
Kushungurudzwa nokurasikirwa kwamusingazivi,
Muchitaura zvokubuda nepaburi retsono,
Nyambisirwa isu tinokuzivai,
Kuti mava kukanga nyama yakaresva kusasikwa.

Ko zviya Zimbabwe zvayakatanga Chimurenga,


Ichisimudza mureza webhazuka,
Hamusimi maihwanda manzwa maungira?
Ko, mabara ezvigwagwa ainanga pana ani?
Zvino nhasi mazoona mhuka yafa,
Ndipo pamava kutandira vamwe kure,
Modya nyama muchikangamwa kupukuta miromo.
Heyo yachiti tikitiki nemanda.
Idyai zvenyu asi tinokuzivai.

Nhasi mava vana Tionekwe, sadza rezviyo nembudzi,


Asi vakashanda basa vanokuonai.
Ndimi shasha dzokuhwanda mumapako,
Vamwe vainge vati mhiri kwemakungwa tonono,
Pamakanzwa hwamanda yokukunda yorira,
Apo takanga tichisvina maronda,
Ndopatakakuonai moti norutivi severere,
Motitaridza zvitupa zvamakawana mukufunda.
Ndimi hama dzedu tinokuziovai.
68

Nhasi mava kuzvidaidza kuti magamba.


Patinosvimha misodzi kuchema hama dzedu
Page

Imi munenge muchisvimha misodzi yegarwe,

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Muchitipa kurwa kwokutaura vagere zvavo,
Sezvamaiita muchisakidzira vamwe,
Kuti vapinde munhandare yairira pfuti.
Nhasi kwatonherera mopinda momene,
Isu tonyarara zvedu asi tinokuzivai.

2.Nyora ongororo yendima inotevera uchinyatsotarisa maburitsirwo


anoitwa dingindira renyaya iyi. (35)

"Ichokwadi chaicho chawakataura svondo rapera museri. Mwana wedu Matigimu haana kufa
nerwaMwari.Hope dzatiri kurota tose hadzisi kundifadza.Ava mazuva matatu akadungamidzana
ndichingodzirota."
"Aika, Saizi,unoti iwe n'anga ina dzose dzakatiyambira dzakanga dzafemerwa kuti dzireve
zvimwe chete here? Dai dzakanga dziri mudunhu muno taiti pamwe kungofungawo."
VaSaizi vakamboramba vakati zii vachiita sevari kuona chimwe chinhu kuzoti pava paya
a."Nyadenga ane nzira dzake."
"Iye mwana wako achinyanyawo ,Saizi.Anoti isu taimuyambira kuti aroorwe
nevematongo taiva marema here? Imhepo rudzii dzakamupumha kuti asaroore muno
maMutoko,kupupurika Bhuruwayo uko?Muno mubhuku maiva nemhandara gumi
nefararira."
"Kwazvo! Handiti vana vokwaKatiyo vakatamba umhandara munguva yaiye
Matigimu?Asi Iye vharwei meso nezvakamuvharawo."
"Aitika anoda kuwana mukadzi akamedza mabvuku."
"Hezvo akamuwana MaDhuve akamedza mabhuku nevazukuru
vawo,akazomuona semunhu here?Kufunda chii pamberi pevadzimu? Muno mumusha
tinavo wani zvidza zvakafunda musiyano wazvo nesu handimuoni kwete.Vana Amos ndivo
vese vatinoswera tichipesana navo mundari. Ini chaiye nomuromo wangu uyu
ndakamwidzana hwahwa naPitirosi uyu wokwaChimutashu akapedza mabhuku ese
neemhiri kwemakungwa ose asi chaakabva chii?"
VaMurungweni vakataura vachigumha fodya yavo mukakasha kavo
kekuveza.Vakahotsira mushure mekunge vafemba kaviri.Vakabva vaenderera mberi shavi
ravo rakanga rabuda.
"Handiti zviya zvaauya ari ega akati rimwe zuva MaDhuve akamurongera vanhu
kuti vamurove?Muvakidzani wavo ndiye akazonyatsondijekesera pamusoro pemagariro
avo.Kwayi rimwe zuva iye Matigimu atorega basa,MaDhuve akamukandira hembe
achimuti abve."
"Hongu handirambe izvozvo zvaunoreva .Ko,chii chakaita kuti MaDhuve
arambe nhaka?Aizviziva hake zvaanga aita .Iko zvino ndiyani ari kuriritira mhuri yakasiiwa
nemushakabvu?"
Shungu dzakanga dzabata vaMuringweni.Shungu dzokubereka,dzinonetsa
amai vose vakamboita budzi pasi pano.Misodzi yakanga yongoerera pamatama akanga
anyura nokuputana kunokonzerwa nokukwegura. Vanozoburitsa dzimwe shungu
nokutuka munhu asipo,"MaDhuve !Ziroyi rinoroya masikati machena! Kundibaya
panyama nhete kudaro?Richafa rakanyenama sembwa."
"Zvatiri kuita izvi ,amai bhoi hazvina chimuko.Isu dai tashinga chete tatsvaga
mari tiende Bhuruwayo kunotora zvinhu zvemwana wedu. Zvinhu zvemwana
hazvingaparare isu vabereki vake tiripo.Tikarega kumutsa misoro isu Ava vanin'ina vangu
vanongonyararawo."
69

"Unotamba ,Saizi. Mukadzi uyu chikerema.Zvekare zvinhu izvozvo zvakasiiwa


ndezvengozi.Achazvirwira ega muridzi.Kana achizvida achazvitora ega."
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


"Ipapo mataura chaizvo.Vadzimu vari kuuzuru ndivo vacharwira mwana
.VanaTsiga,zitateguru redu,navanaPasvata vaonewo mwana nokumutungamirira ."
Izvozvo vakanga vorova nhondo vachiita kunge vari kudeketerera.
Machongwe okutanga akarira vaviri vagere .Moto wakanga wanguri
wadzima.Hapana akanga achine hanya nazvo.Kufa komwana wavo mumwe chete
kwakanga kovarwadza.
Sezvo imba iyi yakanga iri imba yavo chete vasina imwe,vakazongoti fovovo
imomo vakazvipombera nemagudza avo.Shungu nehope zvikasangana hope ndidzo
dzinowanzokunda.
(Kubva muna Masimba Zvinyorwa Zvamadzimaj eZimbabwe naE.Jackson)

3.Nyora mhenenguro inoyanika pachena makakatanwa ari muchitambo


chinotevera [35]

Badza: Kwauyei zvekare nhayi mwanangu Sekai? Ndiyaniko ari kuda kutivhiringidza hope

dzedu usiku hwakadai?

Hazvinei: Inga mwana akataura wani kuti tete Marinda vanouyavo pano nhasi. Uri kuda

kuti ataure achichema here?

Badza: (nehasha) Tete vepi?

Hazvinei: Kune vamwe tete vepi kunze kwaMarinda? Chiendai panze munotaurirana vana

vanyamunhu.

Badza: Sekai!

Sekai: Baba.

Badza: Wati ndianiko ari panze ipapo?

Sekai: Tete vanguri vauya karesa baba. (Hazvinei ava kurova chikuwa ari mumba)

Badza: Vavhunze kuti vari kuda chii? Varasika nzira here kana kuti pane chimwe

chavari kutsvaga pano! (Sekai anoramba akanyarara akangodzvokora Marinda)

Marinda: I-i hama dzangu ndauya kuzokuzivisai kuti kuGweru kwandakabva uko hakuna

chakanaka. Mwana , uyu Nhamo ari muchipatara izvozvi. Akavhiyiwa

necheparutivi pedumbu. Muri kundinzwa here? Munoti dai hwanga huri

ugwere hwenhando, maimbondiona ndichisvika pano here ndichizokunetsai


70

muchakarara kudai? Inga vakuru vanoti wani rufu ndimaunganidze?


Page

Badza : (kumudzimai wake) Hezvoka iwe amai vemwana wacho zviri kutaugwa izvo.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


kwanzi mwana apera dumbu rese nekungovedzengwa-vedzengwa nemapanga

nevarungu muchipatara. Ende pakaipira nyaya yacho iyi, mwana ari kuchekwa-

chekwa achiri mupenyu. (Atove kuseka hake)

Hazvinei: (kumurume) A, ndiweka hama yaMarinda, ari kutoudza iwe. Ini ndiri mutogwa

zvekuti amai vemwana ndiye Marinda wacho. Iwe uri kufunga kuti ini ndiri chii

chemwana uyu?

Badza: A, ndiweka amai vake.

Hazvinei: Ndisiye zvangu! Wangu mwana ndiSekai amire panze uyo, zvakare haasi

kugwara kana.

Marinda: (ari panze) Hazvinei! Hazvinei! Usade kundiomesera mwoyo zvakadaro wazvinzwa

wazvinzwa? Rerutsa mwoyo wako ndapota zvangu.

Hazvinei: (Ave kuseka) A ! Kekekeee, seka zvako mwana waTaisireva iwee! Hoo nhasi wava

kuziva kuti Nhamo mwana wangu? Hoo napamusana pekuti orarama

nehurema haachagoni kukuitira basa? Vagoni zvenyu! Wawava kuda kupa guva

rakadaro ndiyani, rema? Ini? Ini kwete! Ndaramba kuti tana!

chaachazondiyamura chiiko pano iye achekwa-chekwa ura hwese?

Marinda: (Atove kuchema) Hazvinei! Hazvinei!, rerutsa mwoyo wako mwanakadzi. Hausi

kunzwa ura kudzimba here nekugwara kwemwana? Hongu ndinoziva kuruma

kunoita nyoka. E , hongu ndakakutadzira hangu asi ndakazviita nekusaziva,

ndaifunga kuti ndaive ndiri kunatsa. Rakave buno risifemberi. Kana zva..

Hazvinei: (Nehasha) Naizvozvo wakanatsa chaizvo Marinda! Mwana wangu wakamutora

pano nenharo. E, pandakauya ikoko handiti wakati mwana ari kuchikoro?

Chirega mwana wangu iyeye afe zvidhoma zvako zvigowanda. Haungarodzeri

mwana wangu munondo ndakatarisa.

Marinda: (Achingochema) Hazvinei rega kunditasvisa bere masikati machena

akadai. Kutadza kuri muvanhu. Saka wava kuda kundipumha uroyika iwe?

ko chandakaita….

Hazvinei: (Nehasha) Chaizvo muroyi anoroya zuva rakacheka nyika! Kana ukaramba

uchidzimbira mwoyo wangu kudaro chokwadi ndinokubudira panze ipapo


71

ndikakukacha kacha! Waitora mwana wangu nebambi,wosvikoponda zvako


Page

nhaika? Zvenyu varidzi vevhu, munogaroita madiro enyu mukaneta pamusoro

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


paro. Ndaive ndakuudza kare kuti muno mumapurazi hamuchegwi makuva?

ndipindure! Ko wakagoregerei kuchengeta zvawaiva waona kuti isu hatigoni

kurera? ( Hazvinei akabva angobuda mumba achipembera, asvikomonerwa

naMarinda.Vave kumarana marana. Vanhu vave kuungana vamwe vava kubata

vachivarandutsira. Vamwe vabata Marinda vamwe Hazvinei. Zvino vave

kungopopotedzana vakabatwa kudai)

Marinda: Badza ! kana uchitarisa mukadzi wako achiita zvakadai izvi unoti uri kunatsa

here? Ndipindure Badza! Rega kuramba wakangovhara muromo wako mhani!

(Ava kuchemesa)

Badza: Ndisiye zvangu.Ndizvo zvawaida. Mwoyochena yenyu yokubatira pamusoro

iyi! (otoseka zvake) Teteka aya ndiwo aya anonzi mazvokuda mavanga enyora.

Imi makatika Badza haagoni kuchengeta mubvandiripo, ini ndini ndinogona,

ndorera ini mazvikokota mugwaku muchembere. (Marinda ave kuchema

achidzivaira chivanze chose akabata musoro nemaoko ose. Badza ari

kungoendera mberi nekutaura) Chaunochema apa chii? Chero mwana wacho

akafa, ini handisvikiko. Izvozvi muri kutondinyaudza! Kana amai vacho vachida

kusimukira chitunha ichocho, pachenyu endai. Ini zvangu kwete. Ha..

Hazvinei: (kuvanhu vakamubata) Heyi ndiregedzei mhani! Ndinoda kuti Marinda aponde

tese nemwana wangu!

Vanhu: Pfumo haritongi mhaka!Garai pasi mumba menyu mutaurirane. Chidembo

hachivhiyiwi paruzhinji.

Kubva mumutambo Chengaose naA.C Moyo (1982)

CHIKAMU B : RUZIVO RWEVASHONA RWENHAKA YEMUSIYIDZANWA

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

Fortune G : Ngano Volume 1

4.Tsanangura tsika nemagariro evashona zvinobuda mungano shanu dzawakanzi uverenge. (30)

END
72
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


SPECIMEN 2

LITERATURE IN SHONA 6007/1

PAPER 1 : Ongororo neYemuro, neRuzivo rweVaShona rweNhaka


yeMusiyidzanwa

Maawa matatu

CHIKAMU A : ONGORORO NEYEMURO

Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

1.Ita Ongororo neyemuro yedetembo iri uchiburitsa nyunyuto dzanyanduri


pamusoro pehunhu hwevanasikana vamazuva ano. (35)

Ndakabva Uhera ndakananga kwaGutu,


Ndichitsvaga chaiye wandingati mhandara izere.
Pandakaona chipfuva kuti tushu ndikati ndamuwana.
Mukuongorora ndakazoona kuti chakapakirwa mauswa,
Chichitarisika sembuva yerwendo rwepwere,
Kundoti tupfunu kwacho rimbindi, sechakayamwiwa nevana vasere,
Nyambiswa musikana uyu haana mwana.

Ndakambofunga kuti zviri kwaGutu chete,


Ndikati regai ndiendewo kuNjanja, nzvimbo imwe haipfumisi.
Kundoti kuNjanja wanei vose wangova mutuvi,
Vakadzi vako vazhinji havana mbereko,
Zvichibva noubate-ubate hwakavatorera umhandara.
Mwana mucheche akanhuwa umai kare kare,
Asi hapana kana mwana wake akamboonekwa panyika.

Kubva kuNjanja ndakananga kwaChihota,


Zvino dikita rakanga rava detsu tetsu nomuviri.
Ndoona kuti ndava kupedza nyika asi chouviri hapana,
KwaChihota ndakanomutanga mwana ane mukaka pamhuno.
Ipapo ndakanzwa mashura kwanzi, “ndine mukomana wangu”
Kundodziti kocho hakata dzavana mbuya,
Vakati iyi yainge iri mvana isina mbereko.

Ini petu ndadzoka kwaMakuvaza,


Ndisati ndadenha umwe zvakare ndakanzwa riri jwi-chwi-i.
Zvaingoti runobuda mukaka rwainzwa zvibereko.
Ko, vakazviwanepi vana vacheche vasina kumbobereka?
Ndiko kuchinjanisa varume sembatya kodai kugara vana.
73

Apa hapana chinouya, asi chinoenda ndihwo umhandara


Page

Asi isu hatinganyarari kana magaba ose ava kuvhinza.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


2 Nyora ongororo yendima inotevera uchinyatsotarisa maburutsirwo ari
kuitwa matingindira ari munyaya iyi. (35)

VaNhengure vakagamuchira vaDendera vachidedera. Vakati vamuuchira vakapinda naye muimba iya
ndokunoratidza Dendera chitunha chomwana wake. Nenguva pfupipfupi vose vakabuda mumba
muya.

Zvino vakagara dare vorondedzera nyaya yose. Dendera anzwa nyaya yose akati,’Pakutora mwana
wangu kwamakaita muchigara naye kumuita mukadzi wenyu ndisingazivi rugaba kana kuti rusambo
handikudhurisiriyi, mondipa henyu mazana matatu amadhora. Chuma kana kuti n’ombe ndinoda sere,
youmai yechipfumbamwe. Zvino pan’ombe dzandarevadza ndinoda kuti Mundipe iri mari. Pamombe
imwe neimwe ndinoda zana rimwe chete ramadhora. Saka ndiko kureketa kuti pamombe idzo ndareva
ndinoda mazana mapfumbamwe. Kwaa kuchizobatanidza nemadhora orusambo aya mazana matatu,
yose pamwe chete kwaa kuchiita mazana gumi amadhora namazana maviri. Zvino pakuuraya mwana
wangu kwamakazoita, ndinokunzwirai urombo nekuda kwejambwaro ramunochema ndiro.
Mochindipa henyu mazana matatu amadhora. Zvino yose pamwe chete yoita mazana gumi amadhora
namazana mashanu. Mari iyi ndinoida ndisati ndaviga mwana wangu. Kana ndisina kuiona pameso
angu panopo handivigi mwana wangu, ndinongodzokera kumatso kwanguko. Mazvinzwa here izvo
ndareketa?

Pakamboita kanguva pasina anotaura kana kukosora. VaNhengure vakati fe-e kufura madzihwa
achidonhera muvhu, ndokuafusira negumbo. Kupedzezvo vakatanga kuuchira,bhu bhu
bhu,’Changamire wangu, varume ndivamwe kutsva ndebvu vanodzimurana. Ndokumbira namabvi
namagokora kuti mundinzwirewo tsitsi. Manditema napanhongonya , changamire. Muchakabvu uyu
mwana wangu haana kana mari yaakandisiira. Akanga achangotangisa kusevenza. Mari yake
yaakasevenza akaipedza achivakisa imba yeke yamunoona iyoyi, imwe akatengesa mota iyo
yaakazobheuka nayo ofa. Sokuona kwenyu iniwo ndiri kutotangisa kugara pano papurazi,
ndichangotama ndichibva kwaGutu. Sezvandambokurondedzerai kuti mwana wenyu uyu akazofa
tatotangira kumuona pano iwo musi wavasvika. Isu hatizivi kana akanga ari musikana wake. Kutadza
kwevana vanongoitirana paupwere napaupenzi.

Wava kumutsa yanga irere zvayo. Wati hauzivi kana anga ari musikana wake? Iwe nedzoro rakoro
rachena waivaona vose waifunga kuti mwana wako ari kurara nehanzvadzi yake? Heya ndizvo
zvawakadzidzisa mwana wako kuti kana akanyenga musikana amutore achigara naye kuno kumusha
kwako, mukadzi asati aroorwa? Dai akanga aita zvetsika akauya kuno natete zvingadai zviine
mareketero. Zvino mwana wako akaba mwana wangu, achiita matakurebere, nemota yake, iwe
ukavagamuchira pano. Uri kufunga kuti mwana wangu ipfambi isingaroorwi? Uri kureketa kuti
mukunda wangu ane mhosva? Uri chimbwana here? Dzoro rakoro kuchena ivhudzi riri kupenga here?
Hauzivi kuti mukadzi in’anga? Ah ah ah, baba vangu Save,Wapakuru! Reketa ndinzwe!

Bu bu bu akauchira mukuru ndokuti,’Ndavata pasi namanhede. Dzivaguru raSave. Kuhukura


kwayanga ichiita ishungu dziri mumyoyo. Yavata , yateterwa mavhu neshure nomukono mukuru wava
kuomba. Ngaisiye matambo ,zindinginda hore nhema iri mudenga. Ndakotama ,muzivikanwi.’’

Ndizvo ungadai wavamba kureketa, kwete kusimudza soro rakoro uchida kungwara satsuro. Tsuro
74

kukara pedyo ngemusha kupitsa ngekugona Kurumba. Mhembwe kurara pamhene kunyinda ngerubvi.
Page

Ko, iwe ungori kunyinda ngenyi? Unonyinda ngekukore, unarwo?

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Kwete, changamire wangu. Ndapota zvangu , Save ,Sambiri , Dziva guru remvura, dambiro rengwena
nengwindi! Regai kudaro kutinhira norukore, changamire. Tisiyirewo muchechetere,
muzivikanwi,macheche afarewo! Handisi kukupisana ngani nemi, denhe, mbiti yangu yiyi. Mhosva iri
pavanhu. Ndapfidza, vamatakanure , vangu , vane midzi inotorwa pasi pemvura yaSave, ndoita zvose
zvamareva,Save.’’

Ndizvo zvinoitwa izvozvo. Ko, nyajambwa angafamba paruware here?

Kwete ,Dziva hwenge hwaSave,’’ vakadaro vachingouchira.

Ndakunzwira urombo. Rusambo nechuma nechuma nokuripa rufu rwomwana wangu zvose pamwe
chete wochindipa mazana gumi amadhora chete ndakubvisira mazana mashanu. Uri kuzvinzwa here,
iwe Nhengure?’’

Ndazvinzwa changamire wangu, vakadaro VaNhengure vachiuchira vose navasekuru vavo


naMundawaro naJereramuromo. Asi VaNhengure vakaramba vachiuchira, iyo misodzi yava kuti
mokotomokoto ichidzira nendebvu dzavo. Mukuru akati fe-e kufura madzihwa ndokuafusira nevhu.
Dendera akaona mukuru oramba achiuchira akazvirereka, iyo misodzi ikati yofashuka ichidiridzira
ndebvu. Dendera akati nde-e mukuru uyu ndokuti ‘’Ndizvo zvinoitwa izvozvo,’’ Asi rambei mukuru
ongouchira anyerere zvokuti vamwe varume, hama dzavo, vakati bwaribwari misodzi. Dendera akati,
’Ndinonzi Dendera ini, mwana weDziva guru raSave , ndinokufurisai madzihwa ndinokuchemedzai.
Munondiziva here? Ndini Dendera, garan’anga risitawi ndove rinotapwa naaripa nwana. Kuti ndabva
pano ndine ndurumwa rukore munoruona pano.

Panguva iyi varume vose vakanga vava kuridza nhondo chinyararire vachibatsira VaNhengure. Kana
mwana waDendera akanzwawo urombo ouchirawo.

Ndozvinoitwa izvozvo kwete kusimudza soro rakoro semhungu. Saka zvakwana. Chirega hako
kuombera, ndazvinzwa.

VaNhengure vakarega kuombera ndokuti kurududu sehuku yawira mugate redoro.

Zvondoita ndezvizvi. Ndakunzwira urombo. Chisarudza zvaunoda, wotakura chitunha chomwana


wangu kusvika kumusha kwangu kuChipinga, ini ndokudzisira mari kusvika pamadhora mazana
manomwe. Kana kuti wondipa mazana masere amadhora ndoviga mwana wangu pano. Unoda zvipi?

Bu bu bu ,VaNhengure vakaombera ndokuti,’’Mochiviga henyu mwana wenyu pano, ndokutsvakirai


mari yamareva mazana masere amadhora. Ndinotenda, Save , ndinotenda murambatsvina, dzino
moronga jenya nehokota! Zvaonekwa, Wapakuru, mupanenhodzo, chireranherera mvura
yavarombo! Maita Save, rwizi rukuru!’’ Vakadro VaNhengure vachiuchira.

Hingati une tsika wani. Dai wakadzidzisa mwana wako tsika aizokuparira ngava rakadai?
Chinditsvakira zvako mazana manomwe chete amadhora.’’

( I.Zvarevashe – Museve Wade Nyama)


75

3. Ongorora ndima iyi uchitarisa maburitsirwo emakakatanwa pakati


pevatambi.(35)
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Dzingesu anopopotedzana nomurume pamusana porunyerekupe rwaakanzwa kuti Muzvondiwa
anoda kuroora mumwe mukadzi. Murume ari kukuya fodya mukachaenga pedyo nomoto.

Dzingesu: (Akabata mugoti) Hazviripo vanhurume havana mugoni. Vanenge zvimbwanana

zvokuti kunyangorova zvinodzokera. Vanhu vepi? Ndokungoti kuona mukadzi

anoti

mve-e,

meso tangara.

Munhu anenge aziva kwaanobva here?

Ngazvichidaro ari musikana,

Mvana zvayo yabooka shaya,

Sesu vanamai vaTendai kudai.

Chaakarambirwa nomurume munochiziva?

Hezvo ndimi munoti takachenjera.

(Oturika mugoti ndokumbogwedebudza midziyo yake.)

Muzvondiwa: (nezwi riri pasi.) Hi-ihi, zvakuri kusarohwa kunokudaro.

Dzingesu: Munoti vakuru vakataura tsumo inoti:

Mukadzi akarambwa inhema yomutsirwa,

Vakanga vasati vaona here?

Ndinoda kumboona anouya pano pandiri ini,

Mwana waMukana’nana, Muerashava una

mare.

(Achinongedzera kumurume nomutsvairo.)

Unomutora kana ndichinge ndapinda muguva.

(Achitsvairira marara kumurume nebwoni.)

Nomwana wangu Tendai!

Muzvondiwa: (Akamutarisa neziso java.) Inga zvine shavi!

Kuzenge unotsvairira fodya yangu marara,

Ndiyo yaita sei? Unopenga kani?


76

Dzingesu Baba iwe! Heya fodya ndiyo yazonakazve?


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Kuti mugondosvutidzana nemvana dzenyu nhai?

Kupana zvabva kudzimba dzavamwe?

Isiri iyo fodya inokudzimaidzai,

Ichikupofomadzai kusara maita samadora?

Kuti varume munonyatsoona iyemi?

(Achibvorongodza moto zvimwe zvimvari zvamazimbe zvichienda kuna

Muzondiwa.)

Bvisai gumbo apa! (Achitekunya gumbo romurume kuti ashatirwe chete.)

Muzvondiwa: (Achimunongedzera nomunwe wepakati, worudyi, worudyi, munongedzo, chaiwo


wakambandika fodya.) Iwe Dzingesu…iwe!

(Achibwaira nokukurumidza) Asi wambomwa iwe!....iwe!

Dzingesu: Baba iwe ! Baba vaTendai!

Regondidzingairira wanzwa!

Unoda kudzivirira nyaya yemvana yako nhai?

Unoti asingazvizivi mumusha muno ndiani?

Ivo mai vako vanokupesvedzera mabasa iwayo,

Tichavanzwa zvavanodaro kumwekudzika.

(Achirovera mutsvairo papfihwa)

Izvo ndozvisingaitwi! VaHera vakapera!

Kuda kuparika ani? Hezvino ndiri pano.

Muzvondiwa: Tsvwu-tsvwu-tsvwu! Madzingesu wakamborohwa here? Iwe!

Iwe! Unoziva kuti….

Dzingesu: Kuti kudii?

Kuti wakapiwa mupfuhwira nechimvana chakozve kani?

Chiroyi, chiroyi chinonzi hachipi anoswera.

Ndiani asingamuzivi muno? (Ogwedebudzazve midziyo yaanga

amborongedza.)

Nyarawo baba vaTendai. Chokwadi ndinyarewo wena.

Muzvondiwa: Zvairi shanje chete.

Kana ndikaroora ndiwe unondipa mombe here?


77

Dzangu zvangu? (Achitarisa rutivi).


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Dzingesu Ihiwee! Une mombe iyewe?

Mombe dzese dziri mudanga umu,

Handiti ndedza maoko angu aya

(Achitambanudza maoko)

Ndakawana une chii pano?

Dzako handiti ndidzo dzawakadai kuti,

Bha-bha-bha

Uchiripa mhosva yomukoma wako

Akaponda mukadzi waTarutira gore riya?

Handiyo ngozi yacho inodai kukunekusirai namasango?

Muzvondiwa: Iwe Dzingesu! Woda kurohwa zvino.

Hauchazivi kurohwa, wanzwa?

Zvawakabva kwaMukananána wakauya nemombe?

Munda wawairima nzungu iwoyo ndowaani?

Wakatakura ivhu kubva kumusha?

Dzingesu: Baba’ngu Mukananána!

Zvaari mashura angu,

Kudyirwa munda nembwa,

Sendakarima nyama.

Unorevesa here Muzvondiwa?

Muzvondiwa: Huvetyama!

Inga unotodinginda seinda iri mubvudzi rechembere.

Dzingesu: Kwe-kwe-e-e! Vanonzwa kuseka vanoti rugare rwei?

(Achisunga kumeso) Baba vaTendai!

Regera zvokundibata somukombe wamasese.

Handiti mombe dzose dzirimo, vana vaChitekete,

Yandakatenga nenzungu paMbizvo apo?

Kune ane mombe inoti muu mudanga umu?


78

Ndinoda kumboona iye ane gona rinomema nzungu,


Page

Angadzitinha dzichienda Bikita ikoko.

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Nomwana wangu Tendai! (Achibata- bata migoti).

Muzvondiwa: Bva, tozoona kana ukaenda nadzo kumusha kwako.

Dzingesu: Musazvifunga! Ndedzomwana wangu Tendai.

Ko , handina kubereka here?

Kana vari mai vako vanokurunzira, vachapfidza.

Rumbuya rwepi rune gunyengu?

Runodada namazisadza arunobikirwa nomwana wangu Tendai.

Ndokungoti pano tikwezverere, pano kwebu,

Makumbo anenge migoti yechikokiyana.

(orongedzazve).

Kubva muna Sungai Mbabvu naMordekai A. Hamutyinei 1973 Mambo Press.)

CHIKAMU B : RUZIVO RWEVASHONA RWENHAKA YEMUSIYIDZANWA

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

Fortune G: Ngano Volume 1

4. Tsanangura basa rasarungano pasichigare uchitsigira nengano dzawakanzi uverenge. (30)

END.

SPECIMEN 3

LITERATURE IN SHONA 6007/1

PAPER 1 : Ongororo neYemuro, neRuzivo rweVaShona rweNhaka


yeMusiyidzanwa

Maawa matatu

CHIKAMU A : ONGORORO NEYEMURO

Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

1.Ita ongororo neyemuro yedetembo iri uchiburitsa nyunyuto dzanyanduri


pamusoro pevatungamiriri. (35)
79

Wako muromo
Page

Kapako kokuhwanda nako

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


Iwe unongoroposha
wako uchazarirwa nerwizi
wongoita senzvidya iri pamhunga
Zvaunongohukura sabhokizve
Yepu! Yepu! Yepu
pamuromo chete
chiitawe-e chiitawe-e, ndiye hwa-a
Zvaunotaura iwe unozviita?
Unotaura manatsamukanwa kuruzhinji
ruzhinji runopururudza, runoombera ruchipembera
Asi pakuita woita zvinogutsa iwe woga.

Unoti tisaita dura pamukova


pamusha pako iwe uchivaka
pedzezvo wozoti tiri simbe
uchiti tisaita danga pamukova
hunzi upfumi hwemombe haufambirani nezvanhasi
asi pamusha pako iwe uchirisa mombe.
Waunoita fuza ndiani?
Hunzi nyama yakati ikati musadya
hwahwa hwakati hwakati musabata
chakati chikati musaita
asi iwe zvose uchiita.
Wakamira papi chaizvo?

Nhasi wonditi ndidye cheziya


asi iwe uchiba
uchinota nokubira ruzhinji
uchinokora zveruzhinji uchidya woga.
Zvoruoko dai wachirega nhaiwe!

Unokanganwa kwawakabva sei?


Wakasvikeyo kwauri wega?
Ropa rigodeukira zvakozvo?
Magamba akafira izvozvo here?
Nhasi wozvifumisa iwe pachako?
zvino ugosiyana papi nevapambipfumi?

Icho chiokomuhomwe ndipo pamusha


Tsvete dzose ndipo padzizere
Woita zvinhu paukama
‘’Zvawauya mwana wekumusha zvanaka’’
Ko vasina vokumusha vobatana nei?

Ruzhinji rwakakuona kare kare


runoongorora neziso dzvuku
Taurisa zvako
Mwaya mashoko tigokuti Zimwaya
80
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


2 Nyora ongororo yendima inotevera uchinyatsotarisa maburitsirwo
anoitwa nyaya irimo. (35)

Mambo vakageza ndokudya zvavo.Pavakangotanga kudya sadza ,vahosi vakabva vasvingudzira


VaMunhamo vachiti,``Munhamo kana wapedza zvauri kuita wotokonora nzungu dzedovi.Ini
ndichambonotora ivhu riya rehari randakachera marimwezuro.``

Dai mambo aive mukomana aidai akasvetuka nokufara.

Kuenda kwakaita vadzimai ava kuvhu,kwakabva kwawirirana nezvaive kumwoyo make.Tose


tinoziva kuti gudo rikasara riri munzungu rinotoshaya kuti rokupei pamusana pokufara,
ndozvakafananawo namambo,zvaakasiyiwa ana VaMunhamo,vahosi voenda kuvhu,akashaya kuti
ovapei.

Nzara yakanga yamunzwisa.Kwechinguva haana kutaura akaramba achiita masuvanzombe aiti


akati musuva mba,outi svinyange-svinyange mumukanwa kabi usina kutsengwa.VaMunhamo
vakaramba vangoti kanha pamusana pomumedzerwo waiitwa sadza nachangamire.Mwoyo wavo
wakati seka, asi ndokubva vazvibata.

Kuzoti zvino munhu anzwa parere mwoyo, akazamura achiti,``Mazviita zvenyu amai vomwoyo
wangu imi,ndanga ndisisagoni nenzara.Chiuyai muchitora ndiro dzenyu.``

VaMunhamo hapana zvavakataura vakauya ndokutora ndiro dzavo ndokubva vaenda zvavo
kunomenya nzungu dzakanga dzarehwa.

Mambo akabva atevera,ndokusvikobvunza achiti: ‘’Mukati manga muchida kuti ndidye sadza renyu
iyemi?``
``Ndosada nei, mhukahuru?Ndatenge ndavarairwa.``
``Kwave namazuva anenge akati kubvira kuuya kwawakaita pano pamusha pangu,asi handisati
ndambokurukura newe somunhu wanga usati waziva panzvimbo.Ndinoona musha uno uri
kukufadza chaizvo kupinda musango mawakanga uri.Ichokwadi une rufaro rukuru asi hausati
wanyatsogutswa.Pauchava mukaranga wangu ndopauchaonerera.Vahosi vakandiudza zvounhu
hwako.Ukava mukaranga wanguka wagarika.Ndiwe unondichengeta.Chose chandinacho chinova
chako.Vakadzi vangu vose kusiya kwavahosi vanozoisa maoko kwauri.Unoti pakadii apa?

``Hapana zvizhinji zvandingareve ,ini somunhu anga ave chirikadzi ndanga ndoti ndofa ndakadaro
ndisina kuwanikwazve.Zvokubikira mumwe murume zvanga zvisiri mupfungwa mangu.``

Mambo haana kumbenge achitarisira mhinduro yakadai.Akakwenya-kwenya musoro


ndokuti,``Haudi kuwanikwa nhai?Ndinofunga unoziva chakakuunza kuno,nechakakonzera
kuparadzwa kwemusha wenyu nokuti murume wako afuge rake oga.Ini handidi kutemeswa musoro
nezvisina maturo.Unoziva here kuti takamboitirana nharo?``

VaMunhamo vakabva vayeuka zvese zvakaitika musi wavakaitirana nharo namambo Ndyire.Vaive
zvavo mubishi rekuchera pavakanzwa kukosora seri kwavo.
VaMunhamo vakachiti vosimudza musoro vakabva vasanganidzana meso naMambo
Ndyire.Pavakamuona vakarohwa nehana ndokuramba vangoti surududu somunhu afirwa iko
81

kapadza kavaicheresa muti womwana kari muruoko.


Page

``Kuzenge maomerwa zvaita sei nhai amai vomwoyo wangu?Asi hamusati mandionasu?``

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


``Kwete changamire ndanga ndisingafungi kuti mungandumire nokuno.``

``Ndosadimura nokuno nechii,handiti pane gombo ndopane mwoyo?``

Vadzimai vakaona kuti mambo akanga oda kutaura tusina kufanira.Dai vaiva mwana mudiki kana
kuti musikana vaidai vakatiza,asi somunhu akanga ave nemba vakati muromo kapako kokuhwanda
nako.``Ichokwadi kuti pane gombo ndipo pane mwoyo asi gombo kana rakabatirwa kana rava
munda womumwe,hazvikodzeri kuti pawane anouya achiti orima iye nyamuzvinagombo
aripo,zvinotoda afa kana kuti atomupa.``

``Pane munhu ane munda kana gombo zvaro zvisiri zvangu muno munyika here?Ndiani ane simba
rokundirambidza kurima pandinenge ndichida?Gombo iri ndinorima chete ndione chinouya.``

Ipapo VaMunhamo vakabva vashatirwa zvisina akamboona iyo misodzi ichiduruka


semvura.``Ndyire,wakauraya murume wangu ukapisa musha wedu pamusana pokuda
kundiwana.Wapedza varume vavanhu nokuponda pamusana pavakadzi vavo.Zvino uri kuda kuti ini
ndikubikire? Chokwadi kana uchida uraya hako. Chandichagarira chii,iwe wakandirozva
zvakadai?Tora pfumo rako undibaye.Kamunhu kepai.Aka kanotosva nesora,kane rugare runenge
rwenda inoruma vatenzi vakaitakura.Uraya!``Ipapo meso avo akasanduka akatsvuka kuti piriviri
seechapungu.Dai vaive murume musi iwoyo uyu,kwakadai kwakazvarwa mwana asina
vhudzi.Kunyangwe iye mambo akazviona asi chete somunhu aive nomwoyo mukukutu haana
kumbotirimuka zvake. Akatoramba akatoyevera kusvikira vapedza shungu dzavo.

Aona kuti vaneta kupopota,akabvunza kuti: ``Unoda chaizvo kufa iyewe nhai?``

``Ndichagarirei munhu wawakasikira moto muziso?``

``Zvakanaka zvawataura ndazvinzwa,ndichaita zvinokufadza.Asi usakanganwa kuti kana


ndokuuraya ndinokuponda pamwe chete nomwana wako.Hapana anozosara achimurera.``

Zvaakanzwa zvokuurayiwa kwemwana wake, mudzimai akavhunduka.Haana kumbenge arangarira


nezvemwana paaituka Ndyire pamusana pokunyetera,asi paakanzwa zvokufa kwomwana wake
akamira akambofunga ``Mwana wangu wourayiuwa?Kwete handina mumwe ndiyeyu chete.Dai
ndirini zvaive nani.Zvino mwana wangu!Mwana wangu mumwe chete!Asati ambodii nokudii
kwose,kuti agonzi zvake bho bho sembudzi?Aiwa ngandisva ndamubikira zvake,ndiponese mwana
wangu.Kubikira mhondi yakauraya murume wangu?Dai ndiri murume ndadai ndatiza,zvino ndiri
munhukadzi hapana chandinogona kuita.``Pamusana pepfungwa iyi,misodzi yakatanga kuerera
zvakare.

``Ko,uri kuchemei munhu ati anoda kufa?Ndotora pfumo rangu riri pano ndokubaya iwe nomwana
wako zvopera.``

``Aiwa Mhukahuru mati mungadaro here?Inga munongotizivawo wani kuti isu vanhu vavakadzi
tikanga tashatirwa hatizozivi zvokutaura,tinongobvotomoka.Sokureva kwamaita zvose
zvitsvene.Mondichengeta ndichirera mwana wangu uyu.``

KUBVA MUNA Pfumo Reropa NaP.Chakaipa


82
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


3. Ongorora ndima iyi uchitarisa mashandisirwo anoitwa mutauro pakati
pevatambi. (35)

NYATSOVERENGA NYAYA IYI WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA.

CHITSIDZO :Kubva pawakabuda basa uchindinyepera kuti uri parivhi handina kuzomboona kuti
uri

murume pakudii.Doro unongonwa zuva roga roga uchiraradza semombe.Kuda


kuzoedza

kukuzunza hauzombofurukuti kana,nyamba unenge wadya zvako kwaGoronga uko,

Ini ndichirara ndakatarisana namadziro pano mazuva ose.Handiti mukadzi wako ave

Fatimazve,nairo doroka iri risina musi?(Anombonyarara)Wainzwa


ndichingogarotaura

pano apa kuti doro rinopedza mari ukafunga kuti yaive mari chete yaindishaisa hope

haikona? Yaisava mari yandaichemera. Ndaipopota nekuda murume aingouya akafa

nekudhakwa zuva roga roga.(Anofamba achiita sooenda kure naBarnabas obva

azotendeuka nekukurumidza)Chinzwaka ndimbokuudza zvimwe zvinhu zvaiitika

muupenyu hwangu zvokuti ndikarega kukuudza ini haumbozofa wakazviziva.Pane

mazuva andaikumirira iwe uri kubhawa.Ndainyatsogeza,ndofanoshanyarika ndirimo

mumagumbeze havi yokukuda ichibvira semoto wamakwande uchangobatidzwa.

(Anofamba zvinyoronyoro achienda kuna Barnabas)Kusvikira pakati pahwo dzamara

rororo kubatwa nehope,chido chiya chatobhururuka seshiri,chaenda.Zviya zvose

zvairongwa ndokuperera muhope imomo seziya rembwa rinoperera mumvere.

(Anosvikopfugama akabata mabvi aBarnabas)Ndaida kuti uite murume wangu

Barnabas.Asi hazvina kuitika uye handifungi kuti zvichafa zvakaitika.Moyo wangu

waubvarura-bvarura kuita mvemve chairo.Wasakara.(Anosimika ondomira ocheuka).

Unoziva Barnabas,dai wakandiudza hakozve pazvakaitika zvimwe tingadai


takaregererana

Waivanza zvakoka asi manwire awakanga wava kuita doro aingoratidza oga kuti pane

zvaikunetsa mupfungwa,dzokono doro riya rodzima rudo rwedu semukadzi


nemurume

mubhedhurumu umu.
83

BARNABAS :Chokwadi chawaida ndechipi?Chivindi chacho ndaichiwanepi chokuuya ndichikuudza


Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


kuti ndaita mhosva nemwana wechikoro? Imbozviisawo pachinhanho
changu,waizvitaura

iwe? Unombozivei Chitsidzo,haisiri nyore kuti murume atarisane kumeso nemukadzi

wake kana achinge abatwa nenyaya idzodzi.Ndosaka ndakangoti ndinomboedza

kuvharidzira ,kana achinge azozvizivawo ndongozoona zvokuita.

CHITSIDZO :Saka nhasi ndazozvizivira,zvino woitei?Chidembo chanhuhwaka ichi.

BARNABAS :Ndinokumbira ruregerero…

CHITSIDZO :Iwe waimbozviititirei? Chandaitadza kukuitira muno mumba chawaiitirwa nekahure

kekwaGoronga chii?Inga ndinomboedzawo kugeza mazuva ose wani?Handiti umbwa

hwekurudzi kwenyu?Kundizadza siki ini!

BARNABAS :Hausiri umbwa hwekurudzi kwangu.Chete,umbwa hwavanhurume vose kwese


kwese.

Vose vanaRodger vaya vanozviitawo.Hapana murume asingahuri.Mutsauko uripo

Ndewokuti ini ndabatwa,ivo vachigere.

CHITSIDZO :(Nehasha) Pfutseki! Imbwa! Uri kutondirutsira zvako.

BARNABAS :Ndiri imbwa hongu.You can call me anything you want,asi chindiregererawozve

tichirega kuramba tichitaura nyaya yacho.Yave kundirwadza zvinondiparadza

nechomukati umu.

CHITSIDZO :Unotamba zvako.Handigari nembwa inondizadza marabies ini.Makaita sei vanhu

vekwaMadiro musinganyari?Nhasi mangwanani hama dzako dziri pano apa dzanga

dzichindirutsira matsvina mukanwa okuda kundiparika naZvichemo ini.Iwe

uchitozvikakanyadza uchiti kune vamwe vakadzi vari kuchemera kuroorwa newe.

Waireva Fatimazve?Waiti handina kuziva zvawaireva?Iko zvino ndipo paunoti


pwetere

Uchiedza kuvharidzira zvinhu zveumbwa apa.Iko zvino dai waiziva zviri mupfungwa

dzangu waidai usingatauri tsvina yako iyoyo.

BARNABAS :Zvakaita sei zvauri kufunga zvacho?

CHITSIDZO :Zvakaita sei?Asi hausiri kutombozviona kuti muchato wapera?

BARNABAS :Muchato waani?

CHITSIDZO :Wako.Umwe ane muchato ungapera kunze kwako ndiani?


84

BARNABAS :Sei futi?


Page

CHITSIDZO :Sekupera kunongoita michato yose yembwa dzakafanana newe.Sekudzimawo

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


kwakaita moto werudo rwangu mumba muno umu,sekuya kuoma kunongoita bazi

remuti kana richinge ratemwa.

BARNABAS :Chitsidzo!

CHITSIDZO :Pwipwidzo!

BARNABAS :Chitsidzo please give me another chance.

CHITSIDZO :Another chance! Ministry of Education haina kukupa another chance;Village Court
haina

Kukupa another chance,Fatima haana kukupa another chance.Asi wakanganwa kuti

Vakakuporomisa zvidhoma?Vabereki vako havasiri kukupa another chance,vari

kuda kuti uroore mukadzi wemukoma wako. Kuzoti iniwo zvangu,ndini ndozokupa

another chance,ndoiwanepi?(Anosvikogara padivi paBarnabas akamubata papfudze

otaura zvakanyorovera) Kwenguva refu wakambondipawo chance yekuti ndimere

mapapiro erudo ndichiti ndine murume wangu,ndichinyatsokugutawo?Ini chance

yandakakupa yakakwana.Chete hauna kugona zvako kuisevenzesa.

BARNABAS :Ndati ndatadza shamwari Chitsidzo.Give me another chance and we start all over
again!

CHITSIDZO :Spending the rest of my life starting all over again.Pasina progress?Handingapedzi

Hupenyu hwangu hwose ndichingobatidza moto usingabvire.Ndozobika riini manje?

Kana uchida zvekutangisa patsva tangisa wega, naFatima kana Zvichemo kana vose.

Ini ndava kuziva chinhu chimwe zvino.Tikatangisa tese patsva hatifi takasvika
kumagumo

Kunosvika vamwe.We will always start all over again,pasina


progress.(Anosvikopfugama

pamberi paBanabas akamubata ibvi otaura zvinyoro nyoro)Ndaida kumira newe


Barnabas

kuti tirwise Zvichemo asapinda mumba muno.Tingadai takakunda Barnabas.Asi iko


zvino

ndaona kuti barika unenge unoridawo murume wangu.Saka gara zvako nhaka
mukadzi

wehama yako.Ini hapana chandicharwira pano nokuti hapana


changu.Ndichangotangawo

upenyu hwangu patsva ndogawo.Zvokuroorwa zvinenge zvaramba shamwari.Inga


85

ndakamboedzawo wani kuita mukadzi wako akanaka.Ndainyengwa nemashefu


kubasa
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


uko asi ndichiramba nokuziva kuti ndiri mudzimai wako Barnabas.Zvino ah,(anozunza

musoro osimuka)chawakashora chii shamwari?

BARNABAS :Please Chitsidzo, usadaro.Rangarirawo vana vedu.Ini ndinoziva kuti ndakaputsa

guchu rerudo rwako,asika vana vedu ava.Unovarangireiwo neshamhu

inozovarwadza upenyu hwavo hwose?(Chitsidzo anomufuratira obva afamba

zvishoma achienda kwake oga.Uyuwo Barnabas anongosara akabata muromo


achiona

kuputsika kwemhuri yake.)

Kubva muna IMWE CHANZI ICHABVEPI? NaW.L Chigidi.[pg56-60]

CHIKAMU B : RUZIVO RWEVASHONA RWENHAKA YEMUSIYIDZANWA

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

Fortune G : Ngano Volume 1

4. Nyatsodonongodza basa remashiripiti mungano uchitsigira nengano dzinokodzera. (30)

END.

86
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT


87
Page

MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT

You might also like