FOR SALE
PLEASE DO NOT POST ON SOCIAL MEDIA.
TOKUTENDAI NEKUNZWISISA KWENYU.
SANYATI BAPTIST HIGH SCHOOL
LANGUAGES DEPARTMENT
MR CHIKANDE R 0775050366
MABHUKU AKAONGORORWA :
MITAMBO/ DRAMA
a)KURIDZA NGOMA NEDEMO                            A.C MOYO
b)AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO .                     BC MASHAYAMOMBE
c)IMWE CHANZI ICHABVEPI?                           W. CHIGIDI
NGANONYORWA/PROSE
a)ZVAIRWADZA VASARA                  G.H MUSENGEZI.
b)AKAIPFIRIRA NEMUKATI               G.M MATSIKITI
c)JOTI NEKETANI                       F. WANDAI
NHETEMBO / POETRY
a)NDURI DZENHANGO DZEMUZIMBABWE.
                                                                     1
                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
INDIGENOUS KNOWLEDGE SYSTEM
a)NGANO VOL 1 G. FORTUNE.
Kuongorora Bhuku reUvaranomwe.
Ndezvipi zvinofanira kutariswa nemudzidzi pabhuku rega rega raanotarisirwa kuverenga?
     Musoro webhuku…Musoro webhuku ndounofanira kutanga kuongororwa pabhuku
      rega rega. Ukanzwisisa zvinoreva musoro webhuku hazvichanetsi kunzwisisa
      zvinoitwa nevatambi kana mutambi zvinotsigira musoro webhuku uyu.
    Vatambi…Pavatambi ndipo pane zvakawanda zvekuongorora. Munyori anoshandisa
      vatambi kuburitsa dingindira guru rebhuku nemamwe matingindira madiki. Uyezve
      zvinhu zvakaita semusoro webhuku, zvidzidzo, matingindira, makakatanwa
      nekutendeseka kwenyaya zvese zvinobudira pavatambi. Nekudaro mudzidzi
      anofanira kutarisa zvinotevera pavatambi :
   a) Vatambikadzi….bhuku rega rega harishayi vatambikadzi. Kana tichitarisa
      vatambikadzi tinofanira kuvatarisa zvichibva panhoroondo yetsika dzedu
      dzechivanhu 1890---- zvichidzoka sure tisati tapambwa nevachena. Vakadzi
      vaionekwa sevanhu vakangomirira kubara vana chete nekufadza varume. Saka
      patinoongorora vatambikadzi muuvaranomwe hwechizvinozvino tiri kutarisa kuti
      munyori ari kuona vatambikadzi nemaziso ekare here ekuvatarisira pasi sevanhu
      vanongogona kuzvara chete kana kuti vakadzi vari kubuda vane zvinzvimbo
      zvinoyemurika here saRopafadzo mubhuku Akaipfirira Nemukati ainzi aiva mukuru
      weWorld Vision, muna Akanhonga Vhunze Nemuromo Cindy aiva nebasa reugweta
      rinoyemurika.
   b) Unhu hwemutambi….unhu hwemutambi hunoonekwa nezvakawanda zvinoti :
      i)zvinotaurwa nemutambi iye pachake.
       ii)zvinotaurwa nevamwe vatambi pamusoro pemutambi wacho
       iii)Mapfekero emutambi
       iv)Zvinotaurwa nemunyori pamusoro pemutambi.
       v)Zviito zvemutambi iye pachake.
   c) Mutambi mukuru….Mubvunzo wemutambi mukuru unowanzouya mumabhuku
      echinyakare . Mutambi mukuru akangofanana (nefirimu/ movie) kana uchiona
      movie watinoti (main actor) ndiye mutambi mukuru uye zvaunomuona nazvo
      pamovie ndizvo zvimwe chete zvaunoona nazvo mutambi mukuru mubhuku.
      Mutambi mukuru tinomuona nezvinotevera :
    Nyaya yakaumbwa kubva paari.
    Dingindira guru rebhuku rinobudira paari.
                                                                                        2
    Zvidzidzo zvikuru zvebhuku zvinobudira paari zvakare.
                                                                                        Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
     Zvishuviro zvemutambi mukuru zvinowanzozadzikiswa.
     Mutambi mukuru anowanzopedza matambudziko anenge aripo/ asi mune mamwe
      mabhuku mutambi mukuru anogona kukonzera matambudziko acho sezvinoitwa
      naCindy muna Akanhonga Vhunze Nemuromo.
    Mutambi mukuru ndiye anonyanya kutaurwa nezvake zvakanyanya nevamwe
      vatambi uye nemunyori.
    Mutambi mukuru haafi kana nyaya isati yapera asi vasiri vatambi vakuru vanogona
      kufa bhuku rikaramba richingoenderera mberi.
    Mune mamwe mabhuku mutambi mukuru anogona kupiwa zita remusoro webhuku
      sebhuku rakanzi Tambaoga Mwanangu mutambi mukuru ndiTambaoga unova
      musoro webhuku. Kana akasapiwa zita remusoro webhuku zviito zvemutambi
      mukuru zvinogona kuzadzisa musoro webhuku.
    Mumabhuku echinyakare mutambi mukuru anowanzoita zvisingatendeseki kana kuti
      zvisingagonekwi nemunhuwo nje.
   d) Zvinoitwa nemutambi zvinoita kuti bhuku riendere mberi….chinoita kuti bhuku
      rienderere mberi hunhu nemaitiro evatambi. Kuvenga hama dzemurume kunoitwa
      naCindy ndiko kunomusunda kuti aronge mazano naamai vake Laiza ekuuraya
      vaHaruna…. Kuronga kwavari kuita kuisa muchetura ndiko kutoenderera mberi kuri
      kuita bhuku racho.
   e) Kutendeseka kwemutambi…..Mubvunzo ukauya uchiti : Munyori akabudirira
      zvakadii kutipa vatambi vanotendeseka? (30) .Kutendeseka kuri kurehwa apa
      ndekwekuti muupenyu chaihwo varipo here vatambi vakaita saCindy? Varipo here
      vakadzi vakaroorwa muupenyu chaihwo vangaita maitiro aCindy. Kana kuti varipo
      here varume vane hunhu sehwaRuvengo muupenyu chaihwo?
    Matingindira…Dingindira ndiyo pfungwa huru dziri mubhuku atingati pachirungu
      (mamain theme) nokudaro pabhuku roga roga mudzidzi ngaatsvake dingindira guru
      rebhuku. Kazhinji bhuku rine dingindira guru rimwe chete kozoita amwewo
      matingindira anotsigira.
    Zvidzidzo….Zvidzidzo zvine mhando mbiri. Pane zvidzidzo zvakanangana
      nedingindira guru rebhuku.Ukatarisa bhuku rakaita saZvairwadza vasara dingindira
      guru rebhuku nderehondo saka mubvunzo unogona kuuya uchiti : Nyurura
      zvidzidzo zvakanangana nehondo mubhuku iri. (30) Mubvunzo uyu unenge
      uchingoda zvidzidzo zvinoenderana nedingindira guru rinova rehondo. Asi mubvunzo
      ukazouya wakati : Nyurura zvidzidzo zveupenyu zvawakawana mubhuku
      Zvairwadza Vasara (30) …unokwanisa kupa chero zvidzidzo zvisiri zvehondo zvakaita
      sekuti: Chidzidzo chandakawana ndechekuti rufu runorwadza…. Ichi chidzidzo nje
      chiri (general) chisina kunangana nedingindira guru rebhuku. Pakupindura
      mubvunzo wezvidzidzo mudzidzi angwarire pane katsika kekungoburitsa zvidzidzo
      zvese zviri tsumo kana madimikira… hazvina kushata asi hausi mutemo wekutoti
      zvidzidzo ngazvibude zviri tsumo. Unokurudzirwa kushandisa mutauro wakareruka
      pakupindura bhuku.
    Makakatanwa….Makakatanwa kunetsana kudhonzerana kunenge kuchiita kazhinji
                                                                                          3
      vatambi umwe achiti haavhiyiwi umwe achiti haigochwi. Bhuku rikashaya
                                                                                          Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      makakatanwa haringaenderere mberi nekudaro hakuna bhuku risina makakatanwa.
      Pamibvunzo yemakakatanwa mudzidzi anofanira kungwarira zvinotevera :
   a) Kugona kudoma kuti makakatanwa ari pakati paani naani?
   b) Kujekesa kuti makakatanwa acho ndeeyi?
   c) Kupeta nekuratidza kuti makakatanwa acho anopera sei?
    Pane makakatanwa anogona kunge asiri pavatambi vaviri asi ari pane zvinotevera :
    Makakatanwa pakati pemutambi netsika yechivanhu
    Makakatanwa mupfungwa dzemutambi ari oga imwe pfungwa ichiti ita zvakati
      imwe ichiti kwete.
    Nzira dzakashandiswa nemunyori kuruka nyaya yake….
    Nzvimbo inoitikira nyaya
    Kutendeseka kana kusatendeseka kwenyaya
Mapindurirwo emubvunzo padanho reA Level.
Pa A Level mudzidzi anofanira kuverenga bhuku zvakanyanya kuti arinzwisise. Bhuku rimwe
chete rinofanira kuverengwa kakawanda chero kudarika kashanu kana kagumi chaiko
kuti uzoti wagadzirira kunyora bvunzo dzekupedzisira dzeA Level. Kana uchipindura
mubvunzo weA Level hezvinoi zvinotarisirwa pachikamu chega chega:
      Pfungwa yekuparura chikamu yatinoti pachirungu (topic sentence)
      Pfungwa yekuparura chikamu iyi haifaniri kunge yakabatana netsigiro uye
       ngaisarebesa.
      Pfungwa yekuparura chikamu inotorwa pamubvunzo unenge wakapiwa. Kana
       mubvunzo wakanzi: Nyurura zvidzidzo zviri mumutambo Akanhonga Vhunze
       Nemuromo (30) Pfungwa yekuparura chikamu unonyora seizvi :
      Chidzidzo chandakawana mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo ndechekuti
       kutsvinyira hama dzemurume kwakaipa kana uri muwanano.
      Mubvunzowo ukauya wakanzi : Nyurura matambudziko anowira ruzhinji muhondo
       yerusununguko sekuburitswa kwazvinoitwa mubhuku Zvairwadza Vasara (30)
       Pfungwa yekuparura mutsara (topic sentence inotanga ichiti : Dambudziko rinowira
       veruzhinji muhondo yerusunguko ndererufu.
      Mushure mekupa pfungwa inoparura chikamu unofanira kuchipa tsigiro
       inofambirana nepfungwa yawapa pamusoro. Tsigiro ngainyatsotsanangurwa
       zvinogutsa zvinoratidza kuti wakaverenga bhuku kwete kupfuura neparaiverengwa.
       Vana vakawanda havaverengi bhuku uye havazivi vatambi.
      Tsigiro ndihwo umbowo hwekuti wakaverenga bhuku saka wotokwinya kuti
       mukwenyi webasa rako akupe zvibodzwa.
      Mutauro waunoshandisa pakupindura uvaranomwe ngauve wakareruka usina
       zvirungamutauro.
      Chikamu chinotarisirwa kunge chine pfungwa imwe chete yakatsigirwa zvizere.
      Mubvunzo weuvaranomwe unenge uine 30 marks nekudaro mudzidzi anotarisirwa
       kupa pfungwa dzinosvika gumi kana kudarika ndokunge mubvunzo usina kudoma
                                                                                          4
       kuti ipa pfungwa ngani.
                                                                                          Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Mubvunzo : Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo
Akanhonga Vhunze Nemuromo.                                                     (30)
Chinosirisa chiri mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo kuvenga hama dzemurume.
Cindy ndiye aivenga hama dzemurume wake Ruvengo zvisingabviri. Cindy anoidza nepose
paanogona napo kushungurudza VaHaruna kuti vabve pamba pake paanoudza Ruvengo kuti
vaHaruna vanoroya kuri kungoda chete kuti vadzingwe pamba. Ruvengo akazodudza
ruvengo rwaCindy paakamuudza kuti amai vangu unovavengera makore mazhinji avakapiwa
naMwari. Ruvengo rwaCindy rwunobuda zvakare paanotsvaka muchetura achibatsirwa
namai vake Laiza kuti vaisire vaHaruna vafe vakazoponeswa naTsitsi musikana webasa
akachinjanisa makeke aya. Chinosiririsa paruvengo rwaCindy ndechekuti akazoguma
aparadza imba yake iye mukuedza kuuraya vaHaruna uye achibva asungwa nemapurisa.
KURIDZA NGOMA NEDEMO
Mibvunzo yakanangana nebhuku.
   1. Munyori akabudirira zvakadii kupa vatambi vanotendeseka pana Vhoti, Tinazvo,
       Rupiza, Hondo.                                                          (30)
   2. Donongodza zvidzidzo zvawakawana mumutambo Kuridza Ngoma nedemo . (30)
   3. Nyurura matingindira makuru ari mumutambo Kuridza Ngoma nedemo.          (30)
   4. Ndedzipi nzira dzakashandiswa nemunyori kunyora mutambo Kuridza Ngoma
       nedemo.                                                                  (30)
   5. Nyurura matambudziko aisangana nevanhu vatema hondo yerusununguko
       ichangopera muZimbabwe.                                                  (30)
   6. Ndeapi maitiro evatambi anozadzisa musoro webhuku.                       (30)
   7. Nyatsodonongodza mhosva dzinoparwa naTinazvo nechikwata chake vari papurazi
       ravainge vapamba.                                                        (30)
   8. Dzumbunura kugona kushandisa mazitadunhurirwa kwakaitwa nemunyori
       pavatambi vanotevera : Tinazvo, Vote, Hondo, naShinga.                  (30)
   9. Buritsa zviitiko zviri mumutambo uyu zvinojekesa kuti rusununguko
       rweZimbabwe rwakatambirwa nenzira dzakasiyana siyana nevana veZimbabwe.
       (30)
   10. Munyori akagona zvakadii kutipa vatambi vanotendeseka pavatambi vanotevera
       : a) Tinazvo, Vote, , Rupiza naHondo.                                    (30)
   11. Kuridza ngoma nedemo mutambo unosuwisa chose. Tsigira pfungwa iyi
       nezviitiko zviri mubhuku.                                                (30)
   12. Jekesa matambudziko aisangana nevanhu vatema munguva yehondo
       yerusununguko rweZimbabwe.                                               (30)
   13. Tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera kusundidzira rungano rwebhuku
       mberi.
       a)Tinzvo
                                                                                       5
       b)Vote
                                                                                       Page
       c)Rupiza
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      d)Hondo                                                                 (30)
14. Munyori akagona sei kushandisa ndyaringo kuburitsa nyaya yake mumutambo Kuridza
ngoma nedemo.                                                                (30)
15. Nyurura zvidzidzo maererano nerusununguko rweZimbabwe zvaunowana
mumutambo Kuridza ngoma nedemo.                                                (30)
Matingindira ari mumutambo Kuridza Ngoma Nedemo.
         Rusununguko
         Hondo
         Rudo
         Utsinye
         Ivhu
         Kuregererana
         Rufu
         Uroyi
         Kutendera munánga.
         Chipfambi
         Udzvinyiriri.
Pfupiso yebhuku
    Kuridza Ngoma nedemo mutambo              wakanyorwa hondo yerusununguko
     rweZimbabwe ichangopera. Nokudaro mamwe matingindira ari mubhuku iri
     ndeenguva yehondo sezvo nyaya dzacho dzemuZimbabwe itsva dziri kubva
     muhondo yerusununguko saka nemamwe manzwi mutambo unoburitsa mamiriro
     ezvinhu panguva nyika yaisanduka kubva muhondo kuenda kurunyararo yatingati
     pachirungu (transition from war to peace.) nyika ichitorwa kubva mumaoko
     evachena kuenda kuvatema vava kuzvitonga. Hutongi hwevachena hwairwadza
     sezvo vaitonga nedemo, vanhu vakawanda vakaurawa muhondo uye vatema
     vaizvidzwa. Nokudaro nyika yeZimbabwe payakawana rusununguko muna 1980
     vatema vakawanda vakafunga kuti vava kuita madiro aJojina izvo kwete
     rusununguko rwaisareva izvozvo.
    Vanhu vatema vaiva netarisiro yekuti vachingowana rusununguko chete vachena
     vachatandaniswa minda yotorwa umwe neumwe otora purazi raanoda vatengesi
     vaitengesa vanhu muhondo vourawa kana kurangwa ipapo ipapo. Tarisiro iyi ndiyo
     yaiva mupfungwa dzeruzhinji rwakaita sana Vhoti, Tinazvo, Rupiza asi handizvo
     zvakazoitika zvinova zvakagumbura vazhinji.
    Munyori Aaron Chiundura Moyo akashandisawo mutambo uyu achishandisa
     chidavado chesetswa /nyambo kutumbura mamwe matambudziko akatotanga
                                                                                      6
     kuwanikwa muZimbabwe rusununguko rweZimbabwe rwuchangouya vatema
                                                                                      Page
     vachangotora nyika. Matambudziko aya ndeehuori, chizivano apo Tinazvo naVhoti
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
     vachiti tinongopa minda chete kune vaera Dafi…..Dambudziko rechizivano iri
     rekugovana upfumi hwenyika paukama ndiro riri kuedzwa kuyanikwa pachena
     navaMoyo.
    Munyori akayanikawo pachena matambudziko akatanga kuwanikwa munyika
     yeZimbabwe nekuuya kwerusununguko . Rimwe dambudziko guru raiva revanhu
     vasingatevedzeri kana kuremekedza mutemo yatingati pachirungu nyika isina (rule
     of law.) Tinazvo naVhoti vakatora purazi raiva remurungu nechisimba vakatanga
     kutogova minda. Iri dambudziko rakaramba ririmo muZimbabwe kusvika nhasi uno.
     Tinazvo naVhoti vaiva nesimba rekutongera vanhu rufu, kurova chero nemapurisa
     chaiwo kana kuregerera iyo nyika yasununguka pava nevatongi vakadzidzira basa
     rekutonga.
    Mazita evamwe vatambi vari mumutambo uyu ari kubva munguva yehondo akaita
     saHondo naVhoti
NZIRA DZAKASHANDISWA NEMUNYORI             KUNYORA MUTAMBO        KURIDZA NGOMA
NEDEMO.
      Mazitadunhurirwa
      Dimikira semusoro webhuku
      Nyambo/ setswa
      Nziyo pg 11, 25
      Tsamba pg 20
      Hurukuro
      Kuisa mutambo muDariro 1, 2, 3
NDEZVIPI ZVIITIKO ZVINOZADZISA MUSORO WEBHUKU
      Kutora purazi zvisiri pamutemo
      Kugova minda
      Kurova mupurisa
      Kusatererera mupurisa
      Kutonga mhosva : Kutongera rufu
                          Kurova vapari vemhosva
                                                                                       7
                                                                                       Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO.
Bhuku iri rinoongorora mhuri yechitema kunyanya mudhorobha magariro ayo pahukama.
Chinangwa chikuru chiri mumutambo uyu kuburitsa mapisha-pisha anowanikwa
muwanano uye maitiro evamwe vakadzi vakadzidza. Munyori ari kuda kuyanika pachena
unhubu hwevakadzi kunyanya vanenge vakadzidza kana kuti vane mari kuzvikudza
kwavanoita muwanano.
ZIMSEC QUESTIONS 2018
1a)’’Basa rausonevenza haripindirani nemaitiro ako.’’ Peji 42. Tsanangura zvinoitwa naCindy
zvinozadzisa mazwi aya.                                                                 (30)
b)Ipa ongororo yemutambo uyu uchiburitsa zvinoshoreka magariro evanhu vamazuva ano.
(30)
2019
1a)”Cindy uyu ndiye angacheme. Ndiye akachera gomo rine matombo ava kumutsimbirira.”
Tsanangura zvizere zvinoitwa naCindy zvinozadzikisa mazwi aya.                 (30)
b)Tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosundira mutambo mberi.
i)Ruvengo
ii)Tsitsi
iii)Kumbie                                                                              (30)
MIBVUNZO YAKANANGANA NEBHUKU
Mutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo ukanyatsoongoora bhuku iri nyaya yese iri
kutenderera pana Cindy zviito kana kuti hunhu hwaCindy. Tikabvisa Cindy mubhuku iri
hapachina nyaya. Nekudaro mudzidzi anofanira kunyatsobata zvinhu / zviito gumi kana
kudarika zvinoitwa naCindy wonyatsozvibata zvinoshanda kupindura mibvunzo yakawanda
kana kutoti mibvunzo yese. Tikatora hunhu hwakaipa hunoitwa naCindy ndehunotevera :
     Kutuka murume achimuti uri mbeva, uri mbiti, uri bvene
     Kuvenga hama dzemurume wake Ruvengo achirambidza VaHaruna kugara masofa
      akanaka nekuoona TV kwayo achiti vaone black and white TV.
     Kuedza kuuraya vamwene vake VaHaruna achivaisira muchetura mucake achibatsirwa
      namai vake Laiza.
     Kupumha vamwene vake huroyi achigadzira chinhu chaanoisa mumba achiti
      chikwambo chavaHaruna
     Kusateerera baba vake vaZariro vakamuudza kuti ade vamwene vake sevabereki vake
      asi iye aisema vaHaruna achivati vane mhino dzakafenguka sedzedhongi.
     Kuzvikudza zvakanyanya achiudza Regina shamwari yake kuti ndine twunhu twangu
                                                                                               8
      saka Maggie haana zvaangandibatsira nazvo, zvakare Cindy aiudza Ruvengo murume
                                                                                               Page
      wake kuti remekedza gweta Ruvengo.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
    Kuita usimbe hunonyadzisa hwekuti Tsitsi musikana webasa ndiye anofanira
     kumutsvairira muimba yake yekurara zvinova zvisingatarisirwi pachivanhu chedu
     zvakapa kuti Ruvengo zvipira hake kutsvaira mubhedhurumu kana iye Cindy
     akundikana.
    Kusazvidzora kuda kurova mai vake Laiza ovapotsa ozorova shamwari yake Regina
     omukuvadza.
    Kuedza kuda kupa matikitivha ainge auya kuzomusunga fufuro kana kuti mari
     yechiokomuhomwe inova imwe mhosva zvakare.
    Kugaroshungurudza Maggie aiva akafirwa namai vake achimudzimbira ronda
     rekufirwa achiti mai vako vakafa vakaora kare uye mwana wausina kugomera
     anonetsa zvikuru.
Pfungwa dzapiwa pamusoro apo ukanyatsotsvagurudza tsigiro dzinogutsa dziri mubhuku
unokwanisa kupindura mibvunzo yakawanda uchishandisa pfungwa dzimwe chete idzodzi.
Mibvunzo inogona kupindurwa nepfungwa dziri pamusoro apo ndeinotevera :
 1.Cindy anozviputsira imba yake ega . Unotii nepfungwa iyi.                  (30)
 2.Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo. (30)
 3.’’Cindy aiva nehunhu hwakadyiwa nembwa.’’ Unotii nepfungwa iyi.           (30)
 4.Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezviito zvevatambi.                (30)
 5.’’Cindy uyu ndiye angacheme.Ndiye akachera gomo rine matombo ava kumutsimbirira.”
 Tsanangura zvizere zvinoitwa naCindy zvinozadzisa mashoko aya.              (30)
   1. Cindy anozviputsira imba yake oga. Tsigira pfungwa iyi.                    (30)
   2. Mhandu yemukadzi mukadzi. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi wakanangana nezviri
      mumutambo uyu.                                                             (30)
   3. Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri mumutambo Akanhonga Vhunze            (30)
   4. Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezviri mumutambo uyu.               (30)
   5. Nyurura      matambudziko anosanganikwawo nawo           nevanhu   vakaroorana
      sekuburitswa kwaari kuitwa mumutambo uyu.                                  (30)
   6. Munyori akaburitsa sei chimiro chevatambikadzi.                            (30)
   7. Cindy ndiye honzeri yematambudziko ose anowira vatambi vari mubhuku. Tsigira
      pfungwa iyi.                                                               (30)
   8. ‘’Cindy aiva nehunhu hwakadyiwa nembwa.’’ Unotii nepfungwa iyi.            (30)
                                                                                        9
                                                                                        Page
   9. Zazanura makakatanwa ari mumutambo uyu.                                    (30)
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
   10. Donongodza zvidzidzo zvakanangana newanano mumutambo uyu.           (30)
   11. Nyurura zvikonzero zvekuparara kwemhuri yaRuvengo naCindy. Ipawo mazano
       ezvingaitwe kudzivirira kuparara kwemhuri muwanano dzanhasi.        (30)
   12. ‘’Ndomene haichemedzi’’ Unotii nemashoko aya wakanangana nezvinoitika
       mumutambo Akanhonga Vhunze nemuromo’’                               (30)
ONGORORA UNHU HWEVATAMBI VANOTEVERA :
Unhu hwemutambi hunookwa nezvinotevera :
    Mashoko anotaurwa nemutambi pachezvake anoyanika pachena hunhu
     hwemutambi. Mumutambo Akanhonga Vhunze nemuromo Cindy aakataura kuti
     remekedza gweta Ruvengo zvichiburitsa kuzvikudza kwake. Cindy zvakare achitaura
     naRegina akati ndine twunhu twangu ini.
    Unhu hwemutambi hunoonekwa zvakare nemashoko anotaurwa nemunyori
     pamusoro pemutambi.
    Unhu hwemutambi hunoonekwa nemashoko anotaurwa nevamwe vatambi
     pamusoro pemutambi wacho.
    Unhu hwemutambi hunoonekwa zvakare nezvinoitwa nemutambi wacho.
CINDY
       Anozvikudza
       Haadzoreki
       Haana nyadzi
       Anonyepa
       Anofuririka
       Ane utsinye
       Ane pamuromo
       Anonyepa
       Haana matyira
       Ane hasha
       Haana kuvimbika
RUVENGO
       Ane rudo
       Anozvidzora
       Akapusa
       Moyo murefu
                                                                                       10
VAHARUNA
                                                                                       Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
     Vakanyarara
     Vanozvidzora
     Rudo
TSITSI
        Ane tsitsi
        Akatsiga
        Akachenjera
        Anoshanda nesimba
        Ane rudo
z
MATINGINDIRA ARI MUTAMBO AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO.
        Rudo
        Ruvengo
        Kurambana
        Ushamwari
        Rufu
        Uterera
        Urovha
        Dzidzo
        Huori…chiokomuhomwe
        Ukama
        Bopoto
        Utsinye
        Usimbe
        Bopoto
        Mhirizhonga
Rudo
     Dingindira rerudo rinobuda panotanga mutambo DARIRO 1 Ruvengo achiyemura
      Mudiwa wake Cindy. Nyangwe zvazvo rudo urwu rwaive rwakarerekera divi rimwe
      chete segakanje Ruvengo ariye airatidza rudo Cindy asinei naye. Munyori aiedza
      kuratidza vaverengi kuti chinobatanidza wanano rudo. Rudo rwunofanira kugara
      rwuripo pavanhu vakawanana mativi maviri ese murume nemukadzi.
Ruvengo
     Rimwe dingindira hombe riri mumutambo uyu Akanhonga Vhunze Nemuromo
      ndereruvengo. Cindy akamonerwa neruvengo rwakanyanya aivenga vamwene
                                                                                       11
      vake vaHaruna . Ruvengo urwu rwunokura kusvika pakuda kuvauraya nemuchetura
      uri mukeke zvinova zvakazoputsa imba yaRuvengo naCindy. Cindy aivenga zvakare
                                                                                       Page
      Maggie mwana waRuvengo. Nepapfupi munyori aida kupa dzidziso kuti kana
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
        munhu akaroorwa kana kuroora gamuchira hama dzemurume kana mukadzi
        udzitore sedzako.
KURAMBANA
    Kurambana nderimwe dingindira rinoburitswa nemunyori mumutambo uyu.
     Panopera bhuku Ruvengo akaramba mudzimai             wake Cindy. Kurambana
     idambudziko ratekeshera munyika yedu yeZimbabwe zvakapa munyori kuti ariite
     rimwe dingindira guru. Pane zvakawanda zvakakuchidzira kurambana kwaCindy
     naRuvengo zvinova kuzvikudza, kusateerera kwaCindy , kufuririka ruvengo nehama
     dzemurume.
USHAMWARI.
    Dingindira reushamwari riri kubudira pana Regina naCindy. Munyori anobudisa
     vaviri ava vane hushamwari hwakakomba nyangwe zvazvo hunhu hwavo hwainge
     hwakasiyana sepasi nekudenga. Regina aiedza kudzora nekutsiura shamwari yake
     Cindy pakawanda nyangwe zvazvo Cindy aisaterera.
RUFU.
    Dingindira rerufu rinobuda pana mai vaMaggie vanonzi vakaita tsaona nemotokari
     vakanowira muMazowe Dam.
UTERERA
    Uterera nderimwe dingindira guru rinopiwa nemunyori. Dingindira iri riri kubudira
     panaMaggie uyo ainge afirwa namai vake. Maggie akaoneswa nhamo tsvuku
     naCindy achigaroudzwa mashoko        anorwadza ekuti mai vako vakatoora
     vakafushirwa. Kugaroshungurudzwa kwese uku yaiva nyaya yekuti aiva ashaikirwa
     namai vake.
UROVHA
    Urovha idingindira guru mumutambo Akanhonga vhunze. Dingindira iri riri
     kuburitswa panaRuvengo aimbove Member of Parliament asi zvinopera kusvika
     asisashandi ava kugara pamba. Urovha hwaRuvengo hunomukanganisira sezvo
     hurihwo hwakadzima rudo neruremekedzo rwaaipiwa nemukadzi wake. Cindy
     anobuda pachena kuti ainge akada Ruvengo nekuti aiva member of parliament
     chete. Munyori aiedza kuonesa vaverengi kuti nyaya yehurovha ndiyo imwe
     yaparadza dzimba dzevakaroorana.
   DZIDZO
    Dzidzo idingindira guru mumutambo uyu. Munyori akatipa vatambi vakawanda
     kunyanya vatambikadzi vakadzidza chose. Maggie aiva Gweta zvichireva kuti aiva
     akafunda zvikuru. Regina aishanda kuWomen Affairs zvichitipawo pfungwa yekuti
                                                                                         12
     ainge akadzidza. Kumbie muninína waCindy ainzi ari pachikoro zvakare. Ruvengo
     ainzi akatambira tsamba yekuzoshandira kumahofisi emutungamiriri wenyika
                                                                                         Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       zvichitipa pfungwa yekuti ainge akadzidza. Munyori akashandisa dingindira iri
       kukohomedza kuti vanhu vadzidze sezvo pasi parohwa nenyundo.
CHIOKOMUHOMWE
    Chiokomuhomwe nderimwe dingindira riri mumutambo. Panosungwa Cindy
     nematikitivha Detective Chimedza naSurgent Chimweta. Cindy akabudisa mazana
     maviri emadhora ekuti vavhare nyaya yake yekuda kuuraya vaHaruna . Nyaya
     yechiokomuhomwe yatekeshera munyika yeZimbabwe nokudaro munyori ari
     kungoyanika pachena kuipa kwechikomuhomwe.
NZIRA DZAKASHANSISWA NEMUNYORI KUNYORA BHUKU
      Mufananidzo uri pabutiro rebhuku
      Mazita
      Hope
      Musanganiswa wechishona nechirungu
      Tsamba pg 46
      Zvitambo zvakasiyana
      Nziyo pg 52
      Dimikira semusoro webhuku
   MUBVUNZO : NDEDZIPI NZIRA DZAKASHANDISWA NEMUNYORI KUNYORA BHUKU (30)
   MUFANANIDZO URI PABUTIRO
        Pabutiro rebhuku pane mukadzi ari kuratidza kusafara pachiso achinge ari
         kupopotera murume achinongedzera muchembere ari kuonekwa ari sure.
         Mufananidzo uyu unobatsira kupa muverengi chidokwadokwa chekuda kuziva
         kuti mukadzi nemurume ava vari kupopotedzana nekuda kwei? Nepapfupi
         mufananidzo uyu unotipa nyevero yezviri mukati muverengi asati averenga
         anenge ava kuziva kuti mune bopoto pakati pemukadzi nemurume uyu.
         Nokudaro munyori akagona kushandisa mufananidzo senzira yekunyora bhuku
         rake.
       MAZITA ANE ZVAANOREVA.
        Munyori akashandisa mazita ane zvaanoreva mumutambo wake Akanhonga
         Vhunze nemuromo. TSITSI…. Mutambi anonzi Tsitsi anga ari musikana webasa
         waCindy uye aiva nemoyo wakanaka netsitsi sezita rake. Tsitsi aisada kuona
         umwe munhu achirwadziswa sezvatinoona paakarasa keke ranga rine
         muchetura raifanira kuuraya vaHaruna zvichijekesa kuti munhu aiva netsitsi
         zvikuru. RUVENGO….Mutambi uyu anga ari murume waCindy. Iye pachake
         Ruvengo anga asina ruvengo asi mutambi akashandisa zita rake kutsanangura
         ruvengo rwaiva nemukadzi wake Cindy kumhuri yake.
                                                                                       13
       HOPE
                                                                                       Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       HOPE….Ruvengo murume waCindy akarota hope. Muupenyu chaihwo hope
        dzinoshanda kutinyevera zviri mberi angava matambudziko kana mufaro.Hope
        dzaRuvengo dzakabatsira kunyevera vaverengi pamwe nemutambi kunyanya
        (Cindy) kuti muchato wake naRuvengo wanga usina magumo akanaka.
      NZIYO
       NZIYO…..Munyori akashandisa nziyo senzira yekunyora bhuku rake. Rwiyo
        rwunotaurwa naKumbirai muninína waCindy paitamba Ruvengo naCindy
        mumba mavo Kumbirai achivayeuchidza kuti akapedzisira kuvaona vachitamba
        rwiyo rwaAlick Macheso rwekuti Shedia. Nziyo inoshanda kuratidza manzwiro
        evatambi panguva iyoyo yatingati pachirungu (mood) yevatambi. Pairidzwa
        nziyo yekuti Shedia vaverengi vanobva vaona kuti mumba maRuvengo maiva
        nemufaro nerudo panguva iyoyi sezvo Shedia iri nziyo yerudo.
      KUISA MUTAMBO MUZVITAMBO ZVAKASIYANA-SIYANA.
       Mutambo uyu wakaiswa muzvitambo zvakasiyana sekuti Dariro1, 2 ne 3. Iyi
        nzira yakashandiswa nemunyori inoita kuti vaverengi vanyatsonzwisisa nyaya
        vajekerwe nayo vasavhiringika. Dariro 1 munyori anotsanangura zvaiitika
        mumba maRuvengo kuBraeside muchitambo tinonzwa zvaitika kumba
        kwaZariro kuBorrowdale saka zvinobatsira vaverengi pamwe nemunyori kuti
        vafambirane nezviri kuitika kunzvimbo mbiri idzi.
       MUSANGANISWA WECHISHONA NECHIRUNGU.
       Munyori akashandisa musanganiswa wechishona nechirungu . Nzira iyi
        yekusanganisa mitauro inobatsira kuratidza nguva yakanyorwa bhuku kuti
        nderechizvino zvino harisi uvaranomwe hwechinyakare. Maitiro aya anobatsira
        zvakare kuratidza vaverengi chimiro chevamwe vatambi kuti vaiva vakadzidza
        saCindy aiva gweta nekudaro nguva zhinji aisanganisa chishona nechirungu.
  DIMIKIRA SEMUSORO WEBHUKU.
       Zita rebhuku rinonzi Akanhonga vhunze nemuromo rinova dimikira.Dimikira iri
        rinova munhu anozvipinza mudambudziko kana matambudziko makuru
        ega.Dimikira iri rinopa chidokwa-dokwa kumuverengi kuda kuziva kuti ndiyani
        akanhonga vhunze zvikazodii zvikazopera sei? Nokudaro munyori akagona
        chose kushandisa dimikira somusoro webhuku zvinoita kuti bhuku rake
        rinakidze.
  TSAMBA
       Tsamba yakashandiswa nemunyori senzira yekunyatsotambanudza nyaya
        yake. Ruvengo abuda kuenda kunze kwenyika Cindy anogamuchira tsamba
        yaRuvengo yaibva kumutungamiriri wenyika yekuti Ruvengo adzoke kubasa.
                                                                                      14
        Tsamba yakashandiswa kunyatsobudisa hunhu hwaCindy hwekuda mari
        kupfuura zvinhu zvese sezvo tinoona Cindy akatanga kuratidza Ruvengo rudo
                                                                                      Page
        rukuru nekumurekedza nekuti ainga ava kuizva kuti Ruvengo haasisiri
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
          rovha.Rudo rwaCindy rwezinyekenyeke rwunoyanikwa pachena netsamba iyi
          uye tsamba yakashandura magariro aRuvengo naCindy semurume nemukadzi
          nekumisa bopoto raigara riri mumba umu.
Mubvunzo : Cindy anozviputsira imba yake oga. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi. (30)
      Kuvenga hama dzemurume
      Kusatsiurika.
      Kupfeka mbatya dzinosiya dundundu zvidya zviri pachena.
      Kusaremekedza murume
      Kuda kuuraya vamwene
      Kuzvikudza kwake
      Kukoshesa mari kupfuura rudo
Mubvunzo : Nyurura zviitiko zvinosiririsa zviri       mumutambo Akanhonga Vhunze
Nemuromo.(30)
      Kutukwa kwaRuvengo
      Kuda kuurawa kwavaHaruna
      Kurambwa
      Kusaremekedza murume
      Kusatsiurika
      Kusungwa nemapurisa
      Kusavimbika muwanano
      Urovha
      Uterera
Mubvunzo : ‘’Cindy aiva nehunhu hwakadyiwa                        nembwa.’’ Unotii
nepfungwa iyi. (30)
Mubvunzo ukauya wakadai uine tsumo kana dimikira zvakakosha kuti mudzidzi atange
atsanangura zvinoreva chirevo chacho. Hunhu hwakadyiwa nembwa zvinoreva hunhu
hunonyadzisa chose hunosvoresa husingatarisirwi mumagariro evashona.
      Kutuka murume
      Kupumha vamwene huroyi
      Kuda kuuraya vamwene
      Kupfeka mbatya dzaisiya makumbo nedundundu panze
      Kuda kuuraya vamwene
      Kuramba kuchengeta hama dzemurume
      Kukoshesa mari kupfuura zvimwe zvinhu zvese.
      Kuzvikudza
      Kusateera murume
                                                                                        15
                                                                                        Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Mubvunzo : Munyori akaburitsa chimiro chevanhukadzi sei mumutambo
Akanhonga Vhunze Nemuromo. (30)
Munyori akaburitsa chimiro chevanhukadzi sevanhu vane pamuromo. Mumutambo Akanhonga
Vhunze Nemuromo Cindy ndiye mutambi ari kuburitswa ane pamuromo pasingabviri. Cindy
anonyanyoitira Ruvengo pamuromo huye Maggie mwana waRuvengo. Pamuromo paCindy
panoonekwa paanorumbidzwa runako rwake naRuvengo achimuti uri goridhe asi iye Cindy opindura
achituka Ruvengo achimuti uri mbeva. Cindy anoenderera mberi achituka Ruvengo achimuti pakukura
kwake aiva imbwa inohukura. Ruvengo anotukwa zvakare achinzi asone chiromo chake mushure
mekunge aedza kutsiura Cindy kuti abate vaHaruna naMaggie zvakanaka pg 4. Cindy aiti zvakare
vamwene vake vane mazimhino akati fenenga seedhongi achitaura ega. Pakupedzisira Cindy
anoratidza pamuromo pake paanotuka Ruvengo achimufananidza nebveni paaipopotera Tsitsi
musikana webasa kuti aregerei kutsvaira mubhedhurumu make achimuti anyarare nekuti nyaya
yainge isati yasvika kumapfeni achireva Ruvengo kuti akafanana nebveni. Ruvengo paanopererwa
nefuel ari paRoadport Cindy anomutuka achimuti mukadzi anoda kupfekedzwa dhirezi shamwari
yake Regina iripo uye anoudza Regina apedza kutaura naRuvengo pafoni kuti Ruvengo zibenzi uye
zimbiti zvichiratidza pamuromo pakapfuurikidza. Nepapfupi munyori akatipa chimiro
chevatambikadzi sevanhu vanopopota vane pamuromo.
Munyori akaburitsa chimiro chevanhukadzi sevanhu vane utsinye. Mumutambo uyu mutambikadzi
ari kuburitswa ane hutsinye zvikuru ndiCindy na Laiza amai vake. Cindy anonyanya kuratidza hutsinye
hwake kuna vamwene vake VaHaruna, uye Maggie mwana waRuvengo nekunaRuvengo chaiye
murume wake. Utsinye hwaCindy mutambikadzi hunonyanya kubuda paanoedza kuda kuuraya
VaHaruna nenzira yekuvaisira muchetura mukeke sekuronga kwake namai vake Laiza. VaHaruna
vakazoponeswa naTsitsi musikana webasa akachinjanisa makeke aya. Cindy asati aedza zvekuuraya
vaHaruna ainge aedza zvese zvekudzinga VaHaruna pamba nekuvapumha uroyi seapo paakagadzira
chinhu chaaiti chikwambo chavaHaruna kadende kakamonerwa rundaza rwechuma chitsvuku
nechichena chakazorwa ropa. Zvese izvi hwaiva hutsinye hwaCindy hwekuda kuti VaHaruna
vadzingwe pamba achipangidza Ruvengo kuti akambozvireva vari muna Joina City kuti vaHaruna vane
gona reuroyi.Cindy akaratidza hutsinye hwake pana Maggie waaigara achishungurudza
nekumuyeuchidza kufa kwamai vake vaaiti vakafa vakatoora kare.
Munyori akaburitsa vanhukadzi vari vanhu vasina hunhu. Kushaya hunhu kwevatambikadzi
kunonyanya kubudira panaCindy nemapfekero ake. Panotanga mutambo uyu munyori anotsangaura
mapfekero aCindy achiti ainge akapfeka nhumbi dzinobata dzakasiya guvhu, musana nemakumbo
panze. Kushaya hunhu kwaCindy pakupfeka kunoburitswa zvakare naRuvengo murume wake
paanoudza Cindy kuti mapfekero ako anenge emunhu ari kuinda kunotuhwina nekuti dhirezi rake raiva
pfupi zvakanyanya richisiyazve musana dundundu nemakumbo panze. Cindy anobva ashatirwa obva
atuka murume wake achiti haadi kumunzwa achihukura pamusoro pemapfekero ake. Kupfeka
kwaCindy ndiko kuri kuyanikwa nemunyori achiburitsa vanhukadzi sevanhu vasina hunhu.
NB…Zvibodzwa zvepauvaranomwe zviri kubva pakutsigira pfungwa dzako zvizere. Mudzidzi anofanira
kuratidza umbowo hwekuti akaverenga bhuku kana Cindy akatuka Ruvengo jekesa kuti akamutuka
vari papi parunhare here kana kuti vakatarisana kana kuti aituka Ruvengo achiudza Regina. Mwana
anongoti Cindy akatuka Ruvengo osiya zvakadaro haawane zvibodzwa nekuti haana kupa umbowo
hwekuti akaverenga bhuku. Verenga bata tunhu tudiki tunojekesa rega kungoti Cindy aivenga
vamwene vake ( ani ipa zita ravamwene vake…)
                                                                                                      16
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vanozvikudza.
                                                                                                      Page
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vene mweya weumhondi.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vasingatsiriki.
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vanovenga hama dzevarume.
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vane unzenza.
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vane huori.
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vasinganzwisisi
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vasina kuvimbika.
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vane usimbe.
      Munyori akaburitsa vanhukadzi sevanhu vanotsvinya kana vachinge vadzidza.
Mubvunzo : Nyurura makakatanwa anowanikwa mumutambo Akanhonga Vhunze Nemuromo.
      Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pemapfekero aCindy.
      Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pekupumhwa kwavaHaruna uroyi.
      Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pekusabatwa zvakanaka kwaVaHaruna
       naMaggie.
      Makakatanwa pakati paCindy naRegina pamusoro pekushungurudza hama dzemurume.
      Makakatanwa pakati paTsitsi naRuvengo pamusoro pekuti Tsitsi atsvaire mubhedhurumu
       maCindy.
      Makakatanwa pakati paRuvengo naCindy pamusoro pekurambana.
   
AKAIPFIRIRA NEMUKATI
       PFUPISO YEBHUKU
       Bhuku AKAIPFIRIRA NEMUKATI rakanyanya kunangana nemisikanzwa inoitwa nevana
       vari pachikoro uye nenjodzi dzinozovatevera upenyu hwese vakasazvibata vari
       pachikoro. Ropafadzo Chemhere akapiwa pamuviri nemukomana wake Rugare
       Chemhere vese vari vana vechikoro. Kupiwa pamuviri uku kwakaita kuti vese
       vadzingwe chikoro vakatenderwa kudzoka kuzonyora mazamanishoni chete. Munyori
       akanangana nekuedza kuchenjedza vanasikana sezvo varivo vanozoona nhamo huru
       yekuchengeta mwana nepamuviri ari ega sezvinoita Ropafadzo Chemhere.
       Mungwavaira yaRopafadzo yekuriritira pamuviri kuenda mberi nechikoro munyori
       anozazanura nyaya iyi ichiburitsawo matambudziko akawanda anowanikwa
       mumagariro evashona nemamwe matsva anga asipo pamagariro evatema akaita
       sekutengeswa kwevana.
       Dzimwe nyaya dzinobatwa nemunyori dzinosanganisira ruvengo rwamadzimwene
       kuvaroora, mabatirwo anoitwa nyaya yekushaya mbereko pavanhu vatema, kubvisa
       nhumbu, nyaya dzeroora , dambudziko rinosangana nevanasikana vadiki kuriritira
       mwana ari ega, uye ushingi hune vanhukadzi kutanga upenyu patsva mushure
                                                                                            17
       mekurambwa nemurume. Kupfuurikidza naRopafadzo munyori ari kuda kuburitsa
       pfungwa yekuti kurambwa nemurume handiko kupera kwehupenyu, zvinhu
                                                                                            Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      zvinowanikwa uye munhukadzi anofanira kumira ega asimbe asamirira kuchengetwa
      nevarume.
      MAZITA EVATAMBI
      1.Ropafadzo       Chemhere        pg 1
      2.VaTariro        Chemhere pg 2 amai vaRopafadzo
      3.Rugare         Risinamhodzi      pg 4
      4.Sabhuku        Mucheri           pg 6
      5.Ambuya         Gede              pg 8
      6.Rowesai                          pg 23
      7.Seke           Mutema Mabasa pg 28, pg 86
      8. Ndaizivei     Toriro            pg 41
      9.Robert                           pg 44
      10.Rugare Robert Junior Toriro     pg 61
      11.Professor Stanley Samkange      pg 65
      12.Sharon            Gondo         pg 68
      13.Mai Nhindiri                    pg 71
      14.
      MIBVUNZO INOBATSIRA PAKUNZWISA BHUKU
      1.Nyurura makakatanwa anowanikwa mubhuku Akaipfirira Nemukati.                (30)
      2.Ndeapi matambudziko anosangana nevatambikadzi/ vanasikana mubhuku iri. (30)
      3.Nyurura zvidzidzo zvawakana mubhuku Akaipfirira Nemukati.                (30)
      4.Munyori akabudirira zvakadii kushandisa mazitadunhurirwa pavatambi vanotevera:
       a)Garikai b)Ropafadzo c)Ndaizivei d) Rowesai.                               (30)
      5.Nyurura matingindira makuru ari mubhuku Akaipfirira Nemukati.             (30)
      6.Donongodza unhu hunosvoreka hunoitwa nevanhurume huri kutsoropodzwa
      nemunyori mubhuku iri.                                                        (30)
      7.Zazanura zvikonzero zvekutengeswa kwevana muZimbabwe semabudisirwo
      azvinoitwa mubhuku iri uye matanho angaitwa kupedza dambudziko iri.        (30)
      8. Munyori akaburitsa vatambikadzi sei mubhuku rake?                        (30)
      9.Ndedzipi mhangwa dziri kupiwa vanasikana nemunyori mubhuku iri.           (30)
      10.Zazanura matambudziko anosangana nevanhu vari muwanano.                    (30)
      11. Munyori akabudirira zvakadii kutipa vatambi vanotendeseka panaRugare,
      Ropafadzo, Rowesai naNdaizivei.?                                              (30)
      12. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera kusundudzira rongetedzo yebhuku
      mberi :
      a)Ropafadzo
      b)Rugare
      c)Mbuya Gede
                                                                                           18
      d) Sharon Gondo                                                               (30)
                                                                                           Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       MUBVUNZO: NYURURA MATINGINDIRA ARI MUBHUKU AKAIPFIRIRA NEMUKATI.
       (30)
            Kushaya mwana
            Kubiwa kwevana
            Rudo
            Chisahwira
            Umhandara
            Kushaya mbereko
            Kurambana
            Dzidzo
            Kuregererana
            Urovha
            Kubatwa chibharo
Mubvunzo : Zazanura matambudziko anosangana nevanhu vari muwanano (30)
      Kurambwa nevabereki vemurume
      Kurambwa nemurume/ mukadzi wako
      Urombo
      Kusabvisirwa pfuma
      Kusavimbika
      Kushaya mbereko
      Kugara kure nakure
      Kupiwa mwana asiri wako
Mubvunzo :Donongodza hunhu hunosvoreka hunoitwa nevanhurume
huri kutsoropodzwa nemunyori.                                            (30)
      Kuramba mukadzi wawapa pamuviri
      Kutadza kuchengeta mwana wako
      Kubata vakadzi chibharo
      Kushava kunze kwenyika uchisiya mukadzi muZimbabwe.
      Kukasira kuroora usati wazvimirira.
      Kurambira mukadzi kushaya mbereko.
      Kushaya nyadzi.
Mubvunzo : Nyurura zvidzidzo zvawakana mubhuku Akaipfirira
nemukati.                (30)
      Mhosva hairovi
      Upenyu hunoshanduka
                                                                                19
      Hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.
      Vanasikana vanofanira kuzvibata.
                                                                                Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Kutandara nevanhurume usiku kune njodzi.
      Kurambwa kunorwadza.
      Kuregererana kwakanaka.
      Nyadzi dzinokunda rufu.
      Dzidzo inoshandura upenyu hwemunhu.
      Kushingirira kune pundutso/ kushanda nesimba kwakanaka.
      Mwana haatengeswi nyangwe dai zvaita sei?
Mubvunzo        :   Munyori       akabudirira       zvakadii      kutipa      vatambi
vanotendedseka pana Rugare, Ropafadzo naNdaizivei?                                  (30)
Kana zvichinzi mutambi anotendeseka kureva kuti muupenyu chaihwo tinavo here vatambi
vakaita saRugare , kana kuti Ndaizivei.
RUGARE
      Kana tichiongorora Rugare kuti anotendeseka here tinotanga nekunzvera kuti Rugare
       aiva mutambi akaita sei? Yatinoti pachirungu character identification. Rugare aiva
       mukomana mudiki panotanga bhuku ari pachikoro. Saka kutendeseka kwake tiri
       kutarisa hunhu hwake semwana wechikoro kuti tinavo here vana vechikoro vane
       hunhu sehwaRugare.
      Rugare mutambi anotendeseka nekuda kwehunhu hwake hunoatevera :
       a) Kupfimba kwaanoita Ropafadzo vodanana vari pachikoro kunotendeseka.
       b) Kupa Ropafadzo pamuviri vari pachikoro kunotendeseka nezera rake nekuti anga
           akura zvekukwanisa kuita mwana uye semwana wechikoro ainge asina kuwana
           mukana wekushandisa zvinodzivirira nhumbu.
       c) Panobata Ropafadzo pamuviri Rugare anoramba pamuviri apa achiti akawana
           Ropafadzo akaziva varume vakawanda .Kuramba kwaanoita nhumbu iyi
           kunotendeseka chose sezvo anga asingashandi aitya mutoro wekuchengeta mhuri
           zvinoitwa nevakomana vazhinji muupenyu chaihwo.
       d) Rugare akanyepera vabereki vake zvakare kuti Ropafadzo aimunyepera zvinova
           zvinotendeseka sezvo ainge asingadi kukanganisa dzidzo yake iye pachake.
       e) Rugare ava kukoreji akabata shamwari yake chibharo Sharon               zvinova
           zvakazomudzingisa chikoro. Kubata chibharo kunoita Rugare kunotendeseka
           chose sezvo muZimbabwe nyaya dzekubatwa chibharo dzakurumbira.
       f) Urovha hunoita Rugare mushure mekudzingwa chikoro hunotendeseka chose
           sezvo muZimbabwe mabasa ari kunetsa . Nepapfupi munyori akagona kutipa
           mutambi anotendeseka wekuti tikatarisa muupenyu chaihwo varume vakaita
           saRugare vakawanda.
       g) Rugare akazodzokerana nemudzimai wake Ropafadzo waakamboramba zvose
           nemwana wake apo ainge ava mukuru we World Vision vakazogarisana semurume
           nemukadzi. Kugarisana kwavo kunotendeseka chose sezvo muupenyu
           hwatinorarama varume nevakadzi vakawanda vanogona kumborambana asi
                                                                                            20
           vozodzokedzana.
                                                                                            Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       h) Pakupedzisira Rugare anozobatsirana naRopafadzo kutsvaka mwana wake Rugare
          Robert Junior waainge amboramba achiri mukomana. Maitiro aya anotendeseka
          chose uye ari kuitika muZimbabwe sezvo vakomana vanozoona akura kuti
          akaramba mwana wake nekuda kwezvikonzero zvenhando ozomutora.
ROPAFADZO
Ropafadzo tinomutarisa semutambikadzi ari mwana wechikoro. Maitiro aRopafadzo
semwana wechikoro anowanikwa here kune vamwe vasikana vechidiki. Maitiro aRopafadzo
anotevera anotendeseka chose.
   a) Kufuririka kusvika pakupiwa pamuviri naRugare sezvo anga asina ruzivo rwakawanda
      nenyaya dzerudo.
   b) Kuedza kubvisa nhumbu kwaakaita kunotendeseka sezvo aitya amai vake.
   c) Kuvanza kwaanoita pamuviri pake kunotendeseka zvakare.
   d) Kuramwa kuroorwa kwaanoita mushure mekurambwa kunotendeseka.
   e) Kushingirira nechikoro mushure mekunge aita mwana kunotendeseka vasikana
      vakawanda vari kudzokera kuchikoro mushure mekushainirwa nekurambwa
      nevarume vapiwa pamuviri.
   f) Kudzokerana nemurume akambomuramba kunotendeseka nekuti Rugare airatidza
      kuti ndiye murume akatanga kumuziva.
   g) Kuramba achishungurudzika nekuda kwemwana wake waakatengesa kusvika
      azomutsvaka.
Mubvunzo : Nyurura makakatanwa anowanikwa mubhuku Akaipfirira
nemukati.            (30)
      Pane makakatanwa pakati paRugare naRopafadzo
      Makakatanwa pakati paRugarenaSharon Rugare achiedza kumanikidza Sharon kuita
       naye bonde Sharon achiramba.
      Makakatanwa pakati paRopafadzo naSeke pamusoro pemwana.
      Makakatanwa pamusoro paRugare naSeke pamusoro pemwana.
      Makatanwa pana Rugare namai Nhindiri.
      Makakatanwa pamusoro paRugare nevakuru vechikoro paanodzingwa.
      Makakatanwa pavaRusinamhodzi neMudzimai wavo vachikakavadzana pamusoro
       pemudzimai waRugare Ropafadzo
      Makakatanwa pakati paRopafadzo namai Risinamhodzi vamwene vake vachida kuti
       abve pamba pavo iye achida kuroorwa.
      Makakatanwa mupfungwa dzaRugare pachake imwe pfungwa ichiti bvunza Ropafadzo
       kuti mwana wake akainda kupi imwe pfungwa ichiti mirira nguva uchaudzwa.
      Makakatanwa pakati paRugare Junior achikakavadzana nevaaifunga kuti ndibaba vake
       Robert achiramba kuinda naRopafadzo naRugare ivo vachimuti aende.
                                                                                          21
                                                                                          Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       ZVAIRWADZA VASARA
MUSORO WEBHUKU
Zvii zviri kunzi zvairwadza vasara? Vasara ava vanga vasara kupi , vamwe vachiindepi? Ivo
vakasara vaisarirei, vakainda vaiinderei kwavakainda? Musoro webhuku unobudira
pakawanda. Zvairwadza vasara …zvinoratidza kushushikana kwaiita vabereki vane vana
vaisarudza kuyambuka mhiri kuinda Mozambique kunodzidzira kurwa vachidzoka vava
makomuredhi vachirwira rusununguko rweZimbabwe. Kushushikana uku kunojekeswa
naVaGwejegweje nemudzimai wavo pavanoziva kuti mwana wavo Cephas (akazodzoka ava
kunzi Komuredhi Speed.) akainda mhiri kunobatana nevarwi verusunguko. Chairwadza
vabereki vasara ndechekuziva kuti mwana wavo aigona kufira kuhondo chero nguva sekufa
kwakazoita Komuredhi Speed, Komuredhi Gabarinocheka nevamwe vakawanda ndipo pari
kuburitsa musoro wekuti chokwadi zvairwadza vasara. Panofa Komuredhi
Muchapera muna 1976 vachibva kuMozambique vachiedza kuyambuka rukova abatwa
negarwe rufu rwake rwunorwadza makomuredhi akanga asara ari mapenyu…zvichiburitsa
zvakare musoro webhuku wekuti Zvairwadza Vasara. VanaKomuredhi Speed vakapedza
mazuva maviri vakarinda parwizi vachifunga kuti vachawana chitunha chakomuredhi
Muchapera asi Havana kuchiwana. Kusara kuri kurehwa nemusoro webhuku kunogona
kureva kuti kusara vamwe vachifa panofa makomuredhi vairwira Zimbabwe vainyanya
kurwadziwa ndevapenyu vainge vasara….ndipo pari kunzi nemunyori Zvairwadza
vasara…Panourawa Komuredhi Gabarinocheka nemasoja pg 109 vana vechikoro
vanorwadziwa zvikuru panonzi vamwe vaifenda vamwe vainzwa dzungu vamwe vachiyerera
misodzi pavairatidzwa chitunha chaKomuredhi Gabarinocheka vachirwadziwa nendangariro
dzekuti mukomuredhi afa uyu afa ane chinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe.
PFUPISO YEBHUKU.
Zvairwadza Vasara ibhuku rinonyatsodedemura hondo yerusununguko rweZimbabwe
kurwiwa kwakaitwa hondo kunyanya mumaruzevha nenhamo yakaonekwa nevagari
vemuZimbabwe pamwe chete nevarwi vacho. Hondo iyi yakakonzera rufu, misodzi , dikita
neropa ,kuparadzirwa pfuma kuvengana nezvakawanda. Hondo iyi yairwiwa nevatema
vachirwisa varungu kana kuti vachena vanga vabvuta nyika yeZimbabwe. Zvairwadza
muhondo iyi kuurawa kwaiitwa vanhu vatema zvese nevachena. Chimwe chairwadza zvakare
kupandukirana kwaiita vanhu vatema vamwe vatema vachirwisa vari kudivi revachena
vachirwisa vamwe vatema. Munguva yehondo maiva zvakare nevatengesi vaiudza masoja
echichena kuti makomuredzi ari kugara apa kana kuti aonekwa pakati zvaiurayisa varwi
vehondo.Mubhuku iri mune vatambi vakasiyana siyana vanomirira zvakasiyana.
a)Makomuredzi/ Magandanga….Vatambi vanotevera ndivo vaimiririra zvizvarwa
zveZimbabwe zvakazvipira kuinda musango kunorwira nyika kuti isununguke. Vazhinji vavo
vakafira muhondo vamwe vakaremadzwa vamwe vakanyangaditswa nemasoja vamwe
                                                                                            22
havana makuva anozivikanwa paari vamwe vakapiswa nemoto nemasoja. Makomuredzi ava
                                                                                            Page
ndevanotevera :
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Komuredhi     Gabarinocheka
      Komuredhi     Speed
      Komuredhi     Chipikiri
      Komuredhi     Muchapera
      Komuredhi Mao
b)Vabereki vane vana vairwa hondo….Pane vatambi vanomiririra vabereki vane
vana vakarwira hondo vakatsakatikira muhondo . Munyori akatipa vatambi ava kuti
anyatsoyanika pachena ronda raisara rine vabereki vane vakainda kuhondo zvaivarwadza
kuurayirwa vana kana kusatomboziva kuti mwana wavo mupenyu here kana kuti akafa.
Mubayiwa baba vaCephas vari kuburitswa vari mubereki ane mwana akainda kuhondo
(Cephas)
c)Masoja…
       vakawanda vacho masoja vaiva vachena vairwira hurumende yaSmith vachirwisa
       vanhu vatema kuti vasatora rusununguko.
             Masoja….varwi vairwira vari kudivi kwevachena kana kuti vairwira hurumende
              yaSmith kunyanya vari vachena.
             Magandanga………ava vanga vari vanhu vatema vairwira rusununguko
              rwenyika yeZimbabwe kubva muruoko rwevachena. Vaiwrira vari mapato
              akaisyana zanla neZIPRA asi mubhuku muri kunyanya kukurukurwa zveZANLA
             Macomrades…..Nderimwe zita remagandanga munguva yehondo varwiri
              verusunguko vaidaidzana vachiti comrade murwi wese ainzi comrade.
             Vatengesi….zita iri raipiwa vanhu vatema vaiudza masoja echichena kuti
              makomuredzi ari kugara kupi kana kuti aonekwa kupi zvaizokonzera kuti
              vanhu vakawanda vabhombiwe kana kuurawa.
             Mupuruvheya…izita rainyanya kupiwa vanhu vatema vairwa vari kudivi
              revachena vapambevhu vasvetasimba.
             Chimbambaira….imhando yebhambu raiiteyiwa muvhu kuti rigoputika
              richiuraya muvengi kana kuputitsa motikari yevevengi.
ZIMSEC QUESTIONS 2018
5a) Ongorora nzira dzakasiyana dzaishandiswa kukurudzirana muhondo yechimurenga
semaburitsirwo azvinoitwa murungano urwu.                                   (30)
b) Uchitsigira nenzvimbo dzakasiyana-siyana dziri muna Zvairwadza Vasara, jekesa
kutekeshera kwakanga kwaita hondo muZimbabwe pamazuva aya.                  (30)
2019
                                                                                           23
5a.)Dzumbunura zviri kuburitswa nomunyori pamusoro pehondo yerusununguko.          (30)
                                                                                           Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
b)Kupisa kwehondo yeChimurenga kunokonzera shanduko mumararamiro evanhu. Tsigira
nezviitiko zviri mubhuku.                                                  (30)
      MIBVUNZO YAKANANGANA NEBHUKU ZVAIRWADZA VASARA.
      1.Ndeapi matanho akatorwa nehurumende yevachena kuti vatema vasakunde
      muhondo.                                                                   (30)
      2.Jekesa zvimhingamupinyu zvakasangana nevarwi verusununguko muhondo
      yeChimurenga sekuburitswa kwazvinoitwa mubhuku Zvairwadza Vasara.          (30)
      3. Donongodza pfumvu yakaonekwa nepovho muhondo yerusunguko rweZimbabwe.
      (30)
      4. ‘Hurumende yevachena yaiva nehutsinye hwakakomba.” Tsigira pfungwa iyi kana
      kupikisa.                                                                  (30)
      5. Nyatsodonongodza zvairwadza vasara mubhuku iri.                         (30)
      6.Tsanangura nzira dzakashandiswa nemunyori kunyora bhuku Zvairwadza vasara.
      (30)
      7.Jekesa kukosha kwenziyo dzaiimbwa munguva yehondo yerusununguko.         (30)
      8.Tsanangura zvidzidzo zvawakana maererano nehondo yerusununguko.          (30)
      9.Donongodza zviitiko zvinosiririsa zvaiitika munguva yehondo.             (30)
      10.Nyatsojekesa zvaiitwa neruzhinji povo mukutsigira hondo yerusununguko kuti
      iyende mberi.                                                              (30)
      VATAMBI
      1.Chopper                        pg 3
      2.Kid Marongorongo               pg 5
      3.Solomon Ngoni                 pg 5
      4.Masiyiwa                       pg 6
      5.Cephas Gwejegweje              pg 11, pg 86
      6.Dhemeti Marikopo               pg 18
      7.Samusa                         pg 24
      8.Peter                          pg 26
      9.Kaputani Knight                pg 27
      10.Mutumwa                        pg 31
      11. Mabasa                       pg 46
      12. Musafare                      pg 68
      13.Kariba                        pg 71
      14. Komuredhi Speed (Cephas)      pg 78
      15.Komuredhi Chipikiri           pg 84
      16.Komuredhi Gabarinocheka       pg 84
      17. Komuredhi Muchapera          pg 91
                                                                                        24
      18. Mubaiwa                       pg 28
                                                                                        Page
      19. Black Mamba                 pg 100
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       20. Tongoona                    pg 115
       21. Sabhuku Muchena             pg 123
       22. Tichatonga                  pg 127
       23.Tito                          pg 131
       24.Chief Mupawose               pg 140
       25.Dambudzo                     pg 146
       26. VaMunemo                    pg 155
       27.Tamai mukadzi waDambudzo      pg 159
       28.Sitembile                    pg 165
       29. Komuredhi Fairtalk
       NZIRA DZAKASHANDISWA KUNYORA BHUKU
          Nziyo
          Hope
          Mazitadunhurirwa
          Slogan
          Zvitsauko
          Tsamba pg 171
          Mutauro wechirungu
          Mufananidzo uri pabutiro rebhuku.
Mubvunzo : Jekesa kukosha kwenziiyo dzaiimbwa munguva yehondo
(30)
      Dzaidzidzisa chinangwa chehondo
      Dzaidzisa zvikonzero zvehondo
      Dzaibatsira kushingisa varwi
      Dzaipa morari kuvarwi nevatsigiri vehondo
      Dzainyaradza vanhu kana pachinge pafiwa
      Dzaipa nhoroondo yenyika yeZimbabwe
      Dzaiva nemashoko egarwa rehondo
      Dzaipa vanhu chivimbo chekukunda muhondo.
Mubvunzo : Donongodza zviitiko zvinosiririsa zvaiitika munguva
yehondo.                        (30)
      Kuurawa kwemakomuredhi
      Kuurawa kwavanhuwo nje
      Kudhuukirwa nezvimbambaira
      Kutengeswa kwamakomuredzi
                                                                     25
      Kurohwa zvakaipisisa kwevanhu
      Kugariswa mukakipi
                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Kuremadzwa
      Kutsakatika kwevanhu muhondo
      Kubhombwa kwepovho
      Kuurawa kwemakomuredhi nezvikara zvemusango.
Mubvunzo       :   Jekesa       zvimhingamupinyu          zvaisangana   nevarwi
verusunguko muhondo yechimurenga sekuburitswa kwazvinoitwa
mubhuku Zvairwadza Vasara (30)
      Kushaya zvekufambisa zvakanaka
      Kushaya zvombo zvakasimba
      Kushaya zvipfeko zvakanaka
      Kutengeswa kumasoja
      Kusabatana vamwe vatema vairwira vari divi revachena
      Kufirwa nevamwe makomuredhi
      Kuurawa nezvikara zvemusango
      Kutadza kuonanan nehama dzavo
      Kusiyira chikoro panzira.
Mubvunzo : Tsanangura zvidzidzo               zvawakana maererano nehondo
yerusunguko. (30)
      Hondo inourayisa vanhu vakawanda
      Hondo inoparadzanisa vanhu
      Hondo inoparadza upfumi hwenyika
      Hondo inotora nguva yakareba kuti ipere.
      Hondo inotyisa
      Hondo inotyisa
      Hondo inounza rusununguko.
      Hondo inobatanidza vanhu
      Hondo inodyara ruvengo rwusingaperi.
Mubvunzo : Ndeapi matanho akatorwa nevachena kuti vatema
vasakunde muhondo.(30)
      Kuburitsa nhau dzekunyepa
      Kuvhundutsira vabereki vaitsigira hondo
      Kudyara vatengesi mukati meruzhinji
      Kushungurudza vanhu (torture)
      Kurova vabereki vaitsigira hondo.
      Kushandisa vamwe vanhu vatema kudivi ravo semasoja
                                                                                  26
      Kuendesa vanhu kumakipi
                                                                                  Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Mubvunzo : Donongodza pfumvu yakaonekwa nepovho neruzhinji
rweZimbabwe muhondo yerusunguko. (30)
      Kurohwa
      Kuurawa zvisina tsarukana
      Kushungurudzwa nemasoja vachitsvaka makomuredhi
      Kubhomberwa misha
      Kuurayirwa madzimambo
      Kupiswa kwevashakabvu
      Kuiswa mumakipi
      Kubhinywa kwevanasikana
JOTI NEKETANI …FANWELL WANDAYI
PFUPISO YEBHUKU
MUSORO WEBHUKU : JOTI NEKETANI
Inzwi rekuti ketani rinomirira uranda mucherechedzo weuranda. Joti neketani zvinoreva
kusungwa kwaiitwa nhapwa dzainge dzabatwa dzaisungwa neJoko semombe pamwe
neketani uri mucherechedzo weuranda uye kuti nhapwa idzi dzisakwanisa kupukunyuka
dzichitiza sezviri kuratidzwa pabutiro rebhuku iri. Joti neketani zvaiita kuti zvive nyore
kufamba nevaranda vainge vatapwa vasingatizi. Kunhapwa ketani dzaireva mavambo
ehuranda nehupenyu hwekushaya rusununguka vachibatwa sezvipfuyo.
Bhuku Joti Neketani ibhuku rinotsanangura zvinhu zvakawanda zvechokwadi zvakaitika
munyika yedu yeZimbabwe. Bhuku iri rinodonongodza madzimamambo aitonga kuMutupa
State irimo munhoroondo yenyika yeZimbabwe. Imwe nyaya yakakosha inobatwa mubhuku
iri inyaya yekuuya kwemaputukezi (Portuguese) kuMutapa Satee vachizotenga
nekutengeserana nevanhu vatema, kuuya kwemaArab vachizotenga nekutengeserana
nevanhu vatema zvakare. Pakutenga nekutengeserana kwaiitwa pakati pevanhu vatema
nevauyi ava munyori akaidza kujekesa kudzvanyirirwa kwaiitwa vanhu vatema vachichinjanisa
nyanga dzenzou, goridhe vachipa maputukezi ivo vachipiwa zvinhu zvakaita sezvuma chete.
Nekudaro vauyi ava maputukezi nemaArab ndivo vainyanya kuwana zvinhu zvakakosha
segoridhe kupfuura zvavaipa vanhu vatema.
Munyori akabata zvakare nhau hombe yekutapwa kwevanhu vatema vachiotengeswa
senhapwa yatinoti pachirungu (Slave Trade)kunyika dzemaputukezi nedzimwe dzakasiyana-
siyana kwavaiendeswa nengarava vamwe vachifira mungarava. Pfungwa yekutenegswa
kwevanhu sembatya chinhu change chisati chamboonekwa panyika yevatema saka munyori
akagona kupenengura nyaya yehunhapwa kurwadza kwayaiita nemabatirwoa akashata aiitwa
                                                                                             27
nhapwa idzi. Nhapwa zhinji dzaifa nekuda kwenzara, kumbinyikidzana vari mungarava,
                                                                                             Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
zvirwere, kukandwa mudziva vari vapenyu, vamwewo vachizviuraya kana kuzvikanda
mudziva vega pane kuti vanorarama upenyu hweutapwa.
Imwe nyaya iri kubatwa zvakare mubhuku iri inyaya yemavambo ekupambwa kwenyika
yeZimbabwe yatingati iyo Colonisation. Maputukezi aiuya achizovhima vaiuya kuzosora nyika
yeZimbabwe vachiongorora tsika nemagariro evatema marwiro avo kukosha
kwemadzimambo kuitira kuuya kwevapambepfumi vauye vachiziva zvaifanirwa kuitwa kuti
vapambe Zimbabwe. Mubhuku panotaurwa zvekuuya kwemaputukezi aiyedza kunyorerana
chibvumirano chekuvapa mvumo yekutapa Zimbabwe atingati pachirungu maConsession
seekers.
Bhuku Joti Neketani rinobata zvakare nyaya yekuuya kwechitendero chechikirisitu munyika
yeZimbabwe. Kutendeutswa kwamambo Munhumutapa achiva mukirisitu mucherechedzo
muuhombe hwekuparara kwechivanhu nechitendero chevatema chekutenda kumidzimu
nemasvikiro. Pasichigare mambo ndiye aive muchengetedzi wetsika nemagariro evatema
midzimu uye iye       mambo pachake aitogadzwa nevadzimu nekudaro kutendeuka
kwaMunhumutapa kwaireva kuparara kwetsika dzeavatema. Kutendeuka kwaMunhumutapa
uku ndiko kwakaita kuti Mambo Mhangami aome mutezo arware nekuti aiziva zvazvaireva
kunyika yevanhu vatema sezvinoburitswa papage 118 nemashoko aBhatiromo achiudza
Mhangami panonzi, “…Tsika neunhu hune vanhu vacho zvinodadisa zvekuti pfungwa
dzekuitora nyika iyi dzandaimbova nadzo handichina nekuti nekuti ndakatoona kuti
hazvigoneki….Isu vaZungu kuti tikwanise kuzotonga vatema tinofanirwa kutanga tavhuna
musana wakabata nyika yavo unova tsika neunhu hwavo.’’
VATAMBI VARI MUBHUKU
1.Mambo Mbirimi               pg 1
2.Magombedzi                  pg 1
3.Chaparadza                  pg 1
4.Mhangami                    pg 1
5.Zidovo                      pg 1
6.Mambo Dangarembizi          pg 2, pg 13
7.Maombera                   pg 4 sekuru vamambo Mbirimi
8. Munhumutapa Gatsi Rusere
9.Hamadziripi                 pg 5 baba vamambo Mbirimi.
10.Mambo Chimhemheterwa pg 7
11. Chemai                    pg 10 hanzvadzi yaMhangami
12.Mangava                  pg 10 musikana waMbirimi
                                                                                            28
13.Bhareto                  pg 12 muputukezi
                                                                                            Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
14.Tarugarira              pg 14 nevanji wamambo Dangarembizi.
15.Gumiremhete             pg 14 muArab aitengesa mhete.
16. Bwerinofa               pg 15 muzukuru waDangarembizi.
17. Taruvinga              pg 16 jinda ramambo Dangarembizi.
18.Chipururu               pg 16 jinda ramambo Dangarembizi.
19.Perera                  pg 17 muputukezi.
20.Dhiyedo Gomezi ..      pg 19 harahwa yechiPutukezi ainemerwa kunzi Garaneunga pg
21.Migero Ruwizi          pg 20 muputukezi
22.Vashiko Sandosi…      pg 20
23.Dhisuza               pg 20 mukuru wemaputukezi.
24.VaMugore              pg 30
25.Bangure               pg 33
26.Mafirakureva..        pg 35
27. Shumbanhete          pg35 jinda ramambo Mbirimi
28.Nevana                pg 37 nánga yemaCharadza
29.Vhuramai              pg 39 mwanakomana wamambo Mbirimi
30.Tigere               pg 39 mwanakomana wamambo Mbirimi.
40.Madhombiro          pg 40 murume wemuguta mamambo Mbirimi aiva akareba kwazvo.
41.Dangarembongoro      pg 48 sahwira wamambo Mbirimi.
42.Mhakayakora          pg 51
43.Munhumutapa Debwe Mupungagutu pg 52
44.Chisorochengwe        pg 54 jinda ramambo Chimhemheterwa.
45.Ruvarangu            pg 55 munin’’ina waMangava.
46. Kuchinei           pg 58
47.Bhatiromo           pg 62
48.Amanda ..           pg 63 mudzimai waBhatiromo.
49.Chakauya            pg 78 murume akasangana naMhangami ari muuranda.
50.Mambo Mhurushomana pg 89.. kwakasvikira Mhangami achitiza muhutapwa.
                                                                                      29
51.Chamakanda mutungamiriri wevarwi anga akasimba zvikuru.
                                                                                      Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
52.Chipaumire…           97 chirikadzi yaiita bonde naChamakanda vari mumusasa
53.Matatapure                pg 97 murume akasangana naMbirimi ari muuranda anga ava
kutaura kuti Mbirimi musori wemaputukezi.
54.Madzimbamuto     pg    100 anga agadzwa umambo mushure mekuurawa
kwaChimwemheterwa nemaPutukezi.
55.Chirigamakono         pg 112
56.Rudzikunuro          pg 117 mwana waMhangami naRuvarangu
57.Mangava ..           pg 117 mwana waMbirimi aiva apiwa zita ramaiguru vake
58. Chemai .             .pg 117 mwana waMhangami aiva apiwa zita ratite vake.
59. Hamadziripi..mwana waMhangami akapiwa zita ratateguru.
Mubvunzo : Tsanangura matingindira anobuda mubhuku Joti Neketani. (30)
MIBVUNZO YAKANANGANA NEBHUKU JOTI NEKETANI
1.Tsanangura matingindira makuru ari mubhuku Joti Neketani.                            (30)
2.Nyatsodonongodza matambudziko makuru aisanganikwa nawo nenhapwa dzainge
dzechitema dzainge dzatengeserwa maputukezi.                          (30)
3.Nyurura zviri mubhuku zvinojekesa kuti Joti neketani ibhuku rechinyakare.            (30)
4.Kuuya kwemaputukezi kwakakanganisa magariro evanhu vatema nenzira dzipi? Tsigira
mhinduro yako nezviri mubhuku Joti Neketani.                                  (30)
5.Mambo Mhangami mukupera kwebhuku vanoyambira nezvenjodzi iripo kuvanhu vatema
pakugamuchira chitendero chechikirisitu. Nyatsopenengura njodzi dzaizowanikwa
mukugamuchira chitendero ichi.                                              (30)
6.Rondorodza zviitiko zvinosiririsa muupenyu hwehutapwa.                               (30)
7.Nyatsoongora zviitiko zviri mubhuku zvinoratidza kuti maputukezi vaisaoona vanhu vatema
sevanhuwo.                                                                    (30)
8.Nyatsodonongodza kushandiswa kwechitendero (chikirisitu) nemaputukezi         mukuedza
kupamba nekutora nyika yevatema.                                                    (30)
9.Kutenga nekutengeserana pakati pevanhu vatema nemaputukezi kwakanga kwakarerekera
divi rimwe chete. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi nezviitiko zviri mubhuku Joti Neketani.
(30)
10. Rondorodza tsika nemagariro evashona anobuda mubhuku Joti Neketani. (30)
                                                                                              30
11.Munyori akagona zvakadii kushandisa mazitadunhurirwa pavatambi vanotevera :
                                                                                              Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
a) Mafirakureva
b)Hamadziripi
c)Mhangami
d)Ruvarangu
e)Chemai
12.Mhangami aiva mukomana ane ushingi neumhare. Tsigira pfungwa
iyi wakatarisana nezviitiko zviri mubhuku iri. (30)
      Kupukunyuka kumaputukezi.
      Kufamba musango rinityisa rine mbada shumba nezvikara.
      Kurwa hondo ari muchikwata chaChamakanda.
      Kuuraya muputukezi airwisa tenzi wake iye ari nhapwa
      Kuuraya muputukezi aityiwa.
      Kupinda mudziva rakadzika kunonyurura Ruvarangu
      Kutungamirira dunhu rake
Mubvunzo : Nyurura matingindira ari mubhuku Joti Neketani. (30)
      Uranda/ utapwa
      Hondo
      Kupamba
      Utsinye
      Umambo
      Chikirisitu
      Rusununguko
      Rufu
      Urwere
      Rudo
      Chinyakare
Mubvunzo : Nyatsodonongodza matambudziko aisanganikwa nawo
nenhapwa dzainge dzatengeswa kumaputukezi. (30)
      Kuurawa zvisina tsarukano
      Zvirwere
      Kumanikidzwa bonde
      Kushandiswa zvakapfurikidza mwero.
      Kuparadzaniswa nemhuri dzavo zvachose.
      Kufamba vakamanikidzika munyanza.
      Nzara
                                                                     31
      Kumanikidzwa kurasa tsika dzechitema.
                                                                     Page
      Kushaya pekugara pakanaka.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Mubvunzo : Nyurura          zviri mubhuku zvinoratidza            kuti bhuku Joti
neketani nderechinyakare.(30)
      Zvombo zvavaishandisa kurwa zvakaita semiseve tsvimbo nemapfumo.
      Kufamba nzendo refu netsoka.
      Nzira dzavaishandisa kufambisa mashoko
      Chikafu chavaidya
      Mbatya dzavaipfeka.
      Utongi hwemadzimambo
      Kutendera kumidzimu zvakanyanyisa.
      Kutendera munánga zvakanyanya.
      Mavigirwo emadzimambo
      Kushandisa mishonga yechivanhu kurapa zvirwere
Mubvunzo : Kuuya kwemaputukezi kwakakanganisa magariro evanhu
vatema nenzira dzipi? Tsigira mhinduro yako nezviri mubhuku. (30)
      Kwakaunza kusabatana
      Kwakaunza unhapwa
      Kuzviremadza kwevanhu vatema kuti vasaitwe nhapa
      Kwakashandura unhu hwevamwe vatema vakatengesa vanhu vatema
      Vanhu vatema vakarasikirwa nepfuma yakawanda.
      Kwakaunza kutenga nekutengeserana kwevatema nemaputukezi zvaidzvanyirira
       vanhu vatema.
Mubvunzo : Rondorodza tsika dzechishona dzinobuda mubhuku Joti
Neketani. (30)
      Tsika yekupira midzimu
      Tsika yekuviga madzishe mumapako
      Tsika yehumambo
      Tsika yekusasika madzimambo pavanovigwa
      Tsika yekutumidza vana mazita evashakabvu
      Kupfimbana
      Kubatsirwa kupfimba nemadzimbuya
      Kupanana nduma
      Kushopera kunánga
      Kutendera kumidzimu
      Barika pg 54
Mubvunzo : Nyatsodonongodza zviitiko zviri                mubhuku zvinoratidza
kuti maputukezi aisaona vanhu vatema sevanhuwo. (30)
                                                                                    32
      Kuvayanika pachena varume nevakadzi vakashama
                                                                                    Page
      Kukandwa munyanza vari vapenyu kuti chikepe chirerukirwe
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Kuvashandisa zvakapfurikidza mwero.
      Kuvasunga nematanda neketani
      Kusarapisa nhapwa dzairwara
      Kusavaremekedza
      Kugarisa nhapwa muzvitumba ivo vachigara dzimba dzakanaka
      Kuvarova pavadira
      Kuuraya nhapwa pamadiro
      Kupiwa mubairo wekukanda nhapwa munyanza kuti chikepe chisanyura.
      Kutengeswa sembatya
      Kubvisa nhapwa dzechirume zvombo zvesikarudzi yatingati (castration) pachirungu.
Mubvunzo : Rondorodza zviitiko zvinosiririsa muupenyu hwenhapwa
dzaitapwa nemaputukezi. (30)
      Kuurawa zvisina tsarukano
      Kuparadzaniswa nemhuri dzavo zvachose
      Kukururwa kusiyiwa vakashama vachiongororwa
      Kutengeswa sechipfuyo
      Kuitwa muranda kweepenyu hwese
      Kuitwa muranda kwedzinza rese
      Kuzvarira vana muunhapwa
      Kusungwa neketani kwenguva refu vari munyanza
      Kugarisa mumatumba asingakodzeri kugarwa nevanhu
      Kushungurudzwa pabonde
Mubvunzo        :   Nyatsodonhongodza            kushandiswa         kwechitendero
chechikirisitu mukuedza kupamba nekutora nyika yevatema. (30)
      Varanda vechitema vaiudzwa kuti kutiza uranda kwakafanana nekuuraya munhu.
      Kushandisa bhaibheri kuisa pfungwa yekuti uranda hwakanaka kuvaranda vechitema.
      Kutendeutsa madzimambo iri nzira yekupwanya chivanhu chaisunganidza vanhu
       vatema.
      Kusimbirira kuverenga mavhesi aitaura nezveuranda chete mubhaibheri
      Kutungamidza vaparidzi mberi vapambepfumi vachitevera mumasure
   
IMWE CHANZI ICHABVEPI ? RAKANYORWA NAWILLIE W CHIGIDI
PFUPISO YEBHUKU
Mutambo Imwe Chanzi Ichabvepi wakanyanya kunangana nemhuri dzechidiki mumagariro
emudhorobha pamwe neechivanhu. Barnabas naChitsidzo vaive mhuri yechidiki yaigara
mudhorobha Barnabas achishanda ari mudzidzisi mudzimai wake achishanda zvakare ari
                                                                                          33
secretary. Munyori akashandisa Barnabas kujekesa kuti nyaya yemeso meso inoparadza
                                                                                          Page
wanano nekukasira. Barnabas anopa mwana wechikoro waaidzidzisa Fatima Goronga
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
pamuviri zvinova zvakakonzera kudzingwa kwake basa reurairidzi uye kubhadhariswa mari
yakawanda yekuchengeta mwana nevillage Court. Kumushawo Barnabas aifanira kugara
nhaka mukadzi wemukoma wake Zvichemo. Munyori akaunza nyaya yenhaka iyi kuri kuedza
kuratidza kuti dzimwe tsika dzechivanhu dzava kuda kuongororwa zvakare sezvo
dzisingachafaniri kutevedzwa. Nyaya yenhaka iyi yaigona kuparadza mhuri yese nezvirwere
zvepabonde sezvo Chitsidzo aitopopotera Barnabas achimuti wakandizadza chirwere
chepabonde saka kugara Zvichemo nhaka kwaizopedzisira naZvichemo atapukira chirwere
chepabonde zvakare.
Imwe nyaya huru iri kuda kuyanikwa pachena navaChigidi inyaya yevakadzi vakadzidza uye
vanoinda kubasa (working class women.) Chitsidzo ndiye mucherechedzo wevakadzi
vakadzidza vanoshanda anotofamba nemotikari yake. Chigidi ari kuyanika pachena miyedzo
inosanganikwa nayo nevamwe vakadzi vanoshanda muyedzo wekupfimbwa nemashefu kuti
arambe ari pabasa. Chitsidzo anopfimbwa nashefu wake Grey kwenguva yakareba achiramba
kusvika azobvuma pakupedzisira. Munyori ari kuyanika pachena huipi hwemamwe mashefu
hwekumanikidza vashandi vechikadzi bonde kunyanya masecretary kuti arambe ari pabasa.
Nemanzwi ake Grey anoti : ‘’Asi haupoti uchibvunzawo mamwe masecretary palunch
vakakuudzawo     machengetero avanoita mabasa avo ? Vazhinji vakatopinda muchuni
nemashefu avo, zvino vagara zvakanaka.’’ Pg 55
Imwe nyaya huru iri kuiswa mudariro naVaChigidi inyaya yekudhakwa zvakanyanyanyisa.
VaChigidi vari kuratidza kuti kudhakwa zvakanyanya kwaparadza dzimba dzevechidiki sezvo
varume vanodhakwa vava kushaya nenguva yekufadza vakadzi vavo pabonde. Ndicho chimwe
chikonzero chinopiwa naChitsidzo panopera mutambo uyu sechikonzero chake chekuramba
Barnabas. Pg 66 Zvanzi naChitsidzo, “Doro unongomwa zuva roga roga uchiraradza
serombe.Kuda kudoedza kukuzunza hauzombofurukuti kana….Wainzwa ndichingogarotaura
pano apa kuti doro rinopedza mari ukafunga kuti yaiva mari chete yandaichemera.
Ndaipopota nekuda kwemurume aingouya akafa nekudhakwa zuva roga roga.’’ Munyori ari
kupa yambiro kuvarume vechidiki kuti vanwe doro zvine mwero vachiziva kuti vane vakadzi
vanodawo kufadzwa pabonde.
Nyaya yebonde ndiyo imwe nyaya hombe iri kuburitswa nemunyori mubhuku iri. Munyori
ari kuyedza kurayira nekudzidzisa kuti muwanano mukashaikwa bonde wanano iyoyo haiendi
mberi. Chikuru chakaparadza imba yaBarnabas naChitsidzo ndechekeuti Barnabas anga
asisina nguva yekuita bonde chairo naChitsidzo. Papage 67 Chitsidzo anoti , ‘’kwenguva
refu wakambondipawo chance yekuti ndimere mapapiro erudo ndichiti ndine murume
wangu, ndichinyatsokugutawo? Papage 66 hanzi naChitsidzo, ‘’Ndaishanyarika ndirimo
mumagumbeze havi yokukuda ichibvira somoto wamakwande uchangobatidzwa. ‘’Mashoko
aChitsidzo aya anojekesa pachena kuchema kwake nenhau yebonde muwanano make haana
kuwana nguva yekuita bonde nemurume wake Barnabas zvinova zvakaparadza wanano yake.
Musoro webhuku
                                                                                          34
Inonzi Chanzi mukana wekuita zvinhu zvinenge zvichifanirwa kuitwa. Musoro webhuku
                                                                                          Page
wakauya semubvunzo kuti imwe chanzi ichabvepi? Umwe mukana uchabvepi zvatarega
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
mukana uchipfuura uyu? Mubvunzo uyu wakanyanya kunangana naBarnabas paaibvunzwa
naChitsidzo mukadzi wake mushure mekunge akumbira ruregerero achida kuti vatange
patsva zvakare ndipo paaiudzwa kuti hakuchina imwe chanzi zvakare.
VATAMBI
Barnabas
      Barnabas mutambi akapiwa nemunyori kumirira imwe mhando yevanhu muupenyu.
       Barnabas ari kumirira nhubu dzevarairidzi vari kushandisa chinzvimbo chavo nebasa
       ravo zvisirizvo vachimanikidza vana vechikoro kuita navo bonde asi vachizovaramba
       kana vava nepamuviri. Munyori ari kupa yambiro huru kuvabereki kuti vaongorore
       muzvikoro zvinodzidza vana vavo kuti hapana here nhubu dzevadzidzisi dzakaita
       saBarnabas akapa mwana wechikoro Fatima pamuviri achibva amuramba.
      Barnabas ari kumirira zvakare varume vechidiki vanoraradza zvakanyanya
       vachizoshaya nguva yekufadza madzimai avo pabonde. Munyori ari kupa yambiro
       zvakare kune vese vari muwanano kuti vakoshese nguva kupanana nguva yakakwana
       vari vaviri kwete kupedzera nguva yese nesimba rese kuhwahwa.
      Munyori akashandisa zvakare Barnabas kuyanika pachena ngwavaira inounzwa
       nehurovha kana murume akava rovha mukadzi achishanda. Chitsidzo akamboedza
       kuramba shefu vake Grey paaiedza kumupfimba apo Barnabas achiri pabasa asi
       panozodzingwa Barnabas pabasa nekuda kwekupa mwanasikana wechikoro Fatima
       pamuviri zvinowedzera kudonhedza imba yaChitsidzo naBarnabas nyangwe zvavo
       yanga yagara yarereka yoda kudonha.
      Barnabas akamirirawo nhubu dzevarume dzine meso meso dzinosiya vakadzi vavo
       vachinofara kunze vachivigira vakadzi vavo zvirwere zvepabonde. Chitsidzo anoti
       Barnabas akamupa chirwere chepabonde. Nekudaro munyori ari kutsiura varume
       kupfuurikidza naBarnabas kuti chipfambi chinourayisa vakadzi vagere havo
       nekuvatapurira zvirwere zvepabonde.
CHITSIDZO
      Chitsidzo naSuzzana vakamirira vakadzi vari kuzvishandira
       vanokwanisa         kuzvichengeta.         Suzzana        aiva     mudzidzisi
       paChitungo       Secondary       school     ari   shamwari       yaChitsidzo.
       Chitsidzo aishandira Ango American Company ari secretary
       saka    Chitsidzo     naSuzzana       vakamirira      vakadzi     vakadzidza
       vanoshanda vatingati pachirungu vari (financially independent)
      Chitsidzo anomirira vakadzi vanoshanda (working class women). Munyori akashandisa
       Chitsidzo kuyanika pachena kuti pane hondo inoda kurwiwa kusunungura vakadzi
       mumabasa mavanoshanda. Chitsidzo anomanikidzwa naGrey kuti adanane naye
                                                                                           35
       amupe bonde senzira yekuchengetedza basa rake rehusecretary. Sekutaura kwaGrey
       anoti ndizvo zviri kuitwa nevakadzi vakawanda (zvekurara nemaboss avo)
                                                                                           Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       kuchengetedza    basa ravo. Munyori akashandisa Chitsidzo kuratidza njodzi
       nekushungurudzwa kukuru kuri kuitwa vamwe vakadzi            vanoshanda    kuti
       vachengetedze basa ravo. Munyori ari kuyambira , kupa chenjedzo kumapurisa
       nevanorwira kodzero dzevakadzi kuti vasunge nhubu dzakaita saGrey dziri
       kumbunyikidza vakadzi pabonde.
      Munyori akashandisa Chitsidzo zvakare kupa yambiro kuvakadzi vari muwanano kuti
       vanofanira kumirira dzimba dzavo kurwisa dzimwe hama dzevarume dzinoda
       kupindira muwanano yevaviri zvakapfurikidza.
GREY
      Grey mutambi akamirira vashandirwi kana kuti vakuru pabasa vari kushandisa
       zvinzvimbo zvavo kumanikidza vashandi vechikadzi kuita bonde navo. Grey akamirira
       nhubu dzevarume dzisina ruremekedzo kuvakadzi vakaroorwa vanoda kurara
       nemukadzi wese ane chinzvimbo chiri pasi pechake.Yambiro iri kupiwa nemunyori
       kuhurumende nekune veruzhinji kuti varwise nhubu dzakadai vaferefete mumabasa
       nhubu dzakaita saGrey dzisungwe nekudzingwa basa vakadzi vashande
       vakasununguka sezvinongoitawo varume.
1.MADIRO
2.BHOKISENI
3. TAKAODZA
      Vatambi vatatu ava vanoti Madiro, Bhokiseni naTakaodza vakamirira vashona vachiri
       kutendera kutsika dzimwe dzepasichigare dzava kunetsa kuti dzichiramba
       dzichitevedzerwa nhasi uno nekuda kwekushanduka kwaita zvinhu, zvirwere
       zvepabonde uye kodzero dzevanhukadzi. Vatambi ava ndivo vakasimbirira nyaya
       yekuti Barnabas agare Zvichemo nhaka nekuti ndotsika yechivanhu. Madiro ,Bhokiseni
       naTakaodza vanoti Barnabas agare nhaka nekuti pfuma yavo haingaenderi mahara
       Zvichemo asati apedza ura.
      Takaodza anoomesawo musoro achiti basa remukadzi nderekuzvara kusvika apedza
       ura. Iye Takaodza anoudza Chitsidzo kuti akabereka vana gumi nevaviri vapenyu vaviri
       vakafa saka Chitsidzo aifanirawo kubara vana vakawanda kwete vaviri chete . Muono
       wakadai ndiwo unotsigira pfungwa yekuti Chitsidzo akamirira vanhu vachiri kuda
       kutevedza tsika dzechivanhu sezvadziri. Munyori ari kuedza kuvhura vaverengi
       pfungwa kuti maonero edu ehupenyu anofanira kushanduka tichifambirana nenguva.
GORONGA
      Goronga anga ari baba vaFatima musikana akapiwa pamuviri naBarnabas ari mwana
       wechikoro. Goronga akamirira madzibaba achiri kuwona vanasikana senzira
       yekuvapfumisa. Panopiwa mwana wake pamuviri naBarnabas chikuru chiri
                                                                                              36
       kupengerwa naGoronga hakusi kuti mwana wake avhiringidzwa chikoro chete asi
       anorwadziwa nekuti iye sababa hapana chaanowana. Zvanzi naGoronga pg 29 “Ko ini
                                                                                              Page
       baba vacho hapana chandinowana here?’’ Mafungiro aya ekuti mwanasikana
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       anofanira kupfumisa vabereki paanoroorwa kana kupiwa pamuviri ndiwo ari
       kutsoropodzwa nemunyori. Goronga anopedzisira aramwa asimuka padare nehasha
       nemudzimai wake. Goronga anodaidza mudzimai wake chete kuti vaende kumba
       haana hanya kunzwa kuti saka mwana wake Fatima achaendepi zvaari kurambwa
       naBarnabas wacho. Pa page 35 Goronga anoti , ‘’Iwe Maidei !Mai Fati! Pano hapachina
       chedu. Chirega kuramba wakati zokoto ipapo, simuka hende! Hanzi mwana haasisiri
       wedu ava nemaraitsi.’’ Goronga munhu akanyura muchivanhu asingatonzwisisi nyaya
       dzekodzero dzevanasikana. Kwaari kodzero dzemwanasikana dzamubvisa hubaba
       hwake. Nemamwe manzwi munyori ari kuburitsa mapisha pisha aripo patsika
       dzechivanhu netsika dzechirungu dzakaunza nyaya yekodzero dzevanasikana. Pane
       vanhu vakawanda vasati vakwanisa kutambira kodzero dzevanasikana vachiri kuona
       kuti mwanasikana inzira yekuwana upfumi kunova kufunga kusiri iko.
FATIMA
      Fatima ndiye musikana akapiwa pamuviri naBarnabas achiri pachikoro akazorambwa.
       Munyori akashandisa Fatima kuburitsa yambiro yake kuvanasikana vari pachikoro kuti
       vafambire chimwe chete chekudzidza kwete zverudo. Kudanana nemudzidzisi itori
       mhosva chaiyo sezvinoratidzwa nekudzingwa basa kwaBarnabas. Vanasikana vari
       kuyambirwa zvakare kuti nhamo inosara yava yake ega sezvo kashoma kuti azoroorwa
       nemudzidzisi sekurambwa kwakaitwa Fatima worambwa nemuridzi wenhumbu
       Barnabas worambwa zvakare nemubereki.
Mibvunzo yakanangana nemutambo.
   1. Munyori ari kuyedza kuyanika pachena nhunha dzinosanganikwa nadzo nevakadzi
      vakaroorwa. Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi.                                (30)
   2. Barnabas akazviputsira imba yake oga. Unotii nepfungwa iyi?                   (30)
   3. Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezvinoitwa mumutambo Imwe Chanzi
      Ichabvepi?                                                                    (30)
   4. Yanika pachena makakatanwa anowanikwa mumutambo uyu.                          (30)
   5. “Handiti munhukadzi anofara kana achizvara vana? Funga mazana aya ose
      emadhora nemakumi aya emombe akapiwa baba vako? Pfumayo yongoenda zvayo
      mahara iwe uchiita usimbe hwekubereka!’’pg 51. Wakanangana nemashoko aya
      nyatsoongorora kuti munyori Chigidi anoona sei vatambikadzi?                  (30)
   6. ‘’Another chance! Ministry of education haina kukupa another chance; Fatima haana
      kukupa another chance; Village Court haina kukupa another chance…..Vabereki vako
      havasiri kukupa another chance vari kuda kuti uroore mukadzi wemukoma wako.
      Kuzoti iniwo zvangu ndini ndozokupa another chance, ndinoiwanepi?’’ pg 69
      Mashoko aya anozadzikiswa sei mumutambo Imwe Chanzi Ichabvepi?                (30)
                                                                                             37
   7. ‘’Ini chance yandakakupa yakakwana. Chete hauna kugona zvako kuisevenzesa.’’ Pg
      69 .Barnabas akakundikana nenzira ipi kusevenzesa “’chance” yaakapiwa.?       (30)
                                                                                             Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
   8. Ndezvipi zvikonzero zvekuparara kwemhuri dzechidiki zvinoburitswa mumutambo
       Imwe Chanzi Ichabvepi?                                                 (30)
   9. ‘’Hausiri umbwa hwekurudzi kwangu . Chete umbwa hwevanhurume vose kwese
       kwese.’’ Pg 68. Nyatsozazanura umbwa hwevanhurume huri kutsoropodzwa
       mumutambo Imwe Chanzi Ichabvepi?                                       (30)
   10. Nyatsodonongodza       makakatanwa anowanikwa mumutambo Imwe Chanzi
       Ichabvepi?                                                             (30)
Mubvunzo : Nyurura matingindira makuru anowanikwa mumutambo
Imwe Chanzi ichabvepi?                                                             (30)
      Kumbunyikidzwa pabonde
      Kurambana
      Urovha
      Kusavimbika
      Huori
      Nhaka
      Dzidzo
      Kodzero
      Urema
      Rufu
      Kubvisa nhumbu
      Roora
      Chinyakare
Mubvunzo        :    Nyatsodonongodza            makakatanwa           anowanikwa
mumutambo Imwe Chanzi Ichabvepi? (30)
    Mubvunzo         wemakakatanwa           unoda     kuti   mudzidzi      aburitse
       zvinotevera:
    Makakatanwa aya ari pakati pevatambi vapi ani nani?
    Makakatanwa aya ndeeyi?
    Anopera sei?
    Paunoburitsa kuti makakatanwa eyi nyatsojekesa kuti kana vari
       vatambi vaviri umwe ari kuti zvakati umwewo achiti zvakati
       ngazvibude mumutsara umwe chete makakatanwa acho.
      Pane makakatanwa pakati paBarnabas naChitsidzo, Chitsidzo achiramba Barnabas
       nekuda kwekuti akaitisa Fatima pamuviri Barnabas achiedza kukukumbira ruregerero.
                                                                                           38
       Makakatanwa anopera nekurambwa kwaBarnabas naChitsidzo.
                                                                                           Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Pane makakatanwa pakati PaGrey naChitsidzo , Grey aiedza kumanaikidza Chitsidzo
       kuti adanane naye nechisimba kuti basa rake risapere Chitsidzo achiramba achiti
       hazviiti ndiri mudzimai wemunhu. Makatanwa aya anopera Chitsidzo abvuma
       kudanana naGrey.
      Pane makakatanwa pakati paBarnabas nababa vake VaMadiro, VaMadiro vaiti
       Barnabas anofanira kugara nhaka Zvichemo mukadzi wemukoma wake Garikai
       akashaya Barnabas achitsika madziro achiti kwete mudzimai wangu Chitsidzo
       akandikwanira. Makakatanwa aya anopera Barnabas achingoramba kugara nhaka
       yaZvichemo.
      Pane makakatanwa pakati paBarnabas naFatima, Fatima aiti nhumbu yaainayo
       ndeyaBarnabas ukuwo Barnabas achiti kwete haisi nhumbu yangu Fatima ipfambi.
       Makatanwa aya anozopera Barnabas aripiswa nedare reVillage Court ramubata
       nemhosva yekuti ndiye muridzi wemwana.
      Pane makakatanwa pakati paBarnabas naTakaodza tete vake Takaodza achisimbira
       rekuti Barnabas ngaagare nhaka Zvichemo azvare kusvika apera ura uyuwo Barnabas
       achiramba achiti vana vashanu vana Zvichemo vakatokwana. Makakatanwa anopera
       Barnabas achingoramba kugara nhaka.
      Pane makakatanwa pakati pemutambi netsika (Barnabas netsika yechivanhu
       yekugara mukadzi wemufi nhaka) Barnabas anoramba kugara nhaka Zvichemo
       mukadzi wemukoma wake asi achiti mukadzi wake Chitsidzo akamukwanira asi tsika
       yechishona ichiti mukadzi wemufi anofanira kugarwa nhaka sepanonzi naVaMadiro :
       ‘’Wakambozviwonepi kuti mukadzi asiiwa nemukoma anorambwa? Unoda kutanga
       tsika yako wega here isingazikanwi kurudzi kwedu.?”
      Pane makakatanwa pakati paGoronga baba vaFatima nedare reVillage Court Goronga
       achida kuripwa naBarnabas akapa mwana wake pamuviri asi dare richiramba kuti
       Barnabas hapana chaanofanira kupa Goronga nekuti Fatima mwana waGoronga aiva
       ava nemakore anopfuura gumi nemasere saka ava nekodzero dzake dzekusarudza
       kurara nemurume waanoda. Makakatanwa aya anopera nekukurirwa kwaGoronga
       sezvo dare rairamba kuti Barnabas aripe Goronga.
      Pane makakatanwa pakati paBarnabas nedare reVillage Court Barnabas achitsika
       madziro kuti haasiriye akapa Fatima pamuviri dare richitiwo Barnabas ndiye muridzi
       wepamuviri      sezvo ariye murume ega abvuma kuti akamborara naFatima.
       Makakatanwa aya anopera nekuripiswa kwaBarnabas kuratidza kuti aiva nemhosva.
Mubvunzo : Ndezvipi          zvikonzero zvekuparara kwemhuri dzechidiki
mazuva      ano?     Tsigira     nezvinoitika      mumutambo          Imwe      chanzi
ichabvepi.(30)
      Chipfambi
      Kupindira kwehama murudo rwevaviri
      Tsika dzechinyakare dzakaita senhaka
      Kunyeperana
                                                                                            39
      Urovha
                                                                                            Page
      Kutapurirana kwezvirwere zvepabonde.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Kudhakwa zvakapfurikidza mwero.
      Kusagutsana pabonde
      Kumanakidzwa bonde nemashefu
Mubvunzo :Barnabas akazviputsira                  imba      yake     ega. Unotii
nepfungwa iyi. (30)
    Mubvunzo uyu uri kungoda kuti upe zvakaitwa naBarnabas
       zvakakonzera kuti arambwe naChitsidzo.
      Kusagutsa mukadzi wake pabonde
      Kuraradza zvakanyanya
      Kupa Fatima pamuviri
      Kupa mudzimai zvirwere zvepabonde
      Kunyepera mudzimai wake
      Kuzvidzingisa basa nekupa Fatima mwana wechikoro pamuviri.
      Kurega hama dzake dzichipindira muwano yake
      Kupedzera mari yose kudoro
      Kushaya nguva yekutandara nemukadzi wake ari kubhawa
      Kutadza kutaura chokwadi chaimunetsa kuti ndakadzingwa basa
      Kushandisa mari yaChitsidzo mudzimai wake kubhadhara maintanance
Mubvunzo : Munyori ari             kuyedza       kuyanika pachena nhunha
dzinowanikwa nevanhukadzi vakaroorwa. Tsigira kana kupikisa
pfungwa iyi wakanangana nezvinoitika mumutambo Imwe Chanzi
Ichabvepi. (30)
      Kutongwa nehama dzemurume
      Kuitirwa chipfambi
      Kusagutswa pabonde
      Kufirwa
      Kusavimbika
      Kubirwa mari nevarume
      Kuvengwa nehama dzemurume
      Kumanikidzwa kugarwa nhaka
      Kumanikidzwa kutevedza tsika dzechishona dzinodzvanyirira…sekuzvariswa vana
       kusvika wapera ura.
      Kupiwa zvirwere zvepabonde.
                                                                                     40
                                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Mubvunzo : “Hausiri umbwa hwekurudzi kwangu. Chete umbwa
hwevanhurume vese kwese kwese. Pg 68. Nyatsozazanura umbwa
hwevanhurume huri kutsoropodzwa nemunyori mumutambo Imwe
Chnzi Ichabvepi (30)
    Mubvunzo wakadai unoda kuti utange hwanzwisisa kuti kana zvichinzi umbwa
     hwevanhurume zvinorevei? Unokurudzirwa kutopa tsananguro kana kuti
     (interpretation) yemubvunzo nepadiki kunyanya kana mubvunzo wauya uri tsumo
     ,dimikira kana chimwewo chirevo chine mutauro wakapfuma.
    Umbwa…zvinoreva unhu hwakashata husingatarisirwi kumunhu akakwana, hunhu
     hwakafumuka hunosvodesa zvisingabviri.
      Kupfimba vana vechikoro
      Kuramba pamuviri paanoziva kuti ndepake
      Kupfimba vakadzi vevanhu pamabasa
      Kushandisa chinzvimbo chepabasa kupfimba mukadzi wemunhu
      Kusazvidzora
      Kunyepera mukadzi
      Kuita zvose zvinoputsa imba yake
      Kusanyara kurara nemwana wechikoro muoffice
      Kutora mari yashandwa neumwe mukadzi kunobhadhara maintanence yeumwe
       mukadzi.
      Kutapurira vakadzi zvirwere zvepabonde
Mubvunzo :      Ndezvipi     zvakatokonya        munyori     kunyora     mutambo
wakadai? (30)
    Mubvunzo wekuti ndezvipi zvakatokonya                   munyori unongoda
       kuti   uburitse    matingindira      makuru     ari     mubhuku       nekuti
       matingindira ndiwo anotokonya munyori.
      Munyori akatokonywa nenyaya yekupfimbwa kwevakadzi vevanhu kumabasa
      Munyori akatokonywa nenyaya yetsika yenhaka ichiri kuitwa
      Munyori akatokonywa nenyaya yevadzidzisi vanodanana nevana vechikoro muzvikoro
       umu.
      Munyori akatokonywa nemaitiro evamwe vabereki zvikurusei vanababa vanoda
       kupfumiswa nekuroodza / kana kuripisa mwanasikana.
      Munyori akatokonywa nekuraradza kunoita varume vechidiki vachitadza kufadza
       madzimai avo.
                                                                                        41
      Munyori akatokonywa nenyaya yebonde muwanano kusagutswa kuri kuitwa
                                                                                        Page
       madzimai akawanda pabonde muwanano.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Munyori akatokonywa nekusavimbika kunowanikwa muwanano
      Munyori akatokonywa nekuparara kwedzimba dzechidiki zvisina tsarukano.
      Munyori akatokonywa nekuparara kwezvirwere zvepabonde muvanhu
   
       Mubvunzo :‘’Ini chance yandakakupa yakakwana. Chete hauna
       kugona zvako kuisevenzesa.’’ Pg 69 .Barnabas akakundikana
       nenzira ipi kusevenzesa “’chance” yaakapiwa.?                            (30)
      Mapindurirwo anoitwa mubvunzo unenge wauya wakatapwa uri (quotation)
       sezvakaitwa uri pamusoro uyo. Mubvunzo uyu unoda kupindurwa nenzira kwayo
       kunyanya pekutanga pacho sezvicharatidzwa pazasi . Mudzidzi anofanira kutaridza
       zvinotevera :
       1) Ndiyani akataura mashoko aya?
       2) Mutauri aitaura nani?
       3) Chii chainge chaitika kuti pataurwe mashoko akadaro.?
       4) Mashoko akataurwa anorevei?
      Mashoko aya akataurwa naChitsidzo. Chitsidzo aitaura nemurume wake Barnabas.
       Mashoko aya akataurwa mushure mekunge Chitsidzo aziva chokwadi chaivanzwa
       naBarnabas kuti Barnabas akadzingwa basa mushure mekupa mwana wechikoro
       Fatima pamuviri huye aibhadhara maintanence kunaFatima. Mashoko akataurwa
       naChitsidzo ekuti chance yandakakupa yakakwana aireva kuti haachadi kuramba
       achigara naBarnabas semurume nemukadzi nekuti ainge amutadzira zvikuru nekuita
       chipfambi.
       Barnabas akakundikana kusevenzesa chance yaakapiwa yekupa mukadzi wake rudo.
       Barnabas akashaya hanya nemukadzi wake achimusiya ega achiraradza zvakanyanya
       zvekuti aitadza kuita bonde nemukadzi wake sekutaura kwaChitsidzo. Kudhakwa
       zvakapfuura mwero kwaBarnabas ndiko kutadza kushandisa chance kwaakaita chance
       yekufadza mukadzi wake pabonde zvakakonzera kuparara kwemba yake panopera
       mutambo uyu.
      Barnabas akatadza kushandisa chance yake yekuti mukadzi wake avimbe naye
       munhamo nemukufara. Barnabas akaputsa chivimbo chaiva naChitsidzo maari
       semurume akavimbika nekupa mwana wechikoro Fatima pamuviri zvakazozikanwa
       naChitsidzo. Barnabas akatadza kushandisa chance kana mukana zvakare wekuti
       Chitsidzo avimbe naye nekumuvanzira mhosva yake yekudzingwa basa nekupa Fatima
       pamuviri zvakazoburitswa naSuzzana shamwari yaChitsidzo. Nekudaro Barnabas
       akakundikana zvikuru kushandisa chance yaakapiwa nemudzimai wake Chitsidzo.
       Zvimwe zvinoitwa naBarnabas kuratidza kuti akatadza kushandisa chance yaakapiwa
       naChitsidzo.
                                                                                         42
      Kutadza kudzora hama dzake tete vake Takaonza vachipopotedzana naChitsidzo
                                                                                         Page
      Kushandisa mari yaChitsidzo kubhadhara Fatima
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Kunyepa kuti ari paleave
      Kutadza kupa Chitsidzo bonde
      Kutiza kumusha achitadza kusiya apedza nyaya yenhaka yaZvichemo
   
NHETEMBO : NDURI DZENHANGO DZOMUZIMBABWE
CHIKAMU 1 : NHANGO DZEMHIRAMIDZIMU
Zvakakosha pakupindura mibvunzo yedetembo :
    Bata zita redetembo sezvariri kuti uwane zvibodzwa zvakakwana.
    Pachikwata chega chega chenhetembo bata nhetembo shanu kana kudarika kazhinji
     pabvunzo kunonzi tsigira nenhetembo shanu kana nhanhatu.
    Pachikwata chega chega bata pfungwa huru sekuti panhetembo dzekuraya bata zvikuru zviri
     kurairwa zvacho pane dzekupfimbana bata pfungwa huru dzinobuda pakupfimbana.
    Pachikwata chega chega bata zvidavado zvakashandiswa nanyanduri.           Mubvunzo
     wezvidavado wakangoda kufanana nemaumbirwo tsigiro hainyanyi kusiyana sekuti ukatarisa
     nhetembo dzemhiramidzimu zvidavado zvacho zvaunoburitsa ndizvo zvimwe chete
     zvauchaburitsa panonzi ipa maumbirwo enhetembo dzemhiramidzimu.
    Kana uchipindura mubvunzo wedetembo unopindura chabvunzwa kutanga zvichireva
     kuti kana mubvunzo wakati Nyurura       maumbirwo enhetembo dzemhiramidzimu
     unotanga kupa maumbirwo sezvakaratidzwa pazasi kwete kutanga kupa zita redetembo. Asi
     kana mubvunzo wakati buritsa nhetembo shanu dzekurayira ujekese zviri kurayirwa zvacho
     apa chabvunzwa kutanga inhetembo saka unotanga kudoma zita redetembo wozopa zviri
     kurayirwa zvacho.
    Nhetembo dzinoda kutsigirwa zvizere nezviri mudetembo .
    Patsanura pfungwa netsigiro zvisaita mutsara umwe chete.
ZIMSEC QUESTIONS
2002
1a)Tsanangura zvizere    musambo (tsika) wemhiramidzimu uchiburitsa      pachena    zvidavado
zvinowanikwamo.                                                                           (40)
                                                                                                 43
b) Sarudza nhetembo shanu dzinoratidza rairo dzakasiyana siyana dzinopiwa kumusikana naambuya
                                                                                                 Page
kana kumukomana nasekuru ugoreva zvinodzidziswa munhetembo idzi.                          (40)
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
2015
1a) Uchitsigira nenhetembo shanu nyatsotsanangura tsika nemagariro zvepasichigare zvinoburistwa
mune dzimwe nduri dziri mubhuku iri.                                                        (40)
b) Jekesa zvinangwa zvevashona zvekupira midzimu zviri munhetembo dzinotevera : Sarudza shanu
chete.
i) Zviyo zvenyu zvaibva,
ii)Nyati dzenyu sekuru,
iii)Hoyo muzukuru wenyu,
iv)Mutitarisire vakuru,
v)Mutisundidzire mberi,
vi)Chitipaiwo udekare                                                                           (40)
2016
1a)Dzumbunura maitiro nemutauro zvaishandiswa panguva dzaisumwa                   doro    uchitsigira
nekuburitswa kwazvakaitwa munhango dzekusuma doro.                                               (40)
b)Nyatsorondorodza rairo dzaipiwa majaya munguva yepasichigare. Ita izvi uchishandisa nhetembo
shanu kubva munhango dzokurayira nokunyevera.                                              (40)
MIBVUNZO YENHETEMBO
    1. VaShona vanhu vaitenda kuti midzimu yavo yaivatungamirira pamagariro avo ese muupenyu.
        Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzemhiramidzimu dzawakanzi uverenge.                      (40)
    2. Tsanangura maumbirwo enhango dzemhiramidzimu.                                             (40)
    3. Jekesa chinangwa chenhetembo dzemhiramidzimu wakanangana nechikamu chenhango
        dzemhiramidzimu.                                                                         (40)
    4. Nyatsotsanangura kukosha kwenhetembo dzemhiramidzimu uchitsigira nenhetembo shanu
        kubva mubhuku rawakanzi uverenge.                                                        (40)
    5. Donongodza basa renhetembo dzemhiramidzimu uchitsigira nenhetembo nhanhatu
        dzawakanzi uverenge.                                                                     (40)
    6. Nhetembo dzemhiramidzimu dzaidetembwa kana zvaita sei? Tsigira pfungwa dzako
        nenhetembo shanu dzemuchikamu chenhango dzemhiramidzimu.                                 (40)
    7. (i) VaShona vaipira midzimu kana zvaita sei? Tsigira nenhetembo nhanhatu kubva muchikamu
        chenhango dzemhiramidzimu.                                                               (40)
        (ii) Ipa zvikonzero zviri kuita kuti tsika yekupira midzimu iderere muupenyu hwevashona. (10)
                                                                                                [40]
    8. Uchitsigira nenhetembo shanu dzakakodzera, jekesa mhosva dzaiparwa nevanhu dzaisumwa
        padare kubva muchikamu chenhengo dzokusuma nyaya padare.                                 (40)
    9. Nhetembo dzekusuma nyaya padare dzaiumbwa sei. Tsigira nenhetembo shanu kana
        kupfuura.                                                                                (40)
    10. Nhango dzekupembera nekunyinduka dzaidetembwa kana zvaita sei?                           (40)
    11. Yanika pachena rayiro dzakasiyana siyana dziri kuraiwa uchitsigira nenhetembo shanu kubva
                                                                                                        44
        muchikamu chenhengo dzekurayira nokunyevera.                                             (40)
    12. Donongodza matambudziko anowira vanhu ari kuburitswa munhango dzehurukuro
                                                                                                        Page
        nemamuko. (40)
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
   13. Ndezvipi zviri kunyunyuta vana nyanduri munhetembo dzehurukuro nemamuko?          (40)
   14. Nyatsodonongodza rairo dzairayirwa vanakomana nananyanduri.                       (40)
   15.
Chikamu Chenhango dzemhiramidzimu chine nhetembo nhanhatu chete
dzinotevera :
      Mutisundidzire mberi
      Zviyo zvenyu zvaibva
      Chitipaiwo udekare
      Nyati dzenyu sekuru
      Mutitarisire vakuru
      Hoyo muzukuru wenyu
Pg 33-40
MAUMBIRWO ENHANGO DZEMHIRAMIDZIMU
      Dzakaumbwa nechikamu chimwe chete
      Dzinopedzisira nekuombera
      Dzinotanga nehokamuteereri
      Mune dzokororo yepfungwa
      Dzakaumbwa nezvidawo
      Zvikuwo
      Mutauro wetsumo
      Dzinodomwa mazita emadzitateguru
      Dzinodoma nzvimbo dzinogara madzitateguru
      Dzakaumbwa nemazitadunhurirwa.
Mubvunzo : Jekesa maumbirwo enhango dzemhiramidzimu. (30)
Nhango dzemhiramidzimu dzinoumbwa nechikamu chimwe chete. Izvi zvinobuda mudetembo
rakanzi Mutisundidzire Mberi. Chikamu chimwe chete chinoonekwa zvakare mudetembo rakanzi
Nyati dzenyu sekuru nerakanzi Hoyo Muzukuru wenyu. Basa rechikamu chimwe chete nderekutsinhira
pfungwa yekuti nyaya iri mudetembo inongova imwe chete. Mudetembo Hoyo Muzukuru munongova
nenyaya imwe chete yekusuma muzukuru kuvadzimu parwendo rwaaifamba saka chikamu chimwe
chiri kubatsira muverengi kuti akasire kunzwisisa.
Nhango dzemhiramidzimu dzinopera nekuombera. Detembo rakanzi Mutitarisire vakuru rinopera
pachiomberwa panonzi Bu bu bu! Detembo rakanzi Hoyo muzukuru wenyu rinopera zvakare
nekuombera pakanzi Bu bu bu! Chidavado chekuombera chinongobatsira kutiratidza ruremekedzo
rwaipiwa vadzimu sezvo vaShona vaitotenda kuti midzimu yaivagadzirira zvese zvaivanetsa.
Nhango dzemhiramidzimu dzinoumbwa nehokamutereri. Hokamutereri inoonekwa mudetembo
rakanzi Zviyo zvenyu zvaibva panonzi Hero Shoko vari Mabweadziva!. Hokamutereri inoonekwa
zvakare mudetembo rakanzi Nyati dzenyu sekuru sepanonzi nanyanduri ,’’Pamusoroika nhai vari
kumhepo.” Chinangwa chehokamutereri kuti vari kuudzwa vanova midzimu vanzwe vanyatsoterera
vanzwe nhunha dzine vana vavo.
                                                                                                 45
Nhango dzekupira midzimu dzinoumbwa nezvidawo. Zvidawo zvakashandiswa mudetembo rakanzi
                                                                                                 Page
Nyati dzenyu sekuru panonzi Mhukahuru. Chidawo chinoshanda kuratidza kuremekedza
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
madzitateguru nebasa ravari kuita rekuchengeta vashona. Kushandiswa kwechidawo zvakare kunopa
manyukunyuku kumidzimu kuti igadzirise nhunha dziri kupirwa nevanhu.
Nhango dzekupira midzimu dzinoumbwa nekudoma mazita emadzitateguru. Mudetembo rakanzi
Chitipaiwo Udekare nyanduri anoti iwe Zibwi rinova zita remadzitateguru. Mudetembo rakanzi
Mutitarisire vakuru nyanduri anodoma mazita emadzitateguru Chiwome naVaMakonese. Pfungwa
yekudoma mazita emadzitateguru inobatsira kuratidza kuti nyanduri ari kunyatsoziva nhoroondo
yedzinza rake uye kwaari kuisa zvichemo zvake.
Nhango dzekupira mudzimu dzinoumbwa nekudoma nzvimbo dzinogara madzitateguru. Mudetembo
rakanzi Zviyo zvenyu zvaibva nyanduri anoti vari Mabweadziva. Mudetembo rakanzi Chitipaiwo
Udekare nyanduri anoti Zibwi wakafira paMapoko. Mudetembo rakanzi Mutisundidzire mberi
nyanduri anoti vari Kudomwa kwenzvimbo idzi kunoshanda kujekesa ruzivo rwanyanduri pamusoro
pemadzitateguru ake uye chishuwo chake chekuda kununurwa nemidzimu yake.
Nhango dzekupira midzimu dzinoumbwa nemazitadunhurirwa. Zitadunhurirwa rakashandiswa
mudetembo rakanzi Chitipaiwo Udekare panonzi Chireranherera. Chidavado chekushandisa
mazitadunhurirwa chinobetsera kupa manyuku nyuku kumidzimu kuti irambe ichiita basa rakanaka
rekuchengeta mhuri.
Mubvunzo      :a)Nhetembo dzemhiramidzimu dzaidetembwa zvaita sei?
b)Jekesa           chinangwa      chenhetembo       dzemhiramidzimu
(40)
Mibvunzo miviri iri pamusoro iyo yakangofanana. Zviri kudiwa zvimwe
chete.
      Vapedza kukohwa vachisuma gohwo kuvadzimu
      Pakufamba rwendo vachikumbira kuchengetedzwa
      Kana kwaita nzara …kukumbira maguta
      Kukumbira utano hwemombe
      Pakuda kutanga kurima/ mwaka wekurima wakutanga
      Kukumbira kuchengetedzwa
      Vachida kuzvara vanakomana vanokudza rudzi
      Kana mvura yaramba kunaya
      Kuti vawane mhuka dzekuvhima
NHANGO DZEKUSUMA NYAYA PADARE
Vashona vaikoshesa dare senzvimbo yekutongerwa mhosva. Dare
raiwanzotungamirirwa nevarume vachitonga mhosva dzakasiyana siyana
dzaiparwa nevanhu. Padare paigadziriswa vakanganisirana nhubu
dzairangwa ipapo, akanganisa airipiswa zvakare. Chinangwa chikuru
                                                                                                46
chaiva chekuti vanhu vagarisane zvakanaka .
                                                                                                Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
MUMBIRWO ENHANGO DZEKUSUMA NYAYA PADARE.
      Dzinotanga nekuombera
      Dzinopera nekuombera
      Dzinotanga nehokamutereri
      Dzinotanga nemanzwi ekuti Pamusoroi Changamire
      Dzinoshandisa chidawo
      Dzinoumbwa nezvikuwo
      Dzinoumbwa nenyaudzosingwi
       MUBVUNZO :Uchitsigira nenhetembo shanu dzakakodzera, jekesa
       mhosva dzaiparwa nevanhu dzaisumwa padare kubva muchikamu
       chenhengo dzokusuma nyaya padare.                       (40)
MHOSVA DZAIPARWA                               DETEMBO RACHO
      Kutora vakadzi vevanhu…                 Upombwe                           pg 56
      Kuora mukadzi weumwe…                   Chimutsa ndiye ane Mhosva         pg 59
      Kudyisirana mumunda….                   Mombe dzamusharukwa dzakadya.      Pg 63k
      Kusaterera….                            Mumba maita ngunzi                  pg 65
      Chifambi chemwanasikana…                MIMBA                              pg 55
      Kupa mwanasikana pamuviri..             Moto unopisa ukaubata              pg 51
      Kupa mwanasikana pamuviri..             Kutyora Musana                     pg 53
      Kurima munda weumwe nechisimba..         Kunzi munhu aria pa kudya        pg 52
      Kurimirana kumiganhu….                   MUGANHO                          pg 49
Kudyisa mumunda pg 63
NHANGO DZOKUPEMBERA NOKUNYINDUKA.
Mubvunzo : Nhango dzokupembera nokunyinduka dzaidetembwa kana zvaita sei ?            (40)
Vashona vaipemberera kana pane zvakanaka zvinenge zvaitika muupenyu hwavo. Mukupemberera
zviitiko zveupenyu vaidetemba vachiratidza kufara kwavo. Zviitiko zveupenyu zvaifadza
zvaipembererwa zvinosanganisira kuuya kwemwenga, kuzvarwa kwemwana kuvhima nezvimwe
zvakasiyana siyana.
ZVIKONZERO ZVEKUPEMBERERA                               DETEMBO RACHO
      Kana pauya mwenga                            Vatete vanopemberera mwenga pg 314
      Kana mukomana aroora mhandara izere          Changu chitodo hachina wakazarura 316
      Kana mukomana abuda mugota / aroora          Wazobudawo Mudare pg 317
      Kana murume abva kunovhima auraya mhuka      Vadzimba vedu pg 318
      Kana pazvarwa mwana                          Muchineripi pg 321
                                                                                             47
      Kana mwanakomana achata
                                                                                             Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Mubvunzo   :        Tsanangura          maumbirwo          enhetembo      dzokupembera
nekunyinduka.            (40)
      Dzinotanga nemupururu kana kuridzwa mupururu pakati.
      Dzinopera nekuomberwa maoko
      Dzinoumbwa nezvidawo
      Dzine nazitadunhurirwa
      Dzine manzwi ekutenda
   
NHANGO DZOKURAYA NEKUNYEVERA
Sezviri kutaura zita radzo nhango dzekuraya nekunyevera dzakanangana nekurayiwa vanhu
vakasiyana siyana. Nhangon idzi dzinogona kuiswa muzvipoka zvitatu zvinotevera :
   a) Nhango dzekuraya vanasikana
   b) Nhango dzekuraya vanakomana
   c) Nhango dzekuraya nje.
NB…Pakupindura bvunzo hapanyorwi mapage numbers apa zvaitirwa kuti
zvive nyore pakuverenga nhatembo dzacho.
NHANGO DZEKURAYIRA NJE
a)Mandichimbidzike akazvara mandinonoke
b)Gumbo rawapinda rakashata
c)Urombo nenzara ndivo varoyi
d)Rayiro kumhuri
e) Vabereki
MANDICHIMBIDZIKE AKAZVARA MANDINONOKE pg 196
      Mwana ari kurayirwa kuti aremekedze vabereki sepanonzi, ‘’Hauna kungoerekana wavepo.’’
      Mwana ari kurayirwa kuti asaite umbwende’.
      Mwanasikana ari kurairwa kuti achengetedze umhandara sepanonzi ,’’Usikana upfekakamwe,
       chikuru umvana.’’
      Mwanasikana ari kurayirwa kuti asakasire kuroorwa ari mudiki.
      Mwanasikana ari kurayirwa kuti aroorwe zvakanaka sepanonzi, ‘’Rumwa ugokumbirwawo
       zvakanaka.”
      Mwanasikana ari kurayirwa kuti umvana hunosvoresa.
      Mwanasikana ari kurayirwa kuti atambe neshamwari dzakanaka.
GUMBO RAWAPINDA RAKASHATA pg 203
      Muzukuru anorairwa kuti asanwe doro zvakapfurikidza.
      Muzukuru ari kurairwa kuti asaite unzenza
                                                                                                48
      Muzukuru ari kurairwa kuti asarwe nevanhu
      Muzukuru ari kurairwa kuti aterere vakuru vake vachitaura
                                                                                                Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       Muzukuru ari kurairwa kuti asaite misikanzwa sepanonzi , “Unhunzvatunzva noumhesvupesvu
        kanda kure.’’
       Muzukuru ari kurairwa kuti asanyadzise rudzi rwake.
UROMBO NENZARA NDIVO VAROYI pg 207
       Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti asaite usimbe paanoti asagara maoko
       Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti achengetedze zvaanazvo
       Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti hapana anoda murombo chero hama
        dzinokuramba
       Nyanduri ari kurayira muzukuru kuti ashande nesimbe badza hariurayi
       Nyanduri ari kurayira muzukuru kuti atevedzere zvakanaka zvaanoona zvinoitwa nevamwe
        paanoti kugara nhaka huona dzevamwe.
       Nyanduri ari kurayira muzukuru wake asapedzerwa pfuma nevamwe paanoti rega kuita
        Madyiwa
RAYIRO KUMHURI pg 227
       Nyanduri ari kurayira vana vake kuti ave pedyo nekufa paanoti mazuva angu overengeka
       Nyanduri ari kurayira mhuri yake kuti isare yakabatana kana achinge ashayika.
       Nyanduri ari kurayira mhuri yake kuti ibatsirane pamatambudziko vasaregererane
       Nyanduri ari kurayira vana vake kuti varwise muvengi pamwe chete paanoti torai makano
       Nyanduri ari kurayira mhuri yake kuti vasarwe kana vakonana nekuti sanhu haripedzi gakava
       Nyanduri ari kurayira vanakomana vake kuti vasaparadzaniswa nevakadzi
       Nyanduri ari kurayira vanakomana vasapindira pashanje yevakadzi vavo
VABEREKI pg 169
       Nyanduri ari kurayira vanhu kuti vachengete vebereki sepaanoti, uchafema chengeta
        vabereki.
       Nyanduri ari kurayira kuti kana vabereki vazofa hapana kwatichavawana
       Nyanduri ari kurayira kuti kutadza kuchengeta vabereki kunopinza mamhepo mumusha
       Nyanduri ari kurayira vanhu kuti varangarire kuti vakaberekwa mwedzi mipfumbamwe namai
        vachivanetsekera.
       Nyanduri ari kurayira vanhu kuti varangarire kwavakabva paanoti hauna kunaya kubva
        kudenga.
       Nyanduri ari kurayira vanhu kutikana vagarike vasakanganwe hama dzavo sepaanoti idya
        nehama.
NHANGO DZOKURAYA DZAKANANGANA NEVANASIKANA
   a)   Umhandara hwako Ruvimbo                    pg 266
   b)   Chizvibatawo Mwanangu                      pg 267
   c)   Kuranga Nhunzvatunzva                      pg 268
   d)   Rayiro Kumwanasikana- bunha                pg 278
   e)   Rayiro kumwanasikana-mhandara              pg 279
   f)   Zvino wava mhandara                        pg 281
Pane pfungwa kana kuti rayiro dzakafanana dziri kupiwa mwanasikana dziri kubuda
                                                                                                    49
munhetembo dziri pazasi. Rayiro idzi ndedzinoti mwanasikana asaite zvinotevera :
                                                                                                    Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Mwanasikana asaite usimbe
      Mwanasikana asaite unzenza
      Mwanasikana azive kuti atokura
      Mwanasikana ari kurairwa kuti umhandara hunopera
      Mwanasikana ari kurayirwa kuti azvibate.
a)UMHANDARA HWAKO RUVIMBO
      Nyanduri ari kurayira mwana wake Ruvimbo kuti munhu wemhandara anofanira kugara
       akangwara sepanonzi ungwarire semhandara.
      Nyanduri ari kurayira Ruvimbo kuti zera raava ava kupfimbwa nevakomana sepanonzi wava
       tsiru roteverwa.
      Nyanduri ari kurayira mwana wake kuti asaite unzenza sepaanonzi ukaita zvounzenza
       watorasika
      Ruvimbo ari kurayirwa kuti achengetedze umhandara asape umhandara kumapere
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azvichengetedze iye pachake
      Nyanduri ari kurayira Ruvimbo kuti asanyadzise vabereki vake mangwana sepanonzi
       mangwana tinozonyara.
      Nyanduri ari kurayira mwana wake kuti aterere rayiro yaanoudzwa sepanonzi tsuro inoradzika
       nzeve inobatwa nembwa.
b) CHIZVIBATAWO MWANANGU
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azive kuti atokura paanonzi watopfumvura.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asabatwa mazamu panonzi zvegwiti cherera
       muchikomba.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti achenjerere havi yepabonde paanonzi havi yako
       haizvipingudzi.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti angwarire zvirwere paanoti zvirwere hazvichapere.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azvibate sepanonzi chizvibatawo mwana
       wehanzvadzi.
c)KURANGA NHUNZVATUNZVA
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azive kuti akura kana otevera mwedzi.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti aterere sepanzi mazano marairanwa.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asanyadzisa sepanonzi unondinyadzireiko Mogonyei.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti atsige asaseke zvisina basa sejesa.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asaita makuhwa sepanonzi guhwa harivaki.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti azvibate.
d)RAYIRO KUMWANASIKANA BUNHA
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana wake Chipiwa kuti muupenyu achasangana
       nezvinomugumbutsa panonzi kune zvitsiga zvinogumbutsa.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana wake kuti umhandara huchapera.
      Nyanduri ari kurayira Chipiwa kuti asazvienzanisa nevakomana sezvo hujaya husingaperi.
      Nyanduri ari kurayira mwanasikana wake kuti nguva yeumvana ndiyo yakakura paanoti
                                                                                                    50
       chikuru umvana.
                                                                                                    Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti varume nevakadzi vakasiyana zvikuru paanoti
        wekwamurume ndowokwamurume
       Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asaite vana asati aroorwa ari pamba pemubereki.
e)RAYIRO KUMWANIKANA –MHANDARA
       Nyanduri ari kurayira mwana wehanzvadzi yake Tendai kuti akura.
       Nyanduri ari kurayira mwana wehanzvadzi yake kuti asafurirwa panonzi wozevezerwa
        nemharadzamusasa.
       Nyanduri ari kurayira mwanasikana kuti asaite makuhwa sepanonzi wondoita mai
        yemakuhwa.
       Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asaite usimbe sepanonzi zvauriwe unoita usimbe.
       Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asarambane nemurume sepanonzi isu vanatete hatina
        gupuro.
       Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asaite unzenza, sepanonzi tigonzwa wava nzenza.
       Nyanduri ari kurayira Tendai kuti asapiwa uroyi urapi housiku.
       Nyanduri ari kurayira Tendai kuti abikire vamwene sepanzonzi azive vamwene pahadyana.
       Nyanduri ari kurayira Tendai kuti paanopa murume sadza pfugame.
NHANGO DZOKURAYA DZAKANANGANA NEVANAKOMANA
   a)   Kupfeka kwaMandivenga               pg 198
   b)   Muzukuru woenda kubasa              pg 236
   c)   Muzukuru Chamagera                 pg 238
   d)   Tichaedza woenda kubasa            pg 239
   e)   Kukonza                            pg 244
   f)   Muzukuru wabve zano                pg 246
   g)   Dzikamisa hana yako                pg 247
   h)   Kazanhi kanguwo                    pg 168
a)KUPFEKA KWAMANDIVENGA pg 198
       Nyanduri arikurayira mwanakomana kuti apfeke zvakanaka sepanonzi chawakapfeka ….chinyi.
       Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asaratidzika sebhinya sepanonzi dusvura.
       Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti achengetedze chivanhu sepanonzi munhu ane tsika
        haapfeki bhurukwa rakadai.
       Mwanakomana ari kurayirwa kuti achengetedze chimiro chake.
       Mwanakomana ari kurayirwa kuti asiye tsika dzechirungu sepanonzi ndiko kupira mudzimu
        wevarungu kwowoita.
       Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti azvibate.
b)MUKOMA ANOYAMBIRA MUNINÍNA WAKE.
       Nyanduri anorayira mwanakomana kuti azive kuti vasikana vakawandisa sepanonzi vasikana
        ava havaperi.
       Nyanduri anorayira mwanakomana kuti amirire nguva yake sepanonzi pfava nguva yako
        ichasvika.
                                                                                                  51
       Nyanduri anorayira mwanakomana kuti agutsikane nezvaanazvo sepaanoti chidokodoko
                                                                                                  Page
        chirera muviri.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti aroore ava nezvinhu zvake sepanonzi ungamupei
       ukamutora?
c)KUKONZA
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti zvakaoma kuwana musikana akanaka sepanonzi
       kuwana mukadzi musvinu hushingi.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asiye mvana sepanonzi anyenyeredze mvana.
      Nyanduri ari kurayira vanakomana kuti vapfimbe vasikana vadiki sepanonzi tizira vezera rako.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti apfimbe masikati.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asanonoke kupfimba vakomana vakawanda
       vanodawo musikana iyeye.
d)MUZUKURU WABVE ZANO pg 246
      Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti asawanza vasikana sepanonzi ngwarira kuwanzisa
       mariva ako.
      Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti asachiva runako bedzi kana achitsvaka musikana.
      Nyanduri ari kurayira muzukuru wake kuti akawanza vakadzi anozonetseka pabonde
       sepanonzi mwoto wadzima mumba.
      Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti vasikana vakawanida saka adzikame.
      Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti zvinotaurwa nevakuru zvinoitika panonzi
       muromo wavakuru hauwiri pasi.
      Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti achiroora musikana iyeye waainaye.
e)DZIKAMISA HANA YAKO pg 247.
      Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti            asataurise panonzi muromo rudzii
       usingamharwe nenhunzi.
      Nyanduri ari kurayira muzukurukomana kuti asiye tsika yekugarorova vamwe panonzi une
       chioko chegudo.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti adzikame sepanonzi ndichakurova nebapu regwai
       udzikame.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti aremekedze vakuru.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti azive kuti atokura.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti achademba akasaterera
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti agare mushe nevamwe sepanonzi ziva kugara
       zvakanaka nevamwe.
      Nyanduri ari kurayira mwanakomana kuti asangotuka munhu wese wese sepanonzi ziva
       waunokanda makobvu nematete.
NHANGO DZEHURUKURO NEMAMUKO.
Nhango dzehurukuro nemamuko dzaiva nabasa guru rekuburitsa nhunha kana kuti nyunyuto yanga iri
muvanhu pane kukanganiswa kunenge kuchiitwa nevanhu vakasiyana siyana vangava varume
vachiresvera vakadzi kana vakadzi vachiresvera varume, vana vachitadzira vabereki zvichingosiyana
siyana.
   a) BOPOTO PAMUKOVA PATEZVARA                        pg96
                                                                                                      52
   b) MURUME WANGU MANDIODZA MWOYO                      pg 97
                                                                                                      Page
   c) KUCHINAKEPI                                       pg 109
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
   d) CHIRUNGU AISVISVINA KUNGE JECHA                pg 116
   e) VAKAFA VAKAZORORA                              pg 120
   f) TOITA SEI NAVO VANA VEMAZUVA ANO               pg 142
a)BOPOTO PAMUKOVA PATEZVARA pg 96
      Nyanduri ari kunyunyuta nemudzimai wake anoda kumutonga sepanonzi ngunzi hadziiti
       mbiri.
      Nyanduri ari kunyunyutira tezvara vake pamusoro pemwana wavo ari kumushusha sepaanoti
       mwana wenyu andinetsa.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemudzimai wake asina tsika sepaanoti mumbomurayira
       dzechinyakare tsika.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemudzimai wake waanoti anonyadzisa sepanonzi ava
       chinyadzo chomusha.
      Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti ane ufende.
      Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti ane upenzi.
      Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti idununu sepanonzi ututa…unazvo.
      Nyanduri ari kunyunyutira mudzimai wake waanoti haagoni kubika sepanonzi sadza
       mbwezhu.
b)MURUME WANGU MANDIODZA MWOYO pg 97.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake achinja maitiro ake asingacharari
       pamba.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake asingachaite bonde naye sepaanoti,
       pauriri hwangu haachapazivi.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusana pekushaikwa kwemufaro pakati pake nemurume wake
       sepaanoti haachafari neni.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake ava kupfimba vamwe vakadzi sepanonzi
       zvotaimira vanamainini.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume wake ava kuita usimbe sepanonzi kumunda
       haachadi kuuya.
      Nyanduri ava kuda kuramba murume wake nekuda kwemaitiro ake sepanonzi ko
       ndichagarirei pano.
      Nyanduri ari kunyunyuta nekuda kwemurume wake asingachamiri sababa vemusha sepanonzi
       hapachina muchengeti wemba.
      Nyanduri ari kunyuta nekuda kweurombo hwaava nahwo sepanonzi ndava muchena.
c)KUCHINAKEPI?
      Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemukadzi akazvisungirira nekuda kwemurume wake.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume anga asichachengeti mukadzi panonzi
       murume haandichengeti.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume asingachengete vana vake sepanonzi
       vanofamba mushwi sebarwe.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pevarume vanozvichenesa vana vachifamba vakashama.
      Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume ari kutengera vatorwa doro mhuri yake
                                                                                               53
       ichitambura sepanonzi rumwe ndorunogadzikirwa makate.
      Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume ari kurega mhuri yake ichifa nenzara sepanonzi
                                                                                               Page
       ura hwake hwati rakata.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pebopoto risingaperi mumusha memukadzi uyu.
      Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume anogarovhunditsira mukadzi sepanonzi
       ndinokuuraya.
      Nyanduri ari kunyuta pamusoro pemurume anogara achida kuramba mukadzi wake sepanonzi
       ..zvombonzi handichakudi.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemurume anogarotuka mukadzi wake.
d)CHIRUNGU AISVISVINA KUNGE JESA
      Nyanduri ari kunyunyuta nemari yaakapedza achibhadharira mwana wake kuti adzidze
       apedza ava kushaya basa sepanonzi sare ndava tsuro.
      Nyanduri ari kunyunyuta nedzidzo yava kudzidziswa muzvikoro sepaanoti kudzidza utsotsi
       neunzenza.
      Nyanduri ari kunyunyuta neshanduko yeupenyu sepaanoti kare kwakanga kusina matope
       akadai.
      Nyanduri ari kunyunyuta nekuuya kwechirungu chakaparadza chivanhu chavo sepanonzi
       varungu vakauya neumharadzi.
      Nyanduri ari kunyunyuta nekushungurudzwa kwavari kuitwa nevachena sepanonzi ndiyani
       aivabvunza zvitupa.
      Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro peivhu ravo rakatorwa nevarungu sepanonzi apa usarima.
e)VAKAFA VAKAZORORA pg 120
      Nyanduri ari kunyunyuta nenhamo yavakaona nguva yehondo yekurwiswa nendege
       sepanonzi denga rakazara neshiri dzemoto.
      Nyanduri ari kunyunyuta nekubhombwa kwakaitwa vanhu vatema nguva yehondo sepanonzi
       tichipiswa nezvinoputika.
      Nyanduri ari kunyuta nepfumvu yakaona vana munguva yehondo vabereki vavo vatiza
       sepanonzi madzimai haana kuzofunga vana.
      Nyanduri ari kunyuta nekufa kwevanhu sepanonzi navana vachitsva.
      Nyanduri ari kunyunyuta nekukuvara kwaiita vanhu munguva yehondo sepaanoti vakakuvara
       havaverengeki.
      Nyanduri ari kunyuta nekuparadza kwaiita hondo misha yevanhu sepanonzi ndiko kuparara
       kwakaita musha wedu.
      Nyanduri ari kurwadziwa nekubhinywa kwaiitwa vakadzi nevarwi vehondo panonzi vakadzi
       vopera kubhinyiwa.
      Nyanduri ari kunyuta nekurohwa kwaiitwa vanhu munguva yehondo sepanonzi shaya
       dzinopetana.
CHIKAMU CHENHANGO DZOKUSUMA DORO pg 69-92
Nhango dzekusuma Doro dzaidetembwa kana pabikwa doro. Chinangwa chikuru chainge chiri
chekutenda vabiki vedoro uyezve kuzivisa vabikirwa vacho kunova kuvasuma doro nemutowo
wekudetemba. Nokudaro nhetembo idzi dzaidetembwa pese paitanga kunwiwa hwahwa kana kuti
paipedzwa kunwiwa hwahwa iri nzira yekutenda vabiki vedoro.Doro raigona kusumwa zvakare
kumidzimu sezvo vashona vachitenda kuti afa haarovi.
CHENJEDZO : Nhetembo dzekusuma doro dzakada kufanana mazita adzo. Pane nhetembo
                                                                                                 54
dzakawanda dzakanzi : KUSUMA DORO 1
                                                                                                 Page
                    KUSUMA DORO 11
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
                    KUSUMA DORO III
                    KUSUMA DORO IV
                    KUSUMA DOOR V
                    KUSUMA DORO VI.
Mudzidzi anofanira kuziva musiyano wenhetembo idzi asanyora zviri mudetembo rakanzi Kusuma
Doro II zvichiita sekuti zviri mudetembo rakanzi Kusuma Doro I.
MAUMBIRWO ENHANGO DZOKUSUMA DORO .
      Dzinoumbwa nezvidawo
      Dzinoumbwa nehokamutereri.
      Dzinoumbwa netsumo.
      Dzinotanga nekuombera.
      Dzinopera nekuombera.
      Dzinotanga nemhururu.
      Dzinopera nemhururu.
      Dzinoumbwa nemanzwi ekutenda.
      Dzinoumbwa nezvikuwo.
      Dzinoumbwa netsumo.
      Dzinoumbwa nenyaudzosingwi
      Dzinopera nemanzwi ekuonekana.
Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nezvidawo. Zvidawo zvakashandiswa munhetembo inonzi
Mhirimo sepanonzi Hezvo Museyamwa. Mudetembo rakanzi CHABIKWA CHAORA nyanduri anoti
tishore Mhukahuru pamwe ponzi Madyirapanze. Mudetembo rakanzi Kusuma doro III pane chidawo
chakanzi Mukanya pamwe ponzi Vhudzijena. Basa rechidawo nderekupa manyukunyuku kune anenge
abika doro kuti arambe achibika. Chidawo chinoshandawo zvakare kuratidza ruremekedzo kune vacho
vari kusumiwa doro . Mudetembo rakanzi KUSUMA DORO III sepanonzi tishume Madyira .
Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nehokamutereri. Hokamutereri yakashandiswa mudetembo
rinonzi KUSUMA DORO 1V panonzi E-e! Museyamwa! Mudetembo rakanzi KUSUMA DORO V1
nyanduri anoti E-eka Changamire. Basa rehokamutereri idzi kuita kuti vari kusumiwa doro racho
vanzwe vateerere zviri kutaurwa naNyanduri.
Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa netsumo. Tsumo dzakashandiswa mudetembo rinonzi
KUSUMA DORO III panonzi Chawawana idya nehama, mutorwa anokanganwa. Tsumo imwe chete iyi
yakashandiswa zvakare munhetembo dzinotevera KUSUMA DORO IV pg 80, KUSUMA DORO V pg 81,
KUSUMA HWAHWA II pg 87, KUSUMA MHARADZO pg 88, KUSUMA DORO 11 nedetembo rakanzi
CHABIKWA CHAORA pg 74. Basa retsumo iyi kuratidza kukosha kweukama kuti doro rinofanira
kumwiwa paukama.
Nhango dzekusuma doro dzinotanga nekuombera. Chidavado               chekutanga    nekuombera
chinoshandiswa munhetembo dzinotevera : CHABIKWA CHAORA pg 74
                         KUSUMA DORO VI pg 83
                         CHISAINO PANHIMBE pg 84
                                                                                                  55
                        KUSUMA HWAHWA I PG 85
                                                                                                  Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
                       KUSUMA HWAHWA II pg 87.
Nyanduri anotanga achiti Bu bu bu! Kuombera uku kuratidza kuremekedza vari kusumwa hwahwa
vacho.
Nhango dzekusuma doro dzinopera nekuombera. Chidavado chekupedzisa nhetembo nekuombera
chakashandiswa munhetembo dzinotevera : KUSUMA DORO 1
                                          KUSUMA DORO II
                                          KUSUMA DORO IV
                                         KUSUMA DORO VI
Nyanduri anopedzisira kudetemba nekuombera sepanonzi Bu bu bu! Kuombera mucherechedzo
wekutenda zvakanaka zvavaitirwa.
Nhango dzekusuma doro        dzinoumbwa     nenyaudzosingwi.   Nyaudzosingwi   dzakashandiswa
munhutembo dzinotevera :                   KUSUMA DORO 1
                                          KUSUMA DORO II
                                          KUSUMA DORO IV
                                         KUSUMA DORO VI
Nyanduri anopedzisira kudetemba pane nyaudzosingwi panonzi Bu bu bu! Nyaudzosingwi iri kujekesa
matendero ari kuita nyanduri.
Nhango dzesuma Doro dzinotanga nemhururu. Mhururu yakashandiswa mudetembo rakanzi
MHIRIMO panonzi Urururu…urururu. Mhururu iri kushanda kujekesa mufaro mukuru unenge uripo
pakunwa hwahwa.
Nhango dzekesuma doro dzinopera nemhururu. Chidavado chemhururu chakashandiswa padetembo
rakanzi KUSUMA DORO KUMIDZIMU pg 70 panonzi Hiririri..ririri…Kupedza detembo nemupururu kuri
kungojekesa mufaro unenge uripo pese panonwiwa hwahwa.
Nhango dzekusuma doro dzinoumbwa nemanzwi ekutenda. Manzwi ekutenda akashandiswa
padetembo rinonzi Chinodyiwa chino Murandu panonzi Tichitendawo Mutadza. Mudetembo rakanzi
chabikwa chaora pane manzwi ekutenda panonzi zvaitwa vakuru vakuru. Mudetembo rakanzi Kusuma
Doro II manzwi       ekutenda akashandiswa pakanzi Hatirovei maoko… Manzwi ekutenda
anonyanyoitirwa vabiki vedoro kuti varambe vachibika doro vanhu vanwe vafare.
Nhetembo dzekusuma doro dzinoumbwa nezvikuwo. Zvikuwo zvakashandiswa mudetembo
dzinotevera : KUSUMA DORO 1
            KUSUMA DORO 11
            KUSUMA DORO 1V
            KUSUMA DORO VI
Zvikuwo zvakashandiswa panonzi Bu bu bu! Basa rechikuwo kuratidza kukahadzika nekurangarirwa
                                                                                                  56
pahwahwa hwabikwa.
                                                                                                  Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
MUBVUNO : Tsanangura basa renhetembo dzekusuma doro.                                   (40)
        Basa renhetembo dzekusuma doro kukurudzira humwe chete pavanhu vatema.
        Basa renhango dzekusuma doro kusunganidza ukama.
        Basa renhango dzekusuma doro kutenda vabiki vedoro.
        Basa renhango dzekusuma doro kusuma hwahwa.
        Basa renhango dzekusuma doro kuumba ushamwari.
        Basa renhango dzekusuma doro kusuma doro kumidzimu.
        Basa renhango dzekusuma doro kuratidza kudyidzana kuripo pakati pevapenyu nevafi.
        Kuchengetedza tsika dzevashona dzekubika doro
NGANO
MIBVUNZO YAKANANGANA NENGANO
   1.    Tsanangura basa renziyo mungano.                                                 [30]
   2.    Nziyo dzaiva nebasa reyi mungano uye dzipfekedzwa sei mungano?                   [30]
   3.    Ipa basa rasarungano mungano dzepasichigare.                                     [30]
   4.    Nyatsojekesa zvidzidzo zvawakawana mungano. Tsigira nengano shanu kana kupfuura.
         [30]
   5.    Nyatsodonongodza musiyano uripo pangano yekutaurwa nasarungano nengano
         yakjanyorwa [30]
   6.    Chimiro chaicho chengano hachinyatsoonekwa kana ngano ikaite zvekunyorwa . Unotii
         nepfungwa iyi?                                                                   [30]
   7.    Donongodza tsika dzechishona dzinobuda mungano shanu dzawakanzi uverenge         [30]
   8.    Chinangwa chikuru chengano chaiva chekufadza vana. Tsigira pfungwa iyi wakanangana
         nengano shanu kana kupfuura.
   9.    Tsanangura chimimro chengano chaicho pasichigare.                                [30]
   10.   Tsanangura zvaimiririrwa nemhuka dzinotevera mungano :
         a) Tsuro b) Kamba c) Nzou d) Bere .                                              [30]
   11.   Jekesa matingindira makuru anobuda mungano shanu kana kupfuura dzawakanzi
         uverenge. [30]
   12.   Tsanangura kuti sarungano navateereri vanobatsirana sei mukusundidzira rungano mberi.
         [30]
   13.   Nyatsojekesa kuti kuti vateereri vaiva nebasa rei mukutaurwa kwengano.           [30]
   14.   Vatambi vemhuka kana vanhu vanoonekwa sevanoshoreka ndivo vanowanzobudirira
         muzviito zvavo mungano dzepasichigare. Tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzine
         vatambio vakasiyana.                                                             [30]
   15.   Mungano tinodzidza kugarisana zvakanaka kuti tisapinda mumatambudziko. Sokuona
         kwako ndedzipi ngano dzinosimbisa pfungwa iyi? Tsigira nemienzaniso kubva mungano
         shanu. [30]
   16.   Ngano dzaiva nechinangwa chikuru chekudzidzisa vanhu mhangwa dzoupenyu. Tsigira kana
         kupikisa pfungwa iyi nengano shanu.                                              [30]
   17.   “Mukutaurwa kwengano zvose zvinhu zvinokwanisika kuitika muupenyu.’’ Tsigira kana
         kupikisa pfungwa iyi nezviitiko zvakakodzera zviri mungano dzawakanzi uverenge.
         [30]
                                                                                                 57
   18.   Uchitsigira mhinduro yako nengano shanu chete nyatsojekesa pfungwa yekuti mungano
                                                                                                 Page
         vanhu vaiwana zvirango nokuda kwemaitiro avo akaipa.                             [30]
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
   19. Vanasarungano vaikoshesa vanhu vaMwari avo avo vaikodzera kudzivirirwa nekubatsirwa
       mumatambudziko. Tsigira mhinduro yako nezviri mubhuku.                          [30]
   20. Vana sarungano vaigara vachidzidzisa unhu hwaitarisirwa kubva mwana achiri mudiki
       kubudikidza nomungano dzakasiyana-siyana. Tsigira pfungwa iyi nengano shanu
       dzawakazvisarudzira.                                                            [30]
   21. Uchishandisa ngano nhanhatu chete ratidza kuti ngano dzaiidzidzisa vanhu kushandisa
       njere dzavo kuti vabudirire muhupenyu.                                          [30]
Mubvunzo : Tsanangura basa renziyo mungano                                               (30)
      Kudzidzisa vana kuimba.
      Kufambisa mashoko pakati pevateereri nasarungano.
      Kunyevera vateereri zvichaitika mberi.
      Kuburitsa dingindira guru rengano.
      Kupa sarungano nguva yekumbozorora .
      Dzaiwedzera kunakidza kwengano.
      Kutsanangura zvakavanzika mungano kunyanya chivi chiri mungano.
      Kurerutsa mashura kana mashiripiti emungano.
      Kuti vana vasarare.
      Kupa sarungano nguva yekurangarira zvaanenge akanganwa.
      Dzinobvisa kutya muvana kana ngano yacho ichinyanya kutyisa.
      Dzairebesa ngano kana yanga yakanyanya kuva pfupi.
      Dzinoburitsa zvidzidzo zviri mungano.
      Nziyo dzaigona kuiswa pekupedzisira pengano seznira yekuratidza kuti ngano yava kupera.
MAPINDURIRWO EMIBVUNZO YENGANO.
Mubvunzo : Mukutaurwa kwengano vana sarungano vaiedza nepavanogona kumhura uipi
hwakasiyana siyana. Tsigira pfungwa iyi uchishandisa ngano shanu dzinobva mungano 4. [30]
    Mubvunzo uri pamusoro uyo unofanira kungwarira topic sentence kana kuti chirevo
     chekuparura chikamu. Unotanga kupindura chikamu chega chega seizvi :
Vana sarungano vaimhura uipi hwekuba…..ndiyo mutsara wekuparura chikamu kana kuti topic
sentence.
    Mungano imwe chete munogona muine huipi hwakawanda asi iwe buritsa hwakanyanya
     kuipa hwacho sekuti ngano inogona ine huipi hwekusekana nehwekuba saka apa iwe
     uchaburitsa huipi hwekuba ndihwo hwakakura kudarika hwekusekana.
    Shandisa ngano imwe chete patsigiro.
    Buritsa panobudira huipi hwacho uchiisa mazita evatambi zvavakaita zvacho uye charango
     chavakapiwa.
    Pfupiso yengano nyora zvikuru zvakaitika mungano chete.
MARK ALLOCATION :
PLEASE CHERECHEDZAI KUTI MARK ALLOCATION IRI PAZASI INOCHINJA CHINJA ZVICHIENDERANA
NEMUBVUNZO WABVUNZWA UYE ZVAWIRIRANWA NEVAKWENYI VEBVUNZO GORE IRORO. ASI
                                                                                                 58
INOKUBATSIRA KUTI UVE NEMUONO WEZVINODIWA.
                                                                                                 Page
   a) Topic sentence …………………………………………………...…..1 mark
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
   b) Musoro wengano sezvauri……………………………………..1 mark
   c) Pfupiso yengano………………………………………………….….2 marks
   d) Kubatanidza topic sentence nepfupiso yengano …..1 mark
MHINDURO :
Vana sarungano vaimhura uipi hwekuba. Tinozviona mungano yakanzi Tsuro naNzou. Huipi
hwekuba hunobuda Nzou paanoba manhanga avakarima vese natsuro Nzou ozofa nekudonha
mushure mekumhanya zvakanyanya achitiza Tsuro uyo aitaura ari mudumbu raNzou. Kufa kunoita
nzou kunonyatsojekesa kuti vana sarungano vaimhura zvakanyanya kuba.
Vanasarungano vaimhura uipi hwekuuraya. Tinozviona mungano yakanzi Gore renzara. Huipi
hwekuuraya hunobuda panourawa mukadzi nemurume wake nekuda kwekuti akanga apa vana
guyu raanga akwirira mumuti kuti aagozodya iye. Kufa kwemukadzi uyu kunojekesa kuti
vanasarungano vainyatsomhura kuurayana nekuti murume afa imbwa yake yakatanga kuimba
ichidura kuurawa kwemukadzi achibva aitema kuti zvipere asi hazvina kupera . Demo rakatangawo
kuimba akarirasa nehembe dzake dzikaimbawo dzamara mai vemukadzi vazviziva kutsinhira
kumhura kwanasarungano kuurayana.
Vanasarungano vaimhura uipi hweshanje. Tinozviona mungano yakanzi Mukadzi aisadya mbizi.Huipi
hweshanje hunobuda pane mukadzi wechipiri pabarika akaitira mukadzi mukuru shanje kuti
aurairwa mombe nemurume nekuti aisadya mbizi. Mukadzi mudiki akabva apungurira muto
wembizi muusavi hwemukadzi mukuru akabva amera mvere akasanduka kuita mbizi. Kusanduka
kwemukadzi mukuru achiva mhuka mbizi kunojekesa kuti vanasarungano vaimhura shanje nekuti
zvainge zvakonzereswa neshanje yemukadzi mudiki.
Vanasarungano vaimhura uipi hwekukara. Tinozviona mungano yakanzi Ambuya nebere. Huipi
hwekukara hunobuda mukadzi aifamba nevana vake paakamutsira bere achiona sambuya kuti
aripe bota. Bere riya rakabva ratevera rikadyira mukadzi uya vana vake vese. Mhedzisiro bere iri
rakazourawa nehama dzemukadzi. Kufa kwebere iri nokuda kwekukara kunojekesa kuti
vanasarungano vaimhura uipi hwekukara.
Vanasarungano vaimhura uipi hwehutsinye. Tinozviona mungano yakanzi Nherera. Huipi hunobuda
pakuti mwana aiva nherera akasiirwa mainini kuti vamuchengete asi ivo vaida kuti adyiwe
neshumba nekunyepedzera kukanganwa badza kugomba kwavaichera ivhu votuma nherera iya
kuti idzokerere yega. Nherera iyi yakazodyiwa neshumba ikafa. Kufa kwenherera iyi kunojekesa
kuti vana sarungano vaimhura uipi hwehutsinye sezvo hwakasvika pakuurayisa nherera iyi.
Mubvunzo : Nyatsoburitsa pachena kuti nziyo dzaiva nebasa rei pakuitwa kwengano.[30]
MUBVUNZO MUSIYANO URIPO PAKATI PENGANO YAKANYORWA NEISINA
 NGANO YAKANYORWA                                NGANO ISINA KUNYORWA
    1. Ine muridzi                               Haina muridzi munhu wese anoita ngano chero
                                                 yaada.
     2. Haina inzwi rasarungano                  Ine inzwi rasarungano raanokwanisa kuderedza
                                                                                                   59
                                                 kana otsanangura zvainzwisa tsitsi kana
                                                 kuchemedza, kukwidza paifarwa zvinova
                                                                                                   Page
                                                 zvaifadza vateereri.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
    3. Haikwanisi     kunzwika      nevasingagoni Inonzwikwa nemunhu wese chero asingagoni
       kuverenga.                                 kuverenga chero nzeve dzake dzichinzwa
                                                  chete.
    4.    Haichinjiki kana pane pakaresveka.      Sarungano anokwanisa kuchinja ngano
                                                  zvichienderano nechidzidzo chaari kuda kupa
                                                  kana muzera wevana vaari kuitira ngano.
    5.    Haina uvhizhu -vhizhu hwasarungano      Ine uvhizhu- vhizhu sarungano anokwanisa
                                                  kusvetuka kuratidza kumhanya kwaiita tsuro
                                                  kana kudzvova kuti           vana vanzwisise
                                                  madzvovero eshumba.
    6.    Hapana kudyidzana kwasarungano Pane kudyidzana kwasarungano nevateereri
          nevateereri.                            vanenge vachidavira          kuti dzepfunde
                                                  nekubvumira nziyo        pamwe nekubvunza
                                                  mibvunzo.
    7.    Hainakidzi.                             Inonalkidza nekuda kweunyanzvi hwasarungano
                                                  neuvhizhu vhizhu hwaanenge achiita kana
                                                  kugona kuimba kwasarungano nekutamba
                                                  kwaiita kuti ngano inakidze.
    8.    Haina nguva yekuitwa inoitwa chero Yaiitwa Manheru uye isiri nguva yekurima kuti
          nguva.                                  vanhu vawane nguva yekuenda kumunda.
    9.    Muverengi haakwanisi          kubvunza Vateereri      vaiva nemukana wekubvunza
          mibvunzo kana pane paasinganzwisisi. pavasina kunzwisisa sezvo sarungano wacho
                                                  aitova aripo.
    10.   Kana ine nziyo muverengi haakwanisi Vateereri vanotodzidziswa maimbirwo enziyo
          kunzwisisa kuti inoimbwa sei.           inenge irimo.
    11.   Haina      vateerereri   vanokurudzira Ine vateereri vanenge vari pamwe chete
          sarungano vachiwombera, vachiseka nasarungano vachimupa manyawi nesimba
          nekuita zvakasiyana siyana.             rekuramba achiita ngano.
    12.   Ngano yakanyorwa inotodhura nekuti Haitengeswi inoitwa pachena pasina muripo
          yakanyorwa mumabhuku anotengwa .        unopiwa sarungano kana ani zvake.
MUBVUNZO:
Tsanangura basa rasarungano. (30)
    Kutandadza vana
    Kuumba hunhu muvana.
    Kubatanidza vanhu sezvo ngano dzaiiitirwa vana vemunharaunda yose vachiunganidzwa
     pamba pasaranguno.
    Kuumba unyanzvi hwekurondedzera nyaya muvana.
    Kurodza njere dzevana.
    Kufadza vateereri.
    Kupindura mibvunzo yevateereri.
    Kuvaka tsika dzakanaka muvana.
    Kuraira vana.
    Kuva muchengetedzi nemupfuudzi weruzivo rwetsika namagariro evashona.
                                                                                                 60
    Kuchengetedza miko nezvierwa.
                                                                                                 Page
    Kupa ruzivo rwenharaunda nezvisikwa.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
       Kupa ruzivo rwenharaunda nezvisikwa.
       Kudzidzisa….. sarungano aidzidzisa vana zvakawanda zvinotevera
   a)   Kudzidzisa vana kuimba.
   b)   Kudzidzisa vana kugara nevamwe zvakanaka.
   c)   Kudzidzisa vana njodzi dzinowanikwa muupenyu.
   d)   Kuchengetedza vanhu vaMwari.
Mubvunzo : Tsanangura basa rasarungano mungano. (30)
Basa rasarungano mungano raiva rekunakidza vana. Tinozviona mungano yakanzi Murume aidya
Kamba. Mungano iyi mune nziyo inonzi Ndinderere ndinde-kamba….. Chainakidza vana panziyo iyi
hunyanzvi hwasarungana pakuimba uye nekudzidzisa vana kuimba sezvo vana vachifarira kuimba.
Chaizonnyanya kufadza vana mungano iyi kuwira mumvura kwavanyachide sezvo vaiva ivo vakadya
Kamba yemurume.
Rimwe basa rasarungano raiva rekuumba hunhu muvana. Tinozviona mngano yakanzi
Mubvunzo : Nyurura zvidzidzo zvikuru zviri mungano shanu dzawakanzi uverenge.
 NGANO                                           CHIDZIDZO CHIKURU
    1. Tsuro naNzou                              Kuba kwakaipa
    2. Tsuro naBveni                             Kuba kwakaipa
    3. Huku dzotsvuura                           Ruchiva rwunoparira
    4. Murume aidya kamba                        Kunyeba kunourayisa
    5. Gore renzara                              Kukara kwakaipa
    6. Mukadzi aisadya mbizi                     Shanje dzakaipa
    7. Vasikana vaituhwina                       Mhosva hairovi
    8. Tsuro naShumba                            Uchenjeri hunoponesa
    9. Mhembwe nashumba- Mapfumo                 Tsitsi dzinotsitsirira
    10.
Mubvunzo : Tsanangura basa remashiripiti mungano                                       (30)
       Kufadza vana
       Kutsinhira dingindira guru rengano
       Kuburitsa chidzidzo chikuru
       Kuti vana vanyatsobata ngano iri kutaurwa.
       Kudyara chidokwa dokwa muvateereri kuti vade kuziva maperero emashiripiti.
       Kuburitsa huipi hwaakavanzika
       Kufumura nhubu
       Kusetsa vana
       Kutsanangura zvinonetsa kutsanangura
                                                                                               61
       Kuchengetedza miko nezviera zvevashona.
       Kuchengetedza tsika dzakanaka nemagariro evashona.
                                                                                               Page
       Kuumba hunhu hwakanaka muvana.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
    Kudzidzisa vana kuterera.
MUBVUNZO : Chinangwa chikuru chengano chaiva chekufadza vana.
Tsigira pfungwa iyi nengano dzinosvika shanu.
      Mubvunzo uyu unongoda kuti uburitse zvaifadza vana mungano. Zvaifadza vana mungano
       ndezvinotevera :
      Vatambi vemhuka vachitaura.
      Kudyidzana kwemhuka nevanhu.
      Kuimba nziyo
      Mashiripiti emungano.
      Kurangwa kwenhubu.
      Uvhizhu vhizhu hwasarungano.
      Unyanzvi hwasarungano hwekurondedzera nyaya.
      Kupiwa mukana wekurondedzera ngano dzavowo.
      Kungwara kwedzimwe mhuka dzakaita setsuro.
      Kupusa kwedzimwe mhuka dzakaita segudo.
      Kutyorwa kwemiko.
      Kuungana pamwe chete vachiitirwa ngano.
      Kubudirira kwevatambi vaitarisirwa pasi.
MUBVUNZO : Mukutaurwa kwengano zvinhu zvese zvinokwanisa kuitika.
Tsigira pfungwa iyi nengano dzawakanzi uverenge.                                       (30)
Mubvunzo uyu unongoda kuti mudzidzi aburitse zvinhu zvisingatendeseki zvinowanikwa mungano.
Zvisingatendeseki zvinowanikwa mungano ndezvinotevera :
    Mhuka dzinotaura
    Kudyidzana kwevanhu nemhuka.
    Kuroorerana kwemhuka nevanhu.
    Kuwadzana kwemhuka dzagara dzisingadyidzani setsuro neshumba.
    Kusanduka kwevatambi vachiita mhuka
    Mhuka dzichiita Mabasa evanhu kuchera tsime.
    Kufunga kwakadzama/ Njere dzakawedzeredzwa dzemhuka kwemhuka               zvisingaitiki
     muupenyu chaihwo.
    Kunzwirwa tsitsi kwevanhu nemhuka.
                                                                                                62
                                                                                                Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
SPECIMEN 1
LITERATURE IN SHONA                                           6007/2
PAPER 2 : Drama, Prose and PoetrY
                 CHIKAMU A : MITAMBO
A.C Moyo : Kuridza Ngoma Nedemo
1a) Ndeapi maitiro evatambi anozadzisa musoro webhuku Kuridza Ngoma Nedemo?               (30)
                      kana
b) Jekesa matambudziko anosangana nevanhu vatema munguva yehondo yerusununguko
sekuburitswa kwaari kuitwa mumutambo Kuridza Ngoma Nedemo.                 (30)
Mashayamombe B, C : Akanhonga Vhunze Nemuromo
2a) Donongodza zvidzidzo zvawakawana zvakanangana nevatambikadzi mumutambo uyu.           (30)
                  kana
b)Munyori akaburitsa sei vatambikadzi? Tsigira nezvinoitwa nevatambikadzi mumjutambo uyu. (30)
W. L Chigidi Imwe Chanzi Ichabvepi?
3a)
b)
                    CHIKAMU B : NGANONYORWA
Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
F. Wandai Joti Neketani
4a)
b)
G.H Musengezi : Zvairwadza Vasara
5a) Nyatsotsanangura zviitiko zvaiisiririsa   zvaiitika munguva yehondo zvinoburitswa mubhuku
Zvairwadza Vasara.                                                                       (30)
                             kana
                                                                                                 63
b) Tsanangura zvidzidzo zvawakawana maererano nehondo zvinoburitswa mubhuku Zvairwadza
                                                                                                 Page
Vasara.                                                                            (30)
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
C. M Matsikiti : Akaipfirira Nemukati
6a) Ndeapi matambudziko anosangana nevatambikadzi mubhuku Akaipfirira Nemukati.          (30)
                   kana
b)Donongodza hunhu hunosvoreka hunoitwa nevanhurume huri kutsoropodzwa nemunyori mubhuku
Akaipfirira Nemukati.                                                                (30)
               CHIKAMU C : NHETEMBO
Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
J. Hasbrook (Ed) Nduri Dzenhango DzemuZimbabwe.
7a) Nyatsotsanangura basa renhango dzemhiramidzimu sekuburitswa kwadzinoitwa mubhuku. Tsigira
nenhetembo nhanhatu.                                                                     (40)
                  kana
b) Zazanura maumbirwo enhetembo dzekusuma doro. Tsigira nenhetembo shanu kana kupfuura. (40)
SPECIMEN 2
LITERATURE IN SHONA                                                 6007/2
PAPER 2 : Drama, Prose and Poetry
                CHIKAMU A : MITAMBO
A.C Moyo : Kuridza Ngoma Nedemo
1a) Dzumbunura kugona kushandisa mazitadunhurirwa kwakaitwa nemunyori pavatambi vanoti :
a)Vote
b)Tinazvo
c)Shinga
d) Hondo                                                                                 (30)
                       kana
b) Ndedzipi nzira dzakashandiswa nemunyori kunyora mutambo Kuridza Ngoma Nedemo.         (30)
                                                                                                64
                                                                                                Page
Mashayamombe B, C : Akanhonga Vhunze Nemuromo
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
2a) ‘’Cindy akazviputsira ega imba yake.” Tsigira kana kupikisa pfungwa iyi nezvinoitika mumutambo
uyu. (30)
                          kana
b) Tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosundira rungano mberi :
i)Ruvengo
ii)Tsitsi
iii) Kumbie.                      (30)
W. L Chigidi Imwe Chanzi Ichabvepi?
3a)
b)
                CHIKAMU B : NGANONYORWA
Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
F. Wandai Joti Neketani
4a)
b)
G.H Musengezi : Zvairwadza Vasara
5a) Nyatsodonongodza zvairwadza vasara mubhuku Zvairwadza vasara.                             (30)
                      kana
b) Uchitsigira nenzvimbo dzakasiyana siayana tsanangura kutekeshera kwanga kwaita hondo
yerusununguko muZimbabwe.                                                          (30)
C. M Matsikiti : Akaipfirira Nemukati
6a) Nyatsotambanudza matingindira makuru awakana mubhuku Akaipfirira Nemukati.                (30)
                   kana
b) Munyori akaburitsa vatambikadzi sei mubhuku rake?                                          (30)
               CHIKAMU C : NHETEMBO
Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
J. Hasbrook (Ed) Nduri Dzenhango DzemuZimbabwe.
7a) Penengura rairo dziri kupiwa kuvanakomana muchikamu chenhango dzekuraya mubhuku
rawakanzi uverenge.                                                             (40)
                                                                                                     65
                                  kana
                                                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
b) Ndedzipi nyunyuto dziri kuburitswa navananyanduri muchikamu chenhango dzeHurukuro
nemamuko.                                                                        (40)
SPECIMEN 3
LITERATURE IN SHONA                                   6007/2
PAPER 2 : Drama, Prose and Poetry
                CHIKAMU A : MITAMBO
A.C Moyo : Kuridza Ngoma Nedemo
1a) Nyurura matambudziko aisanganikwa nawo nevanhu vatema hondo yerusununguko ichangopera.
(30)
                             kana
b)Kuridza ngoma nedemo mutambo unosuwisa chose. Tsigira pfungwa iyi nezviitiko zviri mumutambo
uyu. (30)
Mashayamombe B, C : Akanhonga Vhunze Nemuromo
2a)Musoro webhuku unozadzikiswa zvakadii nezviito zvevatambi mumutambo uyu?               (30)
                             kana
b)Nyurura matambudziko anosanganikwa nawo nevanhu vakaroorana mumutambo Akanhonga
Vhunze Nemuromo.                                                              (30)
W. L Chigidi Imwe Chanzi Ichabvepi?
3a)
b)
                   CHIKAMU B : NGANONYORWA
Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
4a)
b)
G.H Musengezi : Zvairwadza Vasara
5a)Ongorora nzira dzakasiyana siyana dzaishandiswa kukurudzirana muhondo dziri murungano urwu.
(30)
                                                                                                 66
                      kana
                                                                                                 Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
b)’’Hurumende yevachena yaiva nehutsinye hwakakomba. Tsigira pfungwa iyi nezvinoitika
murungano urwu.                                                                  (30)
C. M Matsikiti : Akaipfirira Nemukati
6a) Zazanura zvikonzero zvekutengeswa kwevana muZimbabwe uye matanho angatorwa kuedza
kupedza dambudziko racho.                                                         (30)
                      kana
b) Nyurura tsika nemagariro echishona ari kuburitswa mubhuku Akaipfirira Nemukati.      (30)
           CHIKAMU C : NHETEMBO
Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
J. Hasbrook (Ed) Nduri Dzenhango DzemuZimbabwe.
7a)    Uchitsigira   nenhetembo shanu nyatsotsanangura tsika nemagariro zvepasichigare
zvinoburitswa          mune         dzimwe        nduri        dzirimubhuku         iri.
(40)
                           kana
b) Jekesa zvinangwa zvevashona zvekupira midzimu zviri munhetembo dzinotevera : Sarudza shanu
chete.
i) Zviyo zvenyu zvaibva,
ii)Nyati dzenyu sekuru,
iii)Hoyo muzukuru wenyu,
iv)Mutitarisire vakuru,
v)Mutisundidzire mberi,
vi)Chitipaiwo udekare                     (40)
              PAPER I SPECIMEN PAPERS
SPECIMEN 1
LITERATURE IN SHONA                6007/1
PAPER 1 : Ongororo                neYemuro,      neRuzivo       rweVaShona rweNhaka
yeMusiyidzanwa.
Maawa matatu
                                                                                                67
                                                                                                Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
CHIKAMU A : ONGORORO NEYEMURO
Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.
1.Ita ongororo neyemuro yedetembo iri uchiburitsa nhunha dzanyanduri.
(35)
Vananhingi tinokuzivai,
Munofunga takanga tisingakuonei,
Asi takakuonai tikakuzivai.
Ndimi vanaMafikizolo.
Ndimi vanaTaiveyo.
Tochikuudzai nokuti tinokuzivai.
Nhasi ndimi mava kudya muchirasa.
Ndimi mava kuti matumbu sarara,
Imi vanaChakweshapasi tinokuzivai.
Matova nemhanza dzokufunga madyirwo emari.
Nhasi motambira mari nenguwani,
Nokuti pasi pava deveteve, patonhorera.
Kwaziwai imi vanaGwara,
Mava kutaura ngano dzokuuraya shumba dzamusina kuona.
Ngano dzokutumbura minzwa isina kukubayai,
Kushungurudzwa nokurasikirwa kwamusingazivi,
Muchitaura zvokubuda nepaburi retsono,
Nyambisirwa isu tinokuzivai,
Kuti mava kukanga nyama yakaresva kusasikwa.
Ko zviya Zimbabwe zvayakatanga Chimurenga,
Ichisimudza mureza webhazuka,
Hamusimi maihwanda manzwa maungira?
Ko, mabara ezvigwagwa ainanga pana ani?
Zvino nhasi mazoona mhuka yafa,
Ndipo pamava kutandira vamwe kure,
Modya nyama muchikangamwa kupukuta miromo.
Heyo yachiti tikitiki nemanda.
Idyai zvenyu asi tinokuzivai.
Nhasi mava vana Tionekwe, sadza rezviyo nembudzi,
Asi vakashanda basa vanokuonai.
Ndimi shasha dzokuhwanda mumapako,
Vamwe vainge vati mhiri kwemakungwa tonono,
Pamakanzwa hwamanda yokukunda yorira,
Apo takanga tichisvina maronda,
Ndopatakakuonai moti norutivi severere,
Motitaridza zvitupa zvamakawana mukufunda.
Ndimi hama dzedu tinokuziovai.
                                                                        68
Nhasi mava kuzvidaidza kuti magamba.
Patinosvimha misodzi kuchema hama dzedu
                                                                        Page
Imi munenge muchisvimha misodzi yegarwe,
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Muchitipa kurwa kwokutaura vagere zvavo,
Sezvamaiita muchisakidzira vamwe,
Kuti vapinde munhandare yairira pfuti.
Nhasi kwatonherera mopinda momene,
Isu tonyarara zvedu asi tinokuzivai.
2.Nyora ongororo yendima inotevera uchinyatsotarisa maburitsirwo
anoitwa dingindira renyaya iyi.                                                              (35)
"Ichokwadi chaicho chawakataura svondo rapera museri. Mwana wedu Matigimu haana kufa
nerwaMwari.Hope dzatiri kurota tose hadzisi kundifadza.Ava mazuva matatu akadungamidzana
ndichingodzirota."
         "Aika, Saizi,unoti iwe n'anga ina dzose dzakatiyambira dzakanga dzafemerwa kuti dzireve
         zvimwe chete here? Dai dzakanga dziri mudunhu muno taiti pamwe kungofungawo."
         VaSaizi vakamboramba vakati zii vachiita sevari kuona chimwe chinhu kuzoti pava paya
         a."Nyadenga ane nzira dzake."
                   "Iye mwana wako achinyanyawo ,Saizi.Anoti isu taimuyambira kuti aroorwe
         nevematongo taiva marema here? Imhepo rudzii dzakamupumha kuti asaroore muno
         maMutoko,kupupurika Bhuruwayo uko?Muno mubhuku maiva nemhandara gumi
         nefararira."
                    "Kwazvo! Handiti vana vokwaKatiyo vakatamba umhandara munguva yaiye
         Matigimu?Asi Iye vharwei meso nezvakamuvharawo."
                    "Aitika anoda kuwana mukadzi akamedza mabvuku."
                     "Hezvo akamuwana MaDhuve akamedza mabhuku nevazukuru
         vawo,akazomuona semunhu here?Kufunda chii pamberi pevadzimu? Muno mumusha
         tinavo wani zvidza zvakafunda musiyano wazvo nesu handimuoni kwete.Vana Amos ndivo
         vese vatinoswera tichipesana navo mundari. Ini chaiye nomuromo wangu uyu
         ndakamwidzana hwahwa naPitirosi uyu wokwaChimutashu akapedza mabhuku ese
         neemhiri kwemakungwa ose asi chaakabva chii?"
                    VaMurungweni vakataura vachigumha fodya yavo mukakasha kavo
         kekuveza.Vakahotsira mushure mekunge vafemba kaviri.Vakabva vaenderera mberi shavi
         ravo rakanga rabuda.
                    "Handiti zviya zvaauya ari ega akati rimwe zuva MaDhuve akamurongera vanhu
         kuti vamurove?Muvakidzani wavo ndiye akazonyatsondijekesera pamusoro pemagariro
         avo.Kwayi rimwe zuva iye Matigimu atorega basa,MaDhuve akamukandira hembe
         achimuti abve."
                    "Hongu handirambe izvozvo zvaunoreva .Ko,chii chakaita kuti MaDhuve
         arambe nhaka?Aizviziva hake zvaanga aita .Iko zvino ndiyani ari kuriritira mhuri yakasiiwa
         nemushakabvu?"
                     Shungu dzakanga dzabata vaMuringweni.Shungu dzokubereka,dzinonetsa
         amai vose vakamboita budzi pasi pano.Misodzi yakanga yongoerera pamatama akanga
         anyura nokuputana kunokonzerwa nokukwegura. Vanozoburitsa dzimwe shungu
         nokutuka munhu asipo,"MaDhuve !Ziroyi rinoroya masikati machena! Kundibaya
         panyama nhete kudaro?Richafa rakanyenama sembwa."
                     "Zvatiri kuita izvi ,amai bhoi hazvina chimuko.Isu dai tashinga chete tatsvaga
         mari tiende Bhuruwayo kunotora zvinhu zvemwana wedu. Zvinhu zvemwana
         hazvingaparare isu vabereki vake tiripo.Tikarega kumutsa misoro isu Ava vanin'ina vangu
         vanongonyararawo."
                                                                                                      69
                      "Unotamba ,Saizi. Mukadzi uyu chikerema.Zvekare zvinhu izvozvo zvakasiiwa
         ndezvengozi.Achazvirwira ega muridzi.Kana achizvida achazvitora ega."
                                                                                                      Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
                        "Ipapo mataura chaizvo.Vadzimu vari kuuzuru ndivo vacharwira mwana
            .VanaTsiga,zitateguru redu,navanaPasvata vaonewo mwana nokumutungamirira ."
            Izvozvo vakanga vorova nhondo vachiita kunge vari kudeketerera.
                         Machongwe okutanga akarira vaviri vagere .Moto wakanga wanguri
            wadzima.Hapana akanga achine hanya nazvo.Kufa komwana wavo mumwe chete
            kwakanga kovarwadza.
                        Sezvo imba iyi yakanga iri imba yavo chete vasina imwe,vakazongoti fovovo
            imomo vakazvipombera nemagudza avo.Shungu nehope zvikasangana hope ndidzo
            dzinowanzokunda.
            (Kubva muna Masimba Zvinyorwa Zvamadzimaj eZimbabwe naE.Jackson)
3.Nyora mhenenguro inoyanika pachena makakatanwa ari muchitambo
chinotevera                                                                                 [35]
Badza:            Kwauyei zvekare nhayi mwanangu Sekai? Ndiyaniko ari kuda kutivhiringidza hope
                  dzedu usiku hwakadai?
Hazvinei:         Inga mwana akataura wani kuti tete Marinda vanouyavo pano nhasi. Uri kuda
                  kuti ataure achichema here?
Badza:            (nehasha) Tete vepi?
Hazvinei:         Kune vamwe tete vepi kunze kwaMarinda? Chiendai panze munotaurirana vana
                  vanyamunhu.
Badza:            Sekai!
Sekai:            Baba.
Badza:            Wati ndianiko ari panze ipapo?
Sekai:            Tete vanguri vauya karesa baba. (Hazvinei ava kurova chikuwa ari mumba)
Badza:            Vavhunze kuti vari kuda chii? Varasika nzira here kana kuti pane chimwe
                  chavari kutsvaga pano! (Sekai anoramba akanyarara akangodzvokora Marinda)
Marinda:          I-i hama dzangu ndauya kuzokuzivisai kuti kuGweru kwandakabva uko hakuna
                  chakanaka. Mwana , uyu Nhamo ari muchipatara izvozvi. Akavhiyiwa
                  necheparutivi pedumbu. Muri kundinzwa here? Munoti dai hwanga huri
                  ugwere hwenhando, maimbondiona ndichisvika pano here ndichizokunetsai
                                                                                                    70
                  muchakarara kudai? Inga vakuru vanoti wani rufu ndimaunganidze?
                                                                                                    Page
Badza :           (kumudzimai wake) Hezvoka iwe amai vemwana wacho zviri kutaugwa izvo.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
            kwanzi mwana apera dumbu rese nekungovedzengwa-vedzengwa nemapanga
            nevarungu muchipatara. Ende pakaipira nyaya yacho iyi, mwana ari kuchekwa-
            chekwa achiri mupenyu. (Atove kuseka hake)
Hazvinei:   (kumurume) A, ndiweka hama yaMarinda, ari kutoudza iwe. Ini ndiri mutogwa
            zvekuti amai vemwana ndiye Marinda wacho. Iwe uri kufunga kuti ini ndiri chii
            chemwana uyu?
Badza:      A, ndiweka amai vake.
Hazvinei:   Ndisiye zvangu! Wangu mwana ndiSekai amire panze uyo, zvakare haasi
            kugwara kana.
Marinda:    (ari panze) Hazvinei! Hazvinei! Usade kundiomesera mwoyo zvakadaro wazvinzwa
            wazvinzwa? Rerutsa mwoyo wako ndapota zvangu.
Hazvinei:   (Ave kuseka) A ! Kekekeee, seka zvako mwana waTaisireva iwee! Hoo nhasi wava
            kuziva kuti Nhamo mwana wangu? Hoo napamusana pekuti orarama
            nehurema haachagoni kukuitira basa? Vagoni zvenyu! Wawava kuda kupa guva
            rakadaro ndiyani, rema? Ini? Ini kwete! Ndaramba kuti tana!
            chaachazondiyamura chiiko pano iye achekwa-chekwa ura hwese?
Marinda:    (Atove kuchema) Hazvinei! Hazvinei!, rerutsa mwoyo wako mwanakadzi. Hausi
            kunzwa ura kudzimba here nekugwara kwemwana? Hongu ndinoziva kuruma
            kunoita nyoka. E , hongu ndakakutadzira hangu asi ndakazviita nekusaziva,
            ndaifunga kuti ndaive ndiri kunatsa. Rakave buno risifemberi. Kana zva..
Hazvinei:   (Nehasha) Naizvozvo wakanatsa chaizvo Marinda! Mwana wangu wakamutora
            pano nenharo. E, pandakauya ikoko handiti wakati mwana ari kuchikoro?
            Chirega mwana wangu iyeye afe zvidhoma zvako zvigowanda. Haungarodzeri
            mwana wangu munondo ndakatarisa.
Marinda:    (Achingochema) Hazvinei rega kunditasvisa bere masikati machena
            akadai. Kutadza kuri muvanhu. Saka wava kuda kundipumha uroyika iwe?
            ko chandakaita….
Hazvinei:   (Nehasha) Chaizvo muroyi anoroya zuva rakacheka nyika! Kana ukaramba
            uchidzimbira mwoyo wangu kudaro chokwadi ndinokubudira panze ipapo
                                                                                            71
            ndikakukacha kacha! Waitora mwana wangu nebambi,wosvikoponda zvako
                                                                                            Page
            nhaika? Zvenyu varidzi vevhu, munogaroita madiro enyu mukaneta pamusoro
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
              paro. Ndaive ndakuudza kare kuti muno mumapurazi hamuchegwi makuva?
              ndipindure! Ko wakagoregerei kuchengeta zvawaiva waona kuti isu hatigoni
              kurera? ( Hazvinei akabva angobuda mumba achipembera, asvikomonerwa
              naMarinda.Vave kumarana marana. Vanhu vave kuungana vamwe vava kubata
              vachivarandutsira. Vamwe vabata Marinda vamwe Hazvinei. Zvino vave
              kungopopotedzana vakabatwa kudai)
Marinda:      Badza ! kana uchitarisa mukadzi wako achiita zvakadai izvi unoti uri kunatsa
              here? Ndipindure Badza! Rega kuramba wakangovhara muromo wako mhani!
              (Ava kuchemesa)
Badza:        Ndisiye zvangu.Ndizvo zvawaida. Mwoyochena yenyu yokubatira pamusoro
              iyi! (otoseka zvake) Teteka aya ndiwo aya anonzi mazvokuda mavanga enyora.
              Imi makatika Badza haagoni kuchengeta mubvandiripo, ini ndini ndinogona,
              ndorera ini mazvikokota mugwaku muchembere. (Marinda ave kuchema
              achidzivaira chivanze chose akabata musoro nemaoko ose. Badza ari
              kungoendera mberi nekutaura) Chaunochema apa chii? Chero mwana wacho
              akafa, ini handisvikiko. Izvozvi muri kutondinyaudza! Kana amai vacho vachida
              kusimukira chitunha ichocho, pachenyu endai. Ini zvangu kwete. Ha..
Hazvinei:     (kuvanhu vakamubata) Heyi ndiregedzei mhani! Ndinoda kuti Marinda aponde
              tese nemwana wangu!
Vanhu:        Pfumo haritongi mhaka!Garai pasi mumba menyu mutaurirane. Chidembo
              hachivhiyiwi paruzhinji.
              Kubva mumutambo Chengaose naA.C Moyo (1982)
CHIKAMU B : RUZIVO RWEVASHONA RWENHAKA YEMUSIYIDZANWA
            Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
Fortune G : Ngano Volume 1
4.Tsanangura tsika nemagariro evashona zvinobuda mungano shanu dzawakanzi uverenge.           (30)
                            END
                                                                                                     72
                                                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
SPECIMEN 2
LITERATURE IN SHONA              6007/1
PAPER 1 : Ongororo neYemuro,                  neRuzivo       rweVaShona rweNhaka
yeMusiyidzanwa
Maawa matatu
CHIKAMU A : ONGORORO NEYEMURO
                    Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.
1.Ita Ongororo neyemuro yedetembo iri uchiburitsa nyunyuto dzanyanduri
pamusoro pehunhu hwevanasikana vamazuva ano.                      (35)
Ndakabva Uhera ndakananga kwaGutu,
Ndichitsvaga chaiye wandingati mhandara izere.
Pandakaona chipfuva kuti tushu ndikati ndamuwana.
Mukuongorora ndakazoona kuti chakapakirwa mauswa,
Chichitarisika sembuva yerwendo rwepwere,
Kundoti tupfunu kwacho rimbindi, sechakayamwiwa nevana vasere,
Nyambiswa musikana uyu haana mwana.
Ndakambofunga kuti zviri kwaGutu chete,
Ndikati regai ndiendewo kuNjanja, nzvimbo imwe haipfumisi.
Kundoti kuNjanja wanei vose wangova mutuvi,
Vakadzi vako vazhinji havana mbereko,
Zvichibva noubate-ubate hwakavatorera umhandara.
Mwana mucheche akanhuwa umai kare kare,
Asi hapana kana mwana wake akamboonekwa panyika.
Kubva kuNjanja ndakananga kwaChihota,
Zvino dikita rakanga rava detsu tetsu nomuviri.
Ndoona kuti ndava kupedza nyika asi chouviri hapana,
KwaChihota ndakanomutanga mwana ane mukaka pamhuno.
Ipapo ndakanzwa mashura kwanzi, “ndine mukomana wangu”
Kundodziti kocho hakata dzavana mbuya,
Vakati iyi yainge iri mvana isina mbereko.
Ini petu ndadzoka kwaMakuvaza,
Ndisati ndadenha umwe zvakare ndakanzwa riri jwi-chwi-i.
Zvaingoti runobuda mukaka rwainzwa zvibereko.
Ko, vakazviwanepi vana vacheche vasina kumbobereka?
Ndiko kuchinjanisa varume sembatya kodai kugara vana.
                                                                                   73
Apa hapana chinouya, asi chinoenda ndihwo umhandara
                                                                                   Page
Asi isu hatinganyarari kana magaba ose ava kuvhinza.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
2 Nyora ongororo yendima inotevera uchinyatsotarisa maburutsirwo ari
kuitwa matingindira ari munyaya iyi.                                (35)
VaNhengure vakagamuchira vaDendera vachidedera. Vakati vamuuchira vakapinda naye muimba iya
ndokunoratidza Dendera chitunha chomwana wake. Nenguva pfupipfupi vose vakabuda mumba
muya.
Zvino vakagara dare vorondedzera nyaya yose. Dendera anzwa nyaya yose akati,’Pakutora mwana
wangu kwamakaita muchigara naye kumuita mukadzi wenyu ndisingazivi rugaba kana kuti rusambo
handikudhurisiriyi, mondipa henyu mazana matatu amadhora. Chuma kana kuti n’ombe ndinoda sere,
youmai yechipfumbamwe. Zvino pan’ombe dzandarevadza ndinoda kuti Mundipe iri mari. Pamombe
imwe neimwe ndinoda zana rimwe chete ramadhora. Saka ndiko kureketa kuti pamombe idzo ndareva
ndinoda mazana mapfumbamwe. Kwaa kuchizobatanidza nemadhora orusambo aya mazana matatu,
yose pamwe chete kwaa kuchiita mazana gumi amadhora namazana maviri. Zvino pakuuraya mwana
wangu kwamakazoita, ndinokunzwirai urombo nekuda kwejambwaro ramunochema ndiro.
Mochindipa henyu mazana matatu amadhora. Zvino yose pamwe chete yoita mazana gumi amadhora
namazana mashanu. Mari iyi ndinoida ndisati ndaviga mwana wangu. Kana ndisina kuiona pameso
angu panopo handivigi mwana wangu, ndinongodzokera kumatso kwanguko. Mazvinzwa here izvo
ndareketa?
Pakamboita kanguva pasina anotaura kana kukosora. VaNhengure vakati fe-e kufura madzihwa
achidonhera muvhu, ndokuafusira negumbo. Kupedzezvo vakatanga kuuchira,bhu bhu
bhu,’Changamire wangu, varume ndivamwe kutsva ndebvu vanodzimurana. Ndokumbira namabvi
namagokora kuti mundinzwirewo tsitsi. Manditema napanhongonya , changamire. Muchakabvu uyu
mwana wangu haana kana mari yaakandisiira. Akanga achangotangisa kusevenza. Mari yake
yaakasevenza akaipedza achivakisa imba yeke yamunoona iyoyi, imwe akatengesa mota iyo
yaakazobheuka nayo ofa. Sokuona kwenyu iniwo ndiri kutotangisa kugara pano papurazi,
ndichangotama ndichibva kwaGutu. Sezvandambokurondedzerai kuti mwana wenyu uyu akazofa
tatotangira kumuona pano iwo musi wavasvika. Isu hatizivi kana akanga ari musikana wake. Kutadza
kwevana vanongoitirana paupwere napaupenzi.
Wava kumutsa yanga irere zvayo. Wati hauzivi kana anga ari musikana wake? Iwe nedzoro rakoro
rachena waivaona vose waifunga kuti mwana wako ari kurara nehanzvadzi yake? Heya ndizvo
zvawakadzidzisa mwana wako kuti kana akanyenga musikana amutore achigara naye kuno kumusha
kwako, mukadzi asati aroorwa? Dai akanga aita zvetsika akauya kuno natete zvingadai zviine
mareketero. Zvino mwana wako akaba mwana wangu, achiita matakurebere, nemota yake, iwe
ukavagamuchira pano. Uri kufunga kuti mwana wangu ipfambi isingaroorwi? Uri kureketa kuti
mukunda wangu ane mhosva? Uri chimbwana here? Dzoro rakoro kuchena ivhudzi riri kupenga here?
Hauzivi kuti mukadzi in’anga? Ah ah ah, baba vangu Save,Wapakuru! Reketa ndinzwe!
  Bu bu bu akauchira mukuru ndokuti,’Ndavata pasi namanhede. Dzivaguru raSave. Kuhukura
kwayanga ichiita ishungu dziri mumyoyo. Yavata , yateterwa mavhu neshure nomukono mukuru wava
kuomba. Ngaisiye matambo ,zindinginda hore nhema iri mudenga. Ndakotama ,muzivikanwi.’’
Ndizvo ungadai wavamba kureketa, kwete kusimudza soro rakoro uchida kungwara satsuro. Tsuro
                                                                                                   74
kukara pedyo ngemusha kupitsa ngekugona Kurumba. Mhembwe kurara pamhene kunyinda ngerubvi.
                                                                                                   Page
Ko, iwe ungori kunyinda ngenyi? Unonyinda ngekukore, unarwo?
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Kwete, changamire wangu. Ndapota zvangu , Save ,Sambiri , Dziva guru remvura, dambiro rengwena
nengwindi! Regai kudaro kutinhira norukore, changamire. Tisiyirewo muchechetere,
muzivikanwi,macheche afarewo! Handisi kukupisana ngani nemi, denhe, mbiti yangu yiyi. Mhosva iri
pavanhu. Ndapfidza, vamatakanure , vangu , vane midzi inotorwa pasi pemvura yaSave, ndoita zvose
zvamareva,Save.’’
Ndizvo zvinoitwa izvozvo. Ko, nyajambwa angafamba paruware here?
Kwete ,Dziva hwenge hwaSave,’’ vakadaro vachingouchira.
Ndakunzwira urombo. Rusambo nechuma nechuma nokuripa rufu rwomwana wangu zvose pamwe
chete wochindipa mazana gumi amadhora chete ndakubvisira mazana mashanu. Uri kuzvinzwa here,
iwe Nhengure?’’
Ndazvinzwa changamire wangu, vakadaro VaNhengure vachiuchira vose navasekuru vavo
naMundawaro naJereramuromo. Asi VaNhengure vakaramba vachiuchira, iyo misodzi yava kuti
mokotomokoto ichidzira nendebvu dzavo. Mukuru akati fe-e kufura madzihwa ndokuafusira nevhu.
Dendera akaona mukuru oramba achiuchira akazvirereka, iyo misodzi ikati yofashuka ichidiridzira
ndebvu. Dendera akati nde-e mukuru uyu ndokuti ‘’Ndizvo zvinoitwa izvozvo,’’ Asi rambei mukuru
ongouchira anyerere zvokuti vamwe varume, hama dzavo, vakati bwaribwari misodzi. Dendera akati,
’Ndinonzi Dendera ini, mwana weDziva guru raSave , ndinokufurisai madzihwa ndinokuchemedzai.
Munondiziva here? Ndini Dendera, garan’anga risitawi ndove rinotapwa naaripa nwana. Kuti ndabva
pano ndine ndurumwa rukore munoruona pano.
Panguva iyi varume vose vakanga vava kuridza nhondo chinyararire vachibatsira VaNhengure. Kana
mwana waDendera akanzwawo urombo ouchirawo.
Ndozvinoitwa izvozvo kwete kusimudza soro rakoro semhungu. Saka zvakwana. Chirega hako
kuombera, ndazvinzwa.
VaNhengure vakarega kuombera ndokuti kurududu sehuku yawira mugate redoro.
Zvondoita ndezvizvi. Ndakunzwira urombo. Chisarudza zvaunoda, wotakura chitunha chomwana
wangu kusvika kumusha kwangu kuChipinga, ini ndokudzisira mari kusvika pamadhora mazana
manomwe. Kana kuti wondipa mazana masere amadhora ndoviga mwana wangu pano. Unoda zvipi?
Bu bu bu ,VaNhengure vakaombera ndokuti,’’Mochiviga henyu mwana wenyu pano, ndokutsvakirai
mari yamareva mazana masere amadhora. Ndinotenda, Save , ndinotenda murambatsvina, dzino
moronga jenya nehokota! Zvaonekwa, Wapakuru, mupanenhodzo, chireranherera          mvura
yavarombo! Maita Save, rwizi rukuru!’’ Vakadro VaNhengure vachiuchira.
Hingati une tsika wani. Dai wakadzidzisa mwana wako tsika aizokuparira          ngava rakadai?
Chinditsvakira zvako mazana manomwe chete amadhora.’’
                    ( I.Zvarevashe – Museve Wade Nyama)
                                                                                                   75
3. Ongorora ndima iyi           uchitarisa      maburitsirwo emakakatanwa pakati
pevatambi.(35)
                                                                                                   Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Dzingesu anopopotedzana nomurume pamusana porunyerekupe rwaakanzwa kuti Muzvondiwa
anoda kuroora mumwe mukadzi. Murume ari kukuya fodya mukachaenga pedyo nomoto.
Dzingesu:     (Akabata mugoti) Hazviripo vanhurume havana mugoni. Vanenge zvimbwanana
              zvokuti kunyangorova zvinodzokera. Vanhu vepi? Ndokungoti kuona mukadzi
              anoti
              mve-e,
              meso tangara.
              Munhu anenge aziva kwaanobva here?
              Ngazvichidaro ari musikana,
              Mvana zvayo yabooka shaya,
              Sesu vanamai vaTendai kudai.
              Chaakarambirwa nomurume munochiziva?
              Hezvo ndimi munoti takachenjera.
              (Oturika mugoti ndokumbogwedebudza midziyo yake.)
Muzvondiwa:   (nezwi riri pasi.) Hi-ihi, zvakuri kusarohwa kunokudaro.
Dzingesu:     Munoti vakuru vakataura tsumo inoti:
              Mukadzi akarambwa inhema yomutsirwa,
              Vakanga vasati vaona here?
              Ndinoda kumboona anouya pano pandiri ini,
              Mwana waMukana’nana, Muerashava una
              mare.
              (Achinongedzera kumurume nomutsvairo.)
              Unomutora kana ndichinge ndapinda muguva.
              (Achitsvairira marara kumurume nebwoni.)
              Nomwana wangu Tendai!
Muzvondiwa:   (Akamutarisa neziso java.) Inga zvine shavi!
              Kuzenge unotsvairira fodya yangu marara,
              Ndiyo yaita sei? Unopenga kani?
                                                                                        76
Dzingesu      Baba iwe! Heya fodya ndiyo yazonakazve?
                                                                                        Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
              Kuti mugondosvutidzana nemvana dzenyu nhai?
              Kupana zvabva kudzimba dzavamwe?
              Isiri iyo fodya inokudzimaidzai,
              Ichikupofomadzai kusara maita samadora?
              Kuti varume munonyatsoona iyemi?
              (Achibvorongodza moto zvimwe zvimvari zvamazimbe zvichienda kuna
              Muzondiwa.)
              Bvisai gumbo apa! (Achitekunya gumbo romurume kuti ashatirwe chete.)
Muzvondiwa:   (Achimunongedzera nomunwe wepakati, worudyi, worudyi, munongedzo, chaiwo
              wakambandika fodya.) Iwe Dzingesu…iwe!
              (Achibwaira nokukurumidza) Asi wambomwa iwe!....iwe!
Dzingesu:     Baba iwe ! Baba vaTendai!
              Regondidzingairira wanzwa!
              Unoda kudzivirira nyaya yemvana yako nhai?
              Unoti asingazvizivi mumusha muno ndiani?
              Ivo mai vako vanokupesvedzera mabasa iwayo,
              Tichavanzwa zvavanodaro kumwekudzika.
              (Achirovera mutsvairo papfihwa)
              Izvo ndozvisingaitwi! VaHera vakapera!
              Kuda kuparika ani? Hezvino ndiri pano.
Muzvondiwa:   Tsvwu-tsvwu-tsvwu! Madzingesu wakamborohwa here? Iwe!
              Iwe! Unoziva kuti….
Dzingesu:     Kuti kudii?
              Kuti wakapiwa mupfuhwira nechimvana chakozve kani?
              Chiroyi, chiroyi chinonzi hachipi anoswera.
              Ndiani asingamuzivi muno? (Ogwedebudzazve midziyo yaanga
              amborongedza.)
              Nyarawo baba vaTendai. Chokwadi ndinyarewo wena.
Muzvondiwa:   Zvairi shanje chete.
              Kana ndikaroora ndiwe unondipa mombe here?
                                                                                         77
              Dzangu zvangu? (Achitarisa rutivi).
                                                                                         Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Dzingesu      Ihiwee! Une mombe iyewe?
              Mombe dzese dziri mudanga umu,
              Handiti ndedza maoko angu aya
              (Achitambanudza maoko)
              Ndakawana une chii pano?
              Dzako handiti ndidzo dzawakadai kuti,
              Bha-bha-bha
              Uchiripa mhosva yomukoma wako
              Akaponda mukadzi waTarutira gore riya?
              Handiyo ngozi yacho inodai kukunekusirai namasango?
Muzvondiwa:   Iwe Dzingesu! Woda kurohwa zvino.
              Hauchazivi kurohwa, wanzwa?
              Zvawakabva kwaMukananána wakauya nemombe?
              Munda wawairima nzungu iwoyo ndowaani?
              Wakatakura ivhu kubva kumusha?
Dzingesu:     Baba’ngu Mukananána!
              Zvaari mashura angu,
              Kudyirwa munda nembwa,
              Sendakarima nyama.
              Unorevesa here Muzvondiwa?
Muzvondiwa:   Huvetyama!
              Inga unotodinginda seinda iri mubvudzi rechembere.
Dzingesu:     Kwe-kwe-e-e! Vanonzwa kuseka vanoti rugare rwei?
              (Achisunga kumeso) Baba vaTendai!
              Regera zvokundibata somukombe wamasese.
              Handiti mombe dzose dzirimo, vana vaChitekete,
              Yandakatenga nenzungu paMbizvo apo?
              Kune ane mombe inoti muu mudanga umu?
                                                                     78
              Ndinoda kumboona iye ane gona rinomema nzungu,
                                                                     Page
              Angadzitinha dzichienda Bikita ikoko.
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
               Nomwana wangu Tendai! (Achibata- bata migoti).
Muzvondiwa:    Bva, tozoona kana ukaenda nadzo kumusha kwako.
Dzingesu:      Musazvifunga! Ndedzomwana wangu Tendai.
               Ko , handina kubereka here?
               Kana vari mai vako vanokurunzira, vachapfidza.
               Rumbuya rwepi rune gunyengu?
               Runodada namazisadza arunobikirwa nomwana wangu Tendai.
               Ndokungoti pano tikwezverere, pano kwebu,
               Makumbo anenge migoti yechikokiyana.
               (orongedzazve).
Kubva muna Sungai Mbabvu naMordekai A. Hamutyinei 1973 Mambo Press.)
CHIKAMU B : RUZIVO RWEVASHONA RWENHAKA YEMUSIYIDZANWA
                   Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
Fortune G: Ngano Volume 1
4. Tsanangura basa rasarungano pasichigare uchitsigira nengano dzawakanzi uverenge. (30)
                                      END.
SPECIMEN 3
LITERATURE IN SHONA                6007/1
PAPER 1 : Ongororo neYemuro,                    neRuzivo         rweVaShona rweNhaka
yeMusiyidzanwa
Maawa matatu
CHIKAMU A : ONGORORO NEYEMURO
Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.
1.Ita ongororo neyemuro yedetembo iri uchiburitsa nyunyuto dzanyanduri
pamusoro pevatungamiriri.                                                                  (35)
                                                                                                  79
Wako muromo
                                                                                                  Page
Kapako kokuhwanda nako
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
Iwe unongoroposha
wako uchazarirwa nerwizi
wongoita senzvidya iri pamhunga
Zvaunongohukura sabhokizve
Yepu! Yepu! Yepu
pamuromo chete
chiitawe-e chiitawe-e, ndiye hwa-a
Zvaunotaura iwe unozviita?
Unotaura manatsamukanwa kuruzhinji
ruzhinji runopururudza, runoombera ruchipembera
Asi pakuita woita zvinogutsa iwe woga.
Unoti tisaita dura pamukova
pamusha pako iwe uchivaka
pedzezvo wozoti tiri simbe
uchiti tisaita danga pamukova
hunzi upfumi hwemombe haufambirani nezvanhasi
asi pamusha pako iwe uchirisa mombe.
Waunoita fuza ndiani?
Hunzi nyama yakati ikati musadya
hwahwa hwakati hwakati musabata
chakati chikati musaita
asi iwe zvose uchiita.
Wakamira papi chaizvo?
Nhasi wonditi ndidye cheziya
asi iwe uchiba
uchinota nokubira ruzhinji
uchinokora zveruzhinji uchidya woga.
Zvoruoko dai wachirega nhaiwe!
Unokanganwa kwawakabva sei?
Wakasvikeyo kwauri wega?
Ropa rigodeukira zvakozvo?
Magamba akafira izvozvo here?
Nhasi wozvifumisa iwe pachako?
zvino ugosiyana papi nevapambipfumi?
Icho chiokomuhomwe ndipo pamusha
Tsvete dzose ndipo padzizere
Woita zvinhu paukama
‘’Zvawauya mwana wekumusha zvanaka’’
Ko vasina vokumusha vobatana nei?
Ruzhinji rwakakuona kare kare
runoongorora neziso dzvuku
Taurisa zvako
Mwaya mashoko tigokuti Zimwaya
                                                                     80
                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
2 Nyora ongororo yendima inotevera uchinyatsotarisa maburitsirwo
anoitwa nyaya irimo.                                                                    (35)
Mambo vakageza ndokudya zvavo.Pavakangotanga kudya sadza ,vahosi vakabva vasvingudzira
VaMunhamo vachiti,``Munhamo kana wapedza zvauri kuita wotokonora nzungu dzedovi.Ini
ndichambonotora ivhu riya rehari randakachera marimwezuro.``
Dai mambo aive mukomana aidai akasvetuka nokufara.
Kuenda kwakaita vadzimai ava kuvhu,kwakabva kwawirirana nezvaive kumwoyo make.Tose
tinoziva kuti gudo rikasara riri munzungu rinotoshaya kuti rokupei pamusana pokufara,
ndozvakafananawo namambo,zvaakasiyiwa ana VaMunhamo,vahosi voenda kuvhu,akashaya kuti
ovapei.
Nzara yakanga yamunzwisa.Kwechinguva haana kutaura akaramba achiita masuvanzombe aiti
akati musuva mba,outi svinyange-svinyange mumukanwa kabi usina kutsengwa.VaMunhamo
vakaramba vangoti kanha pamusana pomumedzerwo waiitwa sadza nachangamire.Mwoyo wavo
wakati seka, asi ndokubva vazvibata.
Kuzoti zvino munhu anzwa parere mwoyo, akazamura achiti,``Mazviita zvenyu amai vomwoyo
wangu imi,ndanga ndisisagoni nenzara.Chiuyai muchitora ndiro dzenyu.``
VaMunhamo hapana zvavakataura vakauya ndokutora ndiro dzavo ndokubva vaenda zvavo
kunomenya nzungu dzakanga dzarehwa.
Mambo akabva atevera,ndokusvikobvunza achiti: ‘’Mukati manga muchida kuti ndidye sadza renyu
iyemi?``
``Ndosada nei, mhukahuru?Ndatenge ndavarairwa.``
``Kwave namazuva anenge akati kubvira kuuya kwawakaita pano pamusha pangu,asi handisati
ndambokurukura newe somunhu wanga usati waziva panzvimbo.Ndinoona musha uno uri
kukufadza chaizvo kupinda musango mawakanga uri.Ichokwadi une rufaro rukuru asi hausati
wanyatsogutswa.Pauchava mukaranga wangu ndopauchaonerera.Vahosi vakandiudza zvounhu
hwako.Ukava mukaranga wanguka wagarika.Ndiwe unondichengeta.Chose chandinacho chinova
chako.Vakadzi vangu vose kusiya kwavahosi vanozoisa maoko kwauri.Unoti pakadii apa?
``Hapana zvizhinji zvandingareve ,ini somunhu anga ave chirikadzi ndanga ndoti ndofa ndakadaro
ndisina kuwanikwazve.Zvokubikira mumwe murume zvanga zvisiri mupfungwa mangu.``
Mambo haana kumbenge achitarisira mhinduro yakadai.Akakwenya-kwenya musoro
ndokuti,``Haudi kuwanikwa nhai?Ndinofunga unoziva chakakuunza kuno,nechakakonzera
kuparadzwa kwemusha wenyu nokuti murume wako afuge rake oga.Ini handidi kutemeswa musoro
nezvisina maturo.Unoziva here kuti takamboitirana nharo?``
VaMunhamo vakabva vayeuka zvese zvakaitika musi wavakaitirana nharo namambo Ndyire.Vaive
zvavo mubishi rekuchera pavakanzwa kukosora seri kwavo.
VaMunhamo vakachiti vosimudza musoro vakabva vasanganidzana meso naMambo
Ndyire.Pavakamuona vakarohwa nehana ndokuramba vangoti surududu somunhu afirwa iko
                                                                                                 81
kapadza kavaicheresa muti womwana kari muruoko.
                                                                                                 Page
``Kuzenge maomerwa zvaita sei nhai amai vomwoyo wangu?Asi hamusati mandionasu?``
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
``Kwete changamire ndanga ndisingafungi kuti mungandumire nokuno.``
``Ndosadimura nokuno nechii,handiti pane gombo ndopane mwoyo?``
Vadzimai vakaona kuti mambo akanga oda kutaura tusina kufanira.Dai vaiva mwana mudiki kana
kuti musikana vaidai vakatiza,asi somunhu akanga ave nemba vakati muromo kapako kokuhwanda
nako.``Ichokwadi kuti pane gombo ndipo pane mwoyo asi gombo kana rakabatirwa kana rava
munda womumwe,hazvikodzeri kuti pawane anouya achiti orima iye nyamuzvinagombo
aripo,zvinotoda afa kana kuti atomupa.``
``Pane munhu ane munda kana gombo zvaro zvisiri zvangu muno munyika here?Ndiani ane simba
rokundirambidza kurima pandinenge ndichida?Gombo iri ndinorima chete ndione chinouya.``
Ipapo VaMunhamo vakabva vashatirwa zvisina akamboona iyo misodzi ichiduruka
semvura.``Ndyire,wakauraya murume wangu ukapisa musha wedu pamusana pokuda
kundiwana.Wapedza varume vavanhu nokuponda pamusana pavakadzi vavo.Zvino uri kuda kuti ini
ndikubikire? Chokwadi kana uchida uraya hako. Chandichagarira chii,iwe wakandirozva
zvakadai?Tora pfumo rako undibaye.Kamunhu kepai.Aka kanotosva nesora,kane rugare runenge
rwenda inoruma vatenzi vakaitakura.Uraya!``Ipapo meso avo akasanduka akatsvuka kuti piriviri
seechapungu.Dai vaive murume musi iwoyo uyu,kwakadai kwakazvarwa mwana asina
vhudzi.Kunyangwe iye mambo akazviona asi chete somunhu aive nomwoyo mukukutu haana
kumbotirimuka zvake. Akatoramba akatoyevera kusvikira vapedza shungu dzavo.
Aona kuti vaneta kupopota,akabvunza kuti: ``Unoda chaizvo kufa iyewe nhai?``
``Ndichagarirei munhu wawakasikira moto muziso?``
``Zvakanaka zvawataura ndazvinzwa,ndichaita zvinokufadza.Asi usakanganwa kuti kana
ndokuuraya ndinokuponda pamwe chete nomwana wako.Hapana anozosara achimurera.``
Zvaakanzwa zvokuurayiwa kwemwana wake, mudzimai akavhunduka.Haana kumbenge arangarira
nezvemwana paaituka Ndyire pamusana pokunyetera,asi paakanzwa zvokufa kwomwana wake
akamira akambofunga ``Mwana wangu wourayiuwa?Kwete handina mumwe ndiyeyu chete.Dai
ndirini zvaive nani.Zvino mwana wangu!Mwana wangu mumwe chete!Asati ambodii nokudii
kwose,kuti agonzi zvake bho bho sembudzi?Aiwa ngandisva ndamubikira zvake,ndiponese mwana
wangu.Kubikira mhondi yakauraya murume wangu?Dai ndiri murume ndadai ndatiza,zvino ndiri
munhukadzi hapana chandinogona kuita.``Pamusana pepfungwa iyi,misodzi yakatanga kuerera
zvakare.
``Ko,uri kuchemei munhu ati anoda kufa?Ndotora pfumo rangu riri pano ndokubaya iwe nomwana
wako zvopera.``
``Aiwa Mhukahuru mati mungadaro here?Inga munongotizivawo wani kuti isu vanhu vavakadzi
tikanga tashatirwa hatizozivi zvokutaura,tinongobvotomoka.Sokureva kwamaita zvose
zvitsvene.Mondichengeta ndichirera mwana wangu uyu.``
KUBVA MUNA Pfumo Reropa NaP.Chakaipa
                                                                                               82
                                                                                               Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
3. Ongorora ndima iyi uchitarisa mashandisirwo anoitwa mutauro pakati
pevatambi. (35)
NYATSOVERENGA NYAYA IYI WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA.
CHITSIDZO        :Kubva pawakabuda basa uchindinyepera kuti uri parivhi handina kuzomboona kuti
uri
                 murume pakudii.Doro unongonwa zuva roga roga uchiraradza semombe.Kuda
kuzoedza
                 kukuzunza hauzombofurukuti kana,nyamba unenge wadya zvako kwaGoronga uko,
                 Ini ndichirara ndakatarisana namadziro pano mazuva ose.Handiti mukadzi wako ave
               Fatimazve,nairo       doroka       iri    risina    musi?(Anombonyarara)Wainzwa
ndichingogarotaura
                 pano apa kuti doro rinopedza mari ukafunga kuti yaive mari chete yaindishaisa hope
                 haikona? Yaisava mari yandaichemera. Ndaipopota nekuda murume aingouya akafa
                 nekudhakwa zuva roga roga.(Anofamba achiita sooenda kure naBarnabas obva
                 azotendeuka nekukurumidza)Chinzwaka ndimbokuudza zvimwe zvinhu zvaiitika
                 muupenyu hwangu zvokuti ndikarega kukuudza ini haumbozofa wakazviziva.Pane
                 mazuva andaikumirira iwe uri kubhawa.Ndainyatsogeza,ndofanoshanyarika ndirimo
                 mumagumbeze havi yokukuda ichibvira semoto wamakwande uchangobatidzwa.
                 (Anofamba zvinyoronyoro achienda kuna Barnabas)Kusvikira pakati pahwo dzamara
                 rororo kubatwa nehope,chido chiya chatobhururuka seshiri,chaenda.Zviya zvose
                 zvairongwa ndokuperera muhope imomo seziya rembwa rinoperera mumvere.
                 (Anosvikopfugama akabata mabvi aBarnabas)Ndaida kuti uite murume wangu
                 Barnabas.Asi hazvina kuitika uye handifungi kuti zvichafa zvakaitika.Moyo wangu
                 waubvarura-bvarura kuita mvemve chairo.Wasakara.(Anosimika ondomira ocheuka).
                 Unoziva Barnabas,dai wakandiudza hakozve pazvakaitika zvimwe tingadai
takaregererana
                 Waivanza zvakoka asi manwire awakanga wava kuita doro aingoratidza oga kuti pane
                 zvaikunetsa mupfungwa,dzokono doro riya rodzima rudo rwedu semukadzi
nemurume
                 mubhedhurumu umu.
                                                                                                      83
BARNABAS         :Chokwadi chawaida ndechipi?Chivindi chacho ndaichiwanepi chokuuya ndichikuudza
                                                                                                      Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
               kuti   ndaita   mhosva     nemwana       wechikoro?     Imbozviisawo   pachinhanho
changu,waizvitaura
               iwe? Unombozivei Chitsidzo,haisiri nyore kuti murume atarisane kumeso nemukadzi
               wake kana achinge abatwa nenyaya idzodzi.Ndosaka ndakangoti ndinomboedza
               kuvharidzira ,kana achinge azozvizivawo ndongozoona zvokuita.
CHITSIDZO      :Saka nhasi ndazozvizivira,zvino woitei?Chidembo chanhuhwaka ichi.
BARNABAS       :Ndinokumbira ruregerero…
CHITSIDZO      :Iwe waimbozviititirei? Chandaitadza kukuitira muno mumba chawaiitirwa nekahure
               kekwaGoronga chii?Inga ndinomboedzawo kugeza mazuva ose wani?Handiti umbwa
               hwekurudzi kwenyu?Kundizadza siki ini!
BARNABAS       :Hausiri umbwa hwekurudzi kwangu.Chete,umbwa hwavanhurume vose kwese
kwese.
               Vose vanaRodger vaya vanozviitawo.Hapana murume asingahuri.Mutsauko uripo
               Ndewokuti ini ndabatwa,ivo vachigere.
CHITSIDZO      :(Nehasha) Pfutseki! Imbwa! Uri kutondirutsira zvako.
BARNABAS       :Ndiri imbwa hongu.You can call me anything you want,asi chindiregererawozve
               tichirega kuramba tichitaura nyaya yacho.Yave kundirwadza zvinondiparadza
               nechomukati umu.
CHITSIDZO      :Unotamba zvako.Handigari nembwa inondizadza marabies ini.Makaita sei vanhu
               vekwaMadiro musinganyari?Nhasi mangwanani hama dzako dziri pano apa dzanga
               dzichindirutsira matsvina mukanwa okuda kundiparika naZvichemo ini.Iwe
               uchitozvikakanyadza uchiti kune vamwe vakadzi vari kuchemera kuroorwa newe.
               Waireva Fatimazve?Waiti handina kuziva zvawaireva?Iko zvino ndipo paunoti
pwetere
               Uchiedza kuvharidzira zvinhu zveumbwa apa.Iko zvino dai waiziva zviri mupfungwa
               dzangu waidai usingatauri tsvina yako iyoyo.
BARNABAS       :Zvakaita sei zvauri kufunga zvacho?
CHITSIDZO      :Zvakaita sei?Asi hausiri kutombozviona kuti muchato wapera?
BARNABAS       :Muchato waani?
CHITSIDZO      :Wako.Umwe ane muchato ungapera kunze kwako ndiani?
                                                                                                    84
BARNABAS       :Sei futi?
                                                                                                    Page
CHITSIDZO      :Sekupera kunongoita michato yose yembwa dzakafanana newe.Sekudzimawo
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
              kwakaita moto werudo rwangu mumba muno umu,sekuya kuoma kunongoita bazi
              remuti kana richinge ratemwa.
BARNABAS      :Chitsidzo!
CHITSIDZO     :Pwipwidzo!
BARNABAS      :Chitsidzo please give me another chance.
CHITSIDZO     :Another chance! Ministry of Education haina kukupa another chance;Village Court
haina
              Kukupa another chance,Fatima haana kukupa another chance.Asi wakanganwa kuti
              Vakakuporomisa zvidhoma?Vabereki vako havasiri kukupa another chance,vari
              kuda kuti uroore mukadzi wemukoma wako. Kuzoti iniwo zvangu,ndini ndozokupa
              another chance,ndoiwanepi?(Anosvikogara padivi paBarnabas akamubata papfudze
              otaura zvakanyorovera) Kwenguva refu wakambondipawo chance yekuti ndimere
              mapapiro erudo ndichiti ndine murume wangu,ndichinyatsokugutawo?Ini chance
              yandakakupa yakakwana.Chete hauna kugona zvako kuisevenzesa.
BARNABAS      :Ndati ndatadza shamwari Chitsidzo.Give me another chance and we start all over
again!
CHITSIDZO     :Spending the rest of my life starting all over again.Pasina progress?Handingapedzi
              Hupenyu hwangu hwose ndichingobatidza moto usingabvire.Ndozobika riini manje?
              Kana uchida zvekutangisa patsva tangisa wega, naFatima kana Zvichemo kana vose.
              Ini ndava kuziva chinhu chimwe zvino.Tikatangisa tese patsva hatifi takasvika
kumagumo
               Kunosvika    vamwe.We       will    always     start    all    over    again,pasina
progress.(Anosvikopfugama
              pamberi paBanabas akamubata ibvi otaura zvinyoro nyoro)Ndaida kumira newe
Barnabas
              kuti tirwise Zvichemo asapinda mumba muno.Tingadai takakunda Barnabas.Asi iko
zvino
              ndaona kuti barika unenge unoridawo murume wangu.Saka gara zvako nhaka
mukadzi
              wehama    yako.Ini       hapana      chandicharwira      pano      nokuti     hapana
changu.Ndichangotangawo
              upenyu hwangu patsva ndogawo.Zvokuroorwa zvinenge zvaramba shamwari.Inga
                                                                                                     85
              ndakamboedzawo wani kuita mukadzi wako akanaka.Ndainyengwa nemashefu
kubasa
                                                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
               uko asi ndichiramba nokuziva kuti ndiri mudzimai wako Barnabas.Zvino ah,(anozunza
               musoro osimuka)chawakashora chii shamwari?
BARNABAS       :Please Chitsidzo, usadaro.Rangarirawo vana vedu.Ini ndinoziva kuti ndakaputsa
               guchu rerudo rwako,asika vana vedu ava.Unovarangireiwo neshamhu
               inozovarwadza upenyu hwavo hwose?(Chitsidzo anomufuratira obva afamba
               zvishoma achienda kwake oga.Uyuwo Barnabas anongosara akabata muromo
achiona
               kuputsika kwemhuri yake.)
Kubva muna IMWE CHANZI ICHABVEPI? NaW.L Chigidi.[pg56-60]
CHIKAMU B : RUZIVO RWEVASHONA RWENHAKA YEMUSIYIDZANWA
                  Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.
Fortune G : Ngano Volume 1
4. Nyatsodonongodza basa remashiripiti mungano uchitsigira nengano dzinokodzera. (30)
                            END.
                                                                                                   86
                                                                                                   Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT
                                                                     87
                                                                     Page
MR CHIKANDE R 0775050366 SANYATI BAPTIST HIGH LANGUAGES DEPARTMENT