541.
Vagere pachavo vangonyinda
542. Vakachenjera havatsvairani mbeva
543. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri
544. Vakafa havana chavakaona
545. Vakafa vakazorora
546. Vakakavira mhepo vachacheka chamupupuri
547. Vakamboonana havashayane
548. Vana vembwa havasvinure musi mumwe chete
549. Vana vengwena havakuriri mudziva rimwe chete
550. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa
551. Vari pachavo chikurikuri
552. Vari pachavo vanokwenyana
553. Varume ndivo vamwe kutsva kwendebvu vanodzimurana
554. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa
555. Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa
556. Vayanani ndivo varwi
557. Vimba nechako chemwango chekukumbira hachina ndima
558. Wabereka sekera muchitende
559. Wadzvova aguta
560. Wafa wanaka
561. Waguta zvekupisa dura
562. Waita mbereko ada kusuka machira
563. Waita womutorwa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro
564. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure
565. Wakandicheka nerakagomara
566. Waniwa haichatyi kufamba mudova
567. Wanzi baba wada kamusha kake
568. Warara warara nemuromo wake
569. Watungamira haatori nzira
570. Wazarira bako mvura ichada kunaya
571. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva
572. Wekwemurume ndewe kwemurume
573. Wenhamo haachatyi kufamba murima
574. Wenhamo haaneti
575. Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haiorerwi
576. Yatsika dope/musheche yanwa
577. Zano marairanwa
578. Zano ndega akasiya jira mumasese.
579. Zano pangwa une rako
580. Zano vaviri
581. Ziitakamwe mimba yousikana
582. Zino irema rinosekerera varisingadi
583. Zvaivana ngwarati kudya iwete
584. Zvakona n’anga murapwa achida
585. Zipfuko rambuya ziramba watonha
586. Zingizi gonyera pamwe maruwa enyika haaperi
587. Zino irema rinosekerera newarisingadi
588. Ziriwo rechembere ziramba waravira
589. Ziso haribi chomunhu
590. Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo
591. Zongororo kugonya zvaro asi shungu rinadzo
592. Zhundu kugara mudanga zvanzi ndava mombe
593. Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namavuya
594. Zuva rimwe hariodzi nyama
595. Zuva rimwe hariradzi munda
596. Zvaitika zvaitika bhurugwa rebenzi risingazivi mberi kana shure
597. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro
598. Zvinhu zviedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto
599. Zviri kumwene wegira kufuka kana kuwarira
600. Zviroto zviroto
601. Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso
602. Zviuya hazvivanani
603. Zviuya zviri mberi
604. Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa
605. Nhambetambe inoregwa ichanaka
606. Zanondega akasiya jira mumasese
🙏🏼🙏🏼🙏🏼