Tsumo
Afamba apota
Aiva madziva ave mazambuko
Aive madziva ave mazambuko
Aive madziva ave mazambuko
Akamhina afamba hazvienzane natigere
Akanga nyimo avangarara
Akuruma nzeve ndewako
Amutsa tsuro ndeyake
Ane benzi ndeane rake kudzana unopururudza
Anyumwa bere nderake
Apunyaira haashaye misodzi
Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro
Bere zvarakatya mapapata aro mangani
Chaivirima chiri mugwenzi chakazoti chabuda uturu ndokupera
Chakabaya chikatyokera
Chakafukidza dzimba matenga
Chako ndechako kuseva unosiya muto
Chako ndechako pfuma yenhaka inozvimbira
Chako ndechawadya chasara mutoro wamambo
Chapera chii hwedza ndinhasi usiku hauriri shiri
Chapinda kamwe hachiteyewe
Chara chimwe hachitswanyi inda
Charovedzera charovedzera bere rakatiza negwazvo rembudzi
Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba
Chembere masikati usiku imvana
Chembere mukadzi hazvienzane nekurara mugota
Chidamoyo hamba yakada makwati
Chidamoyo zamu kumera pambabvu
Chikomo chiremera vari kure vari pedyo vanotamba nacho
Chinokanganwa idemo asi muti haukanganwe
Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro
Chinono chinengwe bere rakadya richifamba
Chinotaura ndechiri mumusungo chiri muriva chinoti gore rawa
Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara
Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara
Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda
Chirema ndochava nezano chinotamba chakazendama nemadziro
Chiri mumoyo chiri muninga
Chiri mumusakasaka chinozvinzwira
Chiri pamuchena chiri pamutenure
Chiripo chariuraya zizi harife nemhepo
Chisi chako masimba mashoma
Chisi chako usakungira hata
Chitaurirwa mbare dzokumusana
Chitiyo kupinda muzai huona mai
Chitsaru chomumwe chitsva chomumwe
Chitsva chiri murutsoka
Chiuya idya nehama mutorwa anokanganwa
Chkawana wehama hachisekwe
Chokwadi hachina mugoni
Cidembo hachivhiyirwe pane ruzhinji
Dai ndakaziva haitungamire
Dhimba kushaya besu handi kuti inyana
Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana rokwevewa roti mavara azara ivhu
Dzatsva nyemba kuuya dzarungwa
Dzawira mutswanda hadzichanetsi kuworera
Dzvinyu kuzambira zuva huona mwena
Farirai zvimwe parinda hapanzi vashumi
Fungira mumoyo rwendo rwembwa
Gengezha mukombe hazvienzane nokunwira mudemhe
Gona ana gna wakewo
Gore rinorima nyope mumera hausvike
Gudo guru peta muswe kuti vadiki vakutye
Gudo kuipa zvaro asi haridye chakafa choga
Hakuna nyika isina rinda
Handinyore kubata shiri huru nehundi
Hapana chisingawanisi matsi akawana nokuridza tyava
Hapana mukuyu unovinga churu
Hapana mukuyu unovinga shiri
Hauzive chakakodza nguruve
Hove ine muronga wayo
Hwiza yomutenda inogochwa yakabatwa gumbo
Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri pamabvi
Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematoo
Imire imre hapana inofurira ivete
Inzwira pamuviri tsvimbo yarova dapi
Kandiro kanoenda kunobva kamwe
Kandiro kanopfumba kunobva kamwe
Kangoma kana koririsa koda kuparuka
Kare haagare ari kare
Katsindi kuchema huona mhango
Kudada kwevari mugomo kukumbira vari pasi mapfihwa
Kufa kwehosi inosiya imwe
Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto
Kugona mbavha huirongera
Kugovera zvidembo mumwena mangwana unotakura bwe
Kukanya hurangana
Kukanya mukaka hurangana
Kukurukura hunge wapotswa
Kukwira gomo husendemara
Kura uone
Kure kwegava ndokusina mutsubvu
Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma
Kuroorera mukuwasha muchena wapinza udyi mumba
Kurova imbwa rova wakaviga mupini
Kusatenda huroyi
Kushora mbodza neinozvimbira
Kusi kwako dzikama
Kutaura kweabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza
Kutaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana
Kutsva kwendebvu varume vanodzimurana
Kuudza mwana hupedzisira
Kuvaraidza nguva kuteya nzou neriva
Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru
Kuwanda kwakanaka kwakarambwa nomuroyi
Kuwanda kwakarambwa nemuroyi
Kuyera nyoka negavi iyo iripo
Kuziva mbuya huudzwa
Kuzvionera pamhuno sefodya
Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira
Kwava kusakara kwedoo kuita serisina kumbodyiwa nyama
Machongwe maviri haarire pamutanda mumwe
Made etsvimborume kudya yakawarira
Makungurunye kutarisana kwevakarambana
Manyautsa mukanwa endonda kurota ichiyamwa
Maonera pamwe chuma chomuzukuru
Mapango makuru haavake musha
Masevera kure usavi hwenhamo
Matakadyakare haanyaradzi mwana
Matende matsvuku anovavisa doro
Matukano anobva munyaya, mharadzano dzakabva munzira
Mazvokuda mavanga enyora
Mbeva zhinji hadzina mashe
Mbira yakashaya muswe nokutumira
Mbudzi kudya mufenje hufananyina
Mhanza chronda inotevera akura
Mharadzano dzakabva munzira
Mhembwe rudzi inozvara mwana ane ruzhumwi
Misi haifanane
Mombe haizeyere payadyira
Mombe yekuronzerwa kama wakaringa nzira
Mombe yenjeni ndeye kusungira
Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye
Mugoni wepwere ndeasina
Mukadzi munaku akasaba anoroya
Mukuru mukuru hanga haigare bvunde
Mukuru mukuru hanga haigare pfunde
Muromo hauzarirwe nerwizi
Muromo ibako unozvidzivirira
Muromo itsapo inoturirwa mwene wayo
Muroyi haana mugoni
Muroyi royera kure vepedyo vagokureverera
Mushonga haubati pasina chironda
Mviromviro dzemhanza mapfeka
Mvura haitori warema
Mwana asingacheme anofira mumbereko
Mwana washe muranda kumwe
Mwoyo chena unourayisa
Natsa kwawabva kwaunoenda husiku
Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
Ndima yabatwa yasundika
Ndingaramba sei kununa ini ndakasasikwa
Ndiniwo here ndakati jedye ritemwe muswe
Ngoma inorira ichiti pangu pangu
Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi
Nhamo urimbo inonamira
Nhamo youmwe hairambirwe sadza
Nherera inoguta musi wafa mai
Nhumbu mukadzi mukuru haireve chayadya
Nyoka huru haizvirumi
Nzara haina mugoni
Nzara haitori chikukutu
Nzombe huru yakabva mukurerwa
Nzou hairemerwe nenyanga dzayo
Pabva zino panomera vende
Panomera muswe panonyeredza
Pashure penzara maguta
Pfupa jena rakabva munyama
Poshi haarwirwe
Rega zvipore akabva mukutsva
Reva bere wakarizarira
Reva bere warizarira
Reva ishe wakakwira churu
Rina manyanga hariputirwe
Rina manyanga hariputirwe mumushunje
Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana
Rooranai vematongo
Rugare tange nhamo
Rume rimwe harikombi churu
Rume risinganyepi hariwani
Rwizi harwueredzi mbwende
Samba rehove riri mumvura
Sango rinopa aneta
Seka urema wafa
Seri kweguva hakuna muteuro
Shiri ine muririro wayo hairege
Shoko harivhikwe
Shungu dzembwa dziri mumoyo kuhukura ndiko kukudza
Simba mukaka rinosinira
Tichaona kunowira tsvimbo nedohwe
Tongoona kunowira tsvimbo nedohwe
Totenda dzanwa dzaswera nebenzi
Totenda yavira tsambakodzi yedemhe
Tozotenda maruva tadya shakata
Tsapata rukukwe hazvienzane nokurara pasi
Tsitsi dzinotsitsirira
Tsuro haipone rutsva kaviri
Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa
Usachenjedza nyamukuta kuzvara uchada
Usaridza chikwee usati wabira rwizi
Usaverenga mbeva nemuswe
Usaverengere mbeva nanamudune
Usayera nyoka negavi iyo iripo
Usiku umwe hauodzi nyama
Uswa hwembizi ndehuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo
Vatsva vetsambo vanodzisungira hata
Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa
Vimba Nechako nokuti chimwango chomumwe hachina ndima
Wakweva sanzu unokweva nemarara
Yadya muunga nzou kupinda mumushunje
Yatsika dope yanwa
Zano marayiranwa
Zano mwene waro
Zano ndoga akapisa jira
Zano pangwa uine rako
Zano vaviri
Zanondega akapisa jira
Zino irema rinosekerera newarisingadi
Ziva kwaunobva kwaunoenda husiku
Zizi kuswera muhuku hunzi ndave hukuwo
Zongororo kugonya kugonya zvaro asi shungu rinadzo
Zvikomo zvinokamurirana mhute
Zvikoni zvikoni mimba haibve negosoro
Zvine manenji dede kuwa mumuti
Zviri muropa hazvibudi
Zviuya hazviwanani