CHITSAUKO CHEKUTANGA
DZORA CHIPFUVA MWANANGU
NYIMO DZEPANZIRA
Wadireiko kudya nyimo dzepanzira
Iwe une nzeve dzakatsiira
Shuvi mwanangu ndaishuvira
Kuti ukore usatuvira
Wosika chiuno seunotomba pfonda
Hauzivi here kuti izvozvo igoka ronda
Kumhanya aiwe hakusi kusvika
Kuzoti tariei wonei aikaka inga wasviba
Wadirei hako kuita madiro a jojina
Zvowosika chiuno panana Tata mina
Ndianiko akakudzidzisa kupemha negotsi
Hauzive here kuti unozoita gotsi kotsi
Iwe onaka uchiri mhandara svava
Uchine chipfuva chakasvava
Tese na tete takabveyo kumhunga
Kune tsara ude ye zviunga
Tivirira chezera rako
Usatiwa hwanda mubako
Kumhanya zvakusiriko kusvika
Tora nguva yako kusvika wasvika
Kuti uitewo chipfuva chakaremerera
Kwete kuzvitsiga mutwaro unorema
Usaite zvekutamba nematope
Usina pekushamba zvinopa bope
Nyimoyo yepanzira inopa rupundu
Myoyo ukazove neshungu nebundu
Woochema anozova mazvekuda mavanga enyora
Taidemba kwauri taiti tsimirira chekurava nekunyora
Shuvi uchaita chaiye mutsikitsirwa
Usinga mirudzi uso wadzvinyirirwa
Rega zvipore iwee akabva mukutswa
Paunonzi rega waro zvipore kuti usatsva
Wazvirerutsa kuita chirara nemanhede
Unomerera unoita uneza uri mutete
Rega Nyadenga akwenetsvera ne hurungudo
Wati samhu unenge wave nerusununguko
Terera kune ane raviro yekununura
Dududza mwanangu dududza usati wadunura
Unoziva mwanangu ndomene haichemedze
Apo paunenge waperera wadzika midzi
Wowona sewodya nyika rutivi
Asika apa pakadai ndiwe unopera divi
Sunga sunga muviri haunzi pwadangu
Chiremerera chemuviri ngachive chako mwanangu
Kana pozonzi ndakazvida haichemedzi
Apo woda zvino kuperera iyo yagadzamidzi
Shuvi wozorumwa nechawakachera
Kuzvitwarisa mutwaro usi wezera
Idzo tsingakadzi dzichine hudera
Tarira pachikoro pane nguo dzakafanana fanana
Netukomana tuchiripava fana fana
Wadii wavimba nehumhandara hutete hwauinahwo
Simba rohumhandara riri mukukura mahwo
Regera iwee kunyenama nekunyenaira
Unozobereka maoko wonhenaira
Izvo wofamba wakamisa dundundu
Ipo padundundu pachine tubundu
Isu vakuru tinoti chati homu chareva
Ukaita mutindindi mutsiira nzeve vanozoreva
Uri rusvavasikana chikakugara chinotuta
Tingabatwa nemushusha pfungwa watuta
Wonanga nenzira kwana Murambiwa
Wozosvimha uri muberere warambiwa
Woteka teka mutwaro usi wako wezera
Iyo ngoma iya yawaitamba yohudera
Tsinga nhete idzo ngadzisape ushingi
Unozoridza ngoma inopisa ichit tingi
Kupembera wakamirudza chiso
Huzvikokera mbune moto muziso
Chikakugara nekumhara cheukuru
Chinotoyaudza kana naivo vakuru
Warasirei rakajeka rekupangwa gwara
Warifuratira Shuvi wabatwa nemawara
Kuzvibudisa chimbi chimbi munhanga
Umo vezera vanorova chikwee vachidya manhanga
Kubatwaa nechahwihwi cheupenzi
Kuti mangwana unozoringirika sebenzi
Ziva chakarambisa imbwa kuseka kunyenama ichigona
Zvawaaitamba yemusika nyimo waiti unozvigona
Nhasi wotseperwa neutsi hwehuni nyoro
Yawaitamba zuro yemusvinuki wairamba unyoro
Totyira tonzwa hana dzedu kutitima
Shuvi hoyo wozvonga kufamba murima
Wadyirei mbwire mbwire usina mvura
Zvoworavira kudya kusingapinde muura
Ukabata nekutamba nechinorema
Mwanangu unotadza iwe kuzoyema
Unomerera unoita uneza norupundu
Mwoyo wako kasikana woye unoita bundu
Hii mai nhiya, zvino wosadamara
Uchine mukaka pamhinho waremara
Chawakakohwa negotsi rako chakakuparira
Wakuswero unarara uri pawa warira
Chawatwaracho yuwi handichetsinga nhete
Chichakuyaudza ukadunura kukusiya wave mutete
Hapachina chokureva padai iwe chabvondoka
Chaachisunga usu chosunda chorondomoka
Mokoto mokoto misodzi makaringesu
Toringawo divi pamairasa miswe musairingesu
Shuviro wakarumwa nechawachera
Chakusiya wachiti tuzu usisina kuchena
Tarira mutsiira nzeve wasimwa cheukuru
Chasimwa neuyo asiwo mukuru
Wona iwe tuva fana fana twoti tsiki tsiki
Tworinga pasi ah! Tichiri vadiki diki
Chawakaita zuro chozeya chavakuita zveuturu
Chawakatakura chapachena chave chikuru
Zvaiti derere ibenzi nyamudurura ibenzi
Nguva yofamba zvobuda zviya zvohupenzi
Kwaakudemba na kudemba takadiyiko kunyumwa
Nhasi zvinotodya munya
Chamera pauricho chinoda ukuru
Kubata zvine nhoroondo kuba zvevakuru
Makamedzereiko zviro zvichada kutsengwa
Kukweya nemadziro kutsvaka pasina gwenga
Nguva yekutsenga handiyo yekumedza
Usaite manyawi kusaa tsenga kuti uzomedza
Nhambe tambe woye inoda ivo vezero
Vadiki imi gonyerai pane zvenyu zvine mwero
Zvino maita hanganwa moita zvechikuru
Hamuoni imi muri zvizukuru
Zvobuda pachena zvemashaya mano
Zvamaisvova pakavanda muhudutururu musina nezano
Hachisicho chezero renyuro retufana
Chikaputika chinodana nekuringa vatana
Chinotanga hudoko, hujaya ne humhandara teere
Tora yako ndima yezero yeukuru izoteera
Vadiki chokwadi musazvipa uchenjeri fuza
Vakuru vanozodzungudza misoro votiinga maruza
Maona mubairo weunhinhi masvika pazvabvondoka
Ramangwana renyu robva zvino ratoondomoka
Zero rakoro kutakura mutundu unokupa kudedera
Asi isu natete taishamarara tichiti terera
Chiona mwanangu wasadamara
Tsingakadzi dzichine utete waremara
Haunaka kuvhunduka nezvinovhundutsa
Zvisina gwara rezero rako zvinovhundura
Wona Shuvi mutwaro wawatwara unosunda
Nguo yefanana yeudzidzi yosunga
Tsinga chokwadi hadzisati dzakaka
Sokuti pako pamhino pachine mukaka
Kusvinuka kwako kwaka kupinza munataisireva
Ini mbune wekubereka ndichigaroreva
Vatsuuri vakaedza kuti siya zvevakuru
Iwe pinginini ukati isu tinoita nepakuru
Watakura cheukuru chikakusiya waundunda
Nezeroro iri pamwe iwe wee chichakukunda
Chine mutande pamwe chokupa gotsi gotsi
Chokushwinyisa chokuparira kana nehotsi hotsi
Ini wekubereka ndounarara ndotyira dzako nhete tsinga
Ndakapanga ndikati zvimwe zvasinga
Kunanaira nayo mwedziyo kubata pfumbamwe
Woti izvidai zvaenda ne pamwe
Apa wapinimidza kuenda kuzvidzidzo
Ucha funga zviya zveyeuchidzo
Nguo iya yafanana yakaka
Kubva pasi kukwidza kumikaka
Shamwari dzochochotora dzopfipfidza
Iwe zvokufinha zvopa svoto wopfidza
Nzira yawakafamba nayo yokudhinha
Iya yawaipota nekuseri kwezvidhinha
Chokwadi haitungamiri ndakaziva
Heroka rima rezera rakubata remusaziva
Iroro rima rakakubvisa mundima
Rawai tsvanzvadzira uri mune guru rima
Nhasi vezera hamuchina nhauririrano
Vodududza voti ah hatichina mawirirano
Zvino woridza naniko chikwee
Vezera vonzvenga varamba kuti kwee
Kungoti pfacha votarisana vonyangarika
Honaka wave zinyarimwe risina kugarika
Wokungura woshungurudzika woda kudududza
Kana wanyarara hako hope hapana achagugudza
Zvawakazvipinza pazviri zvinoda wabve zera
Mutwaro wacho mwanangu haudi dera
Zviya zvekuti uende nemutwaro kuvene
Hamenoka kukano kubudirira chitsvene
Jaya rozungudza musoro roti tana
Hasha dzosimuka mukupokana woti kanha
Zviya zvisi zvezero hona zvorasa gwara
Moona mega pamakarasa kungwara
Jaya rotsika roti zvoubaba ah! Kwete
Podururwa ano makuru nematete
Vechikuru havo tande kunodana tete
Nhambe tambe hamungairega zvino matsurwa
Makazvirova maditi mukati tiri ana tsvuura
Nhasi uno zvehupenzi wonai zvoda vakuru
Zvamainyenaira muchinyinura muri pachuru
Mochiona kuti chisi chezera hachinanambirwi
Makokoromora zvepamusoro zvisingatambirwi
Unoziva mwana kuti wawakatakura mwana
Iwe uchiri pahuwana usati wakwana
Wakakusima cheukuru haachadi kukuona
Zvekuchengedzerana zviya woti tana zvandikona
Watokanganwa chiya chezuro nehope
Apa njere wadziturika imo mumatope
Wotsikamadziro kuramba chake zvaipei nhasi
Zvawaizvonga kunosangana muri pasi
Hamunasu kuziva kuti muchakohwa chinofema
Pamuchati bengenu zvinoinga chochema
Dunhu richati wonaiwo vana vane mwana
Iwo enyu haasati apfuura gumi nemana
Mozosimudza usu matama ari manyoro
Moringa kune vaye vaimutsiura muhunyoro
Hoona kuti pekutangira hamuna
Kana nepekuisa rushaya hakuna
Pamaizviita vangwaru poonekwa hupenzi
Motsikitsira moona kuti poda vatenzi
Ndima yamaave ihukutu
Makaaramba mashoko makukutu
Nhasi nzeve dzatsiira
Wakadyirei nyimo dzepanzira
Kufamba nezvezera kunobatsira
Wovata wakati twai pasina kukotsira
Zvamaida makaita hezvo zvazviroto
Zvekubata hana muri kumakoto
Zivaika vakuru vareri
Vaipanga zvisina urevi
Hauna kuvhunduka chaikuzvongera
Chiona chikuriri chaakakurongera
Waiti chinobhururuka hachimharisu?
Chakatonangewe kwete isu!
Munyengeri waikukwezva nekukutsvoda
Nhasi wave mutsikitsirwa wosvoda
Muchero wekupumbuzhika unovava
Mane machukucha mukanwa movava
Rudo rusiri rwezera rune upofu
Zvamumomotera hamuchati bufu
Vakuru voti zuva riya taiisireva
Zvino hezvi hamuchina rokureva
Taitaura wadii wabata chipfuva
Chionaka nhasi uno zvapfuva
Muviri hauitwe ganyakanya
Somuchero wepamusika wada wakanya
Waitika zvimiti munzeve pfee
Nhasi toringira toti zvedu ndee
Chinobhururuka chinomhara kana paminzwa
Dzepanzira nyimo makadya imi mainzwa
Kutamba naiwo madhaka pasina mvura
Mopunyaira mobatira mumaoko ura
Wakarambaka kudzora chipfuva
Chiona nhasi uno zvapfuva
Muramba kurairwa wave parumano
Takaita pedu kukupaka zano
Patakati mwanangu dzora chipfuva
Chako chipfuva chakatopfuva!
CHITSAUKO CHECHIPIRI
MURASA NJERE (DRUGS)
Ndini uyo ndozungaira zungaira
Ndakaarairwa zvangu ndozungaira
Neangu meso ndoona zvisionekwe
Ruzhinji rwondoona rwoita serushoma
Rushomarwo pamwe rwoita serwashama
Dzangu ndangariro dzondipa umambo
Kutondirovera rovera zvangu mbambo
Ndaukwenya zvangu mudzanga wembanje
Handikendenge kana wanyandipa hanganwa
Kungoti funge funge aiwe ini ndoramwa
Zvangu ndoukwekweta musombodhiya
Unonzwa ndoti tsviyo tsviyo yes dhiya
Ndomera zvangu mapapiro
Ndoti wadaro ngenyi usandipa mupiro
Meso woumba sahwira kunyange neasipo
Ndoto muonjeka seatoshamba zvake nesipo
Tarira zvondoita ndoita zimuseka ndega
Iro rino riri kuona zvaro rega
Pakadai apa handidi unondibata-bata
Chokwadi padai ndingaite chipata-pata
Hamuone neangu zvangu meso
Zvondiita kuti pachangu ndisimudze uso
Vakandiberekera aiwe ndakatovaramwa
Kunyange nechemukati ndakayamwa
Ndoita zvangu zvachiramwiwa
Wakaita zvake seakaramwirwa
Paakanzi kangaka izvo zviyo
Izvo pidigu aiwe zvenge tsviyo
Ndokuti zvandigara handikendenge
Usandiningira usandipfekera pendeke
Madzisahwira angu mamwe acho mana
Anowanikwa pedo kwedu uko kumana
Ukaanzwaka iwe chokwadi unopindira
Asi vekwangu vanonditsvinyira
Kungoashaiwa hana yangu yokunga
Unoona pausu ndosunga
Kana zvangu pachangu ndoda guka
Iweka ndinonyenaira sendoguka!
Ndovaziisa ndovaudza chokwadi ndovaudza
Kuti icho chiveneko chamaningira chinounza
Hukwekweta wakafenengura dzako mhino
Wofamba wakambambazhirwa chiuno
Aya makweya tsinga kuisa muhunza
Pasina kana zvacho chinotombokuudza
Kukendenga kwandiri kwati zvako tsvai
Kurara zvangu usiku hose ini ndakati twai
Munoona sendorarama zvangu mumanyepo
Mondidzvokora makashama moti ane mamhepo
Hamuoni ndotovengwa namambo
Munondikanuka ngenyi ini ndotorovera mbambo
Musandidenhe ndine uturu hwerovambira
Mukandikanya aiwe ndinomuridzisa mbira
Simba rangu zvino rawanzwa, ndaa senjanji
Zvese pese ndinoita kana kurara nemaji
Ndaane mapapiro ekunobata denga
Ndoo pomondiona ndoti ndaa dzenga
Ndomuudza pachena kudzedzereka kufara
Ndofamba uko ndakagukuchira ndichitsara
Ndoita mufamba nedivi mungandiitei manje?
Taungana naana sahwira pane bata ndibatewo
Tinenge tiripo pachedu zveduka nana Matewu
Paine hundanda hwemufadza tsinga
Tozvisima zveduka munedzeduka tashinga
Vana Pandukai vodaidzira voti ndakwana
Isu tovaudza handisati ndakwana
Meso zvawo wobvumaka woti kovo
Tovaudza tovanyovera kuti isu tirivemutovo
Muhumbengo uhwu handisi ndega
Tarisa zvenyu mumativi muzvionere mega
Zvedzidzo hezvi ndakazvikanda pasi
Handidi tana, bodo kupedza Nguve nezve mahara!
Ukandiita chindindi ndinoku mara
Pfacha nekwandiri izvo zvekubhema
Kana ndazama ndotora izvoka zvekufema
Ndave shasha ndoziva zvese nezvekubaira
Kutozvibata nepakuru kuto zvijaira
Ndoita hangu tsaraude matimati epamusika
Sarudzo yave kwandiri kubika nemugoti kana musika
Ndakadzipiwa zvangu nemusombodhiya
Mazuva aya mana ndichingoti yes dhiya!
Izwa vonditi rega chawabata chinotyisa
Havazivisu kuti aikakazve isu tisu tinopisa!
Ndovanyenamira ndoti izvozvi ndiri gamba
Kutondipikisa zvavo voti unezvigamba
Kana ndikashaya kupaka mune dzangu tsinga
Tana kuona anonditsonya wondipinga
Ndoita zvinorova ndosvova nemadziro
Ndotsvanzvadzira neangu maoko kune ose madziro
Zenze tunduma ndoshinyira kunotsvaka cheuviri
Zvisi zvangu zvaa zvangu, ndopinda nepane uriri
Havo vozhakarara hero, hezvepo, batai gororo
Ndoita chitsoka ndibereke ndiri chiororo
Ndoita wegudo handibude ndisakakakata
Ndotitidza ndichirova pasi ini gotsi papata
Ndofemerika ndozhinyura ndoti zviuya zvirimberi
Ndonoita mushambadzi anoda ngaauye mberi
Ndangoti dzvii cheuviri ndini togo kunana sahwira
Ndovaona avo pamuzinda wazvo, vamwe vachihwira
Kunditi bamama wanei zviso yavara
Ndodanidzira ndipei chimukwenya utsi ndakuvara
Ndoona aikakazve ana sahwira vapfinya, vahwira
Ndodokwaira ndorwera rute ndipe hevo sahwira
Ndakashuvira kupindawo munyika yezviroto
Munyikayo ndeyedu ine miti nezvoto
Tinoti sara, garai mune nyika ine chedikita
Isu tinokohwa kana zveBikita
Kana ndadzedzereka ndoona zvekumafuro
Mondifinyamira muchinditi iri rine makaro
Monditi geza waakunge chikara chesango
Ndomudzvokora neakati kovo ndiye ware nesango
Zvomonditi rega zvipore akabva mukutsva
Patinozviwana zverudzi urwu ah haiwa jahwi
Ibesanwa ipapo nevarwi!
Pachaungapo tiri tose nana Chenai nana Anatoria
Veduzve vekubhabhadzira pasina chinorira
Todiniwo zvedu maiwe zvatumbuka
Chakabaya chikatyokera hachisi kupumhuruka
Tikazvishaiwa tinokohwa nepanoera
Pane utare kana dzinohukura hatina zvinoera
Dzinohukura dzokakata chipfeko sare mvemve
Hukwakuka nepanobaya tisina mwenje
Chatigara chada zvacho hapana kana nechinoera
Hupunyaira kunota kurana kana nezvinomera
Tisu tinoshenaira kusvika tati dzvii
Mawaniro azvo ndiwo aye ekutomuka woti dzii
Hatitambe inoririremi bodo asi yangu mbune!
Ndave nhinhi isinga titure
Monditi ndaamashungurudza moyo
Kungondiona moti hoyo
Ndakwirira pazviri ndotonzi wadya imbwa idya iri hono
Kana ndozvikwekweta ndawe mukono
Ndichatyei kusviba ndakateya murutsva
Ndave wepamusoro pazviroto handisi mutsvaa
Kumira kana kufamba ndisinazvo ndinodedera
Vana sahwira vodana voti Mura asi waderera
Zuva budi ndakagurunga zvangu kumarara
Kubata wangu muiri wanei ah! waomarara
Kuda kupirimuka wanei tana zvaramba
Kuita kundikakata voti uyu waramba
Voakanda avo mapfumo pasi siye ndakaoma
Vapfuuri vozunza yavo misoro ah! Uyu akaoma
Mandiri kuziva nekuita apa zvarambobatana
Kudzedzereka kundowaira kunge mutana
Zvaiwana ngwarati kudya imire zvandikaka
Ndodemba dai zvangu ndisina kukakata
Ndadzima ndoti ndiripi? Ndini ani?
Pandakati zvambarara ndotizve ndinaani
Kudzima kondimbambazhira ndoona rino guru rima
Hana yotitidza zvandimona ndotowira mundima
Pondotsika handipaone ndokoromoka
Ndoona zvangu ndega zviroto ndorotomoka
Ndinenge ndati bidiri kunguru, kunguru tseya nhoo
Nyika yangu yezirimaro pfee uye toriro tonho!
CHITSAUKO CHECHITATU
KUDEMBA KWEAKABEREKA
Zverudzi urwu wakazviwanepiko wekubereka
Ndaikusungirirawo wani mbereko
Zvinodhaka wakarunzirwa nani ndiudze
Chikwata cho chawakanokwata chidudze
Nyadzi dzinokunda rufu voti une rombe
Taikupa gwara kuti uve mungwaru
Iwe bude mugwara ndiye zvako waru
Ndaa mubata shaya nendangariro
Ndodemba zvichida ungaa nemurangariro
Kwowombeyaira voti honawo rombe
Rinoisa ushungu mutsinga dzose nehombe
Wangu mwoyo kupisa kuti tuu neshungu
Ndonhenhaira maoko kumusana nebundu
Waidarirei kuzviita chibvumaudzi chireshe
Ruvara kusanduka wogara sembeva mumarishe
Ini hope tsvai tsvai zvadzo nendangariro
Ndoti ndakazvipotsa pai ndakaringa mbariro
Wodai kututira mitoo nemitoo yezvinodhaka
Haunesu kuti apa wazora madhaka
Powoisa musoro hapana nani anopaziva
Hamenoka zvichida pane madziva
Ndiani angatora yako nzvimbo?
Isu takakubereka tikave nechivimbo
Yangove pota neko tisangane nemarombe
Gungano revane sehwako urombe
Handingati ndakazvida haichemedzi
Zverudzi urwu neni ndavewo muchemedzwi
Kukuningira wave dutururu mudumbu momona
Watove mukwasha wezuva mukuchona
Zvako zvondibaya mwoyo ndoshungurudzika
Ndave mutaura ndega mukutambudzika
Zvese nedzidzo wakafuratira
Uye mubutiro rerima pfe woshinyira
Matama kunyorova kunge wave mushakabvu
Ndichakutuma here museka nembabvu
Pamwe wave mutauri nemuseka nemhepo
Voona voti uyo wave zvake nemamhepo
Wonaka, mwanangu chawada hachina ndima
Ndingapika kurambiromo chine dima
Haunesu kuti chimupedza rose zano
Kupindana nezvinoshaisha mano
Hwako huso kunge hune madhaka
Uchitora mitoo nemitoo yezvinodhaka
Ndazvidya mwoyo ndademba inga wazvirasa
Ndogara ndakati tsiki-tsiki parupasa
Kuita zinyenairwa rine ukasha
Wave zimusandukwa rine hasha
Watindiara hauchina nhaurirano
Nezano hauchada hapachina wirirano
Pakuyaruka taikupa dzidziso tsvene
Kwakutsauka woita zvisina dzvene
Takati taramuka panotamba dera
Unozowirwa neuyo asina zvinoyera
Zvataityira wakazozvipakurirwa
Chionaka wekubereka zvakukurira
Wongodokwairira kudzimanehudzungairi
Kuzvishaiwaka watove mudzvanyiriri
Mumusha bopoto voti wona wakamujaidza
Tairingira tose tichiita wekukaraidza
Kungokutarisa tinopererwa hauchaningisiki
Ndiye here wadai watakapiwa naMusiki?
Panoda mwoyo gwanzi harisviki pamonyoroka
Maitiro, zvese zvako zvazvongonyoka
Handichadyi rinopisa neruoko rwawave narwo
Kozvonga mudzimba dzevakazvigarira hawo
Wandigura kunorira pfungwa dzatsikirirwa
Hudzamu hwedzangu ndangariro wadzvinyirirwa
Achazoonekwa ndambakuudzwa ane mbonje pahuma
Zvako zvowopika kuti hazvichaguma
Chigume gume chinozovepi pamafungo
Iwe wakati zvako paka pamusungo
Mashoko oti unombeyaira sechiumbwa
Tokahadzika toti nazvo tumbwa
Kudai zvako waiyamwa handai kurumura
Wairambo yamwa iwe wave kandumure
Paye wakapotswa nezibwe mugotsi
Voti wopamhazve haasisiri potsi
Waane mukurumbira unopuka nepakatandarirwa
Vanyanyahwira iwe wonumwa woti vakuhwandira
Siya umbengo mwanangu, wenge chikara
Uchabudamo mazviri zvowotenge wokara
Wadireiko kugara muna taisireva
Kana zvazvo isuwo taireva
Nguo dzako ngadziite saTarubva
Topururudza toti wedu azvibva
Hatina zvedu kukurasa kana zvadzo nungo
Dzoka uyamwe wekubereka simudza mufungo
Wadii wandirotawo kutambura kwangu
Wobva wati zvako ini ndoenda kwangu
Furatira chikwata svipe wonanga uno
Ndidane sahwira kuti hezvopo uyai kuno
Haungazive gava ringazokudambukira musungo
Ukazove wengano imomo zvemusango
Maoko ndatambanudza ndikumbundire
Togaraka pasi tokanga mhandire
Chiuya ushambe zvako neino dziya
Ko ndingafuratire here chandakagomera?
Ndinokupa dzangu nzeve pasina kukupomera
Ndarambozvidya mwoyo ndakakumirira
Kungorangarira nezvazvo mudumbu morira
Paunongozviti tsve ndinoita mabiko
Ndinozojakaira ndoita zvese nemhiko
Ukarambireyo ndinorambodemba
Tambira chichemo ndigadzikane
Ndibve mudemba hana idzikame
Zvawakatangazvo mwanangu zvinouraisa
Tozoungudza isu tokurasa
Usazoyeuka nhava sora ratsva
Wadii watungamidza iyo ndakazia
Apo unenge zvakoka wazia
Ndazogona haina kure
Chakaipa ichoka china kure
Chawakachera honaka chokuruma
Chokubatisa mudhomatoma chokutuma
Wokubereka chati homu chareva
Tarira mhomho yedunhu yoreva
Isu wani takakurera nomukaka
Nhasi wasvibisa tsinga wadzipaka
Wonaka chinouraya chokupa furo
Inga wairimbinyika uri kumafuro
Uyaka tambarara ndikutumbure
Mhedzisiro ungabatwa mumambure
Zvaunopaka mumuviri zvinoparadza
Woseka nemhepo wakararadza
Mafaro rudzii okuisa kuhumbengo
Dzako pfungwa dzozara ruvengo
Tsvaru hoyo akabara tiwu
Zvokudikitirisa woti tiiwu
Zvorudzi urwo zvokupa udzenga
Mukurumbira wototi wopenga
Maungira azvo wondinetesa
Pamusha pano inga usainetseka
Chakatyokera zvachakakubaya
Wopinda pose kana pane waya
Ndomene yochemedza wose musha
Apo iwe wosunga nguo dzako nerukusha
Murormo wako wokuunzira kukakavara
Zvoubenzizvo zvokusia wakuvara
Ini vako mai ndazvidemba
Iwe hausisina kana naro demba
Dzoka pahunhu huya hwekuyaruka
Kudai ungauyaka isati yaturuka
Kuzorora kudemba handiregi zvangu
Mwoyo unoti uri wekubereka wangu
Rasa zvinodhakazvo utange patsva
Usadye manonoko unozotsva
Ini handizakabara mbengo
Tora mutsva mufungo ubvise ruvengo
Haucharari paye pako pauraro
Wave chirasa njere chine mararo
Pandakarasa mupango newe ndapashaya
Kunyati tututu dhuu-u ndakabata rushaya
Simba rangu ropera nezvawakatsara
Ndorangarira kuti ini chiiko chandakapara
Wazviita here mombe yemashanga
Kunhenhaira uko neuko wakaruma mudzanga
Wazviita dutururu iwe waive musvinu
Kuzvonga kupinda kooba zvinhu
Podza wangu mwoyo dzoka
Ndiite mutambo veruzhinji ndodzoka
Fungaka ruviri ucheuke
Ini wekubereka ndichiri kuyeuka
CHITSAUKO CHECHINA
WARASA GWARA
Inga wani murume wangu warasa gwara
Wacherera rudo rwedu ruye ruye nemugwara
Rwatanga tanarwo paya rwuye rwaipisa
Tikatanga wedu musha wataitiwo uchashamisa
Tainyemwererana pamwe tichitsamirana
Hapana aiona aizoti pachabuda kutsamwirana
Ini ndichigadaira ndichingoti ndamuwana wangu ndega
Uchindipa rudo kundisimudzira sewaperera
Iniwo mwoyo wotiwo apa chokwadi ndaperera
Gore riya pamasonga aye aye zvedu paye
Tiri pahushamwari hwedu tega tega zviye
Pawaiti ukandiona chete waindipa nyemwerero
Iniwo ndichiita zvangu musekera divi zvine mwero
Tichikurukura tichirezvana zvainwisa mvura
Mazuvawo kudai pane zvake aivhura
Wangu zvawo moyo aiona uchitutuma
Sokuti mufaro chokwadika ndiwo waindituma
Ndaive ndauturika mwoyo pauri ndaperera
Ndichiti ndamuwana ndichave naye nepanoera
Pandaiti ndabaiwa woti tambarara ndikutumbure
Uchindibata nekundiyeva sokunge ndaive kandumure
Nevaoni vaiyemura voti ii apa pane zvikuru
Havairegaka zvavo patiriwo paivewo ne chikuru
Vemudunhu vaiti pana Tonderai pana Mutsai
Ndizvo zvazvaive sezvo iwe waiva nemutsa
Mwoyo wangu wose kusimuka kune wako
Kuti ndibve ndaperera kuzvipa kuita wako
Zvino takati pfacha mugwara redu rewanano
Dzangu pfungwa dzaiti hazvingaiti zvemano
Ndakabva kwangu ndikauya kwako ndikaita wako
Iwe ukanditora kuuya kwenyu kuita wekwako
Vekwako nevekwedu vakatamba jikinya pane yedu svitsa
Apa ndakati wangu mwoyo pane zvangu ndasvitsa
Munguva yakati kuti redu dangwe pfacha
Tikati tapuwa chipo ini uye zvangu tasha
Gadzikano yakati mune dzangu pfungwa mwasha
Vekubereka vaingoti ndamuwana mukwasha
Pakati wepiri Simbarashe vhuu takarova manja
Pamabiko emhemberero takazvidya zvehuku zvidya
Mafaro akasimudzwa ndikati izvi zvaringana
Hapana nechaindivhiringa kuti zvangu zvichatarangana
Taanavo vedu vaviri tanga tiri mugwara kwaro
Tichitoti zvedu kune vegodo tokowaro
Isu tawuvaka wedu musha madhongi achikuma
Hatisi kuvakiraka tichiti mumwoyo uchaguma
Nhasi uno ndoonazve wodzokera kumhunga
Kusina kana nepwa zvayo asi kune mhungu
Murume wangu wave musandukwa
Zvondirovesa hana pfungwa dzorukwa
Kutondikokera ushatu kuita kufinyama
Yangu pfungwa yoti asi ndaane munyama
Kungonditi bamama hope yako shwe unerere
Iweka wokoka ushungu wangu mwoyo zerere
Murume wangu ndokuonaka sechikara
Chiye chiye chine ushungu hwekukara
Ndovhunduka wanei muufu mane majecha
Kukurukura newe woringa divi poshaya kujeka
Dzangu pfungwa dzakaka dzaane manyu mwira
Ndikasvitsa shoko rehurukuro iwe wotuvira
Ndotiwo sekuru kutsi kweSadza kwaita majecha
Sekuru voti zvowoomoka seuri parwendo rwemujecha
Votizve usaite mutorododo rwiyo rwenengure
Havachazii kuti wangu wabatwa mumuzungure
Kungonditi twiriri meso ake kutsvuka piri-viri
Ruvengo rwosimuka kunge rotsva sora kuti wiri-wiri
Kunge wane mangoromera zuva nezuva ndinogomera
Dzako hasha wakapaka kare semudzanga wechimonera
Ini kuseka nemufaro zvaa muzviroto
Chondoziva ndechekuti zvangu zvaa zvekumakoto
Zuva riya ndaive murudo rwaiputira wangu moyo nekupisa
Nhasi zvadya mukonde zvondoona inika zvondipisa
Wangu wondipa magara mwoyo emanzwi kundifumura
Ko ini nditei ndaipei ndotsvaka here chifumuro
Handichina rokuziva kana romuromo ndatwiwa ndikaota
Ndozungurwa pamwe nekupepetwa nokurudzwa ndaonda
Warirasireiko gwara wandigura kunorira
Ndochiti rakave buno risifemberi ndichisimudza chiriro
Handichina rokuziva kana zvaro remuromo
Zvekare zvasanduka zvaminama zvaa zveurombo
Yangu hana inotitidza kurova paunoti pfacha pamba
Unouya wakandikungira zvibhakera uchingo paumba
Marevo ne mhosva uchindipomera nedzino shura mare
Kundipaumbira zvisinei neni zvemare nenhare
Kundizvinda wakasunga uso kusada kundiona
Huma yangu kuita zimbonje vana tete voti hendeka tinoona
Kunyange zvazvo ukaapedza aya mana pamba usipo
Unondipa marevo magara mwoyo uchiti dai uriwe zvako usipo
Avengwa anhuhwa ini ndenge ndoto kunhuwira
Pose unosimudza dzako shungu ndoyuwira
Pandakati kuuya kwochena wangu uripiko
Wakandisunda ndika shaya kuziva kuti ndiripiko
Wakandikanda chibhakera ndokufemera padenga sendere
Ndakapunyuka ndokuiwetsura yakavhundutsa ino mhere
Nunuro yakauya ini ndapererwa ndati rabada ndorutsa
Mukukahadzika vanunuri vakandimutsa
Pamusha ndaa mhandu unondipa magara mwoyo
Kundiremadza kundipa pfungwa dzemadya mwoyo
Ndoti zvangu chura kugara mumvura handi kunwa
Ndoti kugara mune yangu imbaka ndiko kurwa
Rwako rudo rwkatama ndaa wako muvengi
Wandigura kunorira wondiona sendaa mupengi
Ndikada kukanda kashoko kekuda jekeso unofinyama
Ndopererwa ndoti asi ndaane munyama
Unondikanda chibhakera chematsenga nzungu ndoona nyeredzi
Wave musandukwa ndokuona semutyisi munyengedzi
Murume wangu wapindwa neiko wave musandukwa
Hana yangu yotitidza zvowoita sewave nepfukwa
Ndaane matyira kuti ungango ndinyangira uine machisi
Hauchaziva zvinoera zvekurima nechisi
Pfungwa dzarukwa hasha nemarevo zvaunondidururira
Chakakodza wako moyo kukoka uchindishungirira
Pandinongo shsma muromo unoviruka sewagarwa
Wonditora sendabva mune rwako rudo ndaa mutorwa
Pamusha papekuyaura nekubata mumaoko hura
Handichagona kubikira vana nekuvacherera mvura
Rakave buno risifemberi kupinda zvangu newe musvitsa
Ndashaiwa rujekera hakuna kana pazvandisvitsa
Nhivi unogarodziti kwicho nguva neipi zvayo
Wondiona seyako mhandu kwayo
Ko shoko riye rinonzi musha mukadzi
Iwe une ako maonero woti musha mutadzi
Mumaonero ndatove godo ratsiira muto wako
Handichazivawo kuseka negadzikano handichina
Ndaa musandurwa muchemi nezano hapachina
Ndibike zvawaida nerako gumbo unokaba
Kuzvishoora sendabikira zvangu muchigaba
Hapachina chakananaka zvese zvangu zvakukombamira
Kana ini mukadzi wako hauchandivhumbamira
Wandicheka neraka gomarara zvinoka ndatogomara
Ndauvenga musha warambakuserera wondimara
Warasa gwara wondirovesa hana wondityisa
Kundibvisa chimiro zvako izvi zvondityisa
Wondundurudzana nevakasiyana-siyana vakadzi vatorwa
Vakapaka rudadira vachidada vachiti isuka tatorwa
Rave gangaidza mukwenyi mhezi yekumusana
Kufukufungisisa mwoyo wobva wati tana
Hadziurayi shungu ndaidai ndakafunga rangu
Mwoyo kurwadza ndoti uripi wangu
Dzako hasha dzatande vedu vana
Vobva voenda voti baba vave vemumana
Kugarorohwa kwandisandura hwangu uso
Ndakagara Ndonga sesvikiro remasutso
Musha murume wangu wawuputsa
Handiziveka uka zogona kuumutsa
Ndodemba sendakawanikwa nechikara
Hauonisu ndapera zvinoka ndakuvara
Hapana hurukuro zvayo yekundituma
Ndototi wangu murume anoruma
Woti wangu mukadzi mutadzi
Ndoti wangu murume murumi
Handiziveka kuti ndiani wotinetsa
Isu pachedu tazviramba tazvirasa
Ndozadza dama nehutsi husingasviki kuguru
Vanoti hauonisu kuti zverudzi urwu zvikuru
Butiro rekuda musha rakandibata kundipa dzungu
Nyika yauri kudya rutivi ichakusiya pachuru
Iye zvimiti munzee pfee wosimudza uturu
Kunyanzi ndipeka nzee ndikurume
Woti siyanai neni musanditume
Votokanda avo mapfumo pasi
Votiwo yevakuru miromo haiwiri pasi
Ndoonawo kuti kwave kudzingana nemhepo
Ndonzwa voti iwe wonaka zvepo
Vofuratira voti uyu ane hushingi hwekuparara
Pachangu ndenge mukadzi ari kumarara
Wangu wondiparadza kundiita diura watiura
Sekuru vakundikanawo kumutsiura
Wedu musha wave wemarevo nebopoto
Kana kuiwana yekutarira poto iri pamoto
Atove padunhu mashura kundibhabhadzira
Wondionaka semuzvidziwa
Avo wovoringira upfumi webeto
Kufamba kwenguva voita zvavo muketo
Worasirei chiri muruoko nekuombera
Wadii warega musha wakombera
Wave kugaroti unoda kundipfuudza
Ndokuona semhandu ndotokuudza
Mashoko makukufu eshusha pfungwa
Hausiri chiradza wani haunwe musungwa
Asi meso ako kovo neruvengo
Ini ndotsara tsara somupengo
Ndokubvunza ko ini zvino ndokupei
Hauchina nhaurwa tsvene neni
Uchamutorepi achakupa mwoyo seni
Pakati pedu hapachina wirirano
Tongo tuzurirana pasina nhaurirano
MURUME WANGU WARASA GWARA
CHITSAUKO CHESHANU
MAGARWA NEIKO BABA?
Maita marasa ziso musina kugadzikana
Renyuro ziso rachochotora kasikana
Zisoka chokwadi rinotaura
Monyemwenya semave kuraura
Zvino motanda mbeva nzou dziriko
Kumbevako moswera zvenyu muriko
Komoringako inga zvine manyadzi
Monanambireko semutadzi
Madii ati samhu aonawo zviri mberi
Daika marega kuti shoko rangu heri
Hezvi motonyenaira kumupa nyemwe
Momuvonga kubva kune vake vamwe
Zvomoita chandagwinyira hwe gudo
Monyangira pane kana kuisa rudo
Mapfumbidza gwanzi rekukanako
Moyeva bva moti uyu anerunako
Mototi pamafunga moendeyo pamada
Hwe gudo rotiza nezvaraba
Hamuonisu kuti achiri zvake panhodo
Haati wani aziva manhanga endodo
Pake pachipfuva pachiri paruware
Kumuona hutsikitsira woti ware
Momupinza mugwara dema
Kuti azogumisira zvake arema
Zvomomubhahbadzira zvomutyisa
Yake hana yopatika nekupisa
Renyuka zera romukurira
Imi tande kwaari kunomufurira
Moita muchengedzeri ne zvisi zve zera
Iye zvake achiri muhudera
Chatyokera here chamugara
Vadoko zvovoti inga mave mudhara
Madii maita chionero cheukuru
Zvomobatisa mwana zvine uturu
Achine hundumurwa haasi mupanduki
Ndimayo yomosvitsa yozomupa hushanduki
Apo momuvonga nezvibatiso
Izvo anga asinaka kwaniso
Momurezva kuti asa nyumwa
Hamuzii achayeuka bako arumwa
Pauso dzenyu nyadzi tsvai
Iyewo usiku ake meso twai
Kutomusungira kadzipa huro
Kumukireyo kwake nemuvhuro
Yake dzidzo moipfuvisa
Kwakumuti iwe ndichakufumisa
Nyadzi apa hadzina kukunda kufa
Mopa iyo tsaru mbeu kukusha
Regaizve dzive shiri baba
Achiri kumahumbwe nechigaba
Inga wani zai harina muto
Zvomobatisa mwana vhunze romoto
Regai zai rivewo huku
Hamuzoramboseva neguku
Chimwe nechimwe chine nguva
Regai kuswereyo nembuva
Baba marasirei renyu gwara
Kana ako kana musaone kungwara
Ndimizve matove mhonya pfungwa
Varege kuzomuti asi ane pfukwa
Momupaka njere sharuka
Iye apa haasati ayaruka
Tarira nhasi uno kacheche
Regaizve kati zvako geje
Kupinda kwemazuva yave mhandara
Vezera vanenge zvino votandara
Sejayawo rinozove mutana
Apa panganzi zvapo tana
Mwana ane dzichabuda ropa nyora
Regai aite zvakeka zvekunyora
Dzenyuzve nyora dzosinina mvura
Musamupinza pane zvino mubatisa ura
Amubata baba marasa njere
Kuita zverakadya richifamba bere
Gona renjereka ungwaru
Imi moti apaka ini tsvaru
Gonazve reupfumi idikita
Mode kumutora kuenda Bikita
Muchazove mutsikitsirwa nenyadzi
Zvooneka kuti inga muri mutadzi
Baba mazvirerutsa madzikira
Mati ndure necho chamapikira
Chakugaraicho torai mufungo mutsva
Inga tsuro haiponi kaviri murutsva
Moganza moti ini ndakabata
Iye achine nguo dzichakabata
Remekedzai renyuka zero
Moitawo zano rine mwero
Musazoyeuka bako maniwa
Mozoti apa ndainge ndakoniwa
Rine manyanga rinenge rotuta
Mozodemba moti dai ndatuta
Bvisa chamasima mundangariro
Bva zvinozobara chiriro
Baba moti apa zvangu zvaita
Inga wani apa hapana chamaita
Mosiya yenyu sheshe kuringa nhiyo
Muchayeuka bako pachichati tiyo
Zero kunge renyu zve gotwe
Mashinga kuzomu buritsa muhotwe
Mazhanje moswero svisvina musango
Mwana ingawani agura mupango
Rakapeta muswe wani guru gudo
Imi turike pasipo rwenyu rudo
Chiri kumahumbwe machipa hari
Gwanzi kupfumbidza kuenda kwaari
Mopara ine manyadzi neuturu
Marambo tsigira hwenyu ukuru
Vadoko vokanuka vomoyeva
Maita semabataka zvinoyera
Maramba sei kubvuma zera guru
Motadza wani kutsenga kana maguru
Zvootendeuka zvichamutsiva
Muchazoda kupinda nemudziva
Maita wenzou yawira tsuro
Vachamhanyako nemipuro
Kune wenyu wezera mapfinhwa
Kwaari zvomonga motinhwa
Haigare pfunde hanga
Marega neiwo kupanga
Mareruka kuita mujahwo nepwere
Inga baba muchawira kumawere
Nzira kupfumbidza muine zviwitsi
Wanei tsikitsiki ari muchiutsi
Zvamavamba inga zvomushusha
Dzake ndangariro dzoshusha
Yake mhuri yodzungudza yoti wonaiwo
Dundundu morirova moti ndiniwo
Mapa dzidziso yemapfumbira pfungwa
Kumupinza muchizarira semusungwa
Moguguchira zvinwiwa, ndarama nezvizorwa
Kumutunha hezvi dzake pfungwa dzagarwa
Kusazviona kuti matove chiseko
Monanaidzana nako kwese uko
Cheukai kumativi vomuzee zana
Inga mudunhumo muchigaropesana
Mapaka mwanawo irwo rudo rwoupofu
Padai moti vanhu musati zvenyu bufu
Zvake zviuya inga zvanga zviri mberi
Momumonyorotsa moti rangu zano heri
Baba mapwanya wani ruzhowa
Kanganwe muchamuona achizowa
Chakakubayacho chakatyokera
Make muziso mwanawo moto magokera
Yarambo rova hana parusvava
Hamuonisu imi baba masvava
Madei baba kuisa rwenyu rudo panyana
Mungati here uyu ndiye womowana
Kuita nhambe-tambe nepwere
Hamuonisu muno muwisira kumawere?
Kudotsiurwa imi tana kutsika madziro
Zverudzi urwu zvichamutsa madzio.
Kutovhima makaisa munyu muruoko
Zvino madenha nyuchi dziri mumukoko
Zvomovavarira kudya isaka ibva
Hamuzii zhumu rinonaka raibva
Uyu achine manyadzi ehuhwana
Momukoromora asati zvake akwana
Humhandara inga hausati waibva
Madii baba paari imi mabva
Zvamunge moita zvine bipi
Kurunzira mwana uyu kuhuipi
Zvazvinenge zvisina kana nebangano
Kuzvidzikisira kubata zvine rungano
Zvomototi imi moita zvinorova
Asika hana yemwana inorova
Itai mufunga kairi mudududze
Bvisai webwe moyo unoti musandiudze
Zvamurizve samusha ane mhanza
Kutomisa usu moti apa ndaita mhanza.
Baba chamupinda chomofumura
Dzenyu svipe ndangariro daika madzikumura
Apa moti yakada makwati hamba
Zvomoti tseya tseya moti isu totamba
Kutopa mwana nyemwe nesimbiso
Momutapa nemashoko evimbiso
Mwasikakana mamukanda jecha kumeso
Kutofambaka naye nekwese kune mafeso
Pane wenyu musha menge hweni
Mozvonga muchiti pano siyanai neni
Mode kurasa chiri panyara nekuombera
Wenyu wodzungudza nekudembera
Zvamaita izvi zvarasa unhu
Wasimuka mutauro wezvenyu padunhu
Mapandutsa iyo nhiyo kuiita sheshe
Iro zuva rakati zvaro tekeshe
Mamurunzira mune matambudzapfungwa
Kuzove mudembi woti ndaive nepfukwa
Zvisi zvezera zvichamufinha
Ega wokurukura woti izvi zvandidhinha
Vachati mudokoyu ndewemutana
Vokanuka inga achiri muhuhwana
Momurezva wosunga muromo
Bva woti ware akananga kugomo
Pakezve pamhino pachine mukaka
Apa dzenyu tsinga inga dzakaka
Madii baba mabuda nerinopinza
Kwaro zano nderakapinza
Dududzai pasati zvapo porema
Mwana asati apinda pakurema
Gadziriso inga ndimatanda nyadzi
Pasati pabuda zvapo munyaudzi
Kuriti nganganga gotsi kunoparira
Svipe shoko rinoparira
Kachiri kachipukuta dziwa nechanza
Kachamuturika pane gwenya mhanza
Gava richadimura wani musungo
Pasisade kana zvapo marevera nungo
Chinozove chawakadya chamuka
Vematare vanenge vodzvamuka
Ponakuriranwa mhenyu nyoka
Mvura haizonwiki neune nyota
Nguva yomuringa pasi yoguma
Mokungura, chii chakandituma?
Vana ndakazia varamba kutungamira
Zvino padai munenge mokakamira
Pamaiti handiregi chandabata
Makabata chine uriri chiri pamupata
Osimudzwa aye mazwi taisireva
Mwoyo woti idi avaka vaireva
Zvaminama kana kaye kosvimha
Tsikitsiki moti ndakashinha
Moringa shure wanei kune mhosho
Hapasisina neunoridza hosho
Zvonga kutsi kwesadza kwaane majecha
Paaishaiwa nguva kana yekukwesha
Vodanidzira harisi regotwe renyu zera
Modunura nhasi inga ndapera
Makapara chemuutsi pamucheche
Nhasi hero bwititi muri pamwechete
Zvaungamira nayo yose nzanga
Hamuchina nguva yokuputa mudzanga
Kurumura mwana pazera
Dambudziko zvino rawedzera
Vekwenyu voizunza yavo misoro
Voti uyu wave waani mutoro
Vokwake vozvisunga zvisununu
Padai apa zvino ave makunun’unu
Maipedzwa gotsi mukumunyeya
Muchiti ava vane yetsvina mweya
Nhasi ave makukutu maringa divi
Mibvunzo yonaya kwese kumativi
Motofinyamirwa kunyange nezera doko
Apa hamuchina kana neshoko
Zvinoka ave manyama amira nerongo
Wenyu musha wenge uchava dongo
Chakakupinda babaka chakakuzvidzai
Hezvi mumatare chakukwidzai
Chamakatwara chakashaiwa muturi
Nhasi monzi mutoro pamuri turi
Ndiwoka enyora mazvekuda
Mototi zvenyu ndarumwa nechekuda
Zvadzinenge dzaa nhamo mbiri
Mabhiswa yamaizvipa wani mbiri
Zvomushaya zano zvino zvomupisa
Mwana womuringira zvomutyisa
Maimupa vimbiso yemabatadenga
Zvino moonaka kuti zvaive zvohudzenga
Mozwaka mukuru mukuru hanga haigari pfunde
Zano renyu svipe dai makariti sunde
Honai chamakadya chamuka
Motadza kana nekusimuka
MAIVE MAGARWA NEIKO BABA?
CHITSAUKO CHECHITANHATU
DRUGS
TWASANUDZO (REHABILITATION)
1. Todiniko watsakara nechawakachera?
   Dundundu worova nepanoyera
   Pazviri wakwirira tokuturura Seiko
   Wave pamusoro pazvo tokuburutsa neiko?
   Zvaramba kuti titi ndomene haichemedzi
   Zuro riya hausaive muchemedzi
2. Kukuramwa bodo zvaramba!
   Vaoni voti murambei isu zvaramba
   Tokunyengerera kunyari nemugota
   Togara pasi newe kusvika wawota
   Tingaparadze chaamauri chine uturu
   Usati wati izvi aiwa izvi ndezve vakuru
3. Wakombama totambaka yetwasanudzo
    Hatingati apa yave yakozve sarudzo
    Dzoka pamavambo zvako uyamwe
    Titaurirane uve munhu pane vamwe
    Rwangu rudo newe handina kuturika
    Kunyakanda mumoto runoburika
4. Uyaka titaurirane, tipangane tionesana
    Paye pazvanzvenga tikapesana
    Zvemutoo uyu hazvidika hasha
    Handinga paumbe kudya rasha
   Chidiso kuti uve munhu pavanhu
   Ndingatosvitsa nekuna Musikavanhu
5. Pakukurukura ndingabude nechironzo`
   Wonaka mugota rako mave nemakonzo
   Kunyanzi hurombe hwakumomotera
   Zvawakatanga zviya zvisvipe zvokutevera
   Kungokuti bamama meso angu wosunyaira
   Hauchagoni kufamba kuye kwekukanyaira
   Zvino ndoti huya wekubereka
   Ndonzwa zvangu watove kudzedzereka
   Handirasizve chandakagomera
     Kana zvazvo wochiputa chimonera
6. Huya hako mwanangu titaurirane
     Hasha ndinoturika tingawirirane
     Zvikashamisa pauri pabuda bukiro idzva
     Hatizocherechedzi payeka pawakadzva
     Nguo ikasvipa inogezwa wani nesipo
     Mupenyu haangawonekwe seasipo
7.     Kana zvazvo ungwaru wakaturika
       Sezvo pakufamba zvinoka wotatika
       Tinoritsvaka zanoka rematsetsenurwa
       Apa hatiiti zvedu zvekurwa
       Wetsitsi mwoyo tino uturunura
       Tofamba padiki kusvika tanyurura
8.     Chikwee ticharova zvedu tayambuka
       Taanewe mundimaka tsvene pazambuko
       Pamwewo vaoni vachashama wave kwaye
       Wafuratira pasi pezimuti paye
       Pamakazvitangira izvoka zvehudzenga
       Wozovataurira zvako woti ini ndave ndega
9.     Torova manja toti eee tabudirira!
       Iwe zvino wave kure wabudikira
      Toti zvitsva mauri zvabuda zvekare zvaenda
      Nesu newe wedu tande zvedu toenda
      Nyemwerero yobuda pausu pedu
      Toti isu zvino hendei kwedu
10.   Tambanudza maoko ako ndikumbundire
      Tatove nehushamwari todya mhandire
      Zvaikumbambazhira zviye zvave zviroto
      Zvimwe zvacho wakakanda mumoto
      Zvobuda mumuviri uchaningirika
      Zvaweive wofamba uchipingirika
11.   Kana zvazvo yokusunda mumwoyo havi
      Dzungudza wako musoro urambe gavi
      Pika nemutupo woti ini handichauyiyo
      Handidi kumedzwa nezvikara zviriyo
      Wakapokonyoka mwanangu pamusungo
      Pane zvinoparadza batwa nenungo
      Zvinodhaka chibva wakanda pasi
      Uti zvekare zvapfuura ndoona zvanhasi!