0% found this document useful (0 votes)
19 views2 pages

File 000049

Mubhuku 'Paidamoyo' munobuda madingindira akasiyana-siyana anosanganisira ushamwari, kudzidzisa, doro, kudhakwa, basa, kutungamira, kuroiwa, n'anga, makuhwa, kushaya mari yechikoro, hondo, uye kurohwa. Madingindira aya anoratidza hupenyu hwevatambi vakasiyana uye matambudziko avanosangana nawo. Zvinhu izvi zvinobudirira kuburikidza nemaitiro uye hurukuro pakati pevatori vechikamu vakasiyana.

Uploaded by

alphamuziva78
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as DOCX, PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
19 views2 pages

File 000049

Mubhuku 'Paidamoyo' munobuda madingindira akasiyana-siyana anosanganisira ushamwari, kudzidzisa, doro, kudhakwa, basa, kutungamira, kuroiwa, n'anga, makuhwa, kushaya mari yechikoro, hondo, uye kurohwa. Madingindira aya anoratidza hupenyu hwevatambi vakasiyana uye matambudziko avanosangana nawo. Zvinhu izvi zvinobudirira kuburikidza nemaitiro uye hurukuro pakati pevatori vechikamu vakasiyana.

Uploaded by

alphamuziva78
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as DOCX, PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 2

Paidamoyo

Ndeapi madingindira anobuda mubhuku Paidamoyo. Tsigira mhinduro yako zvizere.(25)

Mubhuku PAIDAMOYO munobuda madingindira akawanda uye akasiyana-siyana.

Mubhuku iri munobuda dingindira reushamwari. Izvi zvinobuda apo Tapera mudzidzisi wegiredhi 7
paGonoguru puraimari iri kwaRusape anoti akanzwa kufamba nemazwi aive pasi pasi ndokunzwa
kuti godi akabva aziva nezwi racho kuti ishamwari dzake Munyakwa naTichafa vainge vamushanyira
sezvo ainzwanana navo. Izvi zvakaitika mushure mekunge anzwa vanhu vaiuya kumba kwake uko
kwaaimaka mabhuku ake evana vegiredhi 7.

Mubhuku iri munobuda dingindira rekudzidzisa. Izvi zvinobuda apo Munyakwa anoti kuna Tapera
anawo mabhuku ko anodii kumboazorodzawo uye dai aitaura aisati vakomana taneta. Izvi zvakaitika
mushure mekunge Munyakwa akanga apiwa pokugara naTapera mumba make apo vainge
vamushanyira naTichafa. Izvi zvinobudazve apo Tapera anoti haasi kudhoma mabhuku asi kumaka
mabhuku evana. Izvi zvinobudazve apo Tichafa anoti kuna Munyakwa arege Tapera averenge
‘varsity’ yava kutora chete vane ma ‘credits’ mazuva ano.

Mubhuku iri munobuda dingira redoro. Izvi zvinobuda apo Munyakwa akati tii inonwiwa
nemapositori chete haikona ivo zvichireva kuti vaida doro.Izvi zvakaitika mushure mekunge Tapera
avavhunza kuti vaidei tii kana chikururamabhachi zvichireva doro. Izvi zvinobuda zvekare apo Tapera
anoti akabuda mumba akabata mabhotoro matatu makuru aya edoro.

Mubhuku iri munobuda dingindira rekudhakwa. Izvi zvinobuda apo Tichafa anoti otozobva pamba
paTapera vava vanhu nekuti bhabharasi range ravakiya. Izvi zvakaitika mushure mekunge vapiwa
doro naTapera. Izvi zvinobudazve apo Tapera anoti hapana chaaiziva nenyaya yekuda kuenda kune
chimwe chikoro kwaMunyakwa nekuti anosuma nyaya dzacho apera nekudhakwa saka hapana
anozombodziteerera.

Mubhuku iri mune dingindira rebasa. Izvi zvinobuda apo Tapera anoti akazobva paBottle store
pakangosvika masoja kuti azopurana nekurekodha. Izvi zvakitika mushure mekunge abvunzwa kuti
ainge akabva nguvai kuBottle store naMunyakwa. Izvi zvinobudazve apo Tapera anonzi inga anoziva
basa kwazvo naTichafa.

Mubhuku munobuda dingindira rekutungamira. Izvi zvinobuda apo zvinonzi naTichafa kuna Tapera
dai angoitwa mukuru wechikoro chino achirevera Gonoguru uye achiseka naye hake. Izvi zvakaitika
mushure mekunge Tapera aive ati ainge asina kuwana nguva yekunwa doro nekumaka mabhuku
kwaaiita. Izvi zvinobudazve apo Tapera anoti kuna Tichafa inga ndiye ainzi ndiye achava mukuru
wechikoro cheGonoguru kutanga kwegore raitevera. Izvi zvinobuda apo Tichafa anoti ivo
VaManyimo vanokara ukuru senyama zvekuti vanototi munhu ngaafe chero vahutora chete ukuru
hwacho.

Mubhuku munobuda dingindira rekuroiwa. Izvi zvinobuda apo Munyakwa anoti hupenyu
hwakatanga kumuomera apo akabudirira kuma ‘interview’ aakaenda naVaManyimo ekutungamira
chikoro cheGonoguru. Izvi zvakaitika mushure mekunge iye Munyakwa akanga abudiririra muma
‘Interview.’ Izvi zvinobudazve apo Munyakwa anoti akanzi naVaManyimo atungamire hake asi
achaona chete uye akati haaigarira kuona kushanda kwemishonga yaVaManyimo. Izvi zvinobudazve
apo zvinonzi naTapera pachikoro chavo cheGonoguru vazhinji vaingofungira VaManyimo kuti
zvemishonga nen’anga ndizvo zvavaiswerera.Izvi zvinobudazve apo zvinonzi naTichafa
Nhembetembe ainge aitwa mukuru weGonoguru naFata mukuru wezvikoro akazobva audza Tichafa
kuti akafumoona chidya chegudo chave pamubhedha paange arara usiku saka aida kuzonodzidzisa
ava kumusha kuWeya.

Mubhuku iri mune dingindira ren’anga. Izvi zvinobuda apo Tapera anoti akamboudzwa naTichafa
kuti mumwe musi akamboenda kumba kwaVaManyimo akaona kune n’anga kwatosvipa wanike iri
kutoita basa rayo.

Munobuda dingindira remakuhwa. Izvi zvinobuda apo Tapera anobvunza Munyakwa kuti
mutamboyiko waiitwa naVaManyimo nevana vevanhu zvinova zvekudanana kwavo nevana
vechikoro .Izvi zvinobudazve apo zvinonzi naMunyakwa, Tapera anonyanya mabhuku ndosaka
achipfuurwa nenyaya dzakawanda achirevera kuti vamwe vanhu vaitoti mudzimai waVaManyimo
ndiye akatozobvanyangura mahumbwe acho akange oshandwa naVaManyimo vachichaya mapoto
naChipo.

Munobuda dingindira rekushaya mari yechikoro. Izvi zvinobuda apo zvinonzi naTapera, VaManyimo
vakange vatora Chipo kuzogara naye nokuti akange ashairwa mari yechikoro yokuti aende mugiredhi
7.Izvi zvakaitika mushure mekunge mudzimai waVaManyimo ainge aenda kuDomboshawa
kunopedzisa imwe kosi yaaiita akanzi asare achiita mabasa epamba nekuchengeta vana.

Munobuda dingindira rehondo. Ivzi zvinobuda apo zvinonzi naMunyakwa masoja akasara ovanetsa
achibvunza kuti matororo avainwa nawo doro ari kupi.

Munobuda dingindira rekurohwa .Izvi zvinobuda apo zvinonzi naTichafa mumwe murume ainge
adhakwa akati akabva Moza akakumuruswa hembe ndokurohwa namavheti kusvika ati matororo ari
mugomo rainzi Mhandambiri.

You might also like