CALA.
:YEMUDZIDZI
CHIDZIDZO. : INDIGENOUS LANGUAGE
GWARO. : RECHITANHATU
MUSORO WECALA. : KUNYORA
CHIDZIDZO. :NGANO YEPASI CHIGARE
MHANDO. : CHINYORESO NEBEPA
ZITA : MUNOZOGARA SIMBARASHE
CHIKORO. : KURAI PRIMARY SCHOOL
CANDIDATE. :0316
KARE kare pasi pasati parohwa nenyundo. Ngano dzaiitwa nanasoro jena. Ngano dzaiitwa nguva
dzehusiku vanhu vakatandara dzichidzidzisa tsika nehunhu. Kana pachitangwa ngano zvinonzi paivepo
vanodaira voti dzefunde.
Mabasa engano
A,Usaba B,Kudzidzisa tsika nemagariro C,Usaita ruchiva D, Usaita nungo
E,Kuzvishandira F,Usanyeba
Rungano rwaTsuro naGudo
Paivepo paive naTsuro naGudo saka manje raiva gore renzara. Tsuro akafunga zano rekunorara munzira.
Pakauya motokari yaive nemaranjisi. Tsuro akabva aiswa mumotokari maive nemaranjisi. Tsuro akabva
atanga kudonhedza maranjisi. Tsuro akabva atanga kufamba achienda kumba kwake. Tsuro akabva
atanga kuenda kumba kwaGudo asvika Tsuro akabva atanga kuudza Gudo kuti ndakaenda kunorara
munzira ndokubva pauya motokari yaive nemaranjisi saka manje vanhu vaityaira motokari
vakanditakura ndokundiisa mumotokari yaive nemaranjisi ndakatanga kutora maranjisi alive
mumotokari yandanga ndakwidzwa netyairi vemotokari. Gudo akabva atanga kuenda kunorara
munzira. Motokari yaive nemaranjisi yakabva yauya saka vatyairi vakabva vaenda kunotemha shamhu.
Gudo akabva atanga kurohwa nevatyairi. Ndipo pakaperera sarungano.
Part C
A,Usaba B, Usanyeba C,Usabvume kufurirwa D,Zvipo zvkasiyana saka munhu haafanire kutedzera
zwaitwa nemumwe munhu. E,Zano rimwe chete harirambi richibudirire.