Go
SHONA PROJECT
STAGE 1: Problem Identification
Musoro: Tsvagiridzo pamusoro pekutorwa kwezvinodhaka nevadzidzi paExcell College
1.1 Tsananguro yedambudziko:
PaExcell College, vadzidzi vakawanda vari kutanga kushandisa zvinodhaka zvakaita semutoriro, broncleer
nembanje. Zvinodhaka izvi zviri kuvakanganisa hutano, kudzidza uye hunhu hwavo. Vakawanda
vanopindwa muropa nekuda kwekumanikidzwa nevanhu, kushaya ruzivo kana kushaya rutsigiro kubva
kumhuri. Izvi zviri kudzikisa mwero wekudzidza uye kuunza kusagadzikana kuchikoro.
1.2 Chinangwa cheprojekiti
Chinangwa cheprojekiti iyi ndechekubatsira kuderedza dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka
nevadzidzi. Tichagadzira poster rinopa mashoko anojekesa nezvenjodzi dzezvinodhaka, nzira
dzekuzvidzivirira nadzo, uye rutsigiro runowanikwa kuvaya vakabatwa nedambudziko iri.
1.3 Zvishandiso zvinodiwa (Design Specifications):
- Foni (yekutsvaga mashoko nemifananidzo)
- Typex bond pepa
- Printer
- Mapikicha anoratidza njodzi dzezvinodhaka
- Ink yepaprinter
Go
STAGE 2: Investigation of Related Ideas
Related Idea 1: Kudzidzisa vadzidzi muzvikoro nezvenjodzi dzezvinodhaka.
Evidence:Zvirongwa zvakaita seHealth Life Skills zvinobatsira kudzidzisa vadzidzi njodzi dzezvinodhaka
muzvikoro.
Merits
zvinotumira ruzivo kuvanhu vazhinji
Demerits
Vamwe havateereri zvavarikudzidziswa
Related Idea 2: MaCampaign enharaunda anodzidzisa nezvenjodzi dzezvinodhaka.
Evidence: Masangano akaita seYouth Against Drugs anoshanda munharaunda dzakawanda kuparidza
mashoko ezvenjodzi.
Merits
Zvinobatsira kuti vana vasirimuzvikoro vazive njodzi iyi
Demerits
Inomari yakawanda/inodhura
Related Idea 3: Kupinza mitemo inorambidza kutengesa zvinodhaka.
Evidence: Zvapasiswa muZimbabwe kurambidza broncleer nemamwe madhiragi asiri pamutemo.
Merits
Inoderedza kuwanikwa kwe zvinodhaka zviri pamutemo nezvisiri
Demerit
Zvinodhaka zvinopinzwa zvisiri pamutemo zvinoramba zvichingopinda
Go
STAGE 3: Generation of New Ideas / Possible Solution
Idea 1: Kugadzira poster rinodzidzisa vechidiki nezvenzvimbo dzine zvinodhaka
Evidence: Maposter anoshandiswa muzvikoro nevanachiremba kuratidza njodzi dzezvinodhaka.
Advantage
Zvirinyore kugadzira uye kugovera
Disadvantage
Vanhu vano gona kusaverenga kana kusaterera
Idea 2: Kushandisa madandemutande kudzidzisa nezvenzvimbo dzine zvinodhaka
Evidence: Vechidiki vakawanda vanoshandisa WhatsApp, TikTok neFacebook kudzidza zvinhu
zvakasiyana.
Advantages
Zvinosvika kuvanhu vakawanda kunyanya vechidiki
Disadvantages
Zvinoda ruzivo pakushandisa midhiya
Idea 3: Kugadzira mafirimu/mapepi anoratidza hupenyu hwevanoshanda nezvinodhaka
Evidence: Zvakaitwa neNGOs zvinoratidza kushanda kwemafirimu pakudzidzisa vechidiki.
Advantage
Inokurudzira maonero matsva
Disadvantages
Zvinodhura kugadzira mafirimu nemaposter ane mhando yepamusoro. |
---
Go
STAGE 4: Development / Refinement of Chosen Idea
4.1 Indication of Choice
Chosen idea:Kugadzira poster rinodzidzisa nezvenjodzi dzezvinodhaka.
4.2 Justification of Choice
Poster rinonyore kugadzira uye haritore nguva yakareba. Rinokwanisa kusvika kune vanhu vakawanda
uye rinokurudzira vanhu kudzivirira njodzi dzezvinodhaka. Zvakare, poster rine zvakaratidzwa zviri
pachena uye zviri nyore kunzwisisa. Vanhu vanokwanisa kuriverenga pasina rubatsiro uye rinobatsira
kudzivirira zvimwe.
4.3 Refinements
- Pagadziridzwa yangu (poster), ndichaisa mifananidzo inobata pfungwa dzinoratidza njodzi
dzezvinodhaka, sekuti mufananidzo wemurwere akabatwa nezvinodhaka.
- Ndichashandisa mitauro miviri (Shona neChirungu) kuitira kuti munhu wese anzwisise zviri pachiposter.
- Ndichaisa mashoko madiki anokurudzira sekuti: “Ziva njodzi, Ramba zvinodhaka.”
Go
STAGE 5 : FINAL PRESENTATION
Go
Chikamu 6: Kuongorora Kwemhinduro Yakatorwa
6.1 Kubudirira kweSolution
- Kupararira Kwakanaka:Maposita akaiswa panzvimbo dzinoonekwa nevanhu vakawanda sekuchikoro,
kumusika nezvimwe.
- Mari Shoma: Kugadzira nekunyora maposita hakudhurire, zvichiita kuti zviitwe nyore pasina kushandisa
mari yakawanda.
- tKunzwisiswa Nevanhu Vazhinji: Maposita anoshandisa mutauro uri nyore uye mifananidzo inobatsira
kunzwisisa zviri kutaurwa.
- Mutauro Wakabatanidzwa: Kushandisa Shona neChirungu kunobatsira kusvika kune vanhu vakasiyana-
siyana.
- Slogan Inobata Pfungwa: “Rambai Muchero Wehusungwa” inobatsira kukurudzira vanhu kudzivirira
muchero kana dambudziko rakatarwa.
6.2 Zvipingaidzo Zvakasangana Nazvo:
- Kushaikwa Kwekupindirana:Maposita haapi mukana wekutaurirana kana kubvunza mibvunzo.
- Kukuvadzwa: Mamwe maposita anobvarurwa, kubvamburwa kana kunyungudutswa nemvura.
- Kusanyatsotarisirwa: Vanhu vamwe vanongopfuura pasina kuverenga maposita aya.
6.3 Zvakakurudzirwa:
- Kunyora maposita pamapepa asinganyunguduki kuti agare kwenguva refu.
- Kupinza zvikwata zvevadzidzi kana vechidiki mukugadzira maposita aya kuti vazvione sevavo.
- Kuwedzera QR code kana nhamba dzefoni dzinobatsira vanhu vanoda rumwe ruzivo.