UNIVERSITY OF ZIMBABWE
DEPARTMENT OF TEACHERS EDUCATION
MORGENSTER TEACHERS COLLEGE
DIPLOMA IN EDUCATION (PRIMARY)
GENERAL COURSE: INTAKE 23 CLASS OF JAN 2018 – 20
ZITA: MEMORISE M MUDUNGA
NHAMBA YEMUDZIDZI:
CHIDZIDZO:
MUSORO: KUKWENYA BASA
ZUVA REKUUNZA:
VADZIDZISI: : MAI MARARIKE ,VAMAMBANJE,MAI MAMHUTE,VAMAVIYA
KERO: NHAMBA DZEFONI:
ONGORORO...........................................................................................................................................
.................................................................................................................................................\CHIBOD
ZWA
MUKWENYI...................................................RUPAWO...........................................
MUKWENYI WEPIRI............................................................. CHIBODZWA
Mudzidzisi ane chidokwadokwa chokuti vana vakure muzvidzidzo zvavo uye iye pachezvake
akure mukudzidzisa kwake anofanira kutora nguva yake,Kubudikidza nekukwenya basa .
Ongororo yokuvona mhosho dzose dzaparwa nemwana muzvinyorwa zvake zvinoonekwa
nemudzidzisi anokwenya basa revana nenguva uye nemazvo izvo zvinoita kuti kukwenya basa
kuve nehukoshwa . Kukwenya basa ravana zvine muchechetere, ongororo yekuzadziswa
kwezvinangwa, kuumba zvidokwadokwa mukudzidza kwevana zvose izvi zvinobva
mukukwenywa kwebasa revana. . Kukwenya basa revadzidzi kunoshanda senzira yekusimbisa
kana kusimudzira vadzidzi pakuita basa ravo rechikoro. Pamusoro pazvose kukwenya basa
ravadzidzi inzira yenhaurirano pakati pemudzidzi nemudzidzisi. Muchinyorwa chino munyori
achaburitsa maonere ake pamusoro pemusoro unoti kukwenya basa revadzidzi hakus kutungana
kwembudzi .Manzwi akakosha pamuono uyu achatsanangurwa.
Chimhandu (2001) anoti kukwenya zvinoreva kuratidza nerunyoro wemudzidzisi pabasa
remudzidzi kugona kana kukundikana kwake ) Elliot et al (2016)anoti kukwenya inzira
inoratidzwa nerunyoro rwemudzidzisi pabasa revadzidzi kugona kana kukundikana kwavo.
Kukwenya kuratidza kwomudzidzisi kugona kana kukundikana kwevadzidzi pazvinyorwa zvavo
kubudikidza nerunyoro rwaanoisa pabasa. Mheta (2005) anotiwo kutungana kwembudzi kuita
zvinhu zvisina zvazvinobatsira. .Magwa (2007)anoti kutungana kwembudzi kuita zvinhu zvisina
basa kana maturo nekudaro kutungana kwembudzi kuita zvinhu zvisina putsundo zvisina
zvazvinopa kana kubatsira. .
Mukukwenywa kwebasa revana ndimo munoonekwa kuti zvinangwa zvechidzidzo zvabatika
here nevana nekudero chinhu chakakosha chose muhupenyu hwemwana mukudzidza kwakwe .
Gray (2014) anopamidzazve achiti, mudzidzisi akakwenya basa revana akaita ongororo akaona
kuti pane vana vasvika pangavachitarisirwa kusvika nezvinangwa zvechidzidzo vanopfuurira
mberi vachipiwa basa rewedzerero kuti varambe vachikura mukudzidza kwavo. Kukwenya basa
revana ndikokunobatsira mudzidzisi kuronga basa rezvidzidzo zvinotevera nekuti kana
zvinangwa zvechidzidzo chapfura zvisina kuzadzikiswa mudzidzisi afanira kudzokera kushure
kusvika vana vanzwisisa chidzidzo chinotevera chotangirawo ipapo. Kana mudzidzisi
akakwenya basa akaita ongororo akaona kuti zvinangwa zvechidzidzo zvazadzikiswa chirongwa
chechidzidzo chinotevera ndipo pachinotangirawo ipapo. Kana vadzidzi vabata zvavadzidziswa
vanoratidza nekukunda pabasa ravanopihwa kuti vanyore. Kana vasinawo kunzwisisa
vanoratidza nekukundikana pabasa ravo. Izvi zvinoita kuti mudzidzisi agone kubatsira vadzidzi
pakukundikana kwavo. Uye zvinoitawo kuti mudzidzisi aongorore nzira yaashandisa kudzidzisa
kuti yange yakafanira here pachidzidzoo chake. Kukwenya basa revadzidzi kunoita kuti
mudzidzisi agone kuona kukundikana kana kubudirira pakudzidzisa kwake. Kubudirira
kunoonekwa nekukunda kwevadzidzi pabasa ravo uye kukundikana kunoonekwa
nekukundikana. kwevadzidzi pabasa ravo.Kukwenya basa revadzidzi kunoita kuti mudzidzisi
aone kuti zvinangwa zvechidzidzo zvabatika here ,nekudero hakungave kutungana kwembudzi .
Kukwenya basa ravadzidzi inzira yenhaurirano pakati pemudzidzi nemudzidzisi, ichi ndicho
chikonzero chekutanga chinoita kuti kusave kutungana kwembudzi. Magwa (2007) anoti kune
nhaurirano inoitika pakati pemudzidzisi nevadzidzi kuburikidza nekutaurirana inova inoitika
pakupakurwa kwezvidzidziswa. Panokwenywa basa ravana panotariswa zvinhu zvakaita,
sekushandiswa kwakanaka kwezvimiso, kunyorwa kwakanaka kwezvirevo, minhuro
yemubvudzo, kushandiswa kwakanaka kwemavara makuru nemadiki nezvimwewo zvaakawanda
iyi inova nhaurirano pamusoro pemwana nemudzidzisi kuburikidza nekukwenya chinyorwa
chemwan Wood (2014) anoti, mudzidzisi anofanira kuratidza pose paitwa mhosho nemwana
mukunyora kwake uye kuti audze mwana kuti angagadzirisa mhosho dzakadaro sei kuburikidza
nekukwenya basa sekuti mwana anokwanisa kusaisa mibvunzo nhando pamibvunzo
anokwanisa kusiirira mavara pakunyora ,mudzidzi anokwanisawo kuisa vara guru pakati
pemutsara kuburikidza nekukwenya basa mudzidzisi anogadzirisa izvi nechinyoreso chake
chitsvuku . Mwana paanoona izvi anobva aziva kuti ndakaita mhosho yokushandisa vara diki
pachinzvimbo chevara guru zvinoita kuti agadzirisei panguva inotevera kuti asaramba achiita
mhosho iyi. .Nhaurirano pakati pemudzidzisi nemwana yakakosha pakudzidzisa sezvo
,mudzidzisi achitsanangurirana nemwana pane mhosho dzavo muzvidzidzo.Mwana kana achinge
atadza kunyora basa nemazvo mudzidzisi kuburikidza nekupa basa regadziro anokwanisa
kutaurirana nemwana vachinzwanana vari vaviri izvo zvinoita vana vakwanise kunzwisisa
zvimwe zvavasingakwanise kubatika muchidzidzo vakawanda.Nekudero kukwenya basa revana
chinhu chakakosha chose mukudzidza kwacho hakungave kutungana kwembudzi.
Kukwenya basa revadzidzihakusi kutungana kwembudzi sezvo kuchishanda senzira yekusimbisa
kana kusimudzira vadzidzi pakuita basa ravo rechikoro. . Mukukwenya kwebasa revana ndimo
munoumbwa zvidakwadakwa zvekudzidza kwevana. Depree (2015) anoti kukwenya basa
revadzidzi kunoshanda senzira yekusimudzira kudzidza kwavo. Kuburikidza nekukwenywa
kwebasa ravo vadzidzi vanova vanokurudzirika pakuda kwavo kudzidza. Pavanoita basa ravo
vadzidzi kana kuti pavanodzidza vanodawo kuona mafambiro avarikuita pakudzidza kwavo.
Vanodawo kuziva kuti varikufamba sei pazvidzidzo zvavo, kuti varikubudirira here. Kukwenya
basa ravadzidzi kunoshanda senzira yekuratidza mukohwo vavadzidzi pazvidzidzo.
Kubudikidzwa nekuona mukuhwo wavo vadzidzi vanosimbiswa pakudzidza kwavo. Vanoramba
vachida kudzidza uye kuwana mukohwo urinani pamutowo wezvibodzwa. Wood (2012) anoti,
makwenyero anoita mudzidzisi basa ravana anogona kusimudza kana kuuraya chidokwadokwa
chemwana mukudzidza kweke. Zvinonyorwa nemudzidzisi paanopedza kukwenya basa
remwana zvinopa mwana simba rekuramba achiwedzera kugona kwake. Kunyange mwana
atadza kupindura mibvunzo yese mudzidzisi anotsvaga nzira yekunyorera mwana kuti
akurudzirike muzvidzidzo zvake. . Kukwenya basa revadzidzi hakusi kutungana kwembudzi
sezvo kuriko kunosimbisa vadzidzi pakudzidza kwavo
Boas (2011)anoti kukwenya basa revadzidzi kwemudzidzisi kunoita kuti vana vazire pavamire
umwe naumwe kuburikidza nezvibodzwa zvanopihwa nemudzidzisi ,kubudikidza neizvozvo
kukwenya basa revana kunosuka pfungwa yekuti kutungana kwembudzi. Brown (2014) anoti,
kune zviratidzo zvakawanda zvinoshandiswa navadzidzisi kuratidza mhosho dzaitwa nevana
kubva pane zvavanenge vanyora zvinosanganisira madendenedzwa, matsvunha, machekwa,
nezvimwewo zvakawanda zvinoiswa maererano nezviri kutaurwa nemudzidzisi.Pakutsvunha
basa kwemudzidzisi anoisa zvibodzwa zvinoenderana nemwana pane zvaanyora izvo zvinoita
kuti mwana agozive paamire mukudzidza semuenzaniso mwana akawana zvibodzwa gumi
zvichisvika pagumi neshanu pabasa raaapihwa rine zvibodzwa makumi maviri anove nemuino
wekuti agona zvake kusvika pakati asi anofanira kushinga chose kuti agotsvunha zvose mubasa
rinotevera. Kuperekedza zvibonzwa mudzidzisi anowanzoisa mashoko aanonyora ekuratidza
mudzidzisi paari pabasa rake akaita sekuti shanda nesimba, waedza, nawagona. Mashoko
anonyorwa nomudzidzisi anoperekedza zvibonzwa anova chikamu chekukwenya kwake basa
anoudza mudzidzisi paari uye zvaanofanira kuita. Mudzidzi paanoona zvibonzwa zvake
nemashoko akanyorwa nomudzidzisi anoona paamire uye kuti anofanira kuitasei pakuvandunza
basa rake. .Kukwenya basa revadzidzisi hakunganzi kutungana kwembudzi sezvo kuriko kunopa
mudzidzisi muono wemberi kuti ndepapi npagonekwa kana patadzikwa zvinozoita achinje nzira
yekudzidzisa nayo.
Tichitarisa ,nerimwe divi kukwenya basa revadzidzi kunoita sekutungana kwembudzi
kuburikidza nemamwe maitiro anoitwa nevadzidzisi pamakwenyero avo ebasa . Vamwe
vadzidzisi vanochinja chinja serwaivhi mukudzidzisa kwavo nerimwe zuva mhinduro
yaakamboti yakanaka nerimwe zuva ozoti haisiyo ochekera vana , akadaro panenge pasisina
kujeka mukudzidza kwevana zvinozokonzera kuti vana vaone mudzidzisi sekuti haazivi
zvaanoita zvinoita vana varase tariro mukudzidza . Izvi zvokutadza kwemudzidzisi kukwenya
basa zvinomuchechetere zvinounza mhirizhonga muchikoro nekuti vana vanenge
vavakuvhiringika kuti ndezvipi zvakananaka. Somuenzaniso, umwe mwana akatsvunhiwa kuti
mwana wemombe anonzi mhuru anonzi umwewo onyora saizvozvo obva achekerwa kuti
watadza zvinounza kuvhiringika mukudzidza zvinoita kuti basa rekukwenya basa risakosheswe
zvive zvinhu zvisina basa sezvo kuchikonzera kuti vamwe vana vavhiringike.Nekudero
mudzidzisi ngaakwenye basa nemazvo pasina kumhanya mhanya .
. Vamwe vadzidzisi vanonyora zvisingakurudzire vana pakuita basa semuenzaniso mudzidzisi
anogona kunyorera mudzidzi kuti haudi kushanda,une usimbe kana kuti siya ubenzi ,tikatarisa
manyorero aya pakukwenya basa revana anotipa pfungwa yekut kukwenya basa revana
kutungana kwembudzi nekuti vana kana vakanyorerwa mhinduro dzkaita sedzapihwa pamusoro
vanonzwa kudzikisirwa vanoona sevanhu vasina basa mukudzidza kwavo uyewo vanozvipa
muono wekuti Havana chavachaita muhupenyu .Nekudero mudzidzisi anofana kunyora mashoko
anosimudzira mweya wemudzidzi pakudzidza kwake izvo zvinoita kuti tisuke pfungwa yekuti
kukwenya basa revadzidzi hakuna maturekukwenya basa ravadzidzi kunokosha pakudzidza
nekudzidziswa kwevadzidzi.
Kuburikidza nekukwenya basa ravadzidzi mudzidzisi anongoona kuona kuti vadzidzi
vanzwisisa here zvaadzidzisa. Kukwenya basa revadzidzidzi kunoitawo kuti mudzidzisi agone
kuziva hutera nekugona kwemudzidzi woga woga. Vadzidzi vanogona kuziva pavamire
kubudikidza nekukwenywa kwebasa ravo nomudzidzisi. . Kukwenya basa revadzidzidzi
kunoitawo kuti mudzidzisi agone kuziva hutera nekugona kwemudzidzi woga woga. Vadzidzi
vanogona kuziva pavamire kubudikidza nekukwenywa kwebasa ravo nomudzidzisi. Kukwenya
basa revadzidzi kunoshanda senzira yekusimbisa kana kusimudzira vadzidzi pakuita basa ravo
rechikoro. Pamusoro pazvose kukwenya basa ravadzidzi inzira yenhaurirano pakati pemudzidzi
nemudzidzisa. Zvinonyorwa nemudzidzisi hazvifaniri kupedza tariro yemwana asi zvinofanira
kupa mwana chiedza chekuti ari mugwara uye nerimwe zuva achasvika panotarisirwa kuti
asvike.
JERERO
1. Brown, H. (2014). Fundamental ways of Feedback in Teaching and learning. Oxford:
Oxford University Press
2. Chimhandu, H. (Ed.). (2001). Duramazwi Guru reChishona. Harare: College Press
3. Depree, H and Iversen , S .(2015). Early Literacy in the classroom. Auikland : Lands End
4. Eliot –Et al Tat , C (2006)..Shaping literate minds. Portland ;Sternhouse
5. Magwa, W. (2000). M anyorerwe eChishona. Bhuku rinotsanangura mitemo
yekunyora mutauro wedu. Gweru: Mambo Press.
6. Magwa, W. (2007). Chiraidzo chemanyorerwo matsva emutauro weChishona,
muBotswana, Mozambique neZimbabwe: mudonzvo womudzidzi. Cape Town: Center
for Advanced Studies of African Society.
7. Mheta 2005. Ziva Mutauro: Maumbirwo-Mapereterwo-Manyorerwo eShona. GwerU
8. Wood, D. (2017). Summative Evaluation. The classroom Principles. International Journal
of effective marking children’s work. Retrieved [05 September 2020] from
https://thesideriver.wordpress.com/category/the-essay-of-summative-teaching-and-
learning/zw.html